Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Basa Romudzimu Mutsvene Pakuzadzisa Chinangwa chaJehovha

Basa Romudzimu Mutsvene Pakuzadzisa Chinangwa chaJehovha

Basa Romudzimu Mutsvene Pakuzadzisa Chinangwa chaJehovha

“Shoko rangu rinobuda mumuromo mangu . . . richabudirira pane zvandinoritumira.”—ISA. 55:11.

1. Taura muenzaniso unoratidza kusiyana kwakaita kuronga nokuva nechinangwa.

CHIMBOFUNGIDZIRA paine varume vaviri vari kugadzirira kufamba nzendo nemotokari dzavo. Mumwe wevarume vacho anonyatsoronga kuti mugwagwa upi waachashandisa kusvika kwaanoda kuenda. Mumwe wacho ari kunyatsoziva kwaari kuda kuenda, asi ari kuzivawo nzira dzakasiyana-siyana dzaanogona kushandisa. Akagadzirira kuchinja nzira yaari kushandisa zvichienderana nemamiriro ezvinhu. Kusiyana kwakaita mafungiro evarume ava kwakati fananei nokusiyana kwakaita kuronga nekuva nechinangwa. Kuronga kungafananidzwa nokufunga nezvenzira imwe chete yauchafamba nayo, asi chinangwa chinhu chaunoda kuita asi uine nzira dzakasiyana-siyana dzokuchiita nadzo.

2, 3. (a) Chinangwa chaJehovha chinosanganisirei, uye akaita sei pakatadza Adhamu naEvha? (b) Sei tichifanira kuita zvinoenderana nokuzadziswa kwechinangwa chaJehovha?

2 Kana Jehovha achida kuita kuda kwake, haangoomereri panzira imwe chete, asi anova nechinangwa chinozopedzisira chazadziswa. (VaEf. 3:11) Chinangwa ichi chinosanganisira zvaakagara arongera vanhu nenyika ino kubvira pakutanga, zvokuti nyika ino ive musha weparadhiso maizogara vanhu vasingatadzi murunyararo uye vachifara nokusingaperi. (Gen. 1:28) Adhamu naEvha pavakatadza, Jehovha akagadzirisa nyaya yacho nokuita urongwa hwokuti ave nechokwadi kuti chinangwa chake chaizozadziswa. (Verenga Genesisi 3:15.) Jehovha akaronga kuti mukadzi wake wokufananidzira abereke “mwana” aizoguma aparadza Satani, honzeri yezvakaipa zvose, obva abvisa zvakaipa zvacho.—VaH. 2:14; 1 Joh. 3:8.

3 Hapana ane simba pasi pano kana kudenga rinogona kudzivisa chinangwa chaMwari kuti chisazadziswa. (Isa. 46:9-11) Tingadaro sei? Nokuti mudzimu mutsvene waJehovha ndiwo unenge uchizviita. Simba iri risina anogona kurirambidza kuita zvarinoda rinoita kuti chinangwa chaMwari ‘chibudirire.’ (Isa. 55:10, 11) Tinofanira kunyatsonzwisisa nzira iyo Jehovha anozadzisa nayo zvinangwa zvake. Ramangwana redu rinobva pakuzadziswa kwacho. Uyezve, kuona mashandisiro anoita Jehovha mudzimu mutsvene kunosimbisa kutenda. Saka ngatikurukurei basa raiitwa nomudzimu kare, rauri kuita iye zvino, uye rauchaita mune ramangwana pakuzadziswa kwechinangwa chaJehovha.

Basa Raiitwa Nomudzimu Mutsvene Kare

4. Jehovha akazivisa sei chinangwa chake zvishoma nezvishoma?

4 Panguva inotaurwa muBhaibheri, Jehovha akazivisa chinangwa chake zvishoma nezvishoma. Pakutanga, Mbeu yakapikirwa yaiva “chakavanzika chitsvene.” (1 VaK. 2:7) Jehovha akatozotaura nezvembeu iyi kwapera makore anenge 2 000. (Verenga Genesisi 12:7; 22:15-18.) Mwari akavimbisa Abrahamu nezvokuzadziswa kukuru kwechinangwa chake. Mashoko okuti “nokumwana wako” ainyatsoratidza kuti Mbeu yaizouya ari munhu, muzukuru waAbrahamu. Satani anofanira kunge akanyatsovhura nzeve paakanzwa shoko iroro rokuti mbeu richijekeswa. Hapana mubvunzo kuti chaaitongoda kuparadza kana kuti kukanganisa dzinza raAbrahamu, zvobva zvavhiringidza chinangwa chaMwari. Asi izvozvo zvakanga zvisingaiti, nokuti mudzimu waMwari usingaoneki waishanda. Waishanda sei?

