Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Taura Shoko raMwari Noushingi’

‘Taura Shoko raMwari Noushingi’

‘Taura Shoko raMwari Noushingi’

“Vakazadzwa nomudzimu mutsvene uye vakanga vachitaura shoko raMwari noushingi.”—MAB. 4:31.

1, 2. Sei tichifanira kuedza kuva nounyanzvi muushumiri?

KWASARA mazuva matatu kuti afe, Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa munyika yose inogarwa kuti ave uchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro kuguma kuchasvika.” Asati akwira kudenga paakanga amutswa, Jesu akapa vadzidzi vake basa ‘rokunoita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi, vachivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvaakavarayira.’ Akavavimbisa kuti aizova navo “mazuva ose kusvikira pakuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva” ino.—Mat. 24:14; 26:1, 2; 28:19, 20.

2 Sezvo tiri Zvapupu zvaJehovha, tiri kushingaira mubasa iri rakatangwa muzana remakore rokutanga. Hapana rimwe basa rinokosha kupfuura basa rinoponesa rokuparidza Umambo uye kudzidzisa vanhu. Saka zvinokosha kuti tiite ushumiri hwedu nounyanzvi. Munyaya ino tichaona kuti kutungamirirwa nomudzimu mutsvene kunotibatsira sei kutaura noushingi kana tiri muushumiri. Nyaya mbiri dzinotevera dzicharatidza kuti mudzimu waJehovha unogona sei kutitungamirira kuti tidzidzise nounyanzvi uye kuti tirambe tichiparidza.

Tinofanira Kuva Noushingi

3. Sei basa rokuparidza Umambo richida kuti munhu ashinge?

3 Basa ratakapiwa naMwari rokuzivisa Umambo iropafadzo isingaenzaniswi. Asi hazvirevi kuti basa racho mutserendende. Kunyange zvazvo vamwe vanhu vasingatani kubvuma mashoko akanaka oUmambo hwaMwari, vakawanda vakafanana nevaya vakararama mazuva aNoa. Jesu akati, “havana kucherechedza kusvikira mafashamo auya akavakukura vose.” (Mat. 24:38, 39) Kwoitawo vaya vanotituka kana kuti vanopikisana nesu. (2 Pet. 3:3) Vamwe vacho vanotipikisa vanhu vane zvinzvimbo, vatinodzidza navo, kana kuti vatinoshanda navo, kunyange vomumba medu. Isuwo tingadaro tiine zvinotinetsa zvakadai sokunyara kana kuti kutya kuti vanhu vangazoramba kufambidzana nesu. Pane zvakawanda zvinogona kutitadzisa kuva “norusununguko rwokutaura” uye kutaura shoko raMwari “noushingi.” (VaEf. 6:19, 20) Zvinotoda ushingi kuti titsungirire kuramba tichitaura shoko raMwari. Chii chingatibatsira kuva noushingi?

4. (a) Chii chinonzi ushingi? (b) Chii chakaita kuti muapostora Pauro ave noushingi hwokutaura nevaTesaronika?

4 Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “ushingi” rinoreva kuti “kusanyara kutaura, kubuda pachena, kutaura zvinhu sezvazviri.” Shoko racho rinobudisa pfungwa yokuva “noushingi, chivimbo, . . . kusatya.” Ushingi hahurevi kungoita mashoko okupotsera kana kuti kutaura usina kufunga. (VaK. 4:6) Kunyange hazvo tichifanira kuva noushingi, tinofanirawo kuva norugare nevanhu vose. (VaR. 12:18) Uyezve patinoparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari, tinofanira kutaura noushingi asi tichingwarira kuitira kuti tisagumbura vamwe tisingazivi. Zvechokwadi, kuti tive noushingi pane humwe unhu hwatinofanira kuva nahwo. Ushingi hwakadaro hahusi unhu hwatinoberekwa tiinahwo uye hatihuwani nesimba redu. Chii chakaita kuti Pauro neshamwari dzake ‘vave noushingi’ hwokutaura nevanhu vokuTesaronika ivo vakanga ‘vaitirwa zvakaipa muFiripi’? Pauro akanyora kuti, ‘takabatsirwa naMwari wedu.’ (Verenga 1 VaTesaronika 2:2.) Jehovha Mwari anogona kuita kuti tisatya otipawo ushingi.

