Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Haadi Kuti Upinde Munjodzi

Jehovha Haadi Kuti Upinde Munjodzi

Jehovha Haadi Kuti Upinde Munjodzi

MWARI Wemasimbaose paachaunza dambudziko guru pane mamwe ose ati amboitika, achava nechokwadi chokuti ‘achengetedza’ vose vaanofarira. (Pis. 31:23) Asi kutaura chokwadi, Jehovha agara achida kudzivirira vanhu kuti vasakuvadzwa. Sezvo ari ‘iye tsime roupenyu,’ anoona vanhu vose sevanokosha uye vanofanira kudzivirirwa.—Pis. 36:9.

Vashumiri vaMwari vakatendeka vekare ndiwo maonero avaiitawo nyaya youpenyu. Maererano naGenesisi 33:18, rwendo rwakaitwa naJakobho nemhuri yake rwakanga rune ngozi chaizvo, asi vakasvika zvakanakanaka pasina njodzi yavawira, ‘vakachengeteka.’ Jakobho aivimba naMwari kuti aizomudzivirira asi iyewo akatora matanho okudzivirira vose vaaifamba navo. (Gen. 32:7, 8; 33:14, 15) Kana ukashandisa zvinotaurwa neBhaibheri, unogona kudzivirira njodzi pauri uye pane vamwe. Ngationei kuti chokwadi ichi chinoshanda sei kune vaya vanoshanda paDzimba dzoUmambo, vanoita mabasa okuyamura vanenge vawirwa nenjodzi nemamwe akadaro.

Zvaiitwa Kuti Pasava Nenjodzi muMutemo waMosesi

Mutemo waMosesi waida kuti vanhu vaMwari vatevedzere mirayiro yaiita kuti pasava nenjodzi. Somuenzaniso, muIsraeri aivaka imba aifanira kuisa karusvingo kaidzivirira nechokumucheto padenga reimba. Karusvingo aka kaizobatsira kuti vasadonha nemhaka yokuti vanhu vaiwanzogara pamatenga edzimba dzavo. (1 Sam. 9:26; Mat. 24:17) Kana njodzi yaizoitika pamusana pokuti mutemo uyu unodzivirira wakanga usina kutevedzerwa, muridzi wemba ainzi naJehovha ndiye ane mhosva.—Dheut. 22:8.

Mutemo uyu waishandawo kana paitika njodzi inenge yakonzerwa nezvipfuwo. Kana nzombe yaizotunga munhu akafa, muridzi wayo aifanira kuiuraya kuitira kuti vamwe vanhu vasakuvadzwa. Kuuraya nzombe yacho kwaiva kurasikirwa chaizvo nokuti muridzi wayo akanga asingakwanisi kudya nyama yacho kana kuitengesa. Asi ngatitii nzombe yaizokuvadza munhu, muridzi wayo orega kuichengetedza. Zvaizofamba sei? Kana nzombe iyoyo yaizouraya mumwe munhu, yaizofanira kuurayiwa pamwe chete nemuridzi wayo. Mutemo iwoyo waiita kuti munhu ane tsika yokusiya zvipfuwo zvake zvichingoita madiro afunge kaviri.—Eks. 21:28, 29.

Mutemo waikurudzirawo kuti midziyo ishandiswe zvakanaka. VaIsraeri vakawanda vaishandisa matemo kutema huni. Kana demo raizvomoka pamupinyi rouraya mumwe munhu, aitema huni wacho aifanira kutizira kuguta rokupotera. Aifanira kugarako kusvikira mupristi mukuru afa, izvi zvaiita kuti munhu ainge auraya netsaona aparadzaniswe nemhuri yake kwemakore. Urongwa uhwu hwaidzidzisa rudzi rwacho kuti upenyu hunokosha kuna Jehovha. Munhu aiona upenyu sezvinoitwa naMwari aichengeta midziyo yake yakanaka uye aiishandisa zvisingakonzeri ngozi.—Num. 35:25; Dheut. 19:4-6.

Achishandisa mitemo iyoyo, Jehovha akajekesa kuti aida kuti vanhu vake vaite zvinhu zvaisaisa upenyu pangozi, pangava pamba kana kune dzimwe nzvimbo. Vaya vaikonzera rufu kana vaikuvadza vamwe, kunyange netsaona, vaizvidavirira kuna Mwari. Mafungiro aJehovha panyaya iyi haana kuchinja. (Mar. 3:6) Achiri kuda kuti vanhu vasazvikuvadza kana kukuvadza vamwe. Izvi zvinokosha kunyanya kana tichivaka kana kugadzirisa zvivako zvinoshandiswa pakumunamata.