5, 6. Jehovha akashandisa sei mudzimu wake kuti adzivirire dzinza raizouya neMbeu?

5 Jehovha akashandisa mudzimu wake kuti adzivirire dzinza raizouya neMbeu. Jehovha akati kuna Abramu (Abrahamu): “Ndiri nhoo yako.” (Gen. 15:1) Uku kwaisangova kutaurawo zvako. Somuenzaniso, funga zvakaitika munenge muna 1919 B.C.E., Abrahamu naSara pavakambogara kwekanguva muGerari. Abhimereki, mambo weGerari, akatora Sara aine vavariro yokuti ave mudzimai wake, asingazivi kuti aiva mudzimai waAbrahamu. Kungava kuti Satani ndiye aiva honzeri yeizvi here, achiitira kuti Sara asaberekera Abrahamu mwana? Bhaibheri haritauri nezvazvo. Zvarinongotiudza ndezvokuti Jehovha akapindira. Abhimereki akarota achinyeverwa kuti asabata Sara.—Gen. 20:1-18.

6 Mwari haana kungovadzivirira apa chete. Jehovha akanunura Abrahamu nemhuri yake kakawanda. (Gen. 12:14-20; 14:13-20; 26:26-29) Ndokusaka munyori wepisarema akazoti nezvaAbrahamu nevazukuru vake: “[Jehovha] haana kubvumira kuti chero munhu upi zvake avabiridzire, asi akatsiura madzimambo nokuda kwavo, achiti: ‘Musabata vazodziwa vangu, musaitira vaprofita vangu chinhu chakaipa.’”—Pis. 105:14, 15.

7. Jehovha akadzivirira sei rudzi rwaIsraeri?

7 Jehovha akashandisa mudzimu wake kudzivirira rudzi rwaIsraeri rwekare, rudzi rwaizouya neMbeu. Jehovha akashandisa mudzimu wake kupa vaIsraeri Mutemo waiita kuti varambe vachitsigira kunamata kwechokwadi uye waivadzivirira kuti varambe vaine tsika dzakanaka, vachinamata zvakanaka uye vaine utsanana. (Eks. 31:18; 2 VaK. 3:3) Panguva yeVatongi, mudzimu waJehovha wakapa vamwe varume simba rokununura vaIsraeri pavavengi vavo. (Vat. 3:9, 10) Mumazana emakore Jesu asati aberekwa, uyo anova mukuru pane vanoumba mbeu yaAbrahamu, mudzimu mutsvene unofanira kunge wakabatsira pakudzivirira Jerusarema, Bhetrehema, netemberi, zvose zvaizobatsira pakuzadzika kwouprofita hune chokuita naJesu.

8. Chii chinoratidza kuti mudzimu mutsvene ndiwo wakaita kuti Mwanakomana waMwari avepo pasi pano uye aite ushumiri hwake?

8 Mudzimu mutsvene ndiwo wakaita kuti Jesu avepo pasi pano uye aite ushumiri hwake. Mudzimu mutsvene pawaishanda mudumbu raMariya, wakaita chinhu chakanga chisati chamboitwa. Wakaita kuti mukadzi anotadza abate pamuviri uye abereke Mwanakomana akakwana, uyo akanga asina kutongerwa chirango chorufu rwakakonzerwa naAdhamu. (Ruka 1:26-31, 34, 35) Mudzimu wacho wakazodzivirira Jesu achiri mucheche kuti asafa nguva yake isati yakwana. (Mat. 2:7, 8, 12, 13) Jesu paakanga ava nemakore anenge 30, Mwari akamuzodza nomudzimu mutsvene, akamugadza kuti ave mugari wenhaka wechigaro chaDhavhidhi uye akamupa basa rokuparidza. (Ruka 1:32, 33; 4:16-21) Mudzimu mutsvene wakapa Jesu simba rokuita zvishamiso, zvaisanganisira kurapa vanorwara, kupa mapoka zvokudya, uye kumutsa vakafa. Mabasa anoratidza simba akadaro airatidza zvikomborero zvatingatarisira Jesu paanenge ava kutonga samambo.

