Kufambira Mberi Kwako Ngakuonekwe
Kufambira Mberi Kwako Ngakuonekwe
“Fungisisa zvinhu izvi; nyura mazviri, kuti kufambira mberi kwako kuonekwe nevanhu vose.”—1 TIM. 4:15.
1, 2. Zvii zvatinoziva nezvoupenyu hwaTimoti achiri muduku uye nezvokuchinja kwahwakazoita ava jaya?
TIMOTI paaiva achiri mukomana, aigara kuruwa rweRoma rwainzi Garatiya rwaive munyika yava kunzi Turkey. Pashure porufu rwaJesu munharaunda iyoyo makatangwa ungano dzakati wandei mumakore akatevera. Mumakore iwayo, Timoti, amai vake, naambuya vake, vakawana chokwadi vakatanga kushingaira muimwe yeungano dzaikoko. (2 Tim. 1:5; 3:14, 15) Zvechokwadi Timoti uyo aiva mukomana wechiduku, ainakidzwa nokuva muKristu ari muungano yaakajaira. Zvisinei zvinhu zvakazotanga kuchinja.
2 Zvakangotanga pakashanya muapostora Pauro kechipiri kuGaratiya. Panguva iyoyo Timoti angadaro akanga ava jaya. Paakashanyira ungano yacho, ingadaro yaive kuRistra, Pauro akacherechedza kuti Timoti “aipupurirwa zvakanaka kwazvo nehama” dzeko. (Mab. 16:2) Kunyange zvazvo aiva muduku, zvinoratidza kuti Timoti akanga asimba pakunamata kupfuura zvaaitarisirwa pazera rake. Pauro pamwe nevakuru vomuungano yacho vakazotungamirirwa nomudzimu mutsvene ndokuisa maoko avo pamusoro paTimoti, vachimusarudza kuti aite basa rakasiyana nerevamwe muungano.—1 Tim. 4:14; 2 Tim. 1:6.
3. Timoti akawana ropafadzo ipi yebasa yaakanga asingafungiri?
3 Timoti akakumbirwa kuti aite basa raakanga asingambofungiri rokufamba nomuapostora Pauro! (Mab. 16:3) Chimbofungidzira mafariro akaita Timoti! Kwemakore akawanda aizotevera, Timoti aizofamba naPauro uye dzimwe nguva nevamwewo, vachitumwa nevaapostora nevarume vakuru. Pauro naTimoti vakaita basa rokushanyira ungano rakaita kuti vasimbise hama zvikuru pane zvokunamata. (Verenga Mabasa 16:4, 5.) Zvakabva zvaita kuti kufambira mberi pakunamata kwaTimoti kunyatsozivikanwa nevaKristu vakawanda. Papera makore gumi vachishanda vose naTimoti, Pauro akazonyorera vaFiripi kuti: “Handina mumwezve ane kufunga kwakafanana [nokwaTimoti] achatarisira zvinhu zvine chokuita nemi nomwoyo wose. . . . Munoziva uchapupu hwaakapa pamusoro pake, kuti iye akashanda neni mukuita kuti mashoko akanaka aenderere mberi, sezvinoita mwana anoshanda nababa vake.”—VaF. 2:20-22.
4. (a) Timoti akapiwa basa ripi risiri nyore? (b) Mibvunzo ipi ingabvunzwa pamusoro pezvakanyorwa naPauro pana 1 Timoti 4:15?
4 Panenge panguva yaakanyorera tsamba kuvaFiripi, Pauro akapa Timoti basa risiri nyore, rokugadza vakuru nevashumiri vanoshumira. (1 Tim. 3:1; 5:22) Zviri pachena kuti Timoti akanga ava mutariri wechiKristu anovimbwa naye. Asi mutsamba iyoyo, Pauro akakurudzira Timoti ‘kuti kufambira mberi kwake kuonekwe nevanhu vose.’ (1 Tim. 4:15) Ko Timoti akanga asina kutoratidza kuti aiva afambira mberi here? Saka Pauro airevei nezvaakataura, uye isu tingabatsirwa sei nezano rake?
Kukura Pane Zvekunamata Kunofanira Kuonekwa
5, 6. Ungano yeEfeso yakanga yava kuda kukanganiswa sei pakunamata, uye Timoti akagadzirisa sei dambudziko racho?
