Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Bhuku Rinobatsira Vechiduku Kuyeuka Musiki Wavo

Bhuku Rinobatsira Vechiduku Kuyeuka Musiki Wavo

Bhuku Rinobatsira Vechiduku Kuyeuka Musiki Wavo

“YEUKA Musiki wako uchiri muduku,” akanyora kudaro murume akachenjera Soromoni makore anosvika 3 000 apfuura. (Mup. 12:1, Today’s English Version) VaKristu vechiduku iye zvino vava nerimwe bhuku rinovabatsira kuita izvozvo. Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 2, rakabudiswa paGungano Reruwa reZvapupu zvaJehovha raiti “Kutungamirirwa Nomudzimu waMwari” rakaitwa kutanga muna May 2008 kusvika muna January 2009.

Kwokutanga, mukati mebutiro rebhuku racho mune tsamba yakanyorerwa vechiduku inobva kuDare Rinodzora. Mamwe mashoko ari mutsamba yacho anoti: “Tinonyengetera nomwoyo wose kuti mashoko ari mubhuku rino akubatsire kukurira zvinetso uye miedzo zviri kutarisana nevechiduku mazuva ano uye achakuratidza kuti ungaita sei zvisarudzo zvinoenderana nokuda kwaMwari.”

Zvakakodzera kuti vabereki vade kurera vana vavo “mukuranga nokutungamirira pfungwa kunoitwa naJehovha.” (VaEf. 6:4) Vechiduku vakawanda kana vava kuyaruka vanenge vasisina chokwadi nezvavanenge vachiita uye vanoda kutungamirirwa. Kana uri mubereki ane mwana ari kuyaruka, ungaita sei kuti bhuku rino rinyatsomubatsira? Unogona kuita zvinotevera.

Ivawo nerako, wonyatsoriverenga. Uku hakusi kungoverengawo zvachero. Edza kuona kuti vakanyora vacho vari kutaura sei nevavari kunyorera. Bhuku racho riri kuedza kurovedza “simba ravo [vechiduku] rokunzwisisa,” kwete kungovaudza kuti izvi zvakaipa, izvi zvakanaka. (VaH. 5:14) Rinovaudzawo zvimwe zvavangaita kuti varambe kuita zvakaipa. Somuenzaniso, Chitsauko 15 (“Ndingaramba Sei Kufurirwa Nevezera Rangu?”) hachingoudzi vechiduku kuti varambe zvavanenge vachifurirwa. Chinoronga nzira dzinobva muBhaibheri uye zvimwe zvavanogona kuita kuti vadzidze ‘mapinduriro avanofanira kuita.’—VaK. 4:6.

Shandisa zviri mubhuku racho zvinoita kuti muverengi ataure pfungwa dzake. Kunyange zvazvo zvikamu izvozvo zvakagadzirirwa vechiduku, wadii kunyorawo mubhuku rako panenge pachifanira kunyorwa? * Somuenzaniso, paunenge wava pamibvunzo inoda kupindurwa nomuverengi inotaura nezvokufambidzana nomumwe munhu iri papeji 16, edza kurangarira kuti wainzwa sei pawaive zera remwana wako. Unogona kupindura mibvunzo yacho sezvawaizoita dai wakabvunzwa uri pazera iroro. Unogona kuzozvibvunza kuti: ‘Ndachinja zvakadini mafungiro andaiita nezvenyaya iyi? Zvii zvandava kunzwisisa kubvira pandakabva pazera rokuyaruka, uye ndingazviudza sei mwana wangu?’

Ziva kuti mwana wako anoda kuzviitirawo zvimwe zvinhu oga. Ndima dziri mubhuku dzinoda kuti munhu apindure dzakaisirwa kuti mwana wenyu apindure zvaanofunga achiita zvokunyora kana kuti nechomumwoyo. Chinangwa chenyu ndechokuziva zviri mumwoyo make, kwete zviri mubhuku rake. Papeji 3 pachikamu chakanzi “Mashoko Kuvabereki” bhuku racho rinopa zano rokuti: “Kuti ukurudzire vana vako vachiri kuyaruka kuti vanyore mumabhuku avo vasingavanzi, usaaverenga. Pave paya vachauya vega kuzokuudza zvavanenge vanyora.”