9, 10. (a) Kushanda kwomudzimu mutsvene kwaioneka sei pavadzidzi vaJesu vomuzana remakore rokutanga? (b) Chii chakaziviswa nezvokuzadziswa kwechinangwa chaJehovha muzana remakore rokutanga C.E.?

9 Kutangira paPendekosti ya33 C.E., Jehovha akashandisa mudzimu wake kuti azodze vamwe vanoumba mbeu yaAbrahamu, vakawanda vacho vakanga vasiri vazukuru vaAbrahamu. (VaR. 8:15-17; VaG. 3:29) Mudzimu mutsvene waioneka kushanda kwawo pavadzidzi vaJesu vomuzana remakore rokutanga, uchiita kuti vaparidze vachishingaira uye uchivapa simba rokuita mabasa anoshamisa. (Mab. 1:8; 2:1-4; 1 VaK. 12:7-11) Mudzimu mutsvene wakazivisa chimwe chinhu chitsva nezvenzira iyo Jehovha aizozadzisa nayo chinangwa chake achishandisa zvipo izvozvo zvinoshamisa. Jehovha akanga asisiri kuda kuti vanhu vamunamate sezvavaiita kwemazana emakore patemberi yomuJerusarema. Akanga ava kufarira ungano yevaKristu yakanga ichangotangwa. Kubvira ipapo, Jehovha ari kushandisa ungano iyoyo yevakazodzwa kuti chinangwa chake chibudirire.

10 Zvimwe zvaiitwa nomudzimu mutsvene waJehovha panguva dzainyorwa Bhaibheri kuti aite kuti chinangwa chake chirambe chichizadziswa, zvaisanganisira kudzivirira, kupa simba uye kuzodza. Ko mazuva ano? Ko iye zvino Jehovha ari kushandisa sei mudzimu wake kuti atsigire chinangwa chake? Tinofanira kuziva, nokuti tinoda kuita zvinodiwa nomudzimu. Saka ngatikurukurei nzira ina idzo Jehovha ari kushandisa nadzo mudzimu wake.

Basa Riri Kuitwa Nomudzimu Iye Zvino

11. Chii chinoratidza kuti mudzimu mutsvene isimba rinoita kuti vanhu vaMwari varambe vakachena, uye ungaratidza sei kuti uri kushanda pamwe chete nomudzimu?

11 Chokutanga, mudzimu mutsvene unobatsira vanhu vaMwari kuti vave vakachena. Vaya vanoshandiswa naJehovha paanoita chinangwa chake vanofanira kunge vaine tsika dzakanaka. (Verenga 1 VaKorinde 6:9-11.) Vamwe vava vaKristu vechokwadi vaimboita zvinhu zvounzenza zvakaita soufeve, upombwe, uye ungochani. Kuchiva kunoita kuti munhu azotadza kunogona kunge kwakadzika midzi. (Jak. 1:14, 15) Asi vanhu vakadaro ‘vakagezwa vakachena,’ kuratidza kuti vakachinja mararamiro avo kuti vafadze Mwari. Chii chinoita kuti munhu anoda Mwari abudirire kuramba chido chokuita zvakaipa? “Mudzimu waMwari wedu,” sezvinotaura 1 VaKorinde 6:11. Kana ukaramba uine tsika dzakanaka, unoratidza kuti uri kuita kuti mudzimu iwoyo ushande muupenyu hwako.

12. (a) Maererano nezvakaonekwa naEzekieri achiita seari kurota, Jehovha anotungamirira sei sangano rake? (b) Ungaratidza sei kuti uri kuita zvinoenderana nomudzimu?

12 Chechipiri, Jehovha anoshandisa mudzimu wake kuti utungamirire sangano rake nenzira yaanoda kuti rifambe nayo. Pane zvakaratidzwa Ezekieri achiita seari kurota, sangano raJehovha rokudenga rakafananidzwa nengoro yokudenga iri kufamba pasina chinogona kuimisa ichizadzisa chinangwa chaJehovha. Chii chinoita kuti ngoro iyoyo iende kwainofanira kuenda? Mudzimu mutsvene. (Ezek. 1:20, 21) Ngatiyeukei kuti sangano raJehovha rinoumbwa nezvikamu zviviri, chokudenga nechepasi pano. Kana chikamu chokudenga chichitungamirirwa nomudzimu mutsvene, ndizvo zvinofanira kunge zvichiitawo chepasi. Kana uchiteerera uye uchitsigira zvinenge zvataurwa nesangano raMwari repasi pano, unenge uchiratidza kuti uri kufambirana nengoro yaJehovha yokudenga uye uri kushanda zvinoenderana nomudzimu wake mutsvene.—VaH. 13:17.