5 Ngatikurukurei 1 Timoti 4:15 tichiongorora kuri kubvira nyaya yacho nekwairi kuenda. (Verenga 1 Timoti 4:15, 11-16.) Asati anyora mashoko iwayo, Pauro akanga aita rwendo rwokuMakedhoniya asi aiva akumbira Timoti kuti arambe ari muEfeso. Achiitei? Pane vamwe vakanga vari muungano iyoyo vaidzidzisa zvenhema vachiita kuti vanhu vasabatane. Timoti aifanira kuita kuti ungano irambe yakachena pane zvokunamata. Aizozviita sei? Chimwe chacho kwaiva kuti iye wacho aite zvaizotevedzerwa nevamwe.
6 Pauro akanyorera Timoti kuti: “Iva muenzaniso kune vakatendeka, pakutaura, pamufambiro, parudo, pakutenda, pakuchena.” Akabva awedzera kuti: “Fungisisa zvinhu izvi; nyura mazviri, kuti kufambira mberi kwako kuonekwe nevanhu vose.” (1 Tim. 4:12, 15) Kufambira mberi uku kwaireva unhu hwaTimoti panyaya dzokunamata, kwete chinzvimbo. MuKristu wose anofanirawo kufambira mberi seizvi.
7. Vose vari muungano vanotarisirwa kuitei?
7 Mazuva ano kufanana nezvakanga zvakaita nguva yairarama Timoti, muungano mune mabasa okutarisira akawanda. Vamwe vakuru kana kuti vashumiri vanoshumira. Vamwe mapiyona enguva dzose. Uyewo vamwe vanoita basa rokufambira, kushanda paBheteri, kana kuti kuva mamishinari. Vakuru vanodzidzisa papurogiramu dzakasiyana-siyana, dzakadai semagungano. Kunyange zvakadaro, vaKristu vose, varume, vakadzi nevana vanogona kuita kuti kufambira mberi kwavo pakunamata kuonekwe. (Mat. 5:16) Kutaura zvazviri, sezvazvakanga zvakangoita munguva yakararama Timoti, kunyange vaKristu vane mabasa avanoita muungano vanofanira kuita kuti kukura kwavo pane zvekunamata kuonekwe nevanhu vose.
Iva Muenzaniso Wakanaka Pakutaura
8. Matauriro atinoita anoratidza sei manamatiro edu?
8 Chimwe chinhu chaifanira kuitwa naTimoti kuva nomuenzaniso wakanaka pakutaura kwake. Tingaita sei kuti kufambira mberi kwedu panyaya iyi kuonekwe? Zvatinotaura zvinoratidza zvatiri. Regai Jesu akazoti: “Muromo unotaura zvinobva pazvizhinji zviri mumwoyo.” (Mat. 12:34) Jakobho munun’una waJesu aizivawo kuti matauriro omunhu anogona kuratidza kuti kunamata kwake kwakamira sei. Akanyora kuti: “Kana munhu chero upi zvake achizviona somunhu anonamata zvakarurama asi asingadzori rurimi rwake, achiramba achinyengera mwoyo wake, kunamata kwomunhu uyu hakuna zvakunobatsira.”—Jak. 1:26.
9. Matauriro edu anofanira kuva akanaka munzira dzipi?
9 Matauriro edu anogona kuratidza kune vamwe vari muungano kuti takura zvakadini pakunamata. Saka, vaKristu vakura pakunamata vanofanira kuedza kutaura zvinovaka, zvinonyaradza, uye zvinokurudzira, kwete kutaura zvokusaremekedza, zvakaipa, zvokushora, kana kuti zvinorwadzisa. (Zvir. 12:18; VaEf. 4:29; 1 Tim. 6:3-5, 20) Kugara takagadzirira kukurukura nevamwe zvatinotenda panyaya dzetsika uye kutaura pachena kunaka kwakaita mitemo yaMwari kunogona kuratidza kuzvipira kwedu kuna Mwari. (VaR. 1:15, 16) Vane mwoyo yakanaka vachaona mashandisiro atinoita chipo chokutaura uye vangaguma vatitevedzera.—VaF. 4:8, 9.
Kuva Muenzaniso Wakanaka Pakuzvibata Uye Pakuchena
10. Nei kutenda kusina unyengeri kuchikosha kana tichida kukura pakunamata?
10 Kutaura zvinovaka hakusiko kwoga kunoita kuti muKristu ave muenzaniso wakanaka. Kutaura zvinhu zvakanaka asi usingazviiti 1 Tim. 1:5; 4:1, 2) Asi Timoti akanga asiri munyengeri. Mutsamba yechipiri yaakanyorera Timoti, Pauro akati: “Ndinoyeuka kutenda kuri mauri kusina unyengeri chero hupi zvahwo.” (2 Tim. 1:5) Kunyange zvakadaro, Timoti aifanira kuratidza vamwe kuti aiva muKristu asina unyengeri. Aifanira kuratidza muenzaniso wakanaka panyaya yokuzvibata.
kunyengera. Pauro ainyatsoziva unyengeri hwevaFarisi uye kuipa kwahwakanga hwakaita. Aigara achinyevera Timoti pamusoro peunyengeri ihwohwo nokunyepedzera zvausiri. (11. Pauro akanyorera Timoti chii nezvepfuma?
