Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tinokugamuchirai Kunzira Yakanakisisa Youpenyu!

Tinokugamuchirai Kunzira Yakanakisisa Youpenyu!

Tinokugamuchirai Kunzira Yakanakisisa Youpenyu!

“Kana tichirarama uye kana tichifa, tiri vaJehovha.”—VAR. 14:8.

1. Jesu akadzidzisei nezvenzira yakanakisisa youpenyu?

JEHOVHA anoda kuti tirarame nenzira yakanakisisa muupenyu. Vanhu vanogona kurarama zvakasiya-siyana, asi nzira yakanakisisa yokurarama imwe chete. Hapana chatingaita noupenyu hwedu chiri nani kupfuura kurarama zvinoenderana neShoko raMwari uye kutevedzera Mwanakomana wake, Jesu Kristu. Jesu akadzidzisa vateveri vake kunamata Mwari nomudzimu nechokwadi, uye akavatuma kunodzidzisa vanhu. (Mat. 28:19, 20; Joh. 4:24) Kurarama tichitevedzera zvatakarayirwa naJesu kunoita kuti tifadze Jehovha uye tikomborerwe.

2. Vakawanda vakaita sei pavakaparidzirwa shoko roUmambo muzana remakore rokutanga, uye kunzi ‘weNzira Iyi’ kwairevei?

2 Kana vaya vane “mafungiro akanaka okuti vave noupenyu husingaperi” vakava vatendi vobhabhatidzwa, hatingamboregi kuti kwavari, “Tinokugamuchirai kunzira yakanakisisa youpenyu!” (Mab. 13:48) Muzana remakore rokutanga C.E., zviuru zvevanhu vaibva kunyika dzakawanda vakagamuchira chokwadi vakabhabhatidzwa kuti varatidze vamwe kuti vakanga vazvipira kuna Mwari. (Mab. 2:41) Vadzidzi ivavo vokutanga vainzi “veNzira Iyi.” (Mab. 9:2; 19:23) Zita iroro rakanga rakakodzera nokuti kutenda muna Kristu uye kutevedzera muenzaniso wake ndiko kwaiumba mararamiro evateveri vake.—1 Pet. 2:21.

3. Vanhu vaJehovha vanobhabhatidzirwei, uye vangani vakabhabhatidzwa mumakore gumi apfuura?

3 Mumazuva ano okupedzisira basa rokudzidzisa vanhu rawedzera zvokuti rava kuitwa munyika dzinopfuura 230. Mumakore gumi apfuura, vanhu vanopfuura 2 700 000 vakaita chisarudzo chokushumira Jehovha vakabhabhatidzwa vachiratidza kuti vakazvitsaurira kwaari. Izvozvo zvinoreva kuti vanhu 5 000 vaibhabhatidzwa pavhiki roga roga! Chisarudzo chokubhabhatidzwa chinobva pakuda Mwari, kuziva Magwaro, uye kutenda zvaanodzidzisa. Kubhabhatidzwa idanho rinokosha muupenyu hwedu nokuti ndiko kutanga kwoukama hwepedyo naJehovha. Kunoratidzawo kuti tinovimba kuti achatitsigira kuti timunamate takatendeka, sekutsigira kwaakaita vashumiri vake vekare vaifamba munzira yake.—Isa. 30:21.

Sei Tichifanira Kubhabhatidzwa?

4, 5. Taura zvimwe zvakanakira kubhabhatidzwa.

4 Pamwe wakadzidza nezvaMwari, ukachinja mararamiro ako, uye iye zvino wava muparidzi asina kubhabhatidzwa. Wakaita zvakanaka chaizvo. Asi wati wanyengetera kuna Mwari uchizvitsaurira here, zvokuti wava kutarisira kuzobhabhatidzwa? Kubva pakudzidza kwawakaita Bhaibheri, unofanira kunge wava kuziva kuti upenyu hwako hunofanira kuva hwokurumbidza Jehovha, kwete kungozvifadza kana kuti kuunganidza pfuma. (Verenga Pisarema 148:11-13; Ruka 12:15) Saka ndezvipi zvimwe zvakanakira kubhabhatidzwa?