5. Jehovha akaita sei kuti Petro, Johani nevamwe vadzidzi vave noushingi?

5 Muapostora Petro naJohani pavakarambidzwa kuita basa ravo ne“vatongi [vevanhu] nevarume vakuru nevanyori,” vakavapindura kuti: “Kana zvakarurama pamberi paMwari kuti titeerere imi panzvimbo paMwari, tongai henyu. Asi kana tiri isu, hatingaregi kutaura pamusoro pezvinhu zvatakaona nezvatakanzwa.” Pane kunyengeterera kuti dambudziko ripere, ivo nevamwe vavainamata navo vakateterera, vachiti: “Jehovha, inzwai kutyisidzira kwavo, mubvumire varanda venyu kuti varambe vachitaura shoko renyu noushingi.” (Mab. 4:5, 19, 20, 29) Jehovha akavapindura sei? (Verenga Mabasa 4:31.) Akashandisa mudzimu wake kuti vave noushingi. Ndizvowo zvatinogona kuitirwa nomudzimu waMwari. Saka tingawana sei mudzimu waMwari uye tingaita sei kuti utitungamirire muushumiri hwedu?

Zvaungaita Kuti Uve Noushingi

6, 7. Ndeipi nzira iri nyore yokuti tiwane mudzimu mutsvene waMwari? Taura mienzaniso.

6 Nzira iri nyore yokuti tiwane mudzimu waMwari kuukumbira. Jesu akaudza vakanga vakamuteerera kuti: “Kana imi muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, kunyange zvazvo makaipa, Baba vari kudenga vachapa vaya vanovakumbira mudzimu mutsvene zvikuru sei!” (Ruka 11:13) Zvechokwadi tinofanira kugara tichinyengeterera mudzimu mutsvene. Kana tichizeza kuparidza mumigwagwa, zvisina kurongwa kana kuti munzvimbo yemabhizimisi, tinogona kunyengeterera mudzimu waJehovha uye kumukumbira kuti atibatsire kuva noushingi.—1 VaT. 5:17.

7 Ndizvo zvakaitwa nemumwe mukadzi wechiKristu anonzi Rosa. * Rimwe zuva mumwe mudzidzisi waanoshanda naye aiverenga nyaya yakaitika kune chimwe chikoro yokubatwa zvisina kunaka kwaiitwa vana. Mudzidzisi wacho akarwadziwa nezvaaiverenga zvokusvika pakuti, “Asi nyika yapindwa nei nhai?” Rosa haana kurega mukana wokuti aparidzire uchipfuura. Akaitei kuti awane ushingi hwokuti atange kuparidza? Rosa anoti, “Ndakanyengetera kuti Jehovha andibatsire nomudzimu wake.” Akakwanisa kumuparidzira ndokubva aronga kuti achitanga kudzidza naye. Fungawo zvakaitika kune musikana anonzi Milane ane makore mashanu, anogara kuNew York City. Akati: “Ndisati ndaenda kuchikoro amai vanogara vachindinyengeterera kuna Jehovha.” Vanonyengeterera chii? Kuti Milane ave noushingi uye asimudze musoro pakutaura nezvaMwari wake. Amai vake vanoti: “Izvi zvinobatsira Milane kuti atsanangure kuti haapembereri mazuva okuberekwa nemamwe mazororo uye kuti arege kuvapo paanenge achipembererwa.” Izvi hazviratidzi here kuti munyengetero unokosha chaizvo kana tichida kuva noushingi?

