Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoona Jehovha saBaba Vako Here?

Unoona Jehovha saBaba Vako Here?

Unoona Jehovha saBaba Vako Here?

“ISHE, tidzidzisei kunyengetera.” Mumwe wevadzidzi vaJesu paakamukumbira kudaro, Jesu akamupindura achiti: “Pose pamunonyengetera, itii, ‘Baba, zita renyu ngaritsveneswe.’” (Ruka 11:1, 2) Jesu angadai akataura nezvaJehovha achishandisa mazita okuremekedza anoshamisa akadai sokuti “Wemasimbaose,” ‘Murayiridzi Mukuru,’ “Musiki,” “Akakwegura Pamazuva,” uye “Mambo asingagumi.” (Gen. 49:25; Isa. 30:20; 40:28; Dhan. 7:9; 1 Tim. 1:17) Asi Jesu akasarudza shoko rokuti “Baba.” Sei akadaro? Pamwe akazviitira kuti patinenge tichitaura noMunhu uyu mukuru kupfuura vose tiite sezvinoita mwana anozvininipisa paanotaura nababa vake vane rudo.

Asi pane vamwe vanhu vanoona zvichivaomera kufunga nezvaMwari saBaba vavo. Mumwe muKristu anonzi Atsuko * anoti, “Ndabhabhatidzwa, zvakanditorera makore kuti ndive pedyo naJehovha uye ndizotanga kunyengetera kwaari ndichimuona saBaba.” Anotaura chaiita kuti zvimuomere achiti: “Handimboyeuki kana zuva rimwe chete zvaro randakaratidzwa nababa vangu vokundibereka kuti vanondida.”

Mazuva ano okupedzisira akaoma, vanababa vakawanda havasisina zvachose rudo ‘rwokuzvarwa narwo’ rwatinotarisira kuti vave narwo. (2 Tim. 3:1, 3) Saka hazvishamisi kuti vamwe vanhu vanonzwa semanzwiro aiita Atsuko. Zvisinei, chinokurudzira ndechokuti tine zvikonzero zvakasimba zvokuona Jehovha saBaba vedu vane rudo.

JehovhaMupi Ane Rudo

Kuti tione Jehovha saBaba vedu, tinofanira kunyatsomuziva. Jesu akati: “Hapana munhu anonyatsoziva Mwanakomana kunze kwaBaba, uyewo hapana munhu anonyatsoziva Baba kunze kwoMwanakomana uye munhu wose uyo Mwanakomana anoda kumuzivisa.” (Mat. 11:27) Nzira yakanakisisa yokuziva nayo kuti Jehovha ndiBaba vakaita sei ndeyokufungisisa nezvezvakaziviswa naJesu nezvaMwari wechokwadi. Saka Jesu akazivisei nezvaBaba vake?

Achiratidza kuti upenyu hwake hwaibva kuna Jehovha, Jesu akati: ‘Ndinorarama nokuda kwaBaba.’ (Joh. 6:57) Isuwo takapiwa upenyu naBaba. (Pis. 36:9; Mab. 17:28) Chii chakaita kuti Jehovha ape vamwe upenyu? Rudo, handizvo here? Zvechokwadi, chipo ichocho chinofanirawo kuita kuti tide Baba vedu vokudenga.

Kupa kwakaita Mwari rudzikinuro rwaJesu ndicho chinhu chikuru pane zvose zvaakaita kuratidza kuti anoda vanhu. Maratidziro akaita Jehovha rudo nenzira iyi akaita kuti vanhu vane zvivi vakwanise kuva noukama hwepedyo naye achishandisa Mwanakomana wake waanoda. (VaR. 5:12; 1 Joh. 4:9, 10) Uye Baba vedu vokudenga zvavari Muzadzisi wezvipikirwa zvavo, tine chokwadi chokuti vose vanomuda uye vanomuteerera vachapedzisira vawana “rusununguko runobwinya rwevana vaMwari.”—VaR. 8:21.

Baba vedu vokudenga ‘vanoitawo kuti zuva ravo ritibudire’ zuva nezuva. (Mat. 5:45) Zuva chinhu chatinoda kuti tirarame uye rinoita kuti tinakirwe noupenyu, kunyange zvazvo tingasambofunga kurinyengeterera kuti ribude. Uyezve, Baba vedu Mupi asingaenzaniswi, anoziva zvatinoda tisati tatombomukumbira. Saka tinofanira kuwana nguva yokucherechedza uye kufungisisa tichionga kutarisira kunoita Baba vedu vokudenga zvavakasika, handizvo here?—Mat. 6:8, 26.

Baba Vedu—‘Mudziviriri Ane Unyoro’

Uprofita hwaIsaya hwakavimbisa vanhu vaMwari vekare kuti: “Makomo achabviswa uye zvikomo chaizvo zvingazununguka, asi ushamwari hwangu hahuzobviswi kwauri, uyewo sungano yangu yorugare haizozununguki, anodaro Jehovha, mudziviriri wako ane unyoro.” (Isa. 54:10, The Bible in Living English) Munyengetero wakapiwa naJesu pausiku hwokupedzisira hwoupenyu hwake hwepasi pano wakasimbisa pfungwa iyi uchiratidza kuti zvechokwadi Jehovha ndiye ‘mudziviriri ane unyoro.’ Jesu akanyengetera nezvevadzidzi vake achiti: “Vari munyika uye ini ndiri kuuya kwamuri. Baba Vatsvene, vatarisirei nokuda kwezita renyu.” (Joh. 17:11, 14) Jehovha akadzivirira uye akatarisira vateveri vaJesu.

