Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Rudo Rwenyu Sehama Ngarwurambe Rwuchiwedzera

Rudo Rwenyu Sehama Ngarwurambe Rwuchiwedzera

Rudo Rwenyu Sehama Ngarwurambe Rwuchiwedzera

“Rambai muchifamba murudo, saKristu akakudaiwo.”—VAEF. 5:2.

1. Jesu akati chii chaizoratidza kuti vateveri vake ndevapi?

ZVAPUPU zvaJehovha zvinonyanya kuzivikanwa nokuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari paimba neimba. Asi Kristu Jesu akasarudza chimwezve chinhu chinoitwa nevaKristu chaizoratidza kuti vadzidzi vake vechokwadi ndevapi. Akati: “Ndiri kukupai murayiro mutsva, kuti mudanane; sokuda kwandakakuitai, kuti nemiwo mudanane. Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.”—Joh. 13:34, 35.

2, 3. Kudanana kwedu sehama kunobatsira sei vaya vanopinda misangano yedu yechiKristu?

2 Hapana vanhu vane rudo runopfuura rwevaKristu vechokwadi. Rudo runoita kuti vashumiri vaJehovha vabatane uye runokwezva vaya vanoda chokwadi nomwoyo wose kuti vauye kuchiKristu chechokwadi, sezvinoita magineti inokweva simbi. Somuenzaniso, funga nezvaMarcelino, mumwe murume wokuCameroon akakuvarira pabasa akabva aita bofu. Pakaitika tsaona iyi pakatanga kufamba karunyerekupe kokuti akanga aita bofu nokuti aiva muroyi. Pane kumunyaradza, mufundisi wake nevamwe vomuchechi yaaipinda vakamudzinga muchechi. Mumwe weZvapupu zvaJehovha paakamukoka kumisangano, Marcelino aizeza. Akanga asingadi kuzonyadziswazve.

3 Marcelino akashamiswa nemabatirwo aakaitwa kuImba yoUmambo. Akagamuchirwa nomufaro, uye akanyaradzwa nedzidziso dzeBhaibheri dzaakanzwa. Akatanga kupinda misangano yose yeungano, akaramba achidzidza Bhaibheri, ndokuzobhabhatidzwa muna 2006. Iye zvino ava kuudzawo vomumhuri make nevavakidzani vake chokwadi cheBhaibheri, uye ane vanoverengeka vaakatanga kudzidza navo Bhaibheri. Marcelino anoda kuti vanhu vaari kudzidza navo Bhaibheri vaonewo rudo rwaakaratidzwa nevanhu vaMwari.

4. Sei tichifanira kuteerera zano raPauro rokuti “rambai muchifamba murudo”?

4 Kudanana sehama kunofadza, asi hakungoerekani kwaitika. Chimbofunga nezvomoto uri kupfuta usiku zvokuti vanhu vanoda kuuya pedyo kuzoudziya. Kana vanhu vanenge vachiudziya vakasaukuchidzira, unodzima. Saizvozvowo kana muKristu mumwe nomumwe akasasimbisa chisungo chorudo muungano, chingaita zinyekenyeke. Tingazviita sei? Muapostora Pauro anopindura kuti: “Rambai muchifamba murudo, saKristu akakudaiwo, akazvipa nokuda kwenyu sechinopiwa uye sechibayiro kuna Mwari kuti ave kunhuhwirira kwakanaka.” (VaEf. 5:2) Tingada kukurukura mubvunzo wokuti, Ndingaitei kuti ndirambe ndichifamba murudo?

“Imiwo, Wedzerai”

5, 6. Sei Pauro akakurudzira vaKristu vokuKorinde kuti ‘vawedzere’?

5 Muapostora Pauro akanyorera vaKristu vomuKorinde yekare kuti: “Muromo wedu wakashamira imi vaKorinde, mwoyo yedu yakawedzera. Hamuna kumanikidzika matiri, asi makamanikidzika murudo rwenyu rukuru. Naizvozvo, kuti mudzorerewo—ndinotaura sendiri kutaura nevana—imiwo, wedzerai.” (2 VaK. 6:11-13) Sei Pauro akakurudzira vaKorinde kuti vawedzere vanhu vavaida?