Kudzivisa Ngozi Panenge Pachivakwa

Tinoona kuvaka uye kugadzirisa Dzimba dzoUmambo, Dzimba dzeMagungano uye zvivako zvebazi seropafadzo chaiyo. Ndiwo maonero atinoitawo mabasa okuyamura vanenge vawirwa nenjodzi. Nguva dzose, tinoda kuita basa redu nounyanzvi, nokuti kusaita zvinhu nomazvo, kunyange tumabasa tusingadi ruzivo rwakawanda, kunogona kuita kuti tikuvare kana kuti tikuvadze vatinoshanda navo. (Mup. 10:9) Zvechokwadi kana tikava netsika yokushanda takangwarira, tichaita kuti pasava neanokuvara.

Bhaibheri rinoti: “Kunaka kwemajaya ndiro simba rawo, uye kubwinya kwevakwegura ndiko kuchena kwemisoro yavo.” (Zvir. 20:29) Vechiduku vane simba vanodiwa kuti vaite mabasa akaoma. Asi vashandi vachena misoro, kureva vaya vava noruzivo mumabasa okuvaka, vanoshandisa maoko kana midziyo pakuzokwenenzvera kuti zvitaridzike. Uyewo vaya vakwegura vakamboshandawo mabasa anorema pavakanga vachine simba. Kana uri mutsva, tarisa mashandiro anoita vaya vagara pabasa, uye tevedzera zvavanokuudza. Kana uchida kudzidza, hama dzagara nebasa rokuvaka dzichakudzidzisa zvinhu zvakawanda. Izvi zvinosanganisira mashandisiro aungaita zvinhu zvinokuvadza uye masimudziro aungaita zvinhu zvinorema. Zvichaita kuti uve mushandi ane zvibereko, asingakonzeri njodzi, uye anofara.

Vanoshanda panovakwa vanofanira kugara vakachangamuka. Zvinhu zvinongoerekana zvachinja. Nzvimbo yaimbova isina gomba inogona kunge yava naro. Vamwe vaunoshanda navo vanogona kunge vachinja panga pane manera, puranga kana kuti mugomo wependi. Kana pfungwa dzako dzisipo unogona kukuvara nyore. Mitemo yokudzivirira njodzi inowanzoda kuti vanoshanda panenge pachiitirwa basa vapfeke zvinhu zvinovadzivirira. Magogorosi, heremeti, neshangu dzakakodzera zvinogona kukudzivirira panjodzi dzakawanda paunenge uchishanda pari kuvakwa. Asi zvinhu izvi zvichangokudzivirira chete kana wakazvipfeka uye zvisina kubvaruka.

Kunyange zvazvo midziyo yakawanda ichiita sokunge haina kuoma kushandisa, kuti uishandise zvisina ngozi uye nounyanzvi zvinoda kuti udzidziswe woita zvaunenge wadzidziswa. Kana pane mudziyo waunoda kushandisa asi usingazivi kuti unoushandisa sei, bvunza hama inenge ichitarisira basa racho. Icharonga kuti udzidziswe. Zvakanaka kuti uve nemwero kana kuti uzive zvausingagoni. Kutaura zvazviri, ndizvo zvinotodiwa kuitira kuti usazvikuvadza kana kukuvadza vamwe panzvimbo inenge ichivakwa.—Zvir. 11:2.

Pamabasa okuvaka, chinonyanya kukonzera njodzi kudonha. Usati wakwira pamanera kana kuti panzvimbo yakagadzirirwa kuti munhu amire achivaka, iva nechokwadi chokuti zvinhu zvacho zvakanaka uye zvakasimba zvokuti hazvikonzeri njodzi. Kana uchifanira kushanda wakakwira pane chimwe chinhu kana kuti uri padenga remba, pangava nemirayiridzo yokuti pave nesimbi dzokubatirira kana kuti usungwe nemabhandi. Kana une mubvunzo nezvokushanda wakakwira pane chimwe chinhu bvunza anenge achitarisira basa racho. *