8. Chii chatingadzidza kubva kumuprofita Jeremiya panyaya yokuva noushingi?

8 Fungawo zvakabatsira muprofita Jeremiya kuti ave noushingi. Paakasarudzwa naJehovha kuti ave muprofita kumarudzi, Jeremiya akapindura kuti: “Tarirai handigoni kutaura, nokuti ndinongovawo hangu mukomana.” (Jer. 1:4-6) Asi nokufamba kwenguva akanga ava kuparidza noushingi asingadzokeri shure zvokuti vanhu vakawanda vakanga vava kumuona somunhu anongoparidza nezvekuparadzwa chete. (Jer. 38:4) Asingatyi, akazivisa vanhu kwemakore anopfuura 65 kuti Jehovha aizovatonga. Akanga ava kuzivikanwa muIsraeri yose nezvokuparidza noushingi zvokuti kwapera makore 600, Jesu paakataura asingatyi, vamwe vanhu vakafunga kuti ndiJeremiya akanga amutswa. (Mat. 16:13, 14) Chii chakaita kuti muprofita uyu akambotanga achizeza apedzisire asingachanyari? Anoti: ‘Mumwoyo mangu [shoko raMwari] rakava somoto unobvira wakavharirwa mumapfupa angu; ndakaneta nokuramba ndakanyarara.’ (Jer. 20:9) Zvechokwadi shoko raJehovha rakasimbisa Jeremiya uye rakaita kuti ataure.

9. Nei shoko raMwari richitibatsira sezvarakangoita Jeremiya?

9 Muapostora Pauro mutsamba yaakanyorera vaHebheru akati: “Shoko raMwari ibenyu uye rine simba, rakapinza kupfuura bakatwa chero ripi zvaro rinocheka nekwose uye rinobaya kusvikira panoparadzana mweya nomudzimu, uye mapfundo nemwongo yawo, uye rinokwanisa kunzwisisa kufunga nevavariro zvomwoyo.” (VaH. 4:12) Shoko raMwari rinogona kutibatsirawo sezvarakangoita Jeremiya. Yeuka kuti kunyange hazvo vanhu vakashandiswa kunyora Bhaibheri, harisi uchenjeri hwevanhu, nokuti rakafuridzirwa naMwari. Pana 2 Petro 1:21 panoti: “Uprofita hahuna kumbounzwa chero panguva ipi zvayo nevanhu, asi vanhu vakataura zvichibva kuna Mwari sezvavaitungamirirwa nomudzimu mutsvene.” Patinova nenguva yokudzidza Bhaibheri tiri toga tichinyatsodzamisa pfungwa, tinobva tazadzwa nemashoko akafuridzirwa nomudzimu mutsvene. (Verenga 1 VaKorinde 2:10.) Mashoko iwayo anogona kuita “somoto unobvira” unenge uri matiri zvokuti zvinenge zvaoma kuti tirambe takanyarara.

10, 11. (a) Kuti tive noushingi pakutaura chii chatinofanira kuita panyaya yemadzidziro atinoita? (b) Taura danho kana rimwe zvaro raunoronga kuzotora kuitira kuti unatsiridze madzidziro ako.

10 Kuti Bhaibheri rinyatsotibatsira patinoridzidza tiri toga, tinofanira kuridzidza nenzira yokuti mashoko ari mariri anyatsoti dyoo mumwoyo medu. Somuenzaniso, muprofita Ezekieri akaona chiratidzo achiita seari kurota paakaudzwa kuti adye bhuku rakaitwa mupumburu raiva nemashoko akasimba aifanira kuudzwa vanhu vakanga vasingadi kuteerera. Ezekieri aifanira kunyatsopinza mashoko acho mupfungwa dzake oita kuti ave mukati make. Kuita izvozvo kwaizoita kuti basa rake rokuparidza mashoko acho rinakidze kwoita sokunge kudya uchi.—Verenga Ezekieri 2:8–3:4, 7-9.