5 Upenyu hwako huchava nechinangwa chikuru zvikuru sezvo uchange wava muKristu akazvitsaurira. Uchafara nokuti unenge wava kuita kuda kwaMwari. (VaR. 12:1, 2) Mudzimu mutsvene uchaita kuti uve norugare uye kutenda. (VaG. 5:22, 23) Mwari achapindura minyengetero yako uye achakomborera zvaunoedza kuita kuti upenyu hwako huenderane neShoko rake. Ushumiri hwako huchakufadza, uye kurarama nenzira inofadza Mwari kuchasimbisa tariro yako youpenyu husingaperi. Uyezve kuzvitsaurira nokubhabhatidzwa zvicharatidza kuti unoda zvechokwadi kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha.—Isa. 43:10-12.

6. Kubhabhatidzwa kwedu kunozivisa vanhu chii nezvedu?

6 Patinozvitsaurira kuna Mwari tobhabhatidzwa, tinenge tichiita kuti vanhu vazive kuti tava vanhu vaJehovha. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Chokwadi, hapana mumwe wedu, anozviraramira oga, uye hapana anozvifira oga; nokuti kana tichirarama, tinoraramira Jehovha, uye kana tichifa, tinofira Jehovha. Naizvozvo kana tichirarama uye kana tichifa, tiri vaJehovha.” (VaR. 14:7, 8) Mwari akatiremekedza nokutipa rusununguko rwokusarudza. Patinosarudza nemwoyo wose kurarama nenzira iyi nokuti tinoda Mwari, tinofadza mwoyo wake. (Zvir. 27:11) Kubhabhatidzwa kwedu chiratidzo chokuti takazvitsaurira kuna Mwari uye kunozivisa ruzhinji kuti Jehovha ndiye Mutongi wedu. Kunoratidza kuti tiri kumutsigira panyaya youchangamire hwake husina pahunosiya. (Mab. 5:29, 32) Jehovhawo anobva ava kurutivi rwedu. (Verenga Pisarema 118:6.) Kubhabhatidzwa kunotivhurira mikana yokuwana zvikomborero zvakawanda kubva kuna Mwari iye zvino uye mune remangwana.

Takakomborerwa Nokuva Nehama Dzakawanda Dzinotida

7-9. (a) Jesu akavimbisa chii kune vaya vakasiya zvinhu zvose ndokumutevera? (b) Zvakavimbiswa naJesu pana Mako 10:29, 30 zviri kuzadziswa sei?

7 Muapostora Petro akati kuna Jesu: “Tarirai! Isu takasiya zvinhu zvose tikakuteverai; chokwadi chii chatichawana?” (Mat. 19:27) Petro aida kuziva kuti iye nevamwe vadzidzi vaJesu vaizowanei mune remangwana. Pane zvakawanda zvavakanga vasiya shure kuti vazvipire zvakazara kuparidza Umambo. (Mat. 4:18-22) Jesu akavavimbisei?

8 Mako anoti Jesu akaudza vadzidzi vake kuti vaizova nehama dzakawanda. Akati: “Hapana munhu akasiya imba kana vanun’una kana hanzvadzi kana amai kana baba kana vana kana minda nokuda kwangu uye nokuda kwemashoko akanaka asingazowani zvine zana zvino munguva ino, dzimba nevanun’una nehanzvadzi navanaamai nevana neminda, nokutambudzwa, uye upenyu husingaperi mumamiriro ezvinhu epanguva inouya.” (Mako 10:29, 30) VaKristu vomuzana remakore rokutanga, vakadai saRidhiya, Akwira, Prisira, naGayo, ndevamwe vevaya vaipa vavainamata navo “dzimba” uye vakava “vanun’una nehanzvadzi” uye ‘vanaamai’ sezvakanga zvavimbiswa naJesu.—Mab. 16:14, 15; 18:2-4; 3 Joh. 1, 5-8.

