Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Mudzimu Nomwenga Vanoramba Vachiti: ‘Uya!’”

“Mudzimu Nomwenga Vanoramba Vachiti: ‘Uya!’”

“Mudzimu Nomwenga Vanoramba Vachiti: ‘Uya!’”

“Mudzimu nomwenga vanoramba vachiti: ‘Uya!’ . . . Munhu wose anonzwa nyota ngaauye; munhu wose anoda ngaatore mvura youpenyu asingatengi.”—ZVAK. 22:17.

1, 2. Zvinhu zvine chokuita noUmambo zvinofanira kukosha zvakadini muupenyu hwedu, uye nei?

ZVINHU zvine chokuita noUmambo zvinofanira kuva panzvimbo ipi muupenyu hwedu? Jesu akakurudzira vateveri vake ‘kuramba vachitanga kutsvaka umambo’ achivavimbisa kuti kana vakadaro, Mwari aizovapa zvavaida. (Mat. 6:25-33) Akafananidza Umambo hwaMwari neparera rinokosha zvokuti mumwe mushambadzi paakariwana, ‘akatengesa zvinhu zvose zvaakanga ainazvo, akaritenga.’ (Mat. 13:45, 46) Hatifaniri kukoshesa kuparidza Umambo nokudzidzisa vanhu kupfuura zvimwe zvinhu zvose here?

2 Sezvatakaona munyaya mbiri dzakapfuura, kutaura kwatinoita noushingi uye kushandisa kwatinoita Shoko raMwari nounyanzvi muushumiri zvinoratidza kuti tiri kutungamirirwa nomudzimu waMwari. Mudzimu iwoyo unoitawo basa rinokosha rokutibatsira kugara tichiparidza Umambo. Ngationei kuti unotibatsira sei.

Munhu Wose Anokokwa!

3. Mvura iri kukokerwa vanhu vose kuti vauye kuzonwa imvura yorudzii?

3 Vanhu vose vari kukokwa pachishandiswa mudzimu mutsvene. (Verenga Zvakazarurwa 22:17.) Mumwe nomumwe ari kunzi “uya” kuti apedze nyota yake norumwe rudzi rwemvura. Mvura iyi yakasiyana neyatagara tichiziva. Kunyange zvazvo mvura chaiyo ichikosha kuti zvinhu zvirarame pasi pano, Jesu aifunga nezvemvura yakasiyana neiyi yatinoziva paakati kumukadzi wokuSamariya patsime: “Munhu wose anonwa mvura yandichamupa haazombovizve nenyota, asi mvura yandichamupa ichava maari tsime remvura inotubuka kuti ipe upenyu husingaperi.” (Joh. 4:14) Mvura iri kukokerwa vanhu vose kuti vanwe inopa upenyu husingaperi.

4. Chii chakaita kuti padiwe mvura youpenyu, uye mvura yacho inomiririra chii?

4 Kutadza kwakaita Adhamu paakabatana nomudzimai wake Evha pakusateerera Jehovha Mwari, Musiki wavo, ndiko kwakaita kuti pazodiwa mvura youpenyu. (Gen. 2:16, 17; 3:1-6) Murume nomukadzi vokutanga vakadzingwa mumusha wavo wakanaka “kuti [Adhamu] arege kutambanudza ruoko rwake, akatorawo michero pamuti woupenyu, akadya, akararama nokusingagumi.” (Gen. 3:22) Sezvo ari iye tateguru wevanhu vose, Adhamu akaunza rufu kwavari. (VaR. 5:12) Mvura youpenyu inomiririra zvose zvakaitwa naMwari kuti vanhu vanoteerera vabvisirwe chivi norufu nokuvapa upenyu hwakakwana husingaperi muParadhiso pasi pano. Chibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu ndicho chikuru pane zvose zvaakaita ndicho.—Mat. 20:28; Joh. 3:16; 1 Joh. 4:9, 10.

