Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Famba Maererano Nomudzimu Urarame Somunhu Akazvitsaurira

Famba Maererano Nomudzimu Urarame Somunhu Akazvitsaurira

Famba Maererano Nomudzimu Urarame Somunhu Akazvitsaurira

“Rambai muchifamba maererano nomudzimu uye hamuzomboiti zvinodiwa nenyama.”—VAG. 5:16.

1. Ndivanaani vakabhabhatidzwa musi wePendekosti?

PAKATAURA vateveri vaJesu nendimi musi wePendekosti ya33 C.E., vakanga vabhabhatidzwa nomudzimu mutsvene. Vakaratidza kuti vaiva nechipo chomudzimu chokuita zvishamiso. (1 VaK. 12:4-10) Chipo ichi uye hurukuro yakapiwa nomuapostora Petro zvakaita kuti vanhu vaite sei? Vakawanda “vakabayiwa pamwoyo.” Vakurudzirwa naPetro, vakapfidza uye vakabhabhatidzwa. Nhoroondo yacho inoti: “Vaya vakagamuchira shoko rake nomwoyo wose vakabhabhatidzwa, uye pazuva iroro mweya inenge zviuru zvitatu yakawedzerwa.” (Mab. 2:22, 36-41) Vanofanira kunge vakabhabhatidzwa mumvura muzita raBaba, roMwanakomana, uye romudzimu mutsvene sezvakanga zvataurwa naJesu.—Mat. 28:19.

2, 3. (a) Tsanangura kusiyana kwakaita kubhabhatidzwa nomudzimu mutsvene uye kubhabhatidzwa muzita romudzimu mutsvene. (b) Sei vaKristu vose vechokwadi vachitarisirwa kuti vabhabhatidzwe mumvura mazuva ano?

2 Asi kubhabhatidzwa nomudzimu mutsvene kwakasiyana here nokubhabhatidzwa muzita romudzimu mutsvene? Hungu. Vaya vanobhabhatidzwa nomudzimu mutsvene vanoberekwazve sevanakomana vaMwari. (Joh. 3:3) Vanozodzwa kuti vazova madzimambo nevapristi muUmambo hwaMwari hwokudenga, uye ivowo vanoumba muviri waKristu. (1 VaK. 12:13; VaG. 3:27; Zvak. 20:6) Saka kubhabhatidza nomudzimu mutsvene ndokuya kwakaitwa naJehovha musi wePendekosti uye pashure pacho, paakasarudza vanhu vaizogara nhaka pamwe chete naKristu. (VaR. 8:15-17) Ko kubhabhatidzwa nemvura muzita romudzimu mutsvene, uko kunogara kuchiitwa pamagungano evanhu vaJehovha mazuva ano?

3 Kubhabhatidzwa mumvura idanho rinoitwa nevaKristu vechokwadi kuratidza kuti vazvitsaurira nomwoyo wose kuna Jehovha Mwari. Vaya vanogamuchira kudanwa kwokudenga vanofanira kutora danho iri. Asi kubhabhatidzwa mumvura idanho rinofanirawo kutorwa nemamiriyoni evarume nevakadzi vane tariro yokurarama nokusingaperi pasi pano. Pasinei nokuti munhu ane tariro ipi, kubhabhatidzwa mumvura muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene idanho rinotofanira kutorwa kuti munhu agamuchirwe naMwari. Saka vaKristu vose vanobhabhatidzwa vanotarisirwa ‘kuramba vachifamba maererano nomudzimu.’ (Verenga VaGaratiya 5:16.) Uri kufamba nomudzimu here kuti urarame somunhu akazvitsaurira?

Zvinorehwa ‘Nokufamba Nomudzimu’

4. ‘Kufamba nomudzimu’ kunorevei?

4 ‘Kufamba nomudzimu’ kunosanganisira kubvuma zvinoitwa nomudzimu mutsvene pauri, kureva kubvuma kuti mudzimu mutsvene ukutungamirire. Kunorevawo kutungamirirwa nomudzimu mutsvene pane zvaunoita mazuva ose. Chitsauko 5 chaVaGaratiya chinosiyanisa kutungamirirwa nomudzimu mutsvene nokutungamirirwa nenyama.—Verenga VaGaratiya 5:17, 18.

