Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Munhu angazobhabhatidzwazve kana zvaita sei?

Dzimwe nguva munhu akabhabhatidzwa angada kuzvibvunza kuti Mwari anomutora somunhu akabhabhatidzwa here uye angafunga zvokubhabhatidzwazve. Somuenzaniso, paakabhabhatidzwa angadaro akanga achiri kuita pachivande chinhu chingadai chakamudzingisa dai akanga akatobhabhatidzwa. Munhu akadaro aigona kuzvitsaurira kuna Mwari here? Kuti munhu uyu azvitsaurire kuna Jehovha zvinogamuchirika, aitofanira kunge asiya mararamiro ake anopesana neMagwaro. Saka munhu akabhabhatidzwa asina kuchinja mararamiro ake angazviona zvakakodzera kufunga nezvokubhabhatidzwazve.

Ko kana ari munhu akanga asingaiti chivi paakabhabhatidzwa asi akazoita chimwe chinhu chakaipa abhabhatidzwa zvokuti aifanira kugadzwa dare? Ngatitii anoti akanga asinganyatsonzwisisi zvaaiita panguva yaakabhabhatidzwa saka ari kuti kubhabhatidzwa kwake hakushandi. Pavanokurukura nomutadzi, vakuru havafaniri kumubvunza nezvokuti anoona sei kubhabhatidzwa kwake uye kuti anofunga kuti kuzvitsaurira kwake nokubhabhatidzwa zvaishanda here. Havangadaro nokuti iye akanzwa hurukuro yaibva muMagwaro yaitsanangura chinonzi kubhabhatidzwa. Akati hongu paakabvunzwa mibvunzo yokuzvitsaurira nokubhabhatidzwa. Akazochinja zvipfeko zvake akanyudzwa mumvura. Pakadaro hatingamboti akanga asinganyatsonzwisisi kuti zvaari kuita zvinokosha zvakadini. Saka vakuru vanofanira kumubata somunhu akabhabhatidzwa.

Kana munhu akataura oga nyaya yokuti anoona sokuti kubhabhatidzwa kwake hakushandi, vakuru vangamuti averenge Nharireyomurindi yeChirungu yaMarch 1, 1960, mapeji 159 uye 160, neyaFebruary 15, 1964, mapeji 123 kusvika ku126, dzinonyatsokurukura nyaya yokubhabhatidzwazve. Munhu ndiye anozozvisarudzira oga kana angafanira kubhabhatidzwazve (pakadai sokuti akange asinganyatsonzwisisi Bhaibheri paakabhabhatidzwa).

VaKristu vanofanira kufunga nezvei panyaya yokugara nevamwe vanhu muimba imwe chete?

Munhu wose anodawo pokugara. Asi mazuva ano vakawanda havana pavanoti ndipo pamba pangu. Kushaya mari, urwere kana kuti zvimwewo zvikonzero zvingaita kuti mugare pamwe chete nevoukama, kusanganisira hama dzemumba. Mune dzimwe nyika vanhu vanogara nehama dzavo mukamuri imwe chete vakatsvikinyidzana zvokuti hapana paunombokwanisa kuzviitira zvinhu zvako woga.

Harisi basa resangano raJehovha kuti ripe mutorododo wemitemo yokuti vanhu vari musangano vanofanira kugara sei. VaKristu vanokurudzirwa kufunga kuti Magwaro anotii kuti vaone kana magariro avari kuita achifadza Mwari. Ndezvipi zvimwe zvinotaurwa neMagwaro nezvenyaya iyi?

Chinhu chikuru chinoda kufungwa nezvacho ndechokuti kugara kwatiri kuita nevamwe vanhu kuchatibatsira sei kana kuti kuchatikanganisa sei pakunamata kwedu. Vanhu ava ndivanaani? Vanonamata Jehovha here? Vanorarama sezvinotaurwa neBhaibheri here? Muapostora Pauro akanyora kuti: “Musatsauswa. Ushamwari hwakaipa hunoshatisa tsika dzinobatsira.”—1 VaK. 15:33.

Magwaro anotsanangura kuti Jehovha anovenga ufeve noupombwe. (VaH. 13:4) Saka zviri pachena kuti magariro api zvawo angaita kuti vanhu vasina kuroorana vaonekwe somurume nomudzimai haafadzi Mwari. MuKristu haangadi kugara panzvimbo inoitwa unzenza asi huchionekwa sepasina chakaipa.

Uyezve Bhaibheri rinokurudzira vose vanoda kufadza Mwari kuti ‘vatize ufeve.’ (1 VaK. 6:18) Saka kuchenjera kuti muKristu asaronga kugara pamba paanoona kuti pangazomupa muedzo wokuita unzenza. Somuenzaniso, funga nezvevaKristu vanenge vachirara mumba mumwe chete. Kuti izvozvo zvingaita kuti vanhu vapinde pamuedzo here? Ko kana vanhu vaviri vasina kuroorana vakangoerekana vasara voga pamba nokuti vavanowanzogara navo vamboti fambei? Saizvozvowo zvingaisa vanhu vari kudanana pamuedzo kana vakagara muimba imwe chete. Vanhu vakachenjera havarongi kugara seizvi.

Hazvinawo kukodzera kuti vanhu vakarambana varambe vachigara mumba mumwe chete. Sezvo vakatojaira kurara vose zviri nyore kuti vapedzisire vaita unzenza.––Zvir. 22:3.

Chokupedzisira uye chatisingafaniri kurerutsa ndechokuti vanhu vomunharaunda vanozviona sei. Mumwe muKristu anogona kuona kunge magariro aakaita akanaka asi iwo achikonzera mitauro kwaanogara. Hatimbodi kuti tsika dzedu dziite kuti zita raJehovha rishorwe. Pauro akati: “Musava zvinhu zvinogumbura kuvaJudha pamwe chete nevaGiriki neungano yaMwari, sezvandiri kufadza vanhu vose muzvinhu zvose, ndisingatsvaki zvinondibatsira asi zvinobatsira vazhinji, kuti vaponeswe.”—1 VaK. 10:32, 33.

Kuwana pokugara pakakodzera kunogona kuva dambudziko chairo kuvanhu vanoda kurarama maererano nemitemo yaJehovha yakarurama. Zvisinei vaKristu vanofanira kuramba vachiva “nechokwadi chezvinhu zvinogamuchirika kunaShe.” Vanofanira kuva nechokwadi kuti hapana zvinonyadzisa zviri kuitwa mumisha yavo. (VaEf. 5:5, 10) Izvozvo zvinoda kuti vaKristu vanyengeterere kuti vatungamirirwe naMwari, voita zvose zvavanogona kuti vadzivirirane uye vave netsika dzakanaka kuti zita raJehovha risashorwa.