Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Shandisa “Bakatwa Romudzimu” Nounyanzvi

Shandisa “Bakatwa Romudzimu” Nounyanzvi

Shandisa “Bakatwa Romudzimu” Nounyanzvi

“Gamuchirai . . . bakatwa romudzimu, iro shoko raMwari.”—VAEF. 6:17.

1, 2. Tingaitei kuratidza kuti tinoda kuti pave nevamwe vazivisi voUmambo?

JESU achiona nzara yokuziva Mwari yaiva nemapoka evanhu, akabva audza vadzidzi vake kuti: “Kukohwa kukuru, asi vashandi vashoma. Naizvozvo, kumbirai Tenzi wokukohwa kuti atumire vashandi mukukohwa kwake.” Jesu haana kungogumira pakutaura izvi. Apedza kutaura mashoko iwayo “akashevedza vadzidzi vake vane gumi nevaviri” akavatuma kunoparidza, kana kuti ‘kunokohwa.’ (Mat. 9:35-38; 10:1, 5) Pave paya, Jesu ‘akasarudza vamwe makumi manomwe, akavatuma vari vaviri vaviri’ kuti vanoitawo basa iroro.—Ruka 10:1, 2.

2 Mazuva ano kuri kudiwawo vazivisi voUmambo vakawanda. Mugore rebasa ra2009 munyika yose vanhu 18 168 323 vakapinda Chirangaridzo. Nhamba iyi inopfuura nhamba yeZvapupu zvaJehovha nemamiriyoni gumi. Zvechokwadi minda yachenera kukohwa. (Joh. 4:34, 35) Naizvozvo, tinofanira kunyengeterera kuti tipiwe vamwe vashandi. Asi chii chatingaita chinoratidza kuti tiri kuda kuti pave nevamwe vashandi? Tinofanira kuva vashumiri vanoshingaira kuparidza Umambo uye kuita basa rokudzidzisa vanhu.—Mat. 28:19, 20; Mako 13:10.

3. Mudzimu waMwari unotibatsira sei kuva vashumiri vane unyanzvi?

3 Munyaya yakapfuura takakurukura kuti kutungamirirwa nomudzimu waMwari kunobatsira sei paku“taura shoko raMwari noushingi.” (Mab. 4:31) Mudzimu wacho unogonawo kutibatsira kuva vashumiri vane unyanzvi. Imwe nzira yatingavandudza nayo unyanzvi hwedu muushumiri ndeyokushandisa zvakanaka Shoko raMwari, Bhaibheri, mudziyo wakanakisisa watakapiwa naJehovha Mwari. Mudzimu mutsvene ndiwo wakaita kuti rinyorwe. (2 Tim. 3:16) Mashoko arimo akafuridzirwa naMwari. Saka, kunyatsotsanangura chokwadi chiri muMagwaro nounyanzvi patinenge tiri muushumiri kunoratidza kuti tiri kutungamirirwa nemudzimu mutsvene. Tisati takurukura kuti tingazviita sei, ngatimboongororai kuti Shoko iroro rine simba rakadini.

‘Shoko raMwari Rine Simba’

4. Mashoko aMwari ari muBhaibheri angachinja sei munhu?

4 Shoko raMwari zvechokwadi rine simba! (VaH. 4:12) Mashoko ari muBhaibheri akapinza kupfuura chero bakatwa ripi zvaro rakagadzirwa nevanhu, nokuti anoita seanobaya panoparadzana mapfupa nemwongo yawo. Chokwadi chiri muMagwaro chinosvika mukatikati momunhu uye chinopinda mupfungwa dzake, chichinyatsoratidza kuti mumwoyo make makaita sei. Simba rechokwadi ichocho rinogona kuita kuti munhu anyatsochinja. (Verenga VaKorose 3:10.) Zvechokwadi, Shoko raMwari rinogona kuchinja upenyu!