5. Kutungamirirwa nomudzimu mutsvene kunosanganisira kurega mabasa api?

5 Kana uchitungamirirwa nomudzimu mutsvene, unoedza kusaita mabasa enyama. Mabasa enyama anosanganisira “ufeve, kusachena, kusazvibata, kunamata zvidhori, tsika yokuita zvemidzimu, kuvengana, kupopotedzana, godo, kufufutirwa nehasha, kukakavadzana, kupesana, kuita tumapoka, shanje, kunwira kudhakwa, mitambo yemafaro akanyanyisa.” (VaG. 5:19-21) Zvinoita sokuti ‘wakauraya mabasa omuviri uchishandisa mudzimu.’ (VaR. 8:5, 13) Zvichakubatsira kuti uise pfungwa dzako pazvinhu zvomudzimu uye kuita zvinoenderana nokutungamirira kwawo, pane kurega zvishuvo zvenyama zvichikutungamirira.

6. Taura muenzaniso unoratidza chinodiwa kuti tive nechibereko chomudzimu.

6 Mudzimu mutsvene ukashanda pauri, unoita kuti uratidze unhu hwakanaka, “chibereko chomudzimu.” (VaG. 5:22, 23) Zvisinei, unoziva kuti izvi zvinoda kuti ushande nesimba. Somuenzaniso, murimi paanorima munda wake, zviri pachena kuti anoda zuva nemvura, nokuti kana zvisipo haangatarisiri kuti achakohwa. Mudzimu mutsvene tingauenzanisa nezuva. Tinouda kuti tikwanise kuratidza chibereko chomudzimu. Asi kana murimi asingashandi nesimba pane chingabuda here? (Zvir. 10:4) Saka kuwanda uye kunaka kwechibereko chomudzimu chiri mauri kunoenderana nokuti wakagadzirira sei ivhu remwoyo wako. Saka zvibvunze kuti, ‘Ndiri kuita zvinoda mudzimu mutsvene kuti uve nechibereko mandiri here?’

7. Kana uchida kuva nechibereko chomudzimu mutsvene, sei zvichikosha kuti udzidze nokufungisisa?

7 Kuti varimi vawane goho rakanaka, vanofanirawo kudiridza zvirimwa zvavo. Kuti uve nechibereko chomudzimu, unofanira kudiridza chokwadi chinowanika muBhaibheri uye chatinowana kuungano yechiKristu mazuva ano. (Isa. 55:1) Unofanira kunge wakaudza vanhu vakawanda kuti Magwaro Matsvene akanyorwa nomudzimu mutsvene. (2 Tim. 3:16) Uyewo boka romuranda akatendeka, akangwara rinotipa mvura yakachena yechokwadi cheBhaibheri yatinofanira kuwana. (Mat. 24:45-47) Saka zvinoreva kuti kana tichida kuti mudzimu mutsvene ushande patiri, tinofanira kuverenga Shoko raMwari uye kurifungisisa. Kana uri kudaro, uri kutevedzera zvakanaka zvaiitwa nevaprofita vai“bvunzisisa nokunyatsoongorora” mashoko avainge vaudzwa. Kunyange ngirozi dzinoratidza kuti dzinonyatsofarira chokwadi panyaya dzokunamata pamusoro poMwanakomana akapikirwa uye ungano yevaKristu vakazodzwa.—Verenga 1 Petro 1:10-12.

Ungatungamirirwa Sei Nomudzimu?

8. Sei zvichikosha kuti ukumbire Jehovha mudzimu wake?

8 Haisi nyaya yokungoverenga Magwaro nokufungisisa. Unofanira kuramba uchikumbira Jehovha kuti akubatsire uye akutungamirire. Anogona “kuita zvizhinji kwazvo kupfuura zvinhu zvose zvatinokumbira kana kufunga.” (VaEf. 3:20; Ruka 11:13) Asi ungapindura sei munhu anenge akubvunza kuti, “Kana Mwari achitoziva ‘zvinhu zvandinoda ndisati ndambomukumbira,’ ndingarambirei ndichimukumbira’?” (Mat. 6:8) Chokutanga, kunyengeterera mudzimu mutsvene kunoratidza kuti unovimba naJehovha. Somuenzaniso, kana mumwe munhu akakukumbira rubatsiro, ungaita zvose zvaunogona kuti umubatsire, nokuti kukukumbira kwaanenge aita kunoratidza kuti anovimba newe. (Enzanisa naZvirevo 3:27.) Jehovha anofarawo kana ukamukumbira mudzimu wake, uye achakupa.—Zvir. 15:8.

9. Kupinda misangano yechiKristu kungakubatsira sei kuti utungamirirwe nomudzimu waMwari?

9 Unobvuma kuti imwe nzira yokutungamirirwa nayo nomudzimu waMwari inosanganisira misangano yedu nemagungano. Zvinokosha kuti uite zvaunogona kuti uvepo uye unyatsoteerera purogiramu yacho. Izvozvo zvichakubatsira kunzwisisa “zvinhu zvakadzama zvaMwari.” (1 VaK. 2:10) Kugara uchipindura pamisangano kunobatsirawo. Funga nezvemisangano yawakapinda mavhiki mana akapfuura. Kangani kawakasimudza ruoko uchida kupindura kuti utaure zvaunotenda? Unofunga kuti pane paunofanira kuvandudza here? Kana zvakadaro, ronga zvauchaita muvhiki dzinotevera. Jehovha anoona chido chako chokuda kupindura uye achakupawo mudzimu wake, uchakubatsira kuti uyamurwe zvizere nemisangano yaunopinda.