9 Zvakataurwa naJesu zviri kuzadzika zvakakura nhasi. “Minda” inosiyiwa nevateveri vake inoreva zvokurarama nazvo zvakasiyiwa nevakawanda vanosanganisira mamishinari, nhengo dzemhuri yeBheteri, hama dzinoshumira kunze kwenyika, nevamwewo, vachienda kunotsigira basa roUmambo kunzvimbo dzakasiyana-siyana. Hama nehanzvadzi dzakawanda dzakasiya misha yadzo kuti dzirarame dzisina zvakawanda, uye tinofara patinonzwa zvavanosangana nazvo zvinoratidza kuti Jehovha ari kuvachengeta uye kuti vari kufadzwa nokumushumira. (Mab. 20:35) Uyezve vashumiri vose vaJehovha vakabhabhatidzwa vanogona kuwana zvikomborero zvinobva ‘mukutanga kutsvaka umambo nokururama kwaMwari’ vakabatana nehama dzechiKristu dziri munyika yose.—Mat. 6:33.

Kuchengetedzwa “Munzvimbo Yakavanda”

10, 11. “Nzvimbo yakavanda yoWokumusorosoro” chii, uye tingaita sei kuti tipinde mairi?

10 Kuzvitsaurira uye kubhabhatidzwa kunounza chimwe chikomborero chakakura chokugara “munzvimbo yakavanda yoWokumusorosoro.” (Verenga Pisarema 91:1.) Iyi inzvimbo yokufananidzira inoreva zvaunenge uri paunenge wakachengetedzwa pasina chinoparadza ukama hwako naMwari. ‘Inzvimbo yakavanda’ nokuti haizivikanwi nevanhu vasingazivi Mwari uye vasingavimbi naye. Kana tichirarama zvinoenderana nokuzvitsaurira kwedu uye tichiratidza chivimbo chizere muna Jehovha, tinoita setiri kuti kwaari: “Ndimi nzvimbo yangu yokupotera nenhare yangu, Mwari wangu, wandinovimba naye.” (Pis. 91:2) Jehovha Mwari anova nzvimbo yedu yokugara isina chokutya. (Pis. 91:9) Pakadai ungazodeizve?

11 Kukwanisa kupinda “munzvimbo yakavanda” yaJehovha kunorevawo kuti takakomborerwa nokuva noukama naye. Ukama ihwohwo hunotanga patinozvitsaurira nokubhabhatidzwa. Kubva ipapo zvichienda mberi ukama hwedu naMwari hunowedzera sezvatinoswedera pedyo naye nokudzidza Bhaibheri, kunyengetera nomwoyo wose, uye kumuteerera. (Jak. 4:8) Hapana munhu ati ambova pedyo naJehovha sezvakaita Jesu. Kuvimba kwaanoita noMusiki wake hakusati kwambochinja. (Joh. 8:29) Saka ngatiregei kumbofunga kuti pamwe Jehovha haadi kana kuti angangotadza kutitsigira kuzadzisa mhiko yedu yokuzvitsaurira. (Mup. 5:4) Zvatiri kuitirwa naMwari sevanhu vake zvinopa uchapupu huri pachena hwokuti anotida zvechokwadi uye anoda kuti tibudirire pakumushumira.

Koshesa Paradhiso Yedu Yokufananidzira

12, 13. (a) Paradhiso yokufananidzira chii? (b) Tingabatsira sei vatsva?

12 Kuzvitsaurira nokubhabhatidzwa kunotipawo mukana wokuti tigare muparadhiso yokufananidzira. Paradhiso iyi inoreva kugarisana kunoita vatendi vaine rugare naJehovha uye pakati pavo, izvo zvisingaitwi nevamwe vanhu. (Pis. 29:11; Isa. 54:13) Nyika haina chiri mairi chingaenzaniswa neparadhiso yedu yokufananidzira. Izvozvo zvinonyanya kuoneka panoitwa magungano emarudzi akawanda, apo hama dzedu nehanzvadzi dzinobva kunyika dzakawanda, dzinotaura mitauro yakasiyana-siyana, uye dzine marudzi akasiyana-siyana, dzinoungana pamwe chete murugare, dzakabatana, uye dzichidanana.