5. Bhaibheri ringatitungamirira munzira dzipi, zvichizoguma nei?

5 Uyezve, Bhaibheri ibhuku rine uchenjeri husingawaniki mune mamwe mabhuku. Rine mashoko anobatsira anogona kuratidza vanhu mararamiro avangaita munyika ino yakaoma. Shoko raMwari haringovhenekeri patinotsika chete asiwo kwatiri kuenda. (Pis. 119:105) Rinobatsira chaizvo pakukurira matambudziko kana kuti pakusarudza shamwari, zvinotivaraidza, mabasa, mapfekero nezvimwewo. (Pis. 37:25; Zvir. 13:20; Joh. 15:14; 1 Tim. 2:9) Kuita zvinotaurwa muShoko raMwari kunoita kuti tiwirirane nevamwe. (Mat. 7:12; VaF. 2:3, 4) Sezvo nzira yatiri kufamba nayo yakanyatsovhenekwa, tinokwanisa kuziva kuti zvisarudzo zvatinenge taita zvichazotisvitsa papi mune remangwana. (1 Tim. 6:9) Magwaro akagara atiudzawo chinangwa chaMwari cheramangwana, achitibatsira kurarama zvinoenderana nechinangwa ichocho. (Mat. 6:33; 1 Joh. 2:17, 18) Zvechokwadi kana munhu akabvuma kutungamirirwa nezvinotaurwa naMwari, achararama upenyu hunofadza.

6. Bhaibheri chombo chine simba rakadini muhondo yedu yezvokunamata?

6 Fungawo kuti Bhaibheri chombo chine simba rakadini muhondo yedu yezvokunamata. Pauro akati shoko raMwari i“bakatwa romudzimu.” (Verenga VaEfeso 6:12, 17.) Kana mashoko ari muBhaibheri akaudzwa vanhu zvakanaka, anogona kuvasunungura pakusungwa kwavakaitwa naSatani panyaya yokunamata. Ibakatwa riri kuponesa vanhu, kwete kuvaparadza. Saka tinofanira kuedza kurishandisa zvine unyanzvi, handizvo here?

Ribate Zvakarurama

7. Sei zvichikosha kudzidza kushandisa “bakatwa romudzimu” zvakanaka?

7 Kuti musoja agone kunyatsoshandisa zvombo zvake muhondo, anofanira kunge akamboratidzwa mashandiro azvo uye akazodzidzira kunyatsozvishandisa. Ndizvo zvatinofanirawo kuita “nebakatwa romudzimu” ratinoshandisa muhondo yedu yezvokunamata. “Ita zvose zvaunogona kuti uzvipe kuna Mwari uchitenderwa,” akanyora kudaro Pauro, “mushandi asina chokunyara nacho, anobata shoko rechokwadi zvakarurama.”—2 Tim. 2:15.

8, 9. Chii chichatibatsira kunyatsonzwisisa zvinotaurwa neBhaibheri? Taura muenzaniso.

8 Chii chichatibatsira ‘kubata shoko rechokwadi zvakarurama’ patinenge tiri muushimiri? Kuti tinyatsotsanangurira vamwe zviri kutaurwa neBhaibheri, isu vacho tinofanira kutanga tarinzwisisa. Izvi zvinoreva kuti tinofanira kunyatsonzwisisa kuri kubva nyaya yacho nekwairi kuenda kuti tijekerwe nezviri kutaurwa.

9 Kuti tinzwisise ndima iri muMagwaro zvakarurama, tinofanira kuongorora dzimwe ndima dziri pedyo nayo. Mashoko akanyorwa naPauro pana VaGaratiya 5:13 anoratidza kuti sei izvi zvichikosha. Akanyora kuti: “Chokwadi, hama, makadanirwa rusununguko; asi musashandisa rusununguko urwu sechinhu chokuzvipembedza nacho chenyama inotadza, asi shandiranai norudo.” Pano Pauro aireva kusununguka pachii? Aireva kusununguka pachivi norufu here, padzidziso dzenhema, kana kuti pane zvimwewo? Kuri kubva nenyaya yacho kunoratidza kuti Pauro aireva ‘kusunungurwa pakutuka kwoMutemo.’ (VaG. 3:13, 19-24; 4:1-5) Aireva rusununguko rwavakawana pavakava vaKristu. Vaya vaikoshesa rusununguko irworwo vaishandirana norudo. Vaya vakanga vasina rudo vainyeyana nokungopopotedzana.—VaG. 5:15.