10. Kufamba nomudzimu kunosanganisira kukoka vanhu kuti vaitei?

10 Kufamba nomudzimu kunosanganisira kuita zvinotaurwa pana Zvakazarurwa 22:17, zvokuti: “Mudzimu nomwenga vanoramba vachiti: “Uya!” Munhu wose anonzwa ngaati: “Uya!” Munhu wose anonzwa nyota ngaauye; munhu wose anoda ngaatore mvura youpenyu asingatengi.” Mudzimu unoshandisa boka romwenga akazodzwa kuti ukurudzire vanhu kunwa mvura youpenyu. Kana wakabvuma kunzi “uya!” uri kuita zvose zvaunogonawo here kuti uti “Uya!”? Zvechokwadi kuita basa iri rokuponesa vanhu iropafadzo chaiyo!

11, 12. Mudzimu mutsvene unoshanda sei pabasa rokuparidza?

11 Basa iri rinokosha rava kuitwa richitungamirirwa nomudzimu mutsvene. Tinoverenga nezvezvakaitwa nomudzimu mutsvene muzana remakore rokutanga pawakaita kuti pave nendima itsva dzaida kuparidzirwa nemamishinari. Muapostora Pauro neshamwari dzake “vakarambidzwa nomudzimu mutsvene kutaura shoko muruwa rweEzhiya” uyewo vakarambidzwa kupinda muBhitiniya. Hatinyatsozivi hedu kuti mudzimu mutsvene wakavarambidza sei kuenda kunzvimbo idzodzo, asi zviri pachena kuti mudzimu wakatungamirira Pauro kuti aende mundima yakakura yeEurope. Akaratidzwa mumwe murume wokuMakedhoniya aikumbira kubatsirwa.—Mab. 16:6-10.

12 Mazuva ano, mudzimu waJehovha uri kutungamirirawo basa rokuparidza munyika yose. Jehovha haasi kushandisa zvishamiso nezviratidzo asi ari kutungamirira vakazodzwa achishandisa mudzimu mutsvene. Uye mudzimu wacho unoita kuti hama nehanzvadzi dziparidze nokudzidzisa nepadzinogona napo. Hapana mubvunzo kuti uri kuitawo basa iri rinokosha. Zvingaita here kuti uwedzere kufara kwaunoita mubasa iri rinonakidza?

13. Ungatungamirirwa sei nomudzimu mutsvene? Taura muenzaniso.

13 Kubvuma kutungamirirwa nomudzimu mutsvene kunoreva kuita zvatinoudzwa sevanhu vaMwari. Ngatimbokurukurai nezvaMihoko, mumwe musikana wokuJapan. Sezvo aive achangotanga kupayona, aifunga kuti haangambokwanisa kudzokera kuvanhu vanofarira; aiona sokuti haakwanisi kutaura zvingaita kuti saimba anyatsofarira. Mazuva iwayo, muUshumiri Hwedu hwoUmambo makabuda mazano okuti ungaita sei kuti ushanyezve. Pakabva pabudiswa bhurocha rinoti A Satisfying Life—How to Attain It. Bhurocha iri rakabatsira chaizvo mundima yeJapan. Mihoko akatevedzera mazano okuti angashandisa sei bhurocha racho, kunyanya pakushanyazve. Pasina nguva akatanga kudzidzisa vanhu Bhaibheri vangave vakatomboramba. Anoti, “Pane imwe nguva, ndakava nezvidzidzo zvakazowanda zvokusvika ku12, zvokuti vamwe ndaitoti vambondimirira ndichidzidza nevamwe!” Zvechokwadi, kana ukafamba nomudzimu, uchiita zvinonzi vashumiri vaJehovha vaite, unogona kukohwa pakuru.

Vimba Nomudzimu waMwari

14, 15. (a) Vanhu vanotadza vangararama sei zvinoenderana nokuzvitsaurira kwavo? (b) Ungaita sei kuti uwane shamwari dzechokwadi?

14 Zvauri mushumiri akagadzwa, une ushumiri hwaunofanira kuita. (VaR. 10:14) Ungaona sokuti haunyatsokodzeri kuita basa rakadaro. Asi Mwari ndiye anokuti wakakodzera, sezvaanoita vakazodzwa. (Verenga 2 VaKorinde 3:5.) Unogona kurarama zvinoenderana nokuzvitsaurira kwawakaita kana ukaita nepaunogona napo uye ukavimba nomudzimu waMwari.