13 Paradhiso yokufananidzira yatiri mairi yakasiyana nokure nemamiriro ezvinhu akashata ari munyika nhasi. (Verenga Isaya 65:13, 14.) Patinenge tichizivisa shoko roUmambo, tine ropafadzo yokukokawo vamwe kuti vapinde muparadhiso yedu yokufananidzira. Kubatsira vaya vachangotanga kupinda misangano yeungano kuti vadzidze ushumiri ndechimwezve chikomborero. Tinogona kukumbirwa nevakuru kuti tibatsire vatsva, sezvakangoitawo Akwira naPrisira ‘vakatsanangurira [Aporo] nzira yaMwari zvakanyatsorurama.’—Mab. 18:24-26.

Ramba Uchitevedzera Jesu

14, 15. Sei tichifanira kuramba tichitevedzera Jesu?

14 Tinofanira kuramba tichitevedzera Jesu. Asati auya pasi pano, Jesu akapedza zviuru nezviuru zvemakore achishanda naBaba vake. (Zvir. 8:22, 30) Aiziva kuti upenyu hwakanakisisa ndehwokushumira Mwari uye kupupurira chokwadi. (Joh. 18:37) Jesu ainyatsoziva kuti kurarama neimwe nzira yakasiyana naiyoyo kuzvikudza uye kusafunga. Aiziva kuti aizopinda mumiedzo yakakura ourayiwa. (Mat. 20:18, 19; VaH. 4:15) Sezvo ari Muenzaniso wedu, akatidzidzisa kuva vakaperera kuna Mwari.

15 Jesu achangobhabhatidzwa, Satani akamuedza kuti asiye nzira yakanakisisa youpenyu, asi zvakashaya basa. (Mat. 4:1-11) Izvi zvinotidzidzisa kuti pasinei nezvinoitwa naSatani, tinogona kuramba takaperera kuna Mwari. Anowanzoti name name nevaya vanenge vava kuda kubhabhatidzwa kana kuti vachangobhabhatidzwa. (1 Pet. 5:8) Anogona kushandisa vanhu vemumba medu vanenge vachifunga kuti vari kuita zvakanaka kana kuti vanenge vakaudzwa zvisizvo nezvedu kuti vatishore. Asi miedzo iyoyo inotipa mikana yokuratidza unhu hwechiKristu, hwakadai sokuremekedza nokungwarira patinopindura zvatinenge tabvunzwa uye patinoparidza. (1 Pet. 3:15) Izvozvo zvinogona kuzobatsira vaya vanotiteerera.—1 Tim. 4:16.

Ramba Uri Munzira Yakanakisisa Youpenyu!

16, 17. (a) Zvinhu zvipi zvitatu zvinofanira kuitwa kuti munhu awane upenyu zviri pana Dheuteronomio 30:19, 20? (b) Jesu, Johani, uye Pauro vakatsigira sei zvakanyorwa naMosesi?

16 Makore anoda kusvika 1 500 Jesu asati auya pasi pano, Mosesi akakurudzira vaIsraeri kusarudza nzira yakanakisisa youpenyu yaivapo panguva iyoyo. Akati: “Ndinoshevedza matenga nenyika kuti zvikupupurirei nhasi, kuti ndaisa upenyu norufu pamberi penyu, uye chikomborero nokutukwa; naizvozvo sarudzai upenyu kuti murambe muri vapenyu, imi nevana venyu, nokuda Jehovha Mwari wenyu, nokuteerera inzwi rake uye nokunamatira kwaari.” (Dheut. 30:19, 20) VaIsraeri havana kuramba vakatendeka kuna Mwari, asi zvinhu zvitatu zvakataurwa naMosesi kuti zvinofanira kuitwa kuti munhu awane upenyu hazvina kuchinja. Zvakadzokororwa naJesu nevamwewo.

