Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Kodzero Yemwana Yokunamata”

“Kodzero Yemwana Yokunamata”

“Kodzero Yemwana Yokunamata”

MUSI waDecember 9, 2008, chikoro chinodzidzisa nezvekodzero dzevana chinonzi Academy for the Rights of the Child chokuSweden chakaita musangano usingawanzoitwi waiva nedingindira rokuti “Kodzero Yemwana Yokunamata.” Pakakurukurwa pfungwa dzakawanda nevakurukuri vaimiririra Church of Sweden, nedzimwe chechi dzechiKristudhomu, Islam, nerimwe sangano risingakurudziri zvokunamata.

Mufundisi aiva mumwe wevakurukuri akati: “Tinoshaya mashoko anonyatsotsanangura makoshero anoita nhoroondo dzeBhaibheri pakubatsira mwana kuti azive nezvokunamata.” Magwaro anobatsira sei vana kuti vazive zvokunamata?

“Mashoko acho anoita kuti mwana awane zvokufungisisa nezvazvo ari oga,” akadaro mufundisi wacho. Akati “nyaya yaAdhamu naEvha, yaKaini naAbheri, yaDhavhidhi naGoriyati, yokuzvarwa kwaJesu, yaZakeyo muteresi, mufananidzo wemwanakomana mupambadzi, uye yomuSamariya akanaka ndemimwe mienzaniso inotungamirira kufunga [kwemwana] nezvezvinhu zvinosanganwa nazvo muupenyu zvakadai sounyengeri, kukanganwira, kuyananisirwa zvivi, ruvengo, tsika dzakaipa, kuyanana, kuda hama nemwoyo wose.” Akazowedzera kuti: “Ndima idzi dzinopa muenzaniso unozotevedzerwa nomunhu kwoupenyu hwake hwose.”

Chinhu chakanaka hacho kukurudzira kuti Bhaibheri riverengwe. Zvisinei, vana vanokwanisa ‘kufungisisa vari voga’ zvinhu zvavanoverenga muMagwaro voona kushanda kwazvinoita here?

Kunyange vanhu vakuru chaivo vanoda kutotsanangurirwa zviri muMagwaro. Somuenzaniso Bhaibheri rinotiudza nezvomumwe murume akatadza kuziva kuti angaita sei kuti azive kunamata kwechokwadi ‘paaifungisisa ari oga.’ Murume iyeye aiva mukurumukuru wokuItiopiya. Aiverenga uprofita hwaIsaya asi haana kunzwisisa zvahwaireva. Sezvo aida kunzwisisa zvairehwa nouprofita hwacho, akafara paakatsanangurirwa nemudzidzi Firipi. (Mab. 8:26-40) MuItiopiya uyu haasi iye oga akadaro. Tose tinotodawo kuti mumwe munhu atitsangurire Magwaro, ndoda vana.

Bhaibheri rinotinyevera kuti: “Upenzi hwakasungirirwa pamwoyo womukomana.” (Zvir. 22:15) Vana vanoda mumwe munhu anovatungamirira nokuvaudza zvokuita, uye iroro ibasa revabereki vavo rokuvaudza tsika dzakanaka nokuvadzidzisa kunamata vachishandisa Bhaibheri uye zvinodzidziswa muungano yechiKristu. Ikodzero yevana kuti vadzidziswe saizvozvo. Vanofanira kutangidzirwa vachiri vaduku kubatsirwa kuva nehwaro hwakasimba hunobva muBhaibheri kuti vazive nezvokunamata kuitira kuti vazova “vanhu vakuru . . .vanoita kuti simba ravo rokunzwisisa rirovedzwe kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa.”—VaH. 5:14.