6 Funga nezvematangiro akaita ungano yokuKorinde. Pauro akasvika kuKorinde muchirimo cha50 C.E. Kunyange zvazvo zvakanga zvakaoma paakatanga kuparidza ikoko, haana kukanda mapfumo pasi. Munguva pfupi, vakawanda vomuguta iroro vakanga vatendeuka. “Kwegore nemwedzi mitanhatu,” Pauro akashanda nesimba achidzidzisa uye achisimbisa ungano itsva. Zviri pachena kuti aida vaKristu vokuKorinde chaizvo. (Mab. 18:5, 6, 9-11) Akanga avaitira zvakawanda zvokuti ivowo vaifanira kumuda uye kumuremekedza. Zvisinei, vamwe vomuungano yacho vakatanga kusamufarira. Pamwe vamwe vacho havana kufarira kuti aivapa zano asingavanzi. (1 VaK. 5:1-5; 6:1-10) Vamwe vangadaro vakateerera makuhwa akanga ataurwa nevaizviita ‘vaapostora vakanaka kwazvo.’ (2 VaK. 11:5, 6) Pauro aida kuti hama dzake dzose nehanzvadzi dzimude nomwoyo wose. Saka akadziteterera kuti ‘dziwedzere’ nokuva noushamwari hwepedyo naye nevamwe vavainamata navo.

7. Tingashandisa sei zano rokuti “wedzerai” pakuratidza kuti tinoda hama dzedu?

7 Ko isu ‘tingawedzera’ sei pakuratidza kuti tinoda hama dzedu? Zvinowanzova nyore kuti vanhu vezera rimwe chete kana kuti verudzi rumwe chete vawirirane. Uye vaya vanofarira mitambo yakafanana vanowanzotandara pamwe chete. Asi kana zvatinofarira zvichiita kuti tingowirirana nevaKristu vashomanana, tinofanira ‘kuwedzera.’ Zvingave zvakanaka kuti tizvibvunze kuti: ‘Ndinopota ndichibudawo muushumiri uye ndichitandara nehama nehanzvadzi dzisiri shamwari dzangu dzepedyo here? Kana ndiri paImba yoUmambo, ndinongotaura nevandagara ndichinamata navo chete here nokuti ndinofunga kuti vatsva ndinofanira kutanga ndavajaira? Ndinokwazisa vose vakuru nevaduku vari muungano here?’

8, 9. Zano raPauro rakanyorwa pana VaRoma 15:7 ringatibatsira sei kukwazisana zvinoita kuti kudanana kwatinoita nehama kuwedzere?

8 Panyaya yokukwazisana, mashoko akanyorerwa vaRoma naPauro anogona kutibatsira kuona vatinonamata navo zvakanaka. (Verenga VaRoma 15:7.) Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “kugamuchira” rinoreva “kubata zvakanaka mweni uye kuita kuti anzwe akasunguka.” Kare ikako, munhu ane mutsa paaigamuchira shamwari dzauya mumba make, aivaudza kuti ari kufara kuti vauya. Zvakangofananawo nokugamuchirwa kwatakaitwa naKristu muungano, saka tinokurudzirwa kumutevedzera pakugamuchira vatinonamata navo.

9 Patinokwazisa hama dzedu paImba yoUmambo kana kuti pane dzimwe nzvimbo, ngatingwarire kuti tisasiya vaya vatava nemazuva tisina kuona kana kuti kutaura navo. Tadii tambokurukura navo kwekanguva? Pamusangano unotevera ngatitaurei nevamwezve. Pasina kana nenguva ngani, tichaona kuti tinenge tatopedza vanhu vose vari muungano. Hatifaniri kunetseka kuti tatadza kukwazisa vanhu vose musi mumwe chete. Hapana munhu anofanira kugumbukira kuti dai nhingi achitaura neni pamusangano woga woga.

10. Mukana upi unogona kuwanika nomunhu wose ari muungano, uye tingaushandisa sei zvakazara?

10 Kukwazisa vamwe ndiro danho rokutanga rokuvagamuchira. Idanho rinogona kuita kuti tikurukurirane zvinonakidza uye tinova neshamwari dzisingazotisiyi. Somuenzaniso, vaya vanenge vari pamagungano pavanozvisuma kune vamwe votanga kutaurirana, vanotarisira kuzoonana zvakare. Kuvaka Dzimba dzoUmambo uye kuita basa rokuyamura vanenge vawirwa nenjodzi kunowanzoita kuti vamwe vapedzisire vava shamwari nokuti vanenge vava kuziva zvakanaka zvinoitwa nomumwe nomumwe zvichibva pakushanda vose kwavanenge vaita. Mikana yokuva neshamwari dzisingazotisiyi yakazara musangano raJehovha. Kana ‘tikawedzera,’ tichava neshamwari dzakawanda, tichisimbisa rudo runoita kuti tibatane pakunamata kwechokwadi.

Iva Nenguva Yokuva Nevamwe

11. Jesu akatisiyira muenzaniso wei, uri pana Mako 10:13-16?

11 VaKristu vose vanofanira kuva vanhu vari nyore kutaura navo sezvakanga zvakaita Jesu. Chimbofunga mapinduriro akaita Jesu vadzidzi vake pavakaedza kurambidza vabereki kuti vasauya nevana vavo kwaari. Akati: “Regai vana vaduku vauye kwandiri; musaedza kuvadzivisa, nokuti umambo hwaMwari ndohwevakadai.” Adaro “akagumbatira vana mumaoko ake, akatanga kuvakomborera, achiisa maoko ake pavari.” (Mako 10:13-16) Imbofungidzira kufara kwakaita vaduku ivavo pavakaona kuti Mudzidzisi Mukuru aivada!

