Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mako—‘Anobatsira Pakushumira’

Mako—‘Anobatsira Pakushumira’

Mako​—‘Anobatsira Pakushumira’

UNGANO yokuAndiyoki yakanga yamboita zvayo matambudziko, asi kwete akafanana nerokusawirirana kwaPauro naBhanabhasi. Varume vacho vakanga vachironga rwendo rwoumishinari; asi pakusarudza kuti ndiani angavaperekedza, vakabva “vatsamwirana kwazvo.” (Mab. 15:39) Vakabva vati aziva kwake aziva kwake. Vaiitirana nharo nezvaMako, mumwe mumishinari wechitatu.

Mako aimbova ani? Chii chakaita kuti vaapostora vaviri vaitirane nharo nezvake? Chii chaiita kuti vamuone zvakasiyana kudaro? Maonero aya avaimuita akazombochinja here? Uye ungadzidzei panhoroondo yaMako?

Akakurira kuJerusarema

Mako, uyo anoratidza kuti aibva mumhuri yakapfuma yevaJudha, akakurira kuJerusarema. Tinotanga kunyatsonzwa nezvake panotaurwa nhoroondo yeungano yokutanga yevaKristu. Munenge muna 44 C.E. ngirozi yaJehovha payakasunungura muapostora Petro mujeri raHerodhi Agripa I, Petro akaenda “kumba kwaMariya amai vaJohani ainzi Mako, kwakanga kwakaungana vanhu vazhinji vachinyengetera.”—Mab. 12:1-12. *

Saka zvinoita sokuti ungano yokuJerusarema yaiitira misangano pamba paamai vaMako. Kuungana kwakanga kwakaita “vanhu vazhinji” pamba pacho kunoratidza kuti pakanga pakakura. Mariya aiva nomushandi wechisikana ainzi Rodha, akabuda pakagogodza Petro “pasuo regedhi.” Izvi zvinoratidza kuti Mariya mukadzi aiwana. Uye imba yacho inonzi yaiva yake pane kunzi yaiva yomurume wake, saka anogona kunge aiva chirikadzi, uye kuti Mako akanga achiri muduku.—Mab. 12:13.

Mako angangodaro aiva mumwe wevakanga vakaungana vachinyengetera. Anofanira kunge akanga akanyatsojairana nevadzidzi vaJesu nevamwe vakaona zvaiitwa naJesu muushumiri hwake. Mako angangodaro ari iye jaya riya raive risina kunyatsopfeka zvakakwana rakaedza kutevera Jesu paakatanga kusungwa asi rakatiza pavakaedza kuribata.—Mako 14:51, 52.

Zvaaiita Muungano

Zviri pachena kuti kuwadzana kwaiita Mako nevaKristu vakasimba pakunamata kwakamubatsira. Aiita zvakanaka pakunamata zvokuti hama dzaitungamirira dzakamucherechedza. Munenge muna 46 C.E., paiendesa Pauro naBhanabhasi ‘zvinhu zvokuyamura’ kuJerusarema kwaiva nenzara vachibva kuAndiyoki, vakafarira zvaiitwa naMako. Pavakanga vava kudzokera kuAndiyoki vakaenda naye.—Mab. 11:27-30; 12:25.

Munhu akangoverengawo zvake asina kufungisisa angaona sokuti zvevatatu ava Pauro, Bhanabhasi naMako zvaive zvokungoti vanhu vainamata vose uye kuti Mako akangosarudzirwa kuti aigona kuita zvinhu nemazvo. Asi imwe yetsamba dzaPauro inoratidza kuti Mako aiva noukama naBhanabhasi. Izvi zvinogona kutibatsira kunzwisisa zvakazoitika kuna Mako.

Kwapera rinenge gore, mudzimu mutsvene wakati Pauro naBhanabhasi vaite rwendo rwoumishinari. Vakabva kuAndiyoki vakananga kuKupro. Johani Mako akaenda navo “achivashandira.” (Mab. 13:2-5) Zvimwe vari parwendo rwacho Mako aivabatsira nokuvaitira tumwe tumabasa kuti ivo vaise pfungwa dzavo dzose pabasa ravo roumishinari.