15 Zvechokwadi zvakaoma kuti isu vanhu vanotadza tirarame zvinoenderana nokuzvitsaurira kwatakaita kuna Mwari wedu akakwana, Jehovha. Chimwe chingaita kuti zviome ndechokuti vamwe vawaimboshamwaridzana navo vangashamisika nemararamiro awava kuita uye ‘vangakutuka.’ (1 Pet. 4:4) Usakanganwa kuti wava neshamwari itsva, asi dzinokosha kupfuura dzose ndiJehovha naJesu Kristu. (Verenga Jakobho 2:21-23.) Zvinokoshawo kuziva hama nehanzvadzi dziri muungano yaunopinda nayo, chikamu che“sangano rose rehama” dziri munyika yose. (1 Pet. 2:17; Zvir. 17:17) Jehovha achashandisa mudzimu wake kukubatsira kuti uve neshamwari dzichaita kuti urambe uchiita zvakanaka.

16. Sei iwe uchigonawo ku“fara nokusava nesimba” sezvakaita Pauro?

16 Kunyange kana uine shamwari dzinobatsira muungano, zvingave zvichiri kukuomera kukurira matambudziko aunowana mazuva ose. Dzimwe nguva nhamo dzingakumomotera sokunge kuti hapasisina pokubuda napo. Iyi ndiyo nguva yokuti unyengetere kuna Jehovha, uchikumbira mudzimu wake mutsvene. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Pandinenge ndisina simba, ndipo pandiine simba.” (Verenga 2 VaKorinde 4:7-10; 12:10.) Pauro aiziva kuti mudzimu waMwari unogona kubatsira munhu paanenge asina simba, pasinei nokuti kusasimba kwacho kwakadii. Saka mudzimu waMwari unogona kukusimbisa pose paunenge uchinzwa usina simba uye uchida kubatsirwa. Pauro akanyora kuti aigona ku“fara nokusava nesimba.” Paaive asina simba ndipo paaiona mudzimu mutsvene uchishanda paari. Izvi zvinogonawo kuitika kwauri!—VaR. 15:13.

17. Mudzimu mutsvene ungakubatsira sei kusvika kwauri kuda kuenda?

17 Kuti tirarame upenyu hwokuzvitsaurira kuna Mwari, tinoda mudzimu wake. Fungidzira uri kaputeni wechikepe. Chinangwa chako ndechokushumira Jehovha nokusingaperi. Mudzimu mutsvene wakaita semhepo inofambisa chikepe chako kuitira kuti usvike kwauri kuenda zvakanaka. Haungadi kutakurirwa kuno nokoko nenyika yaSatani. (1 VaK. 2:12) Unofanira kucherechedza mhepo iri kuenda kwauri kuenda wobva waitevera. Mhepo yacho mudzimu mutsvene. Mudzimu mutsvene uchakutungamirira munzira yakarurama uchishandisa Shoko raMwari uye sangano rake rinotungamirirwa nomudzimu wake.

18. Iye zvino watsunga kuitei, uye nei?

18 Kana uri kudzidza neZvapupu zvaJehovha, uchinakidzwa nokushamwaridzana navo, asi usati watora matanho anokosha okuzvitsaurira uye kubhabhatidzwa, zvibvunze kuti, ‘Chii chiri kuita kuti ndizeze?’ Kana wava kuziva basa rinoitwa nomudzimu mutsvene pakuita kuti zvinodiwa naMwari zviite uye wava kukoshesa mashandiro awo, tora matanho awakadzidza kuti ndiwo akarurama. Jehovha achakukomborera zvikuru. Achakupa mudzimu wake mutsvene. Kana wakabhabhatidzwa makore akawanda akapfuura kana kuti makumi emakore akapfuura, zvechokwadi wakaona kubatsira kunoita mudzimu mutsvene. Wakaona kuti Mwari anogona sei kukusimbisa achishandisa mudzimu wake. Anogona kuramba achikusimbisa, nokusingaperi. Saka tsunga kuramba uchifamba nomudzimu mutsvene.

Unoyeuka Here?

• ‘Kufamba nomudzimu’ kunorevei?

• Chii chingakubatsira ‘kuramba uchifamba nomudzimu’?

• Ungararama sei zvinoenderana nokuzvitsaurira kwawakaita?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 15]

Zvinoda kushanda nesimba kuti usakurire ivhu romwoyo wako

[Mifananidzo iri papeji 16, 17]

Uri kutungamirirwa nomudzimu waMwari here?