10. Kuti tinzwisise magwaro zvakarurama, mashoko api atinofanira kuziva, uye tingaawana sei?

10 Kana tichiti kuri kubva nenyaya tinenge tichireva zvaiitika kana kuti mamiriro akanga akaita zvinhu pakanyorwa mashoko acho. Kuti tinzwisise rugwaro zvakarurama, tinofanira kufunga mamiriro akanga akaita zvinhu akadai sokuti ndiani akanyora bhuku racho reBhaibheri, akarinyora riini, uye zvinhu zvakanga zvakamira sei. Zvinobatsirawo kuziva chinangwa chainyorerwa bhuku racho, uye kana zvichiita, magariro aiita vanhu, tsika dzavo, uye manamatiro avaiita panguva iyoyo. *

11. Patinenge tichitsanangura magwaro tinofanira kungwarirei?

11 Ku“bata shoko rechokwadi zvakarurama” hakungorevi kugona kutsanangura chokwadi chiri muMagwaro. Tinofanira kungwarira kuti tisashandisa Bhaibheri kutyisidzira vanhu. Kunyange zvazvo tichigona kushandisa Magwaro kutsigira chokwadi, sezvakaita Jesu paakaedzwa naDhiyabhorosi, hatishandisi Bhaibheri setsvimbo yokurovesa vateereri vedu. (Dheut. 6:16; 8:3; 10:20; Mat. 4:4, 7, 10) Tinofanira kuteerera zano romuapostora Petro rokuti: “Tsvenesai Kristu saShe mumwoyo menyu, muchigara makagadzirira kuzvidzivirira kune munhu wose anokubvunzai chikonzero chetariro iri mamuri, asi muchiita izvozvo nounyoro noruremekedzo rukuru.”—1 Pet. 3:15.

12, 13. Ndezvipi “zvinhu zvakadzika midzi” zvingaputswa nechokwadi cheShoko raMwari? Taura muenzaniso.

12 Kana chokwadi cheShoko raMwari chikabatwa zvakarurama, chinogona kuitei? (Verenga 2 VaKorinde 10:4, 5.) Chokwadi chiri muMagwaro chinogona kuputsa “zvinhu zvakadzika midzi,” kureva kuti chinogona kufumura dzidziso dzenhema, maitiro akaipa, uye uzivi hunoratidza uchenjeri hwevanhu husina kukwana. Tinogona kushandisa Bhaibheri kubvisa chero pfungwa dzipi zvadzo dzi“nomutsirwa kupesana nokuziva Mwari.” Zvinodzidziswa neBhaibheri zvinogona kushandiswa kubatsira vamwe kuti mafungiro avo aenderane nechokwadi.

