Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Bhaibheri Rinosvika kuMadagascar

Bhaibheri Rinosvika kuMadagascar

Bhaibheri Rinosvika kuMadagascar

PASI rose, Madagascar ndicho chitsuwa chechina pakukura, uye chiri makiromita 400 kubva pamhenderekedzo yokumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kweAfrica. Zita rokuti Jehovha rava nenguva richizivikanwa muMadagascar nokuti shanduro dzeBhaibheri dzomutauro weMalagasy dzine zita raMwari dzava nemakore anopfuura 170 dziripo. Kuti pave neshanduro yomutauro weMalagasy raiva basa raitoda kuzvipira uye kutsungirira.

Basa rokushandurira Bhaibheri mumutauro weMalagasy rakatangira pachitsuwa chiri pedyo neMadagascar cheMauritius. Kare muna 1813, Sir Robert Farquhar, aiva gavhuna wokuMauritius aibva kuBritain, ndiye akatanga kushandurira mabhuku eEvhangeri mumutauro weMalagasy. Pave paya akazokurudzira Radama I, mambo weMadagascar, kuti akumbire vadzidzisi vokuLondon Missionary Society (LMS) kuti vauye kuMadagascar.

Musi waAugust 18, 1818, mamishinari maviri okuWales, David Jones naThomas Bevan, vakasvika muguta raisvikira ngarava reToamasina vachibva kuMauritius. Vakasvikowana vanhu vaifarira zvokunamata asi vainamata madzitateguru uye vaitevedzera tsika dzavo dzechinyakare mazuva ose. Mutauro wechiMalagasy une zvidavado zvakawanda uye mumwe weboka remitauro rinonzi Malayo-Polynesia.

Jones naBevan vachangovhura chimwe chikoro chiduku, vakaita kuti madzimai avo nevana vauye kuToamasina vachibva kuMauritius. Zvisinei, zvinonzwisa tsitsi kuti vose vakabatwa nemarariya uye Jones akafirwa nomudzimai wake nomwana muna December 1818. Kwapera mwedzi miviri chirwere chacho chakazourayawo mhuri yokwaBevan. David Jones ndiye oga akasara ari mupenyu.

Jones haana kurega dambudziko iri richimudzorera kumashure. Aida chaizvo kuti vanhu vokuMadagascar vawane Shoko raMwari. Paakadzokera kuMauritius kuti ambononaya, akatanga basa raiva rakaoma rokudzidza mutauro weMalagasy. Achangotanga kuudzidza, akatangawo kushandura Evhangeri yaJohani yavaizofanoshandisa.

Muna October 1820, Jones akadzoka kuMadagascar. Akasvikira muguta guru reAntananarivo, akabva abatana nemamwe mamishinari ndokuvhura chikoro chitsva. Zvinhu zvakanga zvakaoma. Pakanga pasina mabhuku, bhodhi rokunyorera, kana kuti madhesiki. Asi zvaidzidziswa zvacho zvakanga zvakanaka, uye vana vacho vaida chaizvo kudzidza.

Kwapera mwedzi inenge minomwe achishanda oga, Jones akazowana mumwe mumishinari wokushanda naye ainzi David Griffiths, akatsiva Bevan. Vari vaviri vakashanda nesimba chaizvo kuti vashandurire Bhaibheri mumutauro weMalagasy.

Kushandura Kunotanga

Kumavambo kwema1820, pane mutauro mumwe chete weMalagasy wakanga wakaita zvokunyorwa wainzi sorabe, kureva chiMalagasy chakanga chakanyorwa nemavara echiArabhu. Waingokwanisa kuverengwa nevanhu vashomanana chete. Saka mamishinari paakataura naMambo Radama I, mambo wacho akavapa mvumo yokushandisa arufabheti yokuRoma panzvimbo pesorabe.

Kushandura kwakatanga musi waSeptember 10, 1823. Jones aishandura Genesisi naMateu, Griffiths achishandura Eksodho naRuka. Varume vaishanda nesimba ivavo. Vaiti uku vachishandura, mangwanani nemasikati vachidzidzisa kuchikoro. Vaigadzirira uye kupinza vanhu chechi mumitauro mitatu. Asi basa ravainyanya kuita raiva rokushandura.

