Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Usateerere Mashoko aSatani Anotaurwa Nepasipo

Usateerere Mashoko aSatani Anotaurwa Nepasipo

Usateerere Mashoko aSatani Anotaurwa Nepasipo

‘MUSANYENGERWA. Mwari wenyu haasi kuzokubatsirai. Itobvumai zvatiri kuda nokuti mukasadaro, penyu papera!’ Izvi ndizvo zvairehwa nemashoko akasvitswa kuvagari veJerusarema naRabhisheki, mumiririri waMambo Saniheribhi weAsiriya. Mauto amambo wacho akanga apinda nechisimba munyika yeJudha. Chinangwa chomumiririri uyu chaiva chokuti apedze simba vanhu vomuJerusarema uye avatyisidzire kuti vakande mapfumo pasi.—2 Madz. 18:28-35.

VaAsiriya vaiva nembiri youtsinye. Vaityisidzira vavengi vavo nokunyatsovatsanangurira utsinye hwavaiitira nhapwa dzavo. Mumwe munyori wezvakaitika kare Philip Taylor anoti “vaiva netsika yokutyisidzira, uye kutaura zvinhu nepasipo vachishandisa mifananidzo yaityisa ichiratidza utsinye hwavaiitira vanhu vavainge vakunda, vachiitira kuti vasasimudza musoro uye kuti vamwe vavengi vavo vatye.” Kutaura mashoko nepasipo kunoshandiswa sechombo chine simba. Taylor anoti zvinoitirwa “kukanganisa mafungiro evanhu.”

VaKristu vechokwadi havarwi “neropa nenyama, asi . . . nemasimba emidzimu yakaipa,” kureva kuti vanorwa nezvisikwa zvomudzimu zvakapandukira Mwari. (VaEf. 6:12) Mukuru wezvisikwa izvozvo ndiSatani Dhiyabhorosi. Iyewo anoita zvokutyisidzira uye kutaura mashoko nepasipo.

Satani anozviti anokwanisa kuita kuti mumwe nomumwe wedu arege kuperera kuna Mwari. Mumazuva aJobho, akaudza Jehovha Mwari kuti: “Munhu achapa zvose zvaainazvo nokuda kwomweya wake.” Apa aireva kuti kana munhu akanyatsoomeserwa, anozongopedzisira arega kuperera kuna Mwari. (Job. 2:4) Zvinotaurwa naSatani ndizvo here? Tose tine patinogumira panyaya yokuperera here, zvokuti tinotozongoguma tarega kuita zvakanaka tichiitira kuti tirambe tiri vapenyu? Satani anoda kuti tifunge saizvozvo. Saka zvishoma nezvishoma anotaura mashoko nepasipo achida kuti tive nepfungwa iyoyo. Ngationgororei dzimwe nzira dzaanoshandisa, toona kuti tingaramba sei kukundwa naye.

Vane “Nheyo Dziri Muguruva”

Achishandisa Erifazi, mumwe weshamwari nhatu dzaive dzashanyira Jobho, Satani akataura kuti vanhu havakwanisi kuramba vakatendeka kuna Mwari. Achitaura nezvevanhu vose achiti “vanogara mudzimba dzevhu,” akaudza Jobho kuti: “[Vane] nheyo dziri muguruva! Munhu anokurumidza kuvaparadza kupfuura zvinoitwa chitemamachira. Vanoparadzwa kubvira mangwanani kusvikira manheru; vanoparara nokusingaperi.”—Job. 4:19, 20.

Mune dzimwe ndima muMagwaro, tinofananidzwa ne“midziyo yevhu,” kureva hari dzisingatani kuputsika. (2 VaK. 4:7) Hatina kusimba nemhaka yechivi chatakaberekwa tiinacho. (VaR. 5:12) Tikasabatsirwa naMwari Satani anobva ati dzawira mutswanda. Asi sezvo tiri vaKristu tine rubatsiro. Mwari anotikoshesa pasinei nokuti hatina kusimba. (Isa. 43:4) Uyezve Jehovha anopa mudzimu mutsvene vaya vanomukumbira. (Ruka 11:13) Mudzimu wake unogona kutipa “simba rinopfuura renguva dzose,” rokuti tikunde matambudziko ose atinounzirwa naSatani. (2 VaK. 4:7; VaF. 4:13) Kana tikarwisana naDhiyabhorosi, ‘takasimba mukutenda,’ Mwari achatisimbisa. (1 Pet. 5:8-10) Saka hatifaniri kutya Satani Dhiyabhorosi.