Imwe nzira yatinodzivirirwa nayo naMwari kumazano aSatani mazuva ano ndeyokutipa zvokudya achishandisa “muranda akatendeka, akangwara.” (Mat. 24:45) Kudya zvokudya izvozvo zvinosimbisa kunotibatsira ‘kushonga nhumbi dzose dzokuzvidzivirira nadzo dzinobva kuna Mwari.’ Somuenzaniso funga ‘nezvenhoo huru yokutenda,’ inoita kuti tikwanise ‘kudzima zvombo zvinopisa zvinoita zvokukandwa zveakaipa.’ (VaEf. 6:11, 16) Kutenda kwatinoita kunodzivirira ukama hwedu naMwari uye chiratidzo chokuti tinoziva kuti Baba vedu vane simba rokutidzivirira.

Tinogona kunzwisisa unyoro hwaBaba vedu vokudenga kana tikaongorora kuti Mwanakomana waMwari akazvibata sei paaiva pasi pano. Cherechedza zvakanyorwa pana Mako 10:13-16. Panotaura kuti Jesu akati kuvadzidzi vake: “Regai vana vaduku vauye kwandiri.” Vana ivavo pavakamuunganira, Jesu akavambundira zvinyoronyoro ndokuvakomborera. Vanofanira kunge vakafara zvokufara zviya! Sezvo Jesu akati: “Aona ini aonawo Baba,” tinobva taziva kuti Mwari wechokwadi anoda kuti tiuye kwaari.—Joh. 14:9.

Rudo rwaJehovha Mwari haruperi. Hapana anoenzana naye pakutipa zvatinoda uye pakutidzivirira, uye anoda kuti tiswedere kwaari. (Jak. 4:8) Saka hapana mubvunzo kuti Jehovha ndiye Baba vakanaka kupfuura vamwe vose vatingafungidzira.

Kubatsirwa Kwatinoita!

Kuvimba zvakazara naJehovha Baba vedu vokudenga vanyoro uye vane rudo kunotibatsira zvikuru. (Zvir. 3:5, 6) Jesu akabatsirwa nokuvimba naBaba vake zvizere. Akaudza vadzidzi vake kuti: “Handisi ndoga, asi Baba vakandituma vaneni.” (Joh. 8:16) Jesu aigara achiziva kuti Jehovha anaye. Somuenzaniso paakabhabhatidzwa akapiwa chivimbo naBaba vake pavakazivisa kuti: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, anodiwa, wandafarira.” (Mat. 3:15-17) Uye asara nenguva shomanana kuti afe, akati: “Baba, ndinoisa simba rangu roupenyu mumaoko enyu.” (Ruka 23:46) Chivimbo chaJesu muna Baba vake chakanga chisina kuchinja.

Nesuwo tinogona kuva nechivimbo chakadaro. Ko tingatyei hedu Jehovha ari parutivi pedu? (Pis. 118:6) Atsuko watambotaura nezvake akanga akajaira kuvimba nesimba rake pachake kana atarisana nematambudziko. Asi akazotanga kudzidza nezvoupenyu hwaJesu noushumiri, achinyanya kuongorora ukama hwaaiva nahwo naBaba vake vokudenga. Zvakamubatsira sei? Atsuko anoti: “Ndakadzidza kuti chii chinonzi kuva naBaba uye kuvimba navo.” Akawedzera kuti: “Ndakatanga kuva norugare uye mufaro. Zvechokwadi hapana kana chatinofanira kutya.”

Chii chimwe chinotibatsira patinoona Jehovha saBaba vedu? Vana vanowanzoda vabereki vavo uye vanoda kuvafadza. Rudo rwakaita kuti Mwanakomana waMwari ‘agare achiita zvinhu zvinomufadza.’ (Joh. 8:29) Isuwo kuda kwatinoita Baba vedu vokudenga kunogona kuita kuti tiite zvinhu zvakachenjera uye ‘timurumbidze pachena.’—Mat. 11:25; Joh. 5:19.

Baba Vedu ‘Vakabata Ruoko Rwedu Rworudyi’

Baba vedu vokudenga vakatipawo mubatsiri, iwo mudzimu wavo mutsvene. Jesu akati, ‘uchatitungamirira muchokwadi chose.’ (Joh. 14:15-17; 16:12, 13) Mudzimu mutsvene waMwari unogona kutibatsira kuti tinyatsonzwisisa Baba vedu. Unogonawo kutibatsira ‘kuputsa zvinhu zvakadzika midzi,’ kureva pfungwa dzisina kururama dzatinenge tagara tinadzo, kana kuti maonero asiri iwo, zvoita kuti ‘titape kufunga kwose kuti tikuite kuti kuteerere Kristu.’ (2 VaK. 10:4, 5) Saka ngatinyengeterei kuna Jehovha kuti atipe “mubatsiri” waakavimbisa, tiine chivimbo chokuti “Baba vari kudenga vachapa vaya vanovakumbira mudzimu mutsvene.” (Ruka 11:13) Zvakakodzerawo kuti tinyengeterere mudzimu mutsvene kuti utibatsire kuswedera pedyo naJehovha.

Mwana muduku paanenge achifamba akabatwa ruoko nababa vake anoziva kuti hapana chinomuwana uye hapana kana chokutya. Kana uchiona Jehovha saBaba vako zvechokwadi, unogona kunyaradzwa nemashoko okuti: “Ini, Jehovha Mwari wako, ndakabata ruoko rwako rworudyi, Ndini ndiri kuti kwauri, ‘Usatya. Ini ndichakubatsira.’” (Isa. 41:13) Unogona kuva neropafadzo yokufamba naMwari nokusingaperi. (Mika 6:8) Ramba uchiita kuda kwaMwari, uye uchawana rudo, mufaro uye hauna chauchazotya kana uchiona Jehovha saBaba vako.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Zita rakachinjwa.