Mamishinari aya akashandura Magwaro echiGiriki ose nemabhuku akawanda eMagwaro echiHebheru mumwedzi 18 chete, achibatsirwa nevadzidzi 12. Gore rakatevera racho vakapedza kushandura Bhaibheri rose. Asi pane zvakawanda zvakanga zvichiri kuda kugadziriswa. Saka David Johns naJoseph Freeman, nyanzvi mbiri dzemitauro, dzakatumwa kubva kuEngland kuzobatsira.

Kukurira Zvipingamupinyi

Pakapedzwa shanduro yeMalagasy, sangano reLondon Missionary Society rakatumira Charles Hovenden kuti azoisa muchina wokudhinda. Hovenden akasvika musi waNovember 21, 1826. Zvisinei, akabatwa nemarariya achibva afa mumwedzi waakasvika, pakabva pasara pasisina aigona kushandisa muchina wacho. Gore rakatevera racho, mumwe aigona zvokubatabata aibva kuScotland ainzi James Cameron, akakwanisa kugadzira muchina uyu achibatsirwa nebhuku raakawana pamuchina wacho. Cameron akaedza zvakawanda zvichimboramba, asi akazokwanisa kudhinda chikamu chaGenesisi chitsauko 1 musi waDecember 4, 1827. *

Chimwe chipingamupinyi chakauya musi waJuly 27, 1828, pakafa Radama I. Mambo Radama akanga atsigira chaizvo basa iri rokushandura. Mambo achiri mupenyu, David Jones akati: “Mambo Radama ane mutsa kwazvo uye ane ushamwari. Anotsigira chaizvo nyaya yedzidzo, uye anokoshesa kuti vanhu vake vadzidziswe nezvebudiriro kupfuura kukoshesa kwaanoita Ndarama neSirivha.” Zvisinei, mambo wacho akatsiviwa nomudzimai wake Ranavalona I, uye pasina nguva zvakabva zvaoneka kuti aisazotsigira basa racho sezvakanga zvaitwa nomurume wake.

Mambokadzi uyu achangogadzwa, mumwe mushanyi aibva kuEngland akakumbira kutaura namambokadzi nezvebasa rokushandura. Akarambirwa. Pane imwe nguva, mamishinari paakaudza mambokadzi kuti aiva nezvakawanda zvaakanga achiri kuda kudzidzisa vanhu vacho, kusanganisira chiGiriki nechiHebheru, mambokadzi wacho akati: “Handina basa nechiGiriki nechiHebheru, asi ndinoda kuziva kuti munogona here kudzidzisa vanhu vangu zvinhu zvichavabatsira, zvakadai sokugadzira sipo.” Achinyumwa kuti vangangodzingwa vasati vapedza kushandura Bhaibheri muchiMalagasy, Cameron akabva ati aida vhiki yokumbonozeya zvakanga zvataurwa namambokadzi.

Vhiki yakatevera yacho, Cameron akapa vatumwa vamambo sipo mbiri dzakagadzirwa nezvinhu zvomunyika iyoyo. Kugadzirwa kwesipo idzi nemamwe mabasa ounyanzvi aiitwa nemamishinari zvakafadza mambokadzi zvokuti akavapa mukana wokupedzisa kudhinda mabhuku ose eMagwaro echiHebheru akanga asara.

Chishamiso Uye Kuodzwa Mwoyo

Pasinei nokuti mambokadzi akanga amborambidza mamishinari, muna May 1831 akapa chiziviso chakashamisa vanhu. Akabvuma kuti vanhu vake vabhabhatidzwe sevaKristu! Asi izvi hazvina kutora nguva zvichiitika. Maererano nebhuku rinonzi A History of Madagascar, “kuwanda kwevanhu vakabhabhatidzwa kwakavhundutsa vanhu vaya vaisada kuchinja vaiva mudare ramambokadzi, vakabva vamufurira vachimuudza kuti kupinda chechi kuri kuita vanhu kwaireva kuti vakanga vava kutsigira hurumende yeBritain.” Saka akabva arambidza vanhu vake kubhabhatidzwa sevaKristu nechokunopera kwegore ra1831, pava nemwedzi mitanhatu chete kubvira paakavapa mvumo.