Munhu “Anonwa Zvinhu Zvisina Kururama”

“Munhuwo zvake chii kuti ave akachena, kana kuti munhu akaberekwa nomukadzi kuti ave akarurama?” akabvunza kudaro Erifazi. Akazozvipindura achiti: “Tarira! [Mwari] haatendi muvatsvene vake, uye matenga pachawo haana kuchena pamberi pake. Zvino zvakadini nomunhu anosemesa uye ane uori, murume anonwa zvinhu zvisina kururama semvura!” (Job. 15:14-16) Zvairehwa naErifazi kuna Jobho ndezvokuti Jehovha haana munhu waanoti akarurama. Dhiyabhorosiwo anoda kuti munhu azvitarisire pasi obva amuwanira ipapo. Anoda kuti tigare tichingozvidemba pamusoro pezvatakakanganisa, tichizvipa mhosva tofunga kuti hazviiti kuti tiregererwe. Anodawo kuti tifunge kuti zvatinotarisirwa naMwari kuti tiite zigomo chairo, uye kuti tsitsi dzake ishomanana zvokuti haangambotikanganwiri uye kutitsigira.

Chinhu chinonyatsozivikanwa kuti tose ‘takatadza, tikakundikana kusvika pakubwinya kwaMwari.’ Hapana munhu ane chivi angabva akwanisa kuita zvinodiwa naJehovha pasina kukanganisa. (VaR. 3:23; 7:21-23) Asi izvozvo hazvirevi kuti anotiona sevanhu vasina maturo. Jehovha anoziva kuti “nyoka yepakutanga, iyo inonzi Dhiyabhorosi uye Satani,” ndiyo inoda kuwana pokutibatira pamusana pechivi chatiinacho. (Zvak. 12:9, 10) Mwari anotinzwisisa uye ‘haazorambi achitiwanira mhosva’ sezvo achiziva kuti “tiri guruva.”—Pis. 103:8, 9, 14.

Kana tikasiya mararamiro akaipa totaura naJehovha nemwoyo unozvininipisa uye tichipfidza, “achakanganwira zvikuru.” (Isa. 55:7; Pis. 51:17) Kunyange kana zvivi zvedu “zvikava somucheka wakati piriviri, zvichacheneswa sechando,” rinodaro Bhaibheri. (Isa. 1:18) Saka ngatirambei takatsunga kuita kuda kwaMwari tisingadzokeri shure.

Zvatiri vatadzi kudai, kunzi takarurama pamberi paMwari haimbofi yakava kodzero yedu. Adhamu naEvha vakarasikirwa noupenyu hwakakwana pamwe chete netariro youpenyu hwavo husingaperi uye hwedu tose. (VaR. 6:23) Zvisinei, kuda vanhu zvikuru kwakaita kuti Jehovha aite urongwa hwokukanganwira zvivi zvedu kana tikatenda chibayiro chorudzikinuro choMwanakomana wake Jesu Kristu. (Mat. 20:28; Joh. 3:16) Apa Jehovha akanyatsoratidza “mutsa usina kukodzera kuwanwa”! (Tito 2:11) Zvinoita kuti tikanganwirwe! Saka tingaregererei Satani achiita kuti tifunge kuti hazviiti?

“Mugunzve Kusvikira Papfupa Rake Nenyama Yake”

Satani akati Jobho aizokanda pasi kutenda kwake kana akarwara. Achida kusvotesa Jehovha, Dhiyabhorosi akati: “Mugunzve kusvikira papfupa rake nenyama yake, muone kana asingazokutukii pamberi penyu chaipo.” (Job. 2:5) Chokwadi muvengi waMwari angafara kana akatiita kuti tione setisina zvatinobatsira nemhaka yokurwara kwatingaita.