11 Isuwo basa ratiri kuita rakangofanana neraEzekieri. Mazuva ano vanhu vanoisa zvimiti munzeve panotaurwa nezveBhaibheri. Kuti titsungirire pakutaura shoko raMwari, zvinokosha kuti tidzidze Magwaro zvinoita kuti mashoko acho anyatsopinda mumwoyo medu. Madzidziro edu haafaniri kuita zvetsuro yamukira mumakumbo asi kuti tinofanira kuva nenguva yatinoziva kuti ndiyo yokudzidza. Chido chedu chinofanira kuva sechaiva nomunyori wepisarema akaimba kuti: “Mashoko omuromo wangu nokufungisisa kwomwoyo wangu ngazvive zvinofadza pamberi penyu, haiwa Jehovha, Dombo rangu noMudzikinuri wangu.” (Ps. 19:14) Saka zvinokosha chaizvo kuti tiwane nguva yokuti tinyatsofungisisa zvatinoverenga, kuitira kuti chokwadi cheBhaibheri chinyatsodzika mumwoyo yedu. Zvechokwadi tinofanira kuedza kunatsiridza madzidziro atinoita tiri toga. *

12. Nei misangano yechiKristu ichitibatsira kutungamirirwa nomudzimu mutsvene?

12 Imwe nzira yatingabatsirwa nayo nomudzimu mutsvene waJehovha ‘kurangarirana kuti tikurudzirane kuva norudo nemabasa akanaka kwazvo, tisingaregi kuungana kwedu.’ (VaH. 10:24, 25) Kushanda nesimba kwatinoita kuti tigare tichipinda misangano yechiKristu, kunyatsoteerera, uye kuita zvatinodzidza inzira dzakanaka chaizvo dzingatibatsira kuti titungamirirwe nemudzimu. Pakuti Jehovha anoita kuti mudzimu wake utungamirire achishandisa ungano, handizvo here?—Verenga Zvakazarurwa 3:6.

Kubatsirwa Kwatinoitwa Nokuva Noushingi

13. Chii chatingadzidza pane zvakaitwa pabasa rokuparidza nevaKristu vomuzana remakore rokutanga?

13 Mudzimu mutsvene waJehovha ndiro simba rinopfuura rezvimwe zvose zvaakasika, uye unogona kusimbisa vanhu kuti vaite kuda kwake. VaKristu vomuzana remakore rokutanga vakabatsirwa nawo zvokuti vakaita basa rakakura pakuparidza. Vakaparidza mashoko akanaka “zvisikwa zvose zviri pasi pedenga.” (VaK. 1:23) Patinoona kuti vakawanda vavo vakanga “vari vanhuwo zvavo, vasina kudzidza,” zvinobva zvava pachena kuti hapana chimwe chaiita kuti vadaro kunze kwomudzimu mutsvene.—Mab. 4:13.

14. Chii chingatibatsira ‘kupisa nomudzimu’?

14 Kurarama upenyu hunoita kuti mudzimu mutsvene utitungamirire kunogona kutikurudzira kuti tishingairire kuita ushumiri hwedu. Tinobatsirwa ‘kupisa nomudzimu’ kana tichigara tichinyengeterera mudzimu mutsvene, tichishingairira kudzidza tiri toga, tichifungisisa zvatinenge taverenga tichiita zvokunyengetera, uye tichigara tichipinda misangano yechiKristu. (VaR. 12:11) Bhaibheri rinoti “mumwe muJudha ainzi Aporo, wokuArekizandriya, aiva nyanzvi pakutaura, akasvika muEfeso . . . zvaakanga achipisa nomudzimu, akatanga kutaura nokudzidzisa nenzira yakarurama zvinhu zvine chokuita naJesu.” (Mab. 18:24, 25) ‘Kupisa nomudzimu’ kunowedzera ushingi hwedu patinoparidza paimba neimba uye patinopupurira zvisina kurongwa.—VaR. 12:11.