17 Chokutanga, ‘ngatide Jehovha Mwari wedu.’ Tinoratidza kuti tinoda Mwari nokuita zvinhu zvaanoti zvakarurama. (Mat. 22:37) Chechipiri, ‘titeerere inzwi raJehovha’ nokudzidza Shoko raMwari uye kutevedzera mirayiro yake. (1 Joh. 5:3) Izvi zvinoreva kuti tinofanira kugara tichipinda misangano yechiKristu, uko kunenge kuchidzidzwa Bhaibheri. (VaH. 10:23-25) Chechitatu ‘tinamatire kuna Jehovha.’ Pasinei nezvatinosangana nazvo, ngatirambei tiine kutenda muna Mwari totevedzera Mwanakomana wake.—2 VaK. 4:16-18.

18. (a) The Watch Tower yakambotsanangura sei chokwadi muna 1914? (b) Tinofanira kunzwa sei nezvechiedza chechokwadi nhasi uno?

18 Kurarama uchitevedzera chokwadi chiri muBhaibheri chikomborero chaicho! Muna 1914, mashoko aya anokosha akabuda muThe Watch Tower: ‘Hatisi vanhu vakakomborerwa here? Ko Mwari wedu haana kutendeka here? Kana paine anoziva chimwe chinhu chiri nani pane zvatiri kuita, ngaaite zvake. Kana ani wenyu zvake akawana chinhu chinopfuura zvatiri kuita, tinovimba achatiudzawo nezvacho. Tinoziva kuti hapana kana chiri nani nepaduku zvapo kupfuura zvatakawana muShoko raMwari. . . . Hapana rurimi kana chinyoreso zvingakwanisa kutsanangura rugare, mufaro, uye makomborero zvatinowana nokuziva zvakajeka kwatakaita Mwari wechokwadi. Kuziva nezveUchenjeri, Ruramisiro, Simba, uye Rudo rwaMwari zvinopedza nzara yedu yose yemupfungwa nemwoyo. Hapana chimwe chatichatsvaka. Hapana chimwe chinodiwa nomunhu chinopfuura kunyatsonzwisisa zvinhu izvi mupfungwa dzedu.’ (The Watch Tower, December 15, 1914, mapeji 377-378) Kuonga kwedu chiedza chechokwadi hakusati kwachinja nanhasi. Iye zvino tatova nezvimwe zvikonzero zvakawanda zvokufara kuti tiri kufamba “muchiedza chaJehovha.”—Isa. 2:5; Pis. 43:3; Zvir. 4:18.

19. Sei vaya vava kukwanisa kubhabhatidzwa vasingafaniri kuverengera kutora danho iri?

19 Kana uchida kufamba “muchiedza chaJehovha” asi usati wava muKristu akazvitsaurira akabhabhatidzwa, ita zvokukurumidza. Ita zvose zvaunogona kuti uite zvinonzi neBhaibheri munhu anofanira kuita kuti azobhabhatidzwa, unyatsoratidza kuti unotenda zvatakaitirwa naMwari naKristu. Ipa Jehovha chinhu chauinacho chinokosha kupfuura zvose, ihwo upenyu hwako. Ratidza kuti unoda kuita kuda kwaMwari nokutevera Mwanakomana wake. (2 VaK. 5:14, 15) Zviri pachena kuti iyi ndiyo nzira youpenyu yakanakisisa kupfuura dzose!

Ungapindura Sei?

• Kubhabhatidzwa kwedu kunofananidzira chii?

• Kuzvitsaurira nokubhabhatidzwa kunounza zvikomborero zvipi?

• Sei zvichikosha kuti utevedzere Jesu?

• Chii chichatibatsira kuramba tiri munzira youpenyu yakanakisisa kupfuura dzose?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 25]

Kubhabhatidzwa kwako kunoratidza kuti wasarudza nzira youpenyu yakanakisisa kupfuura dzose

[Mufananidzo uri papeji 26]

Wakachengetedzwa here “munzvimbo yakavanda”?