Pauro, Bhanabhasi naMako vakapedza nyika yeKupro vachiparidza; vachibva vazoenda kuAsia Minor. Vari ikoko, Johani Mako akasarudza kuita chimwe chinhu chakarwadza Pauro. Nhoroondo yacho inoti pavakasvika kuPega, “Johani akavasiya, akadzokera kuJerusarema.” (Mab. 13:13) Hazvitaurwi kuti akazviitirei.

Kwapera makore anoverengeka, Pauro, Bhanabhasi naMako vakanga vava muAndiyoki zvakare. Vaapostora vacho vari vaviri vakanga vava kuronga rwendo rwechipiri rwoumishinari kuti vanotangira pavakanga vasiyira parwendo rwokutanga. Bhanabhasi aida kuenda nehama yake, asi Pauro akanga asingatombodi kunzwa nezvazvo nokuti Mako akanga ambodzokerera panzira achivasiya. Apa ndipo pakatangira bongozozo riya rataurwa pakutanga. Bhanabhasi akatora Mako vakaenda kumusha kwavo kuKupro, asi Pauro akaenda kuSiriya. (Mab. 15:36-41) Zviri pachena kuti Pauro naBhanabhasi vakanga vakasiyana pamaonero avaiita zvakaitwa naMako.

Kuyanana

Hapana mubvunzo kuti zvakaitika izvi zvakashungurudza Mako. Asi akaramba achishumira akatendeka. Kwapera makore anenge 11 kana kuti 12 izvi zvaitika kwaari naPauro, tinozonzwa Mako achitaurwazve munhoroondo yevaKristu vokutanga. Ainaani? Aine munhu watingasambofungidzira, Pauro!

Muna 60-61 C.E., Pauro ari mujeri kuRoma, akatumira tsamba dzakati wandei dzava muMagwaro Matsvene. Mune yaakanyorera vaKorose, akati: “Aristako musungwa pamwe chete neni anokukwazisai, uye Mako hama yaBhanabhasi, (wamakarayirwa kuti mumugamuchire kana akazouya kwamuri,) . . . Ava chete ndivo vashandi pamwe chete neni nokuda kwoumambo hwaMwari, uye ivava vakava ruyamuro runondisimbisa.”—VaK. 4:10, 11.

Zvokusafarira Mako zviya zvakanga zvapera! Kunyange akanga ambotsamwira Mako, Pauro akanga ava kumukoshesa somunhu waaishanda naye. Zvinoita sokuti Pauro akanga audza vaKorose kuti pamwe vangangoshanyirwa naMako. Kudai zvaizobudirira, Mako aizenge achimiririra Pauro.

Kungava here kuti Pauro akanga ava kuona kuti maonero aaimboita Mako makore aiva apfuura akanga asiri iwo? Mako akanga abatsirwa nokurangwa kwacho here? Kana kuti tingati zvose zviri zviviri ndizvo zvakaita kuti vatange kuwiriranazve here? Pasinei nokuti chii chakaitika, kuyanana kwakaitwa naPauro naMako kunoratidza kuti vakanga vakasimba pakunamata. Vakakanganwa zvakanga zvamboitika vakatanga kushanda pamwe chete. Zvechokwadi uyu muenzaniso wakanaka chaizvo kumunhu chero upi zvake anenge atosvorana nomumwe muKristu!

Akaita Nzendo Dzakawanda

Paunoverenga nezvenzendo dzakasiyana-siyana dzakaitwa naMako, unoona kuti munhu akanga asingagari pasi. Akabva kuJerusarema, akaenda kuAndiyoki, akazobva ikoko ndiye tande nengarava akananga kuKupro nokuPega. Zvadaro akaenda kuRoma. Achibva ikoko Pauro aida kumutuma kuKorose. Asi haana kugumira ikoko!

Muapostora Petro akanyora tsamba yake yokutanga munenge muna 62 kusvikira muna 64 C.E. Akanyora kuti: “Iye ari muBhabhironi . . . anokukwazisai, uye Mako mwanakomana wangu anokukwazisaiwo.” (1 Pet. 5:13) Izvi zvinoreva kuti Mako akazoita rwendo rwokuBhabhironi akanoshumira nomuapostora uya aimbopindira misangano pamba paamai vake makore akanga apfuura.

Paakanga akasungwa kechipiri ari kuRoma munenge muna 65 C.E., Pauro akanyorera Timoti tsamba achimuti abve kuEfeso, uye akati: “Tora Mako uuye naye.” (2 Tim. 4:11) Saka panguva iyoyo Mako aiva kuEfeso. Hapana mubvunzo kuti akabvuma zvaakakumbirwa naPauro zvokuti adzoke kuRoma naTimoti. Kare ikako kufamba kwakanga kusiri nyore, asi Mako akaita nzendo idzodzo nechido.

Rimwe Basa Rinokosha

Rimwe basa rinokosha rakaitwa naMako nderokufuridzirwa naJehovha kuti anyore Evhangeri. Kunyange zvazvo Evhangeri iyi yechipiri isingatauri kuti yakanyorwa naani, zvakanyorwa kare zvinoratidza kuti Mako ndiye akanyora uye kuti aiwana mashoko acho kuna Petro. Tingatoti zvose zvakanyorwa naMako zvinoratidza kuti zvakaitika Petro aripo.

Vakaongorora Evhangeri yaMako vanoti akanyorera vaverengi veMamwe Marudzi; akatsanangura tsika dzevaJudha kuti avabatsire kunzwisisa. (Mako 7:3; 14:12; 15:42) Mako anoshandura mashoko echiAramaiki angave akanga asinganzwisiswi nevaverengi vasiri vaJudha. (Mako 3:17; 5:41; 7:11, 34; 15:22, 34) Anoshandisa mashoko echiLatin akawanda uye anotoashandisa kutsanangura mashoko akajairika echiGiriki. Paanotaura nezvemari yevaJudha anoitaura achishandisa ukoshi hwemari yeRoma. (Mako 12:42, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Zvose izvi zvinoita sezvinoenderana nezvakagara zvichitaurwa zvokuti Mako akanyorera Evhangeri yake kuRoma.

“Anondibatsira Pakushumira”

Paaiva kuRoma Mako haana kungonyora Evhangeri yake chete. Yeuka zvakaudzwa Timoti naPauro, zvokuti: “Tora Mako uuye naye.” Pauro aimudii? “Nokuti anondibatsira pakushumira.”—2 Tim. 4:11.

Pane zvakawanda zvatinodzidza nezvaMako pakutaurwa uku kwezita rake, kunova ndiko kwokupedzisira muMagwaro. Pabasa rake raaiita muungano, hapana paanombonzi muapostora, mutungamiriri, kana kuti muprofita. Aiva mushumiri, kureva kuti munhu anoshandira vamwe. Uye panguva iyi, kwasara kanguva kuti Pauro afe, muapostora wacho zvechokwadi akabatsirwa naMako.

Kana tikabatanidza zvose zvakaitwa naMako, panobuda murume aishingaira kutsigira mashoko akanaka kunzvimbo dzakasiyana-siyana munyika, murume aifarira kushumira vamwe. Zvechokwadi, Mako akawana ropafadzo nokuti haana kukanda mapfumo pasi!

Sezvakaitwa naMako, isu sevashumiri vaMwari mazuva ano tinofanirawo kuparidza mashoko akanaka oUmambo nepatinogona napo. Sezvakaitika kuna Mako, vamwe vedu vanokwanisa kutamira kune dzimwe nzvimbo, kunyange kutotamira kune dzimwe nyika, kuti vaparidze mashoko akanaka ikoko. Kunyange zvazvo vakawanda vedu vasingakwanisi kutama, tose tinogona kutevedzera Mako neimwe nzira inokosha. Sezvakaitwa naMako kuti akaita zvose zvaaigona kuti ashumire hama dzake dzechiKristu, isuwo tinoda kuita zvose zvatinogona kuti tibatsire vatinonamata navo kuti vashumire Mwari. Patinodaro, tinogona kuva nechokwadi chokuti tichakomborerwa naJehovha.—Zvir. 3:27; 10:22; VaG. 6:2.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 Mumazuva iwayo zvaiva zvakajairika kuti vanhu vave nezita rechipiri rechiHebheru kana kuti risiri romutauro wavo. Zita raMako rechiJudha rainzi Yohanan, kureva kuti Johani muchiShona. Zita remhuri yavo rechiLatin rainzi Marcus, kana kuti Mako.—Mab. 12:25.

[Mepu/Mufananidzo uri papeji 8, 9]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Mamwe Maguta Akashanyirwa naMako

Roma

Efeso

Korose

Pega

Andiyoki (yokuSiriya)

Kupro

GUNGWA REMEDITERRANIAN

Jerusarema

Bhabhironi