Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kudza Mwari Zuva Rimwe Nerimwe Roupenyu Hwako

Kudza Mwari Zuva Rimwe Nerimwe Roupenyu Hwako

Kudza Mwari Zuva Rimwe Nerimwe Roupenyu Hwako

MUNYORI wepisarema Dhavhidhi akanyengetera kuna Jehovha achiti: “Itai kuti ndinzwe mutsa wenyu worudo mangwanani. . . . Ndizivisei nzira yandinofanira kufamba nayo.” (Pis. 143:8) Mangwanani oga oga unotenda Jehovha kuti wamuka uri mupenyu, womuteterera kuti akutungamirire pane zvauchasarudza uye kuti ufambe munzira yakanaka, sezvakaitwa naDhavhidhi here? Hapana mubvunzo kuti ndizvo zvaunoita.

Zvatiri vashumiri vaJehovha vakazvitsaurira, ‘tingave tiri kudya kana kunwa kana kuita chero chimwe chinhu chipi zvacho,’ tinoedza kuita “zvinhu zvose kuti Mwari akudzwe.” (1 VaK. 10:31) Tinoziva kuti mararamiro atinoita mazuva ose achaita kuti Jehovha akudzwe kana kuti azvidzwe. Tinoyeukawo kuti Shoko raMwari rinoti, “masikati nousiku” Satani ari kupomera hama dzaKristu, kana kuti tingatoti vashumiri vaMwari vose vari pasi pano. (Zvak. 12:10) Naizvozvo, takatsunga kupindura kupomerwa kwatinoitwa naSatani uye kuita kuti mwoyo waJehovha ufare nokuitira Baba vedu vokudenga basa dzvene “masikati nousiku.”—Zvak. 7:15; Zvir. 27:11.

Ngatimbokurukurai muchidimbu nzira mbiri dzatingakudza nadzo Mwari pamararamiro edu zuva nezuva. Yokutanga ndeyokuziva zvinhu zvokuisa pakutanga, yechipiri ndeyokubatsira vamwe.

Kurarama Zvinoenderana Nokuzvitsaurira Kwedu

Patakazvitsaurira kuna Jehovha, takaratidza kuti tine chido chokumushumira nomwoyo wose. Takavimbisawo Jehovha kuti taizofamba nenzira dzake “zuva nezuva,” kureva kuti nokusingaperi. (Pis. 61:5, 8) Saka tingararama sei zvinoenderana nevimbiso iyoyo? Tingaratidza sei kuti tinoda Jehovha nomwoyo wose zuva nezuva?

Shoko raMwari rinotaura zvakajeka zvatinotarisirwa naJehovha kuti tiite. (Dheut. 10:12, 13) Pane zvimwe zvacho zviri mubhokisi rine musoro unoti  “Zvatinotarisirwa Kuita naMwari,” riri papeji 22. Zvose izvi zvinhu zvinokosha zvatinonzi naMwari tiite. Saka kana paine zvakawanda zvinenge zvichida kuitwa panguva imwe chete, tingasarudza sei kuti totanga nechipi?

Tinotanga nokuita basa redu dzvene, rinosanganisira kudzidza Bhaibheri, kunyengetera, misangano yechiKristu uye ushumiri. (Mat. 6:33; Joh. 4:34; 1 Pet. 2:9) Asi hazvirevi kuti tinobva tangoswera tichiita zvine chokuita nokunamata. Kubasa kunoda kuendwa, kuchikoro kunoda kuendwa, uye pane mamwe mabasa epamba anoda kuitwa. Kunyange zvakadaro, tinoedza nepatinogona napo kuronga mabasa edu nezvimwe zvinhu nenzira yokuti hazvivhiringidzi basa redu dzvene, rakadai sokupinda misangano yechiKristu. Somuenzaniso, patinoronga kushanya, tinova nechokwadi chokuti hatifambi panguva inouya mutariri wedunhu, yegungano rezuva chairo, redunhu kana kuti reruwa. Dzimwe nguva tinogona kuronga kuzviita panguva imwe chete. Somuenzaniso, tinogona kuronga kuchenesa Imba yoUmambo semhuri kana kuti kushandisa nguva yokumbozorora kubasa kana kuchikoro kuti tiparidzire vatinoshanda navo kana kuti vatinodzidza navo. Zvechokwadi, pazvinhu zvose zvatinenge tichida kuita muupenyu hwedu, zvakadai sokutsvaka basa, kusarudza dzidzo, kana kuti kusarudza shamwari, tinoda kuti zvatinosarudza zvienderane nezvatinoisa pakutanga muupenyu, zvokunamata Jehovha, Baba vedu vane rudo.—Mup. 12:13.

Ratidza Kuti Une Hanya Nevamwe

Jehovha anoda kuti tiratidze kuti tine hanya nevamwe uye kuti tivaitire zvakanaka. Asi Satani anoda kuti tingofunga zvakanakira isu chete. Nyika yake izere nevanhu “vanozvida” uye “vanoda mafaro” pamwe nevaya ‘vanodyara nokuda kwenyama.’ (2 Tim. 3:1-5; VaG. 6:8) Vakawanda havambofungi kuti zvavanoita zvingakanganisa sei vamwe. “Mabasa enyama” ari kwose kwose.—VaG. 5:19-21.

Kuratidza kuti vaya vanotungamirirwa nomudzimu mutsvene waJehovha vane maonero akasiyana naiwayo, vanoratidza rudo, mutsa, uye vanobata vamwe zvakanaka. (VaG. 5:22) Shoko raMwari rinotiudza kuti titange taita zvakanakira vamwe tisati tafunga nezvedu. Saka tinoita zvinoratidza kuti tine hanya nevamwe vedu, asi tichizongwarira kupindira munyaya dzevamwe dzisinei nesu. (1 VaK. 10:24, 33; VaF. 2:3, 4; 1 Pet. 4:15) Tinonyanya kufarira vatinonamata navo. Asi tinoedzawo kubatsira vaya vasingatendi. (VaG. 6:10) Nhasi chaiye unogona here kutsvaka mukana wokuratidza mutsa kumunhu wauchasangana naye?—Ona bhokisi rakanzi  “Ratidza Kuti Une Hanya Navo,” riri papeji ino.

Hatingomiriri kuti titange tawana mukana kuti tizoratidza kuti tine hanya nevanhu. (VaG. 6:2; VaEf. 5:2; 1 VaT. 4:9, 10) Pane kudaro tinofanira kuedza mazuva ose kuona kuti vamwe vari mumamiriro api ezvinhu tobva tavabatsira, kunyange kana kubatsira kwacho kuchiita kuti isu tirasikirwe. Hatidi kunyima vamwe zvatinenge tiinazvo, kubvira panguva yedu, zvimwewo zvinhu, basa ratinogona, uye uchenjeri hwedu. Jehovha anotivimbisa kuti kana tisinganyimi, iye achatipawo zvakawanda.—Zvir. 11:25; Ruka 6:38.

Basa Dzvene “Masikati Nousiku”

Zvinoita here kuitira Jehovha basa dzvene “masikati nousiku”? Zvinoita, nokugara tichiita zvose zvine chokuita nokunamata uye tichishingaira pakuzviita. (Mab. 20:31) Tinogona kuita kuti upenyu hwedu huzare nebasa dzvene patinoverenga uye kufungisisa Shoko raMwari zuva nezuva, kugara tichinyengetera, kuedza kuva pamisangano yose, uye kushandisa mukana wose wokuparidzira.—Pis. 1:2; Ruka 2:37; Mab. 4:20; 1 VaT. 3:10; 5:17.

Iwe pachako uri kuitira Jehovha basa dzvene here? Kana zvakadaro, ticharatidza pane zvose zvatinoita muupenyu hwedu zuva nezuva kuti tine chido chokupindura zvatinopomerwa naSatani. Tinoedza kukudza Jehovha pane zvose zvatinoita uye mumamiriro ezvinhu chero api zvawo. Tinoita kuti mitemo yake ititungamirire pane zvatinotaura nezvatinoita uye pane zvatinosarudza. Tinoratidza kuti tinokoshesa rudo rwake nokutitsigira kwaanoita patinonyatsovimba naye zvakazara tichishandisa simba ratinaro kuita basa rake. Uye tinobvuma zano rake uye kutiranga kwaanoita patinokanganisa nokuti hatina kukwana.—Pis. 32:5; 119:97; Zvir. 3:25, 26; VaK. 3:17; VaH. 6:11, 12.

Zuva nezuva ngatiraramirei kukudza Mwari. Kana tikadaro, tichawana zororo remweya yedu uye Baba vedu vokudenga vachatida nokusingaperi.—Mat. 11:29; Zvak. 7:16, 17.

[Bhokisi Mifananidzo iri papeji 22]

 Zvatinotarisirwa Kuita naMwari

• Kugara uchinyengetera.—VaR. 12:12.

• Kuverenga uye dzidza kuBhaibheri, woita zvaunenge waverenga.—Pis. 1:2; 1 Tim. 4:15.

• Kunamata Jehovha muungano.—Pis. 35:18; VaH. 10:24, 25.

• Kuriritira mhuri yako, kuibatsira pane zvokunamata uye kuva nenguva nayo.—1 Tim. 5:8.

• Kuparidza mashoko akanaka oUmambo uye kuita kuti vanhu vave vadzidzi.—Mat. 24:14; 28:19, 20.

• Kuchengetedza utano hwako, izvo zvinosanganisira kurongawo nguva yokumbotamba, uye kuva noukama naMwari.—Mako 6:31; 2 VaK. 7:1; 1 Tim. 4:8, 16.

• Kuita mabasa omuungano.—Mab. 20:28; 1 Tim. 3:1.

• Kutarisira misha yedu uye Imba yoUmambo.—1 VaK. 10:32.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 23]

 Ratidza Kuti Une Hanya Navo

• Hama kana hanzvadzi yakwegura.—Revh. 19:32.

• Munhu anorwara kana kuti ane zviri kumunetsa.—Zvir. 14:21.

• Mumwe womuungano ane zvaanoda zvaunogona kumupa.—VaR. 12:13.

• Mumwe womumhuri mako.—1 Tim. 5:4, 8.

• Waunonamata naye akafirwa nomurume kana mudzimai wake.—1 Tim. 5:9.

• Mumwe mukuru womuungano menyu anoshanda nesimba.—1 VaT. 5:12, 13; 1 Tim. 5:17.