Rinobatsira Pakudzidza Bhaibheri Kwemhuri

Mibvunzo Inobvunza Vechiduku, Bhuku 2, rakanaka zvikuru kushandisa paKunamata Kwemhuri. Mungarishandisa sei zvarisina mibvunzo mundima imwe neimwe? Madii kuronga kuridzidza zvinoenderana nezvinenge zvichibatsira vana venyu?

Somuenzaniso dzimwe mhuri dzingaona zvichinakidza kuedzesera zvavari kudzidza pavanenge vachidzidza chikamu chinoti, “Zvandingaita Kuti Ndisafurirwe” chiri pamapeji 132-133. Mubvunzo wokutanga uri ipapo unogona kubatsira mwana wenyu kuziva kuti inyaya ipi yaanowanzoona ichimuomera. Wechipiri unoratidza kuti ndepapi panowanzouya muedzo wacho. Pashure pokunge makurukura zvingazoitika kana akabvuma kukurirwa nomuedzo wacho kana kuti akaramba, mwana wenyu ari kuudzwa kuti aronge kuti anozopindura sei zvingaita kuti vari kumuedza vacho vanyare, vasiyane naye, kana kuti iye wacho atovaisawo panguva yakaoma. Batsirai mwana wenyu kuti ave munhu anozvifungira oga uye kuti aronge mhinduro dzaanoona kuti hadzizomuomeri uye dzaanokwanisa kushandisa nechivimbo.—Pis. 119:46.

Rinobatsira Pakukurukurirana

Mibvunzo Inobvunza Vechiduku, Bhuku 2, rinokurudzira vechiduku kutaura zvavanofunga nevabereki vavo. Somuenzaniso, bhokisi rakanzi “Ndingataura Sei Nababa Kana Naamai Nezvepabonde?” (mapeji 63-64) uye “Taura Nevabereki Vako!” (peji 189) rinopa mazano anobatsira okuti mungataura sei makasununguka nezvenyaya dzinonyadzisa. Mumwe musikana ane makore 13 akanyora kuti, “Bhuku iri rakandipa chivindi chokutaura nevabereki vangu nezvezvinhu zvandaifunga, kunyange zvimwe zvandakaita.”

Bhuku iri rinobatsirawo kukurukura nedzimwe nzira. Panoperera chitsauko chimwe nechimwe pane bhokisi rakanzi “Unofungei?” Haringodzokorori zviri muchitsauko chacho, asiwo rinogona kushandiswa pakukurukura semhuri. Panoperera chitsauko chimwe nechimwe panewo bhokisi rakanzi “Zvandinoronga Kuita!” Bhokisi iri rinopa vaduku mukana wokunyora nzira dzokushandisa nadzo zvavanenge vadzidza muchitsauko ichocho. Chikamu chokupedzisira chebhokisi roga roga rakanzi “Zvandinoronga Kuita!” chinoti: “Izvi ndizvo zvandingada kubvunza vabereki vangu nezvenyaya iyi . . . ” Izvi zvinogona kubatsira vaduku kuti vabvunze vabereki vavo kana vachida mazano anobatsira.

Ziva Zviri Pamwoyo Pake!

Chinangwa chako somubereki ndechokuziva zviri pamwoyo womwana wako. Mibvunzo Inobvunza Vechiduku, Bhuku 2, rinogona kukubatsira kuita izvozvo. Chimbonzwa mashandisiro akaita vamwe baba bhuku iri kuti vabatsire mwanasikana wavo kuti avaudze zviri pamwoyo.

“Ini naRebekah tinowanzofarira kuenda kune dzimwe nzvimbo netsoka, nemabhasikoro kana kuti nemotokari. Izvi zvinotipa mikana yokuti ataure zviri kutsi kwomwoyo wake.

“Mubhuku iri takatanga nokuverenga tsamba yaibva kuDare Rinodzora uye chikamu chakanzi ‘Mashoko Kuvabereki.’ Ndaida kuti mwanasikana wangu azive kuti aigona kunyora zvaaifunga mubhuku rake akasununguka, sezvinotaurwa papeji 3. Ndaisazoverenga zvaainge anyora.