13, 14. (a) Ndivanaani vakanzi “chizvarwa chino” naJesu? (b) Taura muenzaniso unoratidza kuti mudzimu mutsvene unoshanda pakujekesa chokwadi cheBhaibheri. (Ona bhokisi rakanzi “Uri Kufambirana Nechiedza Chiri Kuramba Chichijeka Here?”)

13 Chechitatu, mudzimu mutsvene uri kuita kuti chokwadi cheBhaibheri chijeke. (Zvir. 4:18) Magazini ino yava nenguva ichishandiswa zvakanyanya no“muranda akatendeka, akangwara” pakujekesa chokwadi cheBhaibheri. (Mat. 24:45) Somuenzaniso, funga nezvekuti tinonzwisisa sei vakanzi “chizvarwa chino” naJesu. (Verenga Mateu 24:32-34.) Jesu aitaura nezvechizvarwa chipi? Nyaya inoti “Kuvapo kwaKristu Kunorevei Kwauri?” yakatsanangura kuti Jesu akanga asiri kutaura nevanhu vakaipa asi aitaura nevadzidzi avo vaizozodzwa nomudzimu mutsvene munguva pfupi yaitevera. * Vateveri vaJesu vakazodzwa, vomuzana remakore rokutanga uye vemazuva ano, ndivo vaizoona chiratidzo chacho uyewo vaizonzwisisa zvachaireva, zvokuti Jesu ava “pedyo pamasuo.”

14 Zvatsanangurwa izvi zvinorevei kwatiri? Kunyange zvazvo tisingakwanisi kunyatsoziva kureba kwakaita nguva inorarama “chizvarwa chino,” zvakanaka kuyeuka zvinhu zvinoverengeka nezveshoko rokuti “chizvarwa”: Chinowanzoreva vanhu vemazera akasiyana-siyana vanorarama panguva imwe chete; hachitori makore akawandisa, uye chinoguma. (Eks. 1:6) Saka tinofanira kunzwisisa sei mashoko aJesu okuti “chizvarwa chino”? Zviri pachena kuti vakazodzwa vaizoona kutanga kwokutambudzika kukuru vaizoberekwa vaya vakaona kutanga kwechiratidzo muna 1914 vachiri vapenyu. Chizvarwa ichocho chaiva nepachakatangira, uye zvechokwadi chichaguma. Kuzadziswa kwezviratidzo zvakasiyana-siyana kunoratidza zviri pachena kuti kutambudzika kunofanira kunge kwava pedyo. Kuita zvinhu uchiziva kuti nguva yapera uye kuramba wakarinda kunoratidza kuti uri kuita zvinoenderana nechiedza chiri kuramba chichijeka uye kutevedzera zviri kutaurwa nomudzimu mutsvene.—Mako 13:37.

15. Chii chinoratidza kuti mudzimu mutsvene ndiwo unotipa simba rokuzivisa mashoko akanaka?

15 Chechina mudzimu mutsvene unotipa simba rokuzivisa mashoko akanaka. (Mab. 1:8) Hapana chimwe chatingamboti ndicho chiri kuita kuti mashoko akanaka aparidzwe munyika yose. Funga nezvazvo. Ungadaro uri mumwe wevaya vanonyara kana kuti vanotya, uye ungadaro waimbofunga kuti, ‘Zvokuparidza paimba neimba handingambozvikwanisi ini!’ Asi iye zvino wava kushingaira kuita basa iroro. * Zvapupu zvaJehovha zvakawanda zvakaramba zvichiparidza pasinei nokushorwa kana kuti kutambudzwa. Mudzimu mutsvene waMwari ndiwo chete unogona kutipa simba rokukurira zvinetso uye kuita zvinhu zvatisingakwanisi kuita nesimba redu. (Mika 3:8; Mat. 17:20) Kana uchiita basa rokuparidza zvizere, unoratidza kuti uri kushanda pamwe nomudzimu iwoyo.