5. Tsanangura kuti ndiani ari kukoka vanhu kuti vauye ‘kuzotora mvura youpenyu vasingatengi’?

5 Ndiani ari kukoka vanhu kuti vauye ‘kuzotora mvura youpenyu vasingatengi’? Zvose zvinoita kuti upenyu hwakakwana huvepo pazvinenge zvava kuzowanika pachishandiswa Jesu muKutonga kwaKristu Kwemakore Ane Chiuru, zviri kufananidzirwa ‘nerwizi rwemvura youpenyu, inoonekera sekristaro.’ Rwizi irworwo rwunoonekwa ‘rwuchiyerera ruchibva pachigaro choumambo chaMwari necheGwayana.’ (Zvak. 22:1) Saka Jehovha, Mupi Woupenyu, ndiye ari kupa mvura inopa upenyu. (Pis. 36:9) Ndiye ari kupa vanhu mvura iyoyo achishandisa “Gwayana,” Jesu Kristu. (Joh. 1:29) Rwizi urwu rwokufananidzira inzira yaJehovha yokubvisira nayo vanhu zvose zvakaipa zvakakonzerwa nokusateerera kwaAdhamu. Kureva kuti Jehovha Mwari ndiye ari kukoka vanhu achiti “uya.”

6. “Rwizi rwemvura youpenyu” rwakatanga kuyerera riini?

6 Kunyange zvazvo “rwizi rwemvura youpenyu” rwuchanyatsoyerera zvakazara muKutonga kwaKristu Kwemakore Ane Chiuru, rwunotanga kuyerera “muzuva raShe,” iro rakatanga nokugadzwa pachigaro kwe“Gwayana” muna 1914. (Zvak. 1:10) Saka zvimwe zvinoita kuti vanhu vawane upenyu zvakatanga kuwanikwa kubvira ipapo. Zvimwe zvacho iShoko raMwari, Bhaibheri, nokuti zviri mariri zvinonzi “mvura.” (VaEf. 5:26) Vanhu vose vari kukokwa kuti ‘vatore mvura youpenyu’ uye vanzwe mashoko akanaka oUmambo vaateerere. Asi ari kukoka wacho ndiani muzuva raShe?

“Mwenga” Unoti, “Uya!”

7. Ndivanaani vakatanga kukoka vanhu “muzuva raShe,” uye vaikoka ani?

7 VaKristu vakazodzwa, vanova ndivo boka romwenga, ndivo vanotanga kuti “uya.” Vari kukoka ani? Zviri pachena kuti mwenga hausi kuti, “Uya!” uchizvikoka. Mwenga uri kutaura nevaya vane tariro yokuzorarama nokusingaperi pasi pano kana “hondo yezuva guru raMwari Wemasimbaose” yapfuura.—Verenga Zvakazarurwa 16:14, 16.

8. Chii chinoratidza kuti vaKristu vakazodzwa vakabvira kare kuma1918 vachiudza vanhu kuti Jehovha ari kuvakoka?

8 Vateveri vaKristu vakazodzwa vakabvira kare muna 1918 kukoka vanhu. Mugore iroro, hurukuro yavose yaiva nomusoro waiti “Mamiriyoni Ari Kurarama Iye Zvino Angasazombofa” yakapa vakawanda tariro yokuti vachawana upenyu muparadhiso pasi pano kana hondo yeAmagedhoni yapfuura. Imwe hurukuro yakapiwa pagungano reVadzidzi veBhaibheri paCedar Point, Ohio, U.S.A., muna 1922 yakakurudzira vakanga varipo ‘kuzivisa Mambo noUmambo hwake.’ Chikumbiro ichi chakabatsira veboka remwenga vachiri pasi pano kuti vakoke vanhu vakawanda. Muna 1929, Nharireyomurindi yeChirungu yaMarch 15 yaiva nenyaya yaiti, “Kukokwa Nenyasha,” yaitungamirirwa norugwaro rwaZvakazarurwa 22:17. Mamwe mashoko aiva munyaya yacho ndeokuti: “Vakazodzwa vachiri pasi pano vakatendeka vanofanira kubatana [neWokumusoro-soro] pakukoka vanhu nenyasha vachiti, ‘Uya.’ Mashoko aya anofanira kuziviswa vaya vanoda kururama nechokwadi. Anofanira kuziviswa iye zvino.” Nanhasi boka remwenga richiri kukoka vanhu.