11 Mutsamba dzake mbiri dzaakanyorera Timoti, Pauro akamukurudzira zvinhu zvakawanda panyaya yokuzvibata. Somuenzaniso, Timoti akanga asingafaniri kumhanyisana nepfuma. Pauro akanyora kuti: “Kuda mari ndiwo mudzi wezvinhu zvinokuvadza zvemarudzi ose, uye vachitevera rudo irworwo, vamwe vakatsauswa pakutenda, vakazvibaya pose pose nokurwadziwa kuzhinji.” (1 Tim. 6:10) Kuda pfuma chiratidzo chokurwara pakunamata. Kusiyana neizvi, vaKristu vanogutsikana neupenyu hwakareruka, ‘vaine zvokudya nezvokupfeka,’ vanoratidza kuti vari kufambira mberi pakunamata.—1 Tim. 6:6-8; VaF. 4:11-13.
12. Tingaita sei kuti kufambira mberi kwedu kuonekwe muupenyu hwedu?
12 Pauro akaudza Timoti kuti zvaikosha chaizvo kuti vakadzi vechiKristu “vashonge nguo dzakagadzirwa zvakanaka, vaine mwero nepfungwa dzakanaka.” (1 Tim. 2:9) Vakadzi vane mwero nepfungwa dzakanaka pakusarudza kwavanoita zvokupfeka uye zvokushambidzika, uye mune zvimwe zvinhu muupenyu, vanoita kuti vamwe vatevedzerewo mienzaniso yavo yakanaka. (1 Tim. 3:11) Zano iri rinoshandawo kuvarume vechiKristu. Pauro akakurudzira vatariri kuti vave ‘netsika dzine mwero, vave nepfungwa dzakanaka, vakarongeka.’ (1 Tim. 3:2) Patinoratidza unhu uhwu mazuva ose, kufambira mberi kwedu kuchaonekwa nevanhu vose.
13. SaTimoti tingava sei mienzaniso yakanaka pakuchena?
1 Tim. 4:12; 5:2) Kunyange unzenza hunoitwa vanhu vachifunga kuti vakavanda hunoonekwa naMwari uye hunotozopedzisira hwazivikanwa nevanhu. Ndizvo zvakangoitawo mabasa akanaka anoitwa nomuKristu, anotozopedzisira abuda pachena. (1 Tim. 5:24, 25) Vose vari muungano vane mukana wokuita kuti kufambira mberi kwavo pakuzvibata uye pakuchena kuonekwe.
13 Timoti aifanirawo kuva muenzaniso panyaya yokuchena. Paaishandisa shoko iri, Pauro aireva nyaya yokuzvibata, kureva kuva netsika dzakanaka. Timoti aifanira kurarama asina chaaipomerwa kunyanya pamabatiro aiita vanhukadzi. Aifanira kubata “vakadzi vakura savanaamai, vakadzi vaduku sehanzvadzi nokuchena kwose.” (Rudo Uye Kutenda Zvinokosha
14. Magwaro anosimbisa sei kukosha kwokudanana?
14 Rudo ndirwo musimboti wechiKristu chechokwadi. Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.” (Joh. 13:35) Tingaratidza sei rudo rwakadaro? Shoko raMwari rinokurudzira kuti ‘tichishivirirane murudo,’ ‘toitirana mutsa, tichinzwirana tsitsi kwazvo, tichikanganwirana nomwoyo wose,’ uye togamuchira vaeni zvakanaka. (VaEf. 4:2, 32; VaH. 13:1, 2) Muapostora Pauro akanyora kuti: “Pakudanana sehama, dananai kwazvo.”—VaR. 12:10.