“Ndakarega Rebekah achisarudza zvitsauko zvaaida kutanga kukurukura. Chimwe chezvitsauko zvaakatanga kusarudza chaiva chokuti ‘Ndinofanira Kutamba Mitambo Yemavhidhiyo Here?’ Handina kumbofungidzira kuti ndicho chaaizotanga kusarudza! Asi pane zvaakasarudzira chitsauko chacho. Shamwari dzake dzakati wandei dzainge dziri kutamba mutambo unotyisa. Ndakanga ndisingambozivi kuti waiitwa zvokurwisana uye maitaurwa mutauro unonyadzisa zvakadaro! Asi zvose izvi akazozvitaura pataikurukura bhokisi rakanzi ‘Zvandinoronga Kuita!’ riri papeji 251. Bhokisi iri rakabatsirawo Rebekah kuti agadzirire kuti aizopindura sei munhu anenge aedza kumumanikidza kuti atambe mutambo wacho.

“Iye zvino Rebekah haachambondivanziri zvaanenge akanyora mubhuku rake. Patinodzidza tinenge tichingokurukurirana. Tinoita majana okuverenga, uye anenge achida kuti titaure nezvezvinhu zvose, kusanganisira mifananidzo nemabhokisi. Izvi zvinobva zvandipa mukana wokumuudza kuti zvinhu zvaindifambira sei pandaiva pazera rake, iye ondiudzawo kuti mazuva zvava sei. Anoda kuti tiite zvinhu zvose pamwe chete!”

Kana uri mubereki unofanira kunge wakafara chaizvo pakabudiswa bhuku iri. Chitora mukana uno kurishandisa zvakanaka. Dare rinodzora rinovimba kuri Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 2, richava chikomborero chaicho kumhuri yenyu. Dai rikabatsira tose, zvikuru-kuru vechiduku vedu, ‘kuramba tichifamba maererano nomudzimu.’—VaG. 5:16.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 6 Dzimwe nyaya dziri mubhuku racho dzinoda kuti muverengi ataure pfungwa dzake dzinoshanda kumazera ose. Somuenzaniso, bhokisi rakanzi “Dzora Hasha Dzako” (peji 221) rinogona kukubatsira sezvarinongoitawo mwana wako. Kunyangewo rakanzi “Zvandingaita Kuti Ndisafurirwe” (mapeji 132-133), “Bhajeti Yangu Yepamwedzi” (peji 163), uye “Zvinangwa Zvangu” (peji 314).

[Bhokisi riri papeji 30]

Zviri Kutaurwa Nevamwe Vechiduku

“Iri ndiro bhuku rinoda kuverengwa muruoko muine penzura uchinyatsofungisisa. Kunyorwa kwarakaitwa richisiyiwa pokuti muverengi anyore zviri kuitika kwaari kunoita kuti munhu afungisise ari oga nechinangwa chokugadziridza upenyu hwako kuti huve hwakanakisisa.”—Nicola.

“Ndaigara ndichifurirwa kuti ndive newandinofambidzana naye, zvikuru nevanhu vaitofunga kuti vari kuita zvakanaka. Chikamu chokutanga chebhuku rino chakandibatsira kuona kuti handisati ndagadzirira kufambidzana nomumwe munhu pasinei nokuti vamwe vanhu vanotii.”—Katrina.

“Bhokisi rakanzi ‘Uri Kufunga Nezvokubhabhatidzwa Here?’ rakandibatsira kuti ndisaita zvokutamba nenyaya yokubhabhatidzwa. Rakaita kuti ndinyatsoongororazve madzidziro angu uye kunyengetera kwangu.”—Ashley.

“Kunyange zvazvo vabereki vangu vechiKristu vakandidzidzisa kubvira ndichiri kamwana, bhuku rino raita kuti ndizvifungire ndoga nhanho dzandinofanira kutora muupenyu. Raitawo kuti ndibudire vabereki vangu pachena pazvinhu zvakawanda.”—Zamira.

[Mufananidzo uri papeji 31]

Vabereki, nyatsozivai zviri mubhuku iri

[Mufananidzo uri papeji 32]

Ngachive chinangwa chako kuti ubaye mwoyo wemwana wako