“Munhu Wose Anonzwa Ngaati: ‘Uya!’”

9, 10. Vaya vari kuteerera kana vakokwa vari kudavirawo sei vachiti “Uya!”?

9 Ko vaya vanenge vakokwa vachinzi “uya”? Vanofanirawo kudavira vachiti “Uya.” Somuenzaniso Nharireyomurindi yeChirungu yaAugust 1, 1932 papeji 232 inoti: “Vakazodzwa ngavakurudzire vose vanokwanisa kuzivisa mashoko akanaka oumambo. Hazvirevi kuti vanofanira kutanga vazodzwa naShe kuti vazivise mashoko ake. Zvapupu zvaJehovha zvinonyaradzwa zvikuru nokuziva kuti vanobvumidzwa kutakura mvura youpenyu vachiendesa kuboka revanhu vanogona kuzopona paAmagedhoni vopiwa upenyu husingaperi.”

10 Ichitaura zvinofanira kuitwa nevaya vanenge vakokwa, zvokuti “Uya!” Nharireyomurindi yeChirungu yaAugust 15, 1934 papeji 249, yaiti: “Vaya veboka raJonadhabhi vanofanira kuenda pamwe chete nevaya veboka rinofananidzirwa naJehu, kureva vakazodzwa, kunozivisa shoko roumambo, kunyange zvazvo ivo vasiri zvapupu zvaJehovha zvakazodzwa.” Muna 1935, zvakajekeswa kuti “boka guru revanhu” rinotaurwa pana Zvakazarurwa 7:9-17 ndivanaani. Izvi zvakaita kuti basa rokuudza vanhu kuti Mwari ari kuvakoka rinyanye kuitwa. Kubvira ipapo vanhu vachiri kubvuma kuuya pavari kukokwa, uye vari kuramba vachiwedzera zvokuti pava neboka guru rava kupfuura mamiriyoni manomwe. Pavari kunzwa shoko racho nomwoyo wose, vari kuzvitsaurira kuna Mwari, vobhabhatidzwa, uye vari kubatana neboka remwenga pakukokawo vamwe kuti ‘vauye kuzonwa mvura youpenyu vasingatengi.’

“Mudzimu” Unoti, “Uya!”

11. Mudzimu mutsvene wakabatsira sei pabasa rokuparidzira muzana ramakore rokutanga C.E.?

11 Paaiparidza mune imwe sinagogi muNazareta, Jesu akazarura mupumburu womuprofita Isaya ndokuverenga kuti: “Mudzimu waJehovha uri pandiri, nokuti akandizodza kuti ndizivise mashoko akanaka kuvarombo, akandituma kuti ndiparidze kusunungurwa kunhapwa uye kuzoita kuti mapofu aone, kuzoita kuti vakadzvinyirirwa vaende vakasununguka, kuti ndiparidze gore rakakodzera raJehovha.” Jesu akazotaura kushanda kwaiita mashoko aya kwaari, achiti: “Nhasi rugwaro urwu rwamuchangobva kunzwa rwazadzika.” (Ruka 4:17-21) Jesu asati akwira kudenga akaudza vadzidzi vake kuti: “Muchagamuchira simba kana mudzimu mutsvene wasvika pamuri, uye muchava zvapupu zvangu . . . kusvikira kurutivi ruri kure kwazvo rwenyika.” (Mab. 1:8) Muzana ramakore rokutanga, mudzimu mutsvene wakabatsira chaizvo pabasa rokuparidzira.

12. Mudzimu mutsvene unoshanda sei pakukoka kwatinoita vanhu mazuva ano?

12 Mazuva ano mudzimu mutsvene waMwari uri kubatsira sei pakukoka vanhu? Jehovha ndiye anopa mudzimu mutsvene. Anoushandisa kuvhura mwoyo nepfungwa zveboka romwenga kuti rinzwisise Shoko rake, Bhaibheri. Mudzimu unovakurudzira kuti vakokewo vaya vane tariro yokuzorarama nokusingaperi muParadhiso pasi pano uye vavatsanangurire chokwadi cheMagwaro. Ko vaya vanobvuma kukokwa uku, vopedzisira vava vadzidzi vaJesu Kristu, vobva vazokokawo vamwe? Naivowo vanobatsirwa nomudzimu. Sezvo vakabhabhatidzwa ‘muzita romudzimu mutsvene,’ vanoshanda pamwe nawo uye vanovimba nawo kuti uvabatsire. (Mat. 28:19) Fungawo nezvemashoko anoparidzirwa nevakazodzwa uye veboka guru vari kuwedzera. Anobva muBhaibheri, bhuku rakanyorwa richiita zvokufuridzirwa nomudzimu waMwari. Saka mudzimu mutsvene ndiwo uri kubatsira pakukoka. Kutaura zvazviri, tiri kutungamirirwa nomudzimu iwoyo. Izvozvo zvinofanira kubva zvaita kuti tipedze nguva yakawanda sei tichikoka vamwe?

“Vanoramba Vachiti: ‘Uya!’”

13. Mashoko okuti “mudzimu nomwenga vanoramba vachiti: ‘Uya!’” anoratidzei?

13 “Mudzimu nomwenga” havangoti “Uya” vopedza nazvo. Mutauro wakatanga kushandiswa pano unoreva zvinhu zvinoramba zvichiitwa. Ndosaka Shanduro yeNyika Itsva ichipati: “Mudzimu nomwenga vanoramba vachiti: ‘Uya!’” Izvi zvinoratidza kuti kukoka kwacho kunogara kuchiitwa. Zvakadini nevaya vanonzwa vobvuma kukokwa kwacho? Naivowo vanoti, “Uya!” Boka guru revanamati vechokwadi rinonzi ‘rinoita basa dzvene masikati nousiku mutemberi yaJehovha.’ (Zvak. 7:9, 15) Sei tingati vari kuzviita masikati nousiku? (Verenga Ruka 2:36, 37; Mabasa 20:31; 2 VaTesaronika 3:8.) Zvakaitwa nomuprofitakadzi Ana nomuapostora Pauro zvinoratidza kuti mashoko okuti ‘usiku nemasikati’ anoreva kugara uchiita ushumiri nomwoyo wose.

14, 15. Muprofita Dhanieri akaratidza sei kuti zvinokosha kuti munhu ave nenguva yaakaronga kuti apote achiita zvokunamata?

14 Muprofita Dhanieri akaratidzawo kuti zvinokosha kuti munhu ave nenguva yaakaronga kuti apote achiita zvokunamata. (Verenga Dhanieri 6:4-10, 16.) Haana kusiya, kunyange kwemwedzi mumwe chete, tsika yake yokunyengetera kuna Mwari “katatu pazuva, . . . sezvaakanga agara achiita,” kunyange izvozvo zvaizoita kuti azokandwa mugomba reshumba. Izvozvo zvakabva zvanyatsoratidza pachena kune vaiona kuti hapana chinokosha kupfuura kunamata Jehovha.—Mat. 5:16.

15 Pashure pokunge Dhanieri arara usiku hwose mugomba reshumba, mambo akabva aenda kwaaiva ndokudanidzira achiti: “Haiwa Dhanieri, mushumiri waMwari mupenyu, Mwari wako waunoshumira nguva dzose akwanisa kukununura pashumba here?” Dhanieri akabva ataura namambo akati: “Haiwa imi mambo, raramai nokusingagumi. Mwari wangu atuma ngirozi yake, ikavhara miromo yeshumba, hadzina kundiparadza, nokuti ndawanikwa ndisina mhosva pamberi pake; uyewo handina kuita chinhu chinokuvadza pamberi penyu, haiwa imi mambo.” Jehovha akakomborera Dhanieri nokuti ‘aishumira nguva dzose.’—Dhan. 6:19-22.