15. Nei zvichikosha kuti vanhu vose varatidze rudo, kunyanya vatariri vechiKristu?
15 Dai Timoti akanga asina mutsa pakushanda kwaaiita nevaKristu vaainamata navo, izvozvo zvaizodira mvura zvakanaka zvaaiva aita somudzidzisi uye mutariri. (Verenga 1 VaKorinde 13:1-3.) Ukuwo zvaiitwa naTimoti kuratidza kuda kwaaiita hama dzake, kusanganisira kugamuchira kwaaiita vaeni nezvimwe zvakanaka zvaakaita zvakanyatsoratidza kufambira mberi kwake pakunamata. Saka zvakanga zvakakodzera kuti muapostora Pauro anyorere Timoti tsamba achimuudza kuti aifanira kuratidza kuti ane rudo.
16. Nei Timoti aifanira kuratidza kutenda kwakasimba?
16 Panguva yaaigara kuEfeso, kutenda kwaTimoti kwakamboedzwa. Pane vamwe vakanga vachidzidzisa dzidziso dzisingapindirani nechokwadi chechiKristu. Vamwe vakanga vachiparadzira “ngano” kana kuti kutsvakurudza nyaya dzakanga dzisingasimbisi ungano pakunamata. (Verenga 1 Timoti 1:3, 4.) Pauro akarondedzera vanhu vakadaro achiti ‘vanozvitutumadza nokuda kwokudada, vasinganzwisisi chero chinhu chipi zvacho, asi vane pfungwa dzinorwarira mibvunzo nenharo pamusoro pemashoko.’ (1 Tim. 6:3, 4) Timoti aizoedza here kuongorora achida kunakidzwa nedzidziso idzodzo dzaikuvadza dzaipinda muungano? Kwete, nokuti Pauro akakurudzira Timoti kuti ‘arwe kurwa kwakanaka kwazvo kwokutenda’ obva afuratira ‘kutaura kusina zvakunobatsira kunoshatisa zvinhu zvitsvene, nokupokanidzana pamusoro peinonzi “zivo” iyo iri yenhema.’ (1 Tim. 6:12, 20, 21) Zviri pachena kuti Timoti akateerera zano raPauro rouchenjeri.—1 VaK. 10:12.
17. Mazuva ano kutenda kwedu kungaedzwa sei?
17 Uyezve, Timoti akaudzwa kuti “munguva dzinouya vamwe vachatsauka pakutenda, vachiteerera kutaura kwakafuridzirwa kunotsausa nedzidziso dzemadhimoni.” (1 Tim. 4:1) Vose vari muungano, kusanganisira vaya vane mabasa okutarisira muungano, vanofanira kuratidza kutenda kwakasimba kusingazununguki sokwaiva naTimoti. Kana tikatora matanho akasimba okuti tisatevedzera dzidziso dzevakapandukira sangano, tinogona kuratidza kufambira mberi pakunamata tova nokutenda kungatevedzerwa nevamwe.
Edza Kuita Kuti Kufambira Mberi Kwako Kuonekwe
18, 19. (a) Ungaita sei kuti kufambira mberi kwako kuonekwe nevanhu vose? (b) Tichakurukurei munyaya inotevera?
18 Zviri pachena kuti kusimba pakunamata kwomuKristu hakunei nokuti anoratidzika sei, ane mano akadini, kana kuti ane mukurumbira wakadini. Dzimwe nguva hazvinei kuti wava nemakore mangani uri musangano. Asi kuti kufambira mberi kwechokwadi pakunamata kunooneka nokuteerera Jehovha kwatinoita pane zvatinofunga, zvatinotaura, uye mabatiro atinozviita. (VaR. 16:19) Tinofanira kuteerera murayiro wokuti tidanane toedza kuva nokutenda kwakasimba. Ngationgororei mashoko akataurwa naPauro kuna Timoti tonyatsoafungisisa kuitira kuti kufambira mberi kwedu kuonekwe nevanhu vose.
19 Chimwe chinhu chinoratidza kufambira mberi kwedu pakunamata kuva nomufaro, uyo unoumbawo chibereko chomudzimu mutsvene waMwari. (VaG. 5:22, 23) Nyaya inotevera ichakurukura kuti tingava sei nomufaro uye patinosangana nematambudziko tingaramba sei tichifara.
Ungapindura Sei?
• Vamwe vangadzidzei pamatauriro atinoita?
• Kufambira mberi kwedu kunooneka sei pamabatiro atinozviita uye pakuchena?
• Nei vaKristu vachifanira kuratidza muenzaniso wakanaka parudo uye pakutenda?
[Mibvunzo Yechidzidzo]
[Mufananidzo uri papeji 11]
Kunyange zvazvo aiva muduku, Timoti akanga asimba pakunamata kupfuura zvaaitarisirwa pazera rake
[Mifananidzo iri papeji 13]
Kufambira mberi kwako pakunamata kunoonekwa nevamwe here?