13 Somuenzaniso, pane mumwe mukadzi ane makore 93 anogara kuIndia. Kubvira paucheche aingodzidziswa kuti mweya unotama-tama. Paakatanga kudzidza Bhaibheri achiita zvokunyorerana tsamba nomwanakomana wake aigara kune imwe nyika, hazvina kumunetsa kubvuma zvaakanga ari kudzidza nezvaJehovha nezvipikirwa zvake. Zvisinei, dzidziso yokutama-tama kwomweya yakanga yakanyatsodzika midzi mupfungwa dzake zvokuti mwanakomana wake paakamunyorera nezvemamiriro ezvinhu evakafa, akaramba. Akati: “Magwaro ako aya haasi kutombotaura chokwadi chinganzwisisika. Zvitendero zvose zvinodzidzisa kuti pane chimwe chinhu chiri matiri chisingafi. Ndakakura ndichingoziva kuti muviri ndiwo unofa, uye kuti mweya watisingaoni unongoramba uchitama-tama uchiberekwa wava chimwe chinhu kanoda kusvika ka8 400 000. Saka uri kuti inhema here idzodzo? Uri kureva kuti zvimwe zvitendero zvose zvinonyepa here?” “Bakatwa romudzimu” ringaputsa dzidziso yakadzika midzi zvakadaro here? Vambokurukura zvimwe zviri muMagwaro nezvenyaya yacho, vakazomunyorera kwapera mavhiki anoverengeka vachiti: “Ndava kunyatsonzwisisa chokwadi nezvorufu. Zvinondifadza chaizvo kuti vanhu pavachamutswa, tichakwanisa kuonana nehama dzedu dzakafa. Ndinovimba kuti Umambo hwaMwari hwava pedyo.”

Rishandise Uchiita Zvokunyengetedza

14. Kunyengetedza vateereri vedu zvinorevei?

14 Kushandisa Bhaibheri nounyanzvi muushumiri haisi nyaya yokungoti rugwaro rwakati runoti chakati. Pauro akataura “achivanyengetedza,” uye ndizvo zvatinofanira kuitawo. (Verenga Mabasa 19:8, 9; 28:23.) ‘Kunyengetedza’ kunoreva ‘kutaura zvinoita kuti munhu abvume zvauri kuda iwe.’ Munhu anenge anyengetedzwa ‘anenge ava nechokwadi nezvaanenge audzwa zvokuti anovimba nazvo.’ Patinonyengetedza munhu kuti abvume zvinodzidziswa neBhaibheri, tinenge tichimubatsira kuvimba nedzidziso iyoyo. Kuti tibudirire kuita izvi, tinofanira kubatsira muteereri wedu kuti ave nechokwadi chezvatinenge tichitaura. Nzira dzinotevera dzinoratidza kuti tingazviita sei.

15. Ungasuma sei Bhaibheri nenzira ichaita kuti riremekedzwe?

15 Suma Shoko raMwari nenzira inoita kuti riremekedzwe. Paunosuma rugwaro, ita kuti munhu wauri kuda kuverengera azive kuti mafungiro aMwari panyaya yamuri kukurukura nezvayo ndiwo anokosha. Wabvunza mubvunzo uye kana saimba apindura, ungati, ‘Ngationei maonero anoita Mwari nyaya yacho.’ Kana kuti ungabvunza kuti, ‘Mwari anotii panyaya iyi?’ Kusuma rugwaro tichidai kunosimbisa kuti Bhaibheri rinobva kuna Mwari uye kunobatsira kuti muteereri wedu arikoshese. Izvi zvinonyanya kukosha patinenge tichiparidzira munhu anoziva kuti kuna Mwari asi asingazivi zvinodzidziswa neBhaibheri.—Pis. 19:7-10.

16. Chii chichakubatsira kutsanangura magwaro nomazvo?

16 Usangogumira pakuverenga magwaro; atsanangure. Pauro aiva netsika ‘yokutsanangura achiratidza nezvakanyorwa’ zvinhu zvaaidzidzisa. (Mab. 17:3) Kazhinji rugwaro runenge ruine pfungwa dzakawanda, uye ungafanira kusimbisa pfungwa dzinoshanda pane zvamunenge muchikurukura. Izvi ungazviita nokudzokorora mashoko anobudisa pfungwa yacho kana kuti kubvunza mibvunzo ichabatsira saimba kuti aaone. Zvadaro, atsanangure zvaanoreva. Wapedza, batsira muteereri wako kuti aone mashandiro anoita mashoko acho kwaari iye.