Sezvo vanhu vari kushumira Jehovha vari kuwedzera munyika yose, Dzimba dzoUmambo nezvimwe zvivako zvakawanda zvinoshandiswa pakunamata kwechokwadi zviri kufanirawo kuvakwa. Vaya vanotarisira basa panenge pachivakwa Dzimba dzoUmambo nemamwe mabasa akada kudaro ndivo vanofanira kudzivirira makwai aJehovha anokosha avanenge vachitarisira pakushanda. (Isa. 32:1, 2) Kana ukava neropafadzo yokutungamirira hama nehanzvadzi dzako pabasa rokuvaka, usafa wakakanganwa kukosha kwokudzivisa njodzi. Iva nechokwadi chokuti nzvimbo yacho yakachena uye kuti zvinhu hazvina kungoti bvuu. Taura zvakanaka asi usingadiri mvura mashoko ako paunopa zano vaya vanenge vasiri kungwarira kudzivirira ngozi. Musabvumira kuti vana nevaya vasina ruzivo vapinde munzvimbo dzine ngozi. Garai mafunga nezvenjodzi dzinogona kuitika pari kushandwa mogara manyevera vashandi nezvadzo. Yeukai kuti chinangwa chedu ndechokuti tipedze basa pasina akuvara.

Kubatsira Kunoita Rudo Panyaya Iyi

Mamwe mabasa anoitwa panovakwa Dzimba dzoUmambo nezvimwe zvivako zvinoshandiswa pakunamata kwechokwadi angangoita kuti vamwe vakuvare. Saka vanoita mabasa akadaro vanofanira kuchenjerera. Muchadzivisa njodzi uye muchaita kuti vamwe vamunoshanda navo vasakuvadzwa kana mukaremekedza zvinotaurwa neBhaibheri, mukateerera mirayiridzo yemaitirwo ebasa racho uye mukaita zvinhu nokungwarira.

Chii chinonyanya kuita kuti tikoshese nyaya yokungwarira njodzi? Rudo. Zvechokwadi kuda Jehovha kunoita kuti tikoshese upenyu sezvaanoita. Uye kuda vanhu kunoita kuti tisaita chero chinhu chipi zvacho chinoratidza kuti hatina hanya chingazopedzisira chakuvadza vamwe. (Mat. 22:37-39) Saka, ngatiitei zvose zvatinokwanisa kuti vatiri kushanda navo pabasa rokuvaka vave ‘vakachengeteka.’

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 14 Ona bhokisi rakanzi “Kushandisa Manera Zvisina Ngozi” riri papeji 30.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 30]

Kushandisa Manera Zvisina Ngozi

Mugore richangopfuura, muUnited States, vashandi vanopfuura 160 000 vakakuvara uye vanosvika 150 vakafa nokudonha pamanera. Pasinei nokwaunogara kana kushanda, pano pane mirayiridzo inogona kukubatsira kuti usadonha pamanera.

◇ Usashandisa manera anotamba-tamba kana kuti asingashandi zvakanaka, uye usaedza kuagadzirisa. Anofanira kuraswa.

◇ Manera ose akanyorwa uremu hwevanhu nezvinhu hwaanobvumirwa kutakura. Iva nechokwadi chokuti kurema kwaunoita kukasanganiswa nokurema kwematurusi awakatakura hakudariki uremu hunobvumirwa pamanera acho.

◇ Misa manera ako pakati sandara, paasingazonyuri. Usamisa manera pazvimbo dzinotamba-tamba dzakadai sepamigomo kana mabhokisi.

◇ Nguva dzose usaburuka kana kukwira wakafuratira manera.

◇ Usamira kana kugara pamatanho maviri okupedzisira ari pamusoro pemanera.

◇ Kana uchida kukwira kana kuburuka pamusoro pechimwe chinhu pakadai sepadenga remba uchishandisa manera anokwanisa kurebeswa kana kupfupikiswa, unofanira kuamisa akati pfuurei chauri kuda kukwira chacho nemita imwe. Sungirira makumbo emanera kana kuti komerera puranga rakatsigira parakatsika kuti risatsvedza. Kana kuri kuti haukwanisi kuita izvi, tsvaka mumwe munhu achakubatira manera paunenge wakaakwira. Sungirira manera acho nechokumusoro kuitira kuti asatizira kumativi.

◇ Usaisa mapuranga pamanera kuