Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nei Uchifanira Kuzvitsaurira Kuna Jehovha?

Nei Uchifanira Kuzvitsaurira Kuna Jehovha?

Nei Uchifanira Kuzvitsaurira Kuna Jehovha?

“Usiku huno mutumwa waMwari, wandiri wake, . . . wakamira neni.”—MAB. 27:23, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.

1. Vaya vanobhabhatidzwa vanenge vatora matanho api, uye mibvunzo ipi yatinobva tava nayo?

“NOKUDA kwechibayiro chaJesu Kristu, wakapfidza zvivi zvako ndokuzvitsaurira kuna Jehovha kuti uite zvaanoda here?” Uyu mumwe wemibvunzo miviri inopindurwa nevaya vanenge vachida kubhabhatidzwa panopera hurukuro yorubhabhatidzo. Sei vaKristu vachifanira kuzvitsaurira kuna Jehovha? Kuzvitsaurira kuna Mwari kunotibatsira sei? Sei zvisingaiti kuti kunamata kwomunhu kugamuchirwe naMwari iye asina kuzvitsaurira kwaari? Kuti tinzwisise mhinduro dzemibvunzo iyi, tinofanira kutanga takurukura kuti chii chinonzi kuzvitsaurira.

2. Kuzvitsaurira kuna Jehovha kunorevei?

2 Kuzvitsaurira kuna Mwari kunorevei? Cherechedza kuti muapostora Pauro akarondedzera sei ukama hwake naMwari. Achitaura nezvaJehovha kuvanhu vakawanda vaaiva navo mungarava yakanga iri munjodzi, akamuti, “Mwari, wandiri wake.” (Mab. 27:22-24, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) VaKristu vose vechokwadi ndevaJehovha. Asi nyika yose “iri musimba reakaipa.” (1 Joh. 5:19) VaKristu vanozova vanhu vaJehovha pavanonyengetera kwaari vachizvitsaurira iye ovagamuchira. Kuzvitsaurira kwakadaro kunoreva chitsidzo chaunoita uri woga. Kana wadaro, ndipo paunozobhabhatidzwa.

3. Kubhabhatidzwa kwaJesu kwairatidzei, uye vateveri vake vangatevedzera sei zvaakaita?

3 Jesu akatisiyira muenzaniso paakazvisarudzira oga kuita kuda kwaMwari. Jesu akanga akatozvitsaurira kuna Mwari nokuti akaberekerwa murudzi rwechiIsraeri rwakanga rwakatozvitsaurira. Kunyange zvakadaro, paakabhabhatidzwa akanga asiri kungoita zvaidiwa noMutemo. Shoko raMwari rinoratidza kuti akati: “Tarirai! Ndauya . . . kuzoita zvamunoda, haiwa Mwari.” (VaH. 10:7; Ruka 3:21) Saka kubhabhatidzwa kwakaitwa Jesu kwairatidza kuti akanga azvipira kuti aite kuda kwaBaba vake. Vateveri vake vanotevedzera muenzaniso wake pavanobhabhatidzwa. Asi, pavanobhabhatidzwa, vanenge vachiratidza voruzhinji kuti vakanyengetera vachizvitsaurira kuna Mwari.

Kubatsirwa Kwatinoitwa Nokuzvitsaurira

4. Kushamwaridzana kwaDhavhidhi naJonatani kunotidzidzisei nezvokuzvipira?

4 Kuzvitsaurira kwechiKristu haisi nyaya yokutamba nayo. Hakusi kungozvipirawo zvako. Zvisinei, kuzvitsaurira kunotibatsira sei? Ngatimboonai kubatsirwa kwatinoitwa nokuzvipira kumunhu watinoda. Somuenzaniso ngatikurukurei nezvoushamwari. Kuti uve neshamwari pane zvaunofanira kuita kuti ushamwari hwacho hurambe huripo. Izvozvo zvinosanganisira kuzvipira uye kuva nehanya neshamwari yako. Vamwe vanotaurwa nezvavo muBhaibheri vaiita tsika nditsikewo ndiDhavhidhi naJonatani. Vakatoita sungano youshamwari hwavo. (Verenga 1 Samueri 17:57; 18:1, 3.) Kunyange zvazvo mazuva ano shamwari dzinodanana zvakadaro dzisina kuwanda, ushamwari hunowanzopfumbira kana vanhu vacho vakazvipira, kana kuti vachikoshesa ushamwari hwavo.—Zvir. 17:17; 18:24.

5. Chii chaifanira kuitwa nomuranda aida kugara natenzi wake zvachose?

5 Mutemo wakapiwa vaIsraeri naMwari unorondedzera mumwe muenzaniso unoratidza kuti kuzvipira kumumwe munhu waunoda kunobatsira. Muranda aida zvake kuramba achigara natenzi wake akanaka aigona kuita naye chibvumirano chakanga chisingazochinjwi. Mutemo unoti: “Kana muranda wacho akaomerera kuti, ‘Ndinoda tenzi wangu, mudzimai wangu nevanakomana vangu; handidi kusunungurwa,’ ipapo tenzi wake anofanira kuuya naye pedyo naMwari wechokwadi, omuunza pedyo nesuo kana kuti gwatidziro; uye tenzi wake oboora nzeve yake nomutsunda, uye anofanira kuva muranda wake nokusingagumi.”—Eks. 21:5, 6.

6, 7. (a) Kuzvipira kunobatsira sei vanhu? (b) Izvozvo zvinoratidzei nezveukama hwedu naJehovha?

6 Imba inotoda kuti munhu azvipire zvakasimba. Haisi nyaya yokungoti chero ndakasaina bepa, asi kuti unenge wazvipira kumunhu wauri kuroorana naye. Vanhu vanenge vachiita mapoto havambofi vakanyatsogadzikana zvokunzwa kuti vanemba; kunyange vana vavo havambogadzikaniwo. Asi murume nomukadzi vakaroorana zvinoremekedzeka uye vakazvipira vanoziva zvinotaura Magwaro, saka vanoedza nepavanogona napo kugadzirisa matambudziko kana amuka.—Mat. 19:5, 6; 1 VaK. 13:7, 8; VaH. 13:4.

7 Munguva dzinotaurwa muBhaibheri, kunyorerana zvibvumirano zvebhizimisi kana kuti zvokupinzana basa kwaibatsira vanhu. (Mat. 20:1, 2, 8) Nhasi uno ndizvo zvazviriwo. Somuenzaniso tinobatsirwa nezvibvumirano zvatinonyorerana pasi tisati tatanga bhizimisi kana kushandira mumwe munhu. Saka kana kuzvipira kuchitsigisa imba, kuchisimbisa ushamwari, uye kuchiita kuti usarasikirwa nebasa, ko kuzoti kuzvitsaurira kuna Jehovha nomwoyo wose! Iye zvino ngatikurukurei kuti vanhu vekare vakabatsirwa sei nokuzvitsaurira kuna Jehovha Mwari uye kuti sei tingati vakanga vasina kungozvipira chete.

Kubatsirwa Kwakaitwa vaIsraeri Nokuzvitsaurira Kuna Mwari

8. Kuzvitsaurira kuna Mwari kwaireva kuti vaIsraeri vaizova vanhu vorudzii?

8 Rudzi rwaIsraeri rwose zvarwo rwakazvitsaurira kuna Jehovha pavakapika kuna Mwari. Jehovha akaita kuti vaungane pedyo neGomo reSinai, uye akati kwavari: “Kana mukanyatsoteerera inzwi rangu uye mukachengeta sungano yangu, muchabva mava pfuma yangu chaiyo pakati pemamwe marudzi ose.” Vanhu vacho vose vakati pamwe chete: “Tinoda kuita zvose zvataurwa naJehovha.” (Eks. 19:4-8) KuvaIsraeri kuzvitsaurira kwaisangoreva kuzvipira kuita chimwe chinhu. Kwairevawo kuti vakanga vava vanhu vaJehovha, uye Jehovha aivaona ‘sepfuma yake chaiyo.’

9. VaIsraeri vaibatsirwa sei nokuzvitsaurira kuna Mwari?

9 VaIsraeri vaibatsirwa nokuva vanhu vaJehovha. Akanga asingazovasiyi uye aivada semadiro anoita mubereki mwana wake. Mwari akati kuvaIsraeri: “Mudzimai angakanganwa mwana wake anoyamwa zvokuti angasanzwira tsitsi mwanakomana wedumbu rake here? Kunyange vakadzi ava vangakanganwa havo, asi ini handizokukanganwi.” (Isa. 49:15) Jehovha akavapa Mutemo kuti uvatungamirire, vaprofita kuti vavakurudzire uye ngirozi kuti dzivadzivirire. Munyori wepisarema akati: “Anozivisa Jakobho shoko rake, uye Israeri mirau yake nezvaakatonga. Haana kuitira chero rudzi rupi zvarwo saizvozvo” (Pis. 147:19, 20; verenga Pisarema 34:7, 19; 48:14.) Sezvo Jehovha akachengeta vanhu vake nguva yakapfuura, achachengetawo vaya vanozvitsaurira kwaari nhasi uno.

Sei Tichifanira Kuzvitsaurira Kuna Mwari?

10, 11. Tinoberekwa tiri mumhuri yaMwari iri pasi nokudenga here? Tsanangura.

10 Pavanenge vachifunga nezvokuzvitsaurira uye kubhabhatidzwa sevaKristu, vamwe vangazvibvunza kuti, ‘Ko handigoni kunamata Mwari pasina zvokuswerozvitsaurira kwaari here?’ Mhinduro yacho inonyatsotijekera kana tikafunga kuti iye zvino Mwari anotiona sei. Tinofanira kuyeuka kuti chivi chaAdhamu chinoita kuti tose tizvarwe tisiri mumhuri yaMwari. (VaR. 3:23; 5:12) Kuzvitsaurira kuna Mwari chinhu chinokosha kuti tigamuchirwe mumhuri yake iri pasi nokudenga. Ngationei kuti sei zvichikosha.

11 Tose hatina vanababa vokutibereka vaikwanisa kutipa upenyu hwakakwana, hwatakanga takarongerwa naMwari. (1 Tim. 6:19) Hatina kuberekwa tiri vana vaMwari nokuti pakatadza vanhu vaviri vokutanga, vanhu vose vakabva vaparadzaniswa naBaba vavo vane rudo vakavasika. (Enzanisa naDheuteronomio 32:5.) Kubvira ipapo nyika yose iri kurarama iri kunze kwemhuri yaJehovha iri pasi nokudenga, kureva kuti yakaparadzaniswa naye.

12. (a) Vanhu vane chivi vangaita sei kuti vave mumhuri yaMwari? (b) Matanho api atinofanira kutora tisati tabhabhatidzwa?

12 Kunyange zvakadaro mumwe nomumwe wedu anogona kukumbira Mwari kuti amugamuchirewo mumhuri yake ine vashumiri vaanoda. * Izvozvo zvingaita here isu tiri vatadzi sezvatiri izvi? Muapostora Pauro akanyora kuti: “Patakanga tiri vavengi, takayananiswa naMwari nokuda kworufu rwoMwanakomana wake.” (VaR. 5:10) Patinobhabhatidzwa tinokumbira Mwari kuti atipewo hana yakanaka kuitira kuti atigamuchire. (1 Pet. 3:21) Zvisinei, tisati tabhabhatidzwa pane matanho atinofanira kutora. Tinofanira kusvika pakuziva Mwari, kudzidza kuvimba naye, kupfidza, uye kuchinja mararamiro edu. (Joh. 17:3; Mab. 3:19; VaH. 11:6) Pane chimwezve chatinofanira kuita kuti Mwari atigamuchire mumhuri yake. Chii ichocho?

13. Sei zvakakodzera kuti munhu atange aita mhiko yokuzvitsaurira kuna Mwari asati agamuchirwa mumhuri yake yevanamati?

13 Kuti munhu akaparadzana naMwari agamuchirwe mumhuri yaJehovha, anofanira kutanga aita mhiko yemwoyo wose. Kuti tinzwisise pfungwa iyi, ngatifungidzirei vamwe baba vanoremekedzwa vanonzwira tsitsi imwe nherera voti vanoda kuitora zvavo vogara nayo semwana wavo. Baba vacho vanozivikanwa kuti munhu akanaka. Asi vasati vaunza mukomana uyu mumba mavo, vanoti vanoda kuti atange apika kwavari. Saka vanoti, “Ndisati ndakutora semwanakomana wangu, ndinoda kuziva kuti uchandida uye uchandiremekedza sababa here.” Kana mukomana wacho abvuma kuita mhiko iyoyo inokosha, baba vacho ndipo pavanozomutora semwana wavo. Vanganzi vari kuomesa zvinhu here? Saizvozvowo Jehovha anogamuchira vanhu mumhuri yake kana chete vachida kuita mhiko yokuzvitsaurira kwaari. Bhaibheri rinoti: “Zvipirei kwaari: sechibayiro chipenyu, chakatsaurirwa uye chakakodzera kugamuchirwa naye.”—VaR. 12:1, The New English Bible.

Chiratidzo Chorudo Nokutenda

14. Kuzvitsaurira kunoratidza sei rudo?

14 Kuita mhiko yokuzvitsaurira kuna Mwari chiratidzo chokuti tinomuda nemwoyo wose. Kwakada kuti fananei nemhiko dzomuchato. MuKristu ari kuda kuroora anoratidza kuti anoda mwenga wake nokupika kuti nyange zvodini achange akavimbika kwaari. Hakusi kungovimbisa kuti uchaita chimwe chinhu, asi kuti chitsidzo chaunoita kumunhu. MuKristu ari kuda kuroora anonzwisisa kuti hazvingaiti kuti agare nomwenga wake kana asina kuita mhiko. Saizvozvowo hatigoni kuva nhengo yemhuri yaJehovha kana tisina kuita mhiko yokuzvitsaurira. Saka isu tinozvitsaurira kuna Mwari, nokuti pasinei nokusakwana, tinoda kuva vanhu vake, uye takatsunga kuramba takavimbika kwaari, nyange zvoita sei.—Mat. 22:37.

15. Kuzvitsaurira kunoratidza sei kutenda?

15 Patinozvitsaurira kuna Mwari, tinenge tichiratidza kuti tine kutenda. Sei zvakadaro? Kutenda kwedu muna Jehovha kunoita kuti tive nechivimbo chokuti kuva pedyo naMwari kwakatinakira. (Pis. 73:28) Tinoziva kuti hazvisi nyore kuzogara tichifamba naMwari isu tichirarama pakati “pechizvarwa chisina kururama, chakamonyana,” asi tinovimba nezvakapikirwa naMwari kuti achatsigira zvatinoita. (VaF. 2:15; 4:13) Tinoziva kuti tinotadza, asi tine chivimbo chokuti Jehovha achatinzwira ngoni kunyange kana tikakanganisa. (Verenga Pisarema 103:13, 14; VaRoma 7:21-25.) Tine kutenda kuti Jehovha achatipa mubayiro wokuramba takaperera kwaari.—Job. 27:5.

Kuzvitsaurira Kunoita Kuti Tizofara

16, 17. Sei kuzvitsaurira kuna Jehovha kuchiita kuti tizofara?

16 Kuzvitsaurira kuna Jehovha kunoguma nomufaro nokuti kunosanganisira kuita zvinhu nomwoyo wose. Jesu akataura chokwadi chiri pachena paakati: “Kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira.” (Mab. 20:35) Jesu paaiita ushumiri hwake pasi pano akazvionera zvazvinoreva kuti kupa kunoita kuti munhu afare. Dzimwe nguva aiswera asina kuzorora, asina kudya, uye aiomerwa nezvinhu achiitira kuti abatsire vamwe kuwana nzira inoenda kuupenyu. (Joh. 4:34) Jesu aifarira kufadza mwoyo waBaba vake. Akati: “Ndinogara ndichiita zvinhu zvinomufadza.”—Joh. 8:29; Zvir. 27:11.

17 Saka Jesu aiudza vateveri vake nezvoupenyu hunogutsa paakati: “Kana munhu achida kunditevera, ngaazvirambe.” (Mat. 16:24) Kuita izvi kunotiswededza pedyo naJehovha. Pane mumwe munhu ane rudo rwunopfuura urwu watingazviisa mumaoko ake here?

18. Nei kurarama zvinoenderana nokuzvitsaurira kwedu kuna Jehovha kuchifadza kupfuura kuzvitsaurira kune mumwe munhu kana kuti kune chimwe chinhu?

18 Kuzvitsaurira kuna Jehovha uye kuzorarama zvinoenderana nokuzvitsaurira ikoko nokuita zvaanoda kunofadza kupfuura kuzvitsaurira kune mumwe munhu kana kuti kune chimwe chinhu. Somuenzaniso, vanhu vakawanda vanozvipira kuti upenyu hwavo hwose vanoda kutsvaka pfuma asi havawani mufaro wechokwadi uye havagutsikani. Zvisinei, vaya vanozvitsaurira kuna Jehovha vanowana mufaro usingaperi. (Mat. 6:24) Ropafadzo yokuva “vashandi pamwe chete naMwari” inoita kuti vafare, asi havana kuzvitsaurira kubasa, asi kuna Mwari wedu, uyo anovakoshesa. (1 VaK. 3:9) Hapana angakoshesa kuzvipira kwavo kupfuura zvaanoita. Achaita kuti vakavimbika vadzokere pauduku hwavo kuitira kuti arambe achivatarisira nokusingaperi.—Job. 33:25; verenga VaHebheru 6:10.

19. Vaya vanozvitsaurira kuna Jehovha vanobatsirwa sei?

19 Kuzvitsaurira kuna Jehovha kunoita kuti tive noukama hwepedyo naye. Bhaibheri rinoti: “Swederai pedyo naMwari, uye iye achaswedera pedyo nemi.” (Jak. 4:8; Pis. 25:14) Munyaya inotevera, tichakurukura kuti nei tichifanira kusarudza nechivimbo kuva vanhu vaJehovha.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 12 “Mamwe makwai” aJesu haakwanisi kuva vanakomana vaMwari kusvikira kutonga kwemakore ane chiuru kwapera. Zvisinei, sezvo vakazvitsaurira kuna Mwari, vanogona kumuti “Baba,” uye hapana chakaipa kuti vanzi vari mumhuri yaJehovha yevanamati.—Joh. 10:16; Isa. 64:8; Mat. 6:9; Zvak. 20:5.

Ungapindura Sei?

• Kuzvitsaurira kuna Mwari kunorevei?

• Kuzvitsaurira kuna Mwari kunotibatsira sei?

• Sei vaKristu vachifanira kuzvitsaurira kuna Jehovha?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 6]

Kurarama zvinoenderana nokuzvitsaurira kwedu kunoita kuti tifare nokusingaperi