17. Ungabatsira sei munhu nenzira inogutsa kufungisisa zviri muMagwaro?

17 Mubatsire kufungisisa zviri muMagwaro nenzira ichamugutsa. Pauro ‘akakurukurirana nevamwe achishandisa Magwaro,’ uye akavateterera nomwoyo wose, zvikaita kuti vagutsikane. (Mab. 17:2, 4) Edzawo kubaya mwoyo womuteereri wako sezvaakaita. ‘Budisa’ zviri mumwoyo make nokushandisa mibvunzo inoratidza kuti unofarira munhu wacho. (Zvir. 20:5) Usaita mashoko okungopotsera. Taura zvakajeka uye mashoko ako ngaatevedzane zvinonzwisisika. Anofanira kutsigirwa nouchapupu hunogutsa. Zvaunotaura zvinofanira kubva muShoko raMwari. Zviri nani kuverenga zvakanaka rugwaro rumwe worutsanangura uye wopa muenzaniso unoratidza pfungwa yacho pane kuverenga magwaro maviri kana matatu akatevedzana. Kushandisa uchapupu hwakasimba kunogonawo ‘kuwedzera kunyengetedza pamiromo yako.’ (Zvir. 16:23) Dzimwe nguva, zvingava zvakakodzera kuti utsvakurudze uye umuudze mamwe mashoko. Mukadzi uya ane makore 93 watambotaura nezvake aida kuziva kuti sei dzidziso yokuti mweya (kana kuti mudzimu) haufi iri kwose kwose. Kunzwisisa pakatangira dzidziso iyoyo uye kuti yakapinda sei muzvitendero zvakawanda zvenyika kwakabatsira kumunyengetedza kubvuma zvinodzidziswa neBhaibheri nezvenyaya yacho. *

Ramba Uchirishandisa Nounyanzvi

18, 19. Sei tichifanira kuramba tichishandisa “bakatwa romudzimu” nounyanzvi?

18 Bhaibheri rinoti, “Mamiriro ezvinhu enyika ino ari kuchinja.” Vanhu vakaipa vari kubva pakuipa vachienda pakuipisisa. (1 VaK. 7:31; 2 Tim. 3:13) Saka zvinokosha kuti tirambe tichiputsa “zvinhu zvakadzika midzi,” nokushandisa “bakatwa romudzimu, iro shoko raMwari.”

19 Tinofara chaizvo kuti tine Shoko raMwari, Bhaibheri, uye tinoshandisa mashoko ane simba ari mariri kuti tidzure dzidziso dzenhema uye tibaye mwoyo yevakatendeka. Hapana chinhu chingadzika midzi zvokutadza kudzurwa neshoko iroro. Naizvozvo ngatiedzei nepatinogona napo kushandisa “bakatwa romudzimu” nounyanzvi mubasa redu ratakapiwa naMwari rokuzivisa Umambo.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 10 Mabhuku anoti “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera,” Insight on the Scriptures, uye nyaya dzinoti “Shoko raJehovha Ibenyu,” dziri muNharireyomurindi dzinobatsira chaizvo kuwana mashoko ezvaiitika pakanyorwa mabhuku eBhaibheri.

^ ndima 17 Ona bhurocha rinoti Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa? mapeji 5-16.

Wadzidzei?

• Shoko raMwari rine simba rakadini?

• Tingabata sei ‘shoko rechokwadi zvakarurama’?

• Mashoko ari muBhaibheri angaputsa sei “zvinhu zvakadzika midzi”?

• Ungavandudza sei kunyengetedza kwaunoita muushumiri?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 12]

Zvatingaita Kuti Tishandise Shoko raMwari Tichinyengetedza

▪ Ita kuti munhu aremekedze Bhaibheri

▪ Tsanangura Magwaro

▪ Mubatsire kufungisisa kuti umubaye mwoyo

[Mufananidzo uri papeji 11]

Unofanira kudzidza kushandisa “bakatwa romudzimu” nounyanzvi