15. Kuwedzera ushingi pakutaura kunotibatsira sei?

15 Kuwedzera ushingi patinenge tichiparidza kunobatsirawo isu vacho. Maonero edu anochinja nokuti tinonyatsokoshesa kunaka kwakaita basa redu uye kubatsira kwarinoita. Kana tichibudirira muushumiri tinobva tava nemanyukunyuku zvoita kuti tinyanye kuda kuita basa racho. Uye kushingaira kwedu kunobva kwasimbiswa nokuti tinonyatsonzwisisa kukosha kwebasa rokuparidza.

16. Tinofanira kuitei kana tisingachashingairi muushumiri sezvataiita?

16 Ko kana tisingachashingairi muushumiri sezvataiita? Zvinenge zvakanaka kuti tizviongorore tisingazvinyengeri. Pauro akanyora kuti: “Rambai muchizviedza kuti muone kana muri mukutenda, rambai muchizviedza kuti muone kuti makadini.” (2 VaK. 13:5) Zvibvunze kuti: ‘Ndichiri kupisa nomudzimu here? Ndinonyengetera kuna Jehovha kuti andipe mudzimu wake here? Minyengetero yangu inoratidza kuti ndinovimba naye kuti ndiite zvaanoda here? Inosanganisira mashoko anoratidza kutenda ushumiri hwatakapiwa here? Pandinodzidza ndiri ndoga ndinoita sei? Ndinopedza nguva yakawanda sei ndichifungisisa zvandinenge ndaverenga uye ndanzwa? Ndinotsigirawo zvinoitwa pamisangano yeungano here?’ Kufunga nezvemibvunzo yakadai kunogona kukubatsira kuti uone pausiri kuita zvakanaka wobva wagadzirisa.

Mudzimu waMwari Ngaukushingise

17, 18. (a) Basa rokuparidza mazuva ano riri kuitwa munyika dzakawanda sei? (b) Tingava sei ‘nerusununguko rukuru rwokutaura’ patinenge tichiparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari?

17 Jesu paakamutswa akaudza vadzidzi vake kuti: “Muchagamuchira simba kana mudzimu mutsvene wasvika pamuri, uye muchava zvapupu zvangu muJerusarema nomuJudhiya mose nomuSamariya uye kusvikira kurutivi ruri kure kwazvo rwenyika.” (Mab. 1:8) Basa rakatangwa ipapo rava kuitwa zvisina mukare akamboona. Zvapupu zvaJehovha zvinosvika mamiriyoni manomwe zviri kuzivisa mashoko oUmambo munyika dzinopfuura 230, zvichipedza maawa anosvika bhiriyoni nehafu pagore zviri muushumiri. Zvinofadza chaizvo kushingaira mubasa iri risingafi rakadzokororwa.

18 Mazuva ano basa rokuparidza rinotungamirirwa nomudzimu waMwari sezvaingoitikawo muzana remakore rokutanga. Kana tikateerera zvinotaurwa nomudzimu, tichakwanisa kuva ‘nerusununguko rukuru rwokutaura’ muushumiri hwedu. (Mab. 28:31) Saka ngatiedzei nepatinogona napo kutungamirirwa nomudzimu patinenge tichizivisa mashoko akanaka oUmambo hwaMwari.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 7 Mazita akachinjwa.

^ ndima 11 Kuti unyatsobatsirwa nokuverenga Bhaibheri uye kudzidza uri woga kwaunoita, ona bhuku raBatsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri, muzvitsauko zvinoti “Shingairira Kuverenga” uye “Kudzidza Kune Mubayiro,” pamapeji 21-32.

Wadzidzei?

• Patinenge tichitaura shoko raMwari nei tichifanira kuva neushingi?

• Chii chakabatsira vadzidzi vokutanga kutaura noushingi?

• Tingaita sei kuti tive noushingi?

• Kuva noushingi kunotibatsira sei?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 7]

Vabereki vangabatsira sei vana vavo kuti vave noushingi?

[Mifananidzo iri papeji 8]

Kumboita kamunyengetero kapfupi kunogona kukubatsira kuva noushingi muushumiri