16. Zvakaitwa naDhanieri zvinofanira kuita kuti tizvibvunze mibvunzo ipi panyaya yokuita ushumiri?

16 Dhanieri aisva afa zvake pane kuti achinje purogiramu yake yokunamata. Ko isuwo? Takazvipira kurasikirwa zvakadini kuti tirambe tichizivisa mashoko akanaka oUmambo hwaMwari nguva dzose? Mwedzi haufaniri kupera tisina kumbotaura nezvaJehovha kune vamwe. Nepose pazvinoita dai tikaedza kuita basa roushumiri vhiki imwe neimwe. Kunyange kana tisina utano hwakanaka tichingokwanisa kuparidzira kwemaminitsi 15 chete pamwedzi, tinofanira kushuma basa racho. Nemhaka yei? Nokuti pamwe chete nomudzimu nemwenga tinoda kuramba tichiti, “Uya!” Tinoda kuita zvose zvatinogona kuti tigare tiri vaparidzi voUmambo.

17. Mikana ipi yokuudza vanhu kuti vari kukokwa naJehovha yatisingafaniri kurega ichipfuura?

17 Tinofanira kuedza kuudza vanhu kuti vari kukokwa naJehovha pose panomuka mukana, kwete chete panguva iya yatinenge tichiita ushumiri. Iropafadzo yakakura kukoka vanhu vane nyota kuti ‘vauye kuzotora mvura youpenyu vasingatengi’ pane dzimwe nguva dzakadai sepatinenge tichitenga, patinenge tiri parwendo, pazororo, kubasa, kana kuti tichienda kuchikoro. Kunyange kana vakuru-vakuru vakarambidza basa rokuparidzira, tinongoramba tichiparidzira asi tichizviita nouchenjeri zvimwe nokungoparidzira dzimba shomanana tobva taenda kune imwe nzvimbo kana kuti nokuwedzera nguva yatinoita ushumiri husina kurongwa.

Ramba Uchiti, “Uya!”

18, 19. Unoratidza sei kuti unokoshesa ropafadzo yokuva mushandi pamwe naMwari?

18 Ava makore anopfuura makumi mapfumbamwe mudzimu nomwenga vachiti, “Uya!” kumunhu wose ane nyota yemvura youpenyu. Ko iwe wakanzwawo here kukoka kwavari kuita? Kana wakanzwa unofanirawo kukoka vamwe.

19 Hatizivi kuti Jehovha norudo acharamba achikoka vanhu kusvikira rini, asi patinotiwo “Uya!” tinobva tava vashandi pamwe chete naMwari. (1 VaK. 3:6, 9) Iyi iropafadzo yakazokura. Dai tikaratidza kuti tinoikoshesa ‘togara tichipa Mwari chibayiro chokurumbidza’ nokugara tichiparidzira. (VaH. 13:15) Pamwe chete neboka remwenga, isu vane tariro yepano pasi ngatirambei tichiti, “Uya!” Uye dai vamwe vakawanda ‘vakanwa mvura youpenyu vasingatengi.’

Wadzidzei?

• Ndivanaani vari kunzi “uya”?

• Nei zvinganzi Jehovha ndiye ari kukoka achiti “uya”?

• Mudzimu mutsvene unobatsira sei pakukoka vanhu kuti vauye?

• Nei tichifanira kuedza nepatinogona napo kugara tichiita ushumiri?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Chati/Mifananidzo iri papeji 16]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Ramba Uchiti, “Uya!”

1914

Vaparidzi 5 100

1918

Vakawanda vachawana upenyu muParadhiso pasi pano

1922

“Zivisai, zivisai, zivisai Mambo noUmambo hwake”

1929

Vakazodzwa vachiri pasi vanoti, “Uya!”

1932

Vamwewo vasiri vakazodzwa vanokoka vanhu vachiti “Uya!”

1934

Boka raJonadhabhi rinokokwa kuti riparidze

1935

“Boka guru” rinozivikanwa

2009

Vaparidzi 7 313 173