Kuchinja-chinja kwaiita mambokadzi uyu pamwe chete nevaiva muhurumende vaitsigira zvetsika dzavo ndiko kwakaita kuti mamishinari achimhanya-mhanya kuti apedzise kudhinda Bhaibheri. Magwaro echiKristu echiGiriki akanga atopedzwa, uye zviuru zvevanhu zvakanga zvatova nawo. Zvisinei, chimwe chipingamupinyi chakauya musi waMarch 1, 1835, Mambokadzi Ranavalona I paakati chiKristu chakanga chisingachabvumidzwi nomutemo achibva ati mabhuku ose echiKristu apiwe vakuru vakuru.

Murayiro wamambokadzi wairevawo kuti vanhu vaidhinda mabhuku echiMalagasy vakanga vasingachakwanisi kuramba vachidhinda. Sezvo vakanga vangosara nemamishinari mashomanana, kuti vapedzise basa racho vaishanda masikati nousiku kusvikira vazobudisa Bhaibheri racho rose muna June 1835. Bhaibheri reMalagasy rakanga razopera!

Sezvo mabhuku echiKristu akanga achiri kurambidzwa, maBhaibheri akakurumidza kuparadzirwa, uye maBhaibheri 70 akavigwa kuitira kuti asaparadzwa. Izvi zvakaitwa panguva chaiyo, nokuti mugore rimwe chete, mamishinari ose aizobuda muchitsuwa chacho kuchisara vaviri chete. Asi shoko raMwari rakanga riri kuparadzirwa muMadagascar.

Kuda Bhaibheri Kunoita vaMalagasy

Vanhu vokuMadagascar vakafara zvokufara zviya kuti vakanga vava kukwanisa kuverenga Shoko raMwari mumutauro wavo! Bhaibheri racho rine haro dzimwe pfungwa dzisina kunyatsobuda zvakanaka, uye mutauro wacho une mamwe mashoko asingachanyanyi kushandiswa. Asi kashoma kuwana musha usina Bhaibheri, uye vakawanda vanogara vachiriverenga. Chinofadza pashanduro iyi kushandiswa kwezita raMwari rokuti Jehovha mundima dzakawanda, muMagwaro echiHebheru ose. Pane akatanga kudhindwa, zita raMwari rinowanikawo muMagwaro echiGiriki. Izvi zvakaita kuti vaMalagasy vakawanda vazive zita raMwari.

Magwaro echiGiriki paakatanga kudhindwa, munhu wacho aidhinda, ainzi vaBaker, akaona kufara kwaiita vanhu vokuMadagascar achibva ati: “Hakusi kuti ndiri kuprofita asi handifungi kuti shoko raMwari richatsakatika munyika ino!” Zvaakataura ndizvo chaizvo zvakaitika. Chirwere chemarariya kana kuti dambudziko rokuti mutauro wakanga wakaoma, kunyange mitemo yakaoma yamambokadzi hazvina kutadzisa kuti Shoko raMwari riwanike muMadagascar.

Iye zvino zvinhu zvatowedzera kunaka. Sei? Muna 2008, Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene yakabudiswa mumutauro weMalagasy. Shanduro iyi inoratidza kufambira mberi chaizvo nokuti iri mumutauro wemazuva ano uri nyore kunzwisisa. Saka iye zvino Shoko raMwari ratozonyatsodzika midzi muMadagascar.—Isa. 40:8.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 14 Mapepa aiva neMirayiro Gumi uye Munyengetero waShe, akadhindwa kuMauritius munenge muna April/May 1826 ndiwo akatanga kudhindwa mumutauro weMalagasy. Zvisinei, mapepa acho akangopiwa mhuri yaMambo Radama nevamwe vakuru vakuru vehurumende.

[Mufananidzo uri papeji 31]

“Shanduro yeNyika Itsva” yomutauro weMalagasy inokudza zita raMwari, rokuti Jehovha