12. Chii chingatitadzisa kutaura nevanhu?

12 MuKristu mumwe nomumwe anofanira kuzvibvunza kuti, ‘Ndiri munhu ari nyore kutaura naye here, kana kuti ndinozviita somunhu anongogara akabatikana?’ Pane tumwe twutsika twokuti hatwuna kunyanya kuipa hatwo asi twunoita kuti vanhu vatadze kukurukura nesu. Somuenzaniso, kugara tichingobaya-baya nharembozha kana kuti kugara takaisa maearphone munzeve tichiteerera mimhanzi paine vanhu kungavapa pfungwa yokuti hatisi kuda kutaura navo. Kana vamwe vachitiona takati tsiki-tsiki pakakombiyuta kemumaoko, vangafunga kuti hatisi kuda kutaura navo. Ichokwadi hacho kuti pane “nguva yokunyarara.” Asi kana tiri pane vanhu, kazhinji inenge iri “nguva yokutaura.” (Mup. 3:7) Vamwe vangati, “Ndinofarira kungozvinyararira hangu” kana kuti “Handifariri kutaura kana achiri mangwanani.” Kunyange zvakadaro, kutaura nevanhu noushamwari kunyange kana tisiri kunzwa tichida kudaro kunoratidza kuti tine rudo ‘rusingazvitsvakiri zvarwo.’—1 VaK. 13:5.

13. Pauro akakurudzira Timoti kuti aone sei hama nehanzvadzi dzechiKristu?

13 Pauro akakurudzira Timoti aiva wechiduku kuti aremekedze vanhu vose vomuungano. (Verenga 1 Timoti 5:1, 2.) Nesuwo tinofanira kubata vaKristu vechikuru sokunge kuti ndivanaamai nanababa vedu uye vechiduku sevakoma nevanun’una. Kana tiri vanhu vakadaro hama dzedu hadzizozvibati sevatorwa kana dziinesu.

14. Kukurukura nyaya dzinovaka nevamwe kunokubatsira sei?

14 Patinokurukura nevamwe nyaya dzinovaka tinenge tichivabatsira kusimba pakunamata uye vanobva vanzwawo mwoyo yavo kugadzikana. Imwe hama inoshanda pahofisi yebazi inoyeuka hama dzakawanda dzechikuru dzepaBheteri dzaigara dzichiuya kuzotaura nayo mazuva ayakatanga kushandapo. Mashoko avo aikurudzira akaita kuti aone kuti mhuri yeBheteri yaimuda zvechokwadi. Iye zvino anovatevedzera nokuitawo nyaya nevamwe vari paBheteri.

Kuzvininipisa Kunotibatsira Kuti Tive Norugare

15. Chii chinoratidza kuti tinogonawo kumbotosvorana?

15 Zvinoita sokuti Yudhiya naSindike, dzimwe hanzvadzi dzechiKristu dzomuFiripi yekare, dzakanetsana dzikatadza kugadzirisa dambudziko rakanga riripo. (VaF. 4:2, 3) Pauro naBhanabhasi vakambotiburana zvakazivikanwa nevanhu vakawanda zvikaita kuti vati aziva kwake aziva kwake. (Mab. 15:37-39) Nhoroondo idzi dzinoratidza kuti vanamati vechokwadi vanogonawo kumbotosvorana. Jehovha anotibatsira kugadzirisa zvinhu kana tanetsana tovazve shamwari neshamwari. Asi ane zvaanotarisira kuti tiite.

16, 17. (a) Kuzvininipisa kunokosha zvakadini pakugadzirisa zvinhu kana matadzirana? (b) Zvakaitwa naJakobho ava kusangana naIsau zvinoratidza sei kukosha kwokuzvininipisa?

16 Fungidzira uchida kufamba rwendo neshamwari yako nemotokari. Kuti motokari yacho itange kufamba, munofanira kutora kiyi momutsa injini. Panewo kiyi inoshandiswa kugadzirisa zvinhu kana matadzirana. Kiyi yacho kuzvininipisa. (Verenga Jakobho 4:10.) Sezvinoratidzwa nomuenzaniso unotevera womuMagwaro, kiyi iyoyi inoita kuti vaya vanenge vakarimirana kumuganhu vatange kushandisa zvinotaurwa neBhaibheri.

17 Pakanga papfuura makore makumi maviri kubvira pakanga pashatiriswa Isau nomunun’una wake Jakobho achida kumuurayira kuti akanga atora udangwe hwake. Iye zvino vakanga vava kuda kusangana zvakare pashure penguva yose iyoyo, saka “Jakobho akatya kwazvo, akazvidya mwoyo.” Aitya kuti Isau aigona kumuuraya. Asi pavakasangana musi iwoyo Jakobho akaita zvaive zvisingambotarisirwi naIsau. Paakanga ava kusvika pedyo naye “akakotama.” Isau akabva aita sei? “Akamhanya kuti asangane naye, akamumbundira, akawira pamutsipa wake, akamutsvoda, vakasvimha misodzi.” Kuzvininipisa kwaJakobho kwakabatsira kuti Isau akurire ruvengo rwaangave aiva narwo zvikaita kuti asamurwisa.—Gen. 27:41; 32:3-8; 33:3, 4.

18, 19. (a) Kana paine munhu watakanganisirana naye, nei isu tichifanira kutanga kushandisa mazano ari muMagwaro? (b) Nei tisingafaniri kuramwa kana munhu watinenge tatadzirana naye akasanyevenutsa mwoyo pakarepo?

18 Bhaibheri rine mazano akazonaka okushandisa kana matadza kuwirirana. (Mat. 5:23, 24; 18:15-17; VaEf. 4:26, 27) * Asi kuva norugare kwakaoma, kunze kwokunge tashandisa mazano iwayo. Haisi nyaya yokusiyira mumwe kuti atange iye kuzvininipisa nokuti iwewo unenge uine kiyi yacho.

19 Kana zvikaramba kufamba patinotanga kugadzirisana nomunhu watakanganisirana naye, hatifaniri kubva taramwa. Pamwe mumwe wedu anenge achiine shungu. Vakoma vaJosefa vakamuitira utsinye. Pakanga pava nenguva yakareba vasati vaonana naye ava mutungamiriri wehurumende yeIjipiti. Zvisinei vakazopedzisira vachinja mwoyo vakamukumbira ruregerero. Josefa akavaregerera, vanakomana vaJakobho vakazopedzisira vava rudzi rwakakomborerwa rwaiva nezita raJehovha. (Gen. 50:15-21) Patinogara tiine rugare nehama dzedu nehanzvadzi, tinoita kuti ungano ifare uye ibatane.—Verenga VaKorose 3:12-14.

Ngatidei “Nemabasa Nechokwadi”

20, 21. Tingadzidzei pakugeza kwakaita Jesu tsoka dzevaapostora vake?

20 Ava pedyo nokufa, Jesu akaudza vaapostora vake kuti: “Ndakuitirai muenzaniso, kuti, sezvandakuitirai, muitewo saizvozvo.” (Joh. 13:15) Akanga achangobva kugeza tsoka dzevadzidzi vake 12. Jesu akanga asiri kungoita tsika yaiitwa panguva yake kana kuti kungoratidza mutsa. Johani asati anyora nezvechiitiko chokugezwa kwetsoka, akati: “Zvaakanga ada vake vakanga vari munyika, akavada kusvikira kumugumo.” (Joh. 13:1) Kuda kwaaiita vadzidzi vake ndiko kwakaita kuti Jesu avaitire zvaiwanzoitwa nevaranda. Saka ivowo vanofanira kuzvininipisa vachiitirana zvinhu zvinoratidza kuti vanodanana. Kuti tizonzi tine rudo chairwo, tinofanira kuratidza kuti tine hanya nehama nehanzvadzi dzose dzechiKristu.

21 Muapostora Petro, mumwe wevaya vakagezwa tsoka dzavo neMwanakomana waMwari, akanzwisisa kuti zvakaitwa naJesu zvairevei. Akanyora kuti: “Zvino zvamakanatsa mweya yenyu nokuteerera kwenyu chokwadi zvichiguma nokudanana kwenyu kwazvo sehama kusina unyengeri, dananai kwazvo zvichibva pamwoyo.” (1 Pet. 1:22) Muapostora Johani, akagezwawo tsoka naIshe, akanyora kuti: “Vana vaduku, ngatiregei kudanana neshoko kana norurimi, asi nemabasa nechokwadi.” (1 Joh. 3:18) Mwoyo yedu ngaiite kuti tiratidze kuti tinoda hama nemabasa.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 18 Ona bhuku raTakarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha, mapeji 144-150.

Unoyeuka Here?

• ‘Tingawedzera’ sei pakuratidzirana rudo?

• Chii chichatibatsira kuti tiwane nguva yokutaura nevamwe?

• Kuzvininipisa kunokosha zvakadini pakugadzirisa kusawirirana?

• Chii chinofanira kuita kuti tiratidze kuti tine hanya nevatinonamata navo?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 21]

Gamuchirai norudo vamunonamata navo

[Mufananidzo uri papeji 23]

Shandisa mikana yose kuti uwane nguva yokutaura nevamwe