Zvisinei, Jehovha haatisiyi nokuti hatichakwanisi kuita zvose zvataichiita mubasa rake. Ko kana shamwari yedu ikarwiswa yokuvadzwa, tinobva tati haisisina basa nokuti haichagoni kutiitira zvayaisiita here? Hatimbodaro! Tinoramba tichimuda, zvikuru kana akatokuvara achiedza kutibatsira. Saka kana isu tisingadaro, Jehovha ndiye angazodaro here? Bhaibheri rinoti: “Mwari haasi munhu asina kururama zvokuti angabva akanganwa basa renyu norudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake.”—VaH. 6:10.

Magwaro anotaura ‘nezveimwe chirikadzi yaishayiwa’ ingava yakanga yanamata Mwari kwemakore akawanda. Jesu paakaicherechedza ichikanda “tumari tuviri twaisambokosha” mumudziyo wokuisa mari yomutemberi, akaona sokunge chirikadzi iyi nomupiro wayo zvisingakoshi here? Akatoirumbidza nokuti yakanga yaita nepayaigona napo kuti itsigire kunamata kwechokwadi.—Ruka 21:1-4.

Kana tikaramba takaperera kuna Mwari ticharamba tiine ukama hwakanaka naJehovha, pasinei nokuti kusakwana kunotiita kuti tirware uye tikwegure. Mwari haazombofi akasiya vakatendeka vake nokungoti chete matambudziko anenge avatadzisa kuita zvimwe zvinhu pakumushumira.—Pis. 71:9, 17, 18.

Gamuchira “Ngowani Yoruponeso”

Tingazvidzivirira sei pamashoko anotaurwa naSatani nepasipo? Muapostora Pauro akanyora kuti: “Rambai muchiwana simba munaShe nomuukuru hwesimba rake. Shongai nhumbi dzose dzokuzvidzivirira nadzo dzinobva kuna Mwari kuti mukwanise kumira makasimba pakurwisana nemanomano aDhiyabhorosi.” Chimwe chombo chokunamata ichi i“ngowani yoruponeso.” (VaEf. 6:10, 11, 17) Panyaya yemashoko anotaurwa naSatani nepasipo, tinofanira kuva nechokwadi chokuti tinogamuchira ngowani iyoyo toramba takaipfeka. Ngowani yomusoja inodzivirira musoro wake. “Tariro [yedu] yoruponeso,” kureva chivimbo chatinacho chokuti zvipikirwa zvaMwari nezvenyika yake itsva yakanaka zvichazadzika, inoita kuti tidzivirire pfungwa dzedu kuti dzisavhiringidzwa nenhema dzaSatani. (1 VaT. 5:8) Tinofanira kushingaira kudzidza Magwaro tiri toga kuitira kuti tariro iyoyo irambe yakajeka uye yakasimba.

Jobho akatsungirira miedzo yaSatani youtsinye uye yairwadza. Kutenda kwaJobho kuti aizomutswa kwakanga kwakasimba zvokuti kunyange kuziva kuti aigona kufa hakuna kumbomudzosera shure. Asi akatoti kuna Jehovha: “Muchashevedza, uye ini ndichakupindurai. Nokuti muchasuwa basa remaoko enyu.” (Job. 14:15) Kunyange dai Jobho aizofira kuti aramba akaperera kuna Mwari, aiva nechivimbo chokuti kuda kwaaiita vashumiri vake vakatendeka kwaizoita kuti avashevedze vadzoke kuvakafa.

Dai isuwo tikavimba naMwari wechokwadi zvakadaro. Jehovha anogona kugadzirisa zvose zvatingaitirwa naSatani nevashumiri vake. Uyewo, yeuka kuti Pauro anotivimbisa kuti: “Mwari akatendeka, uye haangakuregei muchiedzwa kupfuura zvamunogona kutsungirira, asi pamwe chete nomuedzo achaitawo nzira yokubuda nayo kuti mukwanise kuutsungirira.”—1 VaK. 10:13.

[Mufananidzo uri papeji 20]

Jehovha anokoshesa basa raunoita wakatendeka

[Mufananidzo uri papeji 21]

Gamuchira ngowani yoruponeso, woramba wakaipfeka