Basa Richaitwa Nomudzimu Mutsvene Mune Remangwana

16. Sei tingava nechivimbo chokuti Jehovha achadzivirira vanhu vake panguva yokutambudzika kukuru?

16 Mune ramangwana, Jehovha achashandisa mudzimu wake mutsvene nenzira dzinoshamisa kuti azadzise chinangwa chake. Kutanga ngatikurukurei nyaya yokudzivirira. Sezvataona, kare Jehovha aishandisa mudzimu wake kuti adzivirire vamwe vanhu uye rudzi rwaIsraeri rwose. Saka pane zvakawanda zvinoita kuti tive nechokwadi chokuti achashandisa mudzimu iwoyo kudzivirira vanhu vake panozosvika kutambudzika kukuru. Hatifaniri hedu kufungidzira kuti panguva iyoyo Jehovha achatidzivirira sei. Asi tinogona kuva nechivimbo neramangwana, tichiziva kuti Jehovha haambotadzi kuona vanhu vanomuda uye mudzimu wake hautadzi kusvika pavari.—2 Mak. 16:9; Pis. 139:7-12.

17. Jehovha achashandisa sei mudzimu wake mutsvene munyika itsva?

17 Jehovha achashandisa sei mudzimu wake mutsvene munyika itsva iri kuuya? Mudzimu iwoyo ndiwo uchabatsira kunyora mipumburu mitsva ichavhurwa panguva iyoyo. (Zvak. 20:12) Mipumburu iyi ichange yakanyorwei? Zviri pachena kuti ichange iine zvatinotarisirwa kuita naJehovha mumakore ane chiuru. Uri kutarisira kuzoongorora zvichange zviri mumipumburu iyoyo here? Tiri kumirira nyika iyoyo itsva nemaziso matsvuku. Hatigoni kufungidzira kuti kurarama panguva iyoyo yakakomborerwa kuchange kwakaita sei, pachashandiswa naJehovha mudzimu wake kuti azadzise chinangwa chake pamusoro penyika ino nevanhu vari pairi.

18. Chii chaunoda kuita kunyange zvodini?

18 Ngatisambokanganwa kuti chinangwa chaJehovha chichatobudirira, nokuti anoshandisa mudzimu wake mutsvene, simba rinopfuura zvose zvakasikwa. Chinangwa ichocho chine chokuita newe. Naizvozvo, usamborega kuteterera Jehovha kuti akupe mudzimu wake, uye ita zvinhu zvinoratidza kuti ndiwo uri kukutungamirira. (Ruka 11:13) Ukadaro unogona kutarisira kuzorarama nokusingaperi muparadhiso pasi pano sezvaiva zvakarongerwa vanhu naJehovha.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 15 Kuti uone muenzaniso womumwe akaguma asingachanyanyi kunyara uye ava kushingaira muushumiri, ona Nharireyomurindi yaSeptember 15, 1993, peji 19.

Unoyeuka Here?

• Jehovha akashandisa sei mudzimu wake mutsvene munguva dzinotaurwa muBhaibheri kuti chinangwa chake chirambe chichizadziswa?

• Mazuva ano Jehovha ari kushandisa sei mudzimu wake?

• Jehovha achashandisa sei mudzimu wake kuti aite kuti chinangwa chake chizadziswe?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Bhokisi riri papeji 10]

Uri Kufambirana Nechiedza Chiri Kuramba Chichijeka Here?

Jehovha ari kuramba achijekesera vanhu vake chokwadi cheBhaibheri. Ndedzipi dzimwe pfungwa dzakagadziriswa dzikabudiswa muNharireyomurindi?

▪ Mufananidzo waJesu wembiriso une chidzidzo chei nezvokuti munhu anosvika sei pakuva mudzidzi? (Mat. 13:33)—July 15, 2008, mapeji 19-20.

▪ Kudanwa kwevaKristu vane tariro yokuenda kudenga kunoguma rini?—May 1, 2007, mapeji 30-31.

▪ Zvinorevei kunamata Jehovha “nomudzimu”? (Joh. 4:24)—July 15, 2002, peji 15.

▪ Boka guru rinoshumira riri muchivanze chipi? (Zvak. 7:15)—May 1, 2002, mapeji 30-31.

▪ Kuparadzaniswa kwemakwai nembudzi kunoitika rini? (Mat. 25:31-33)—October 15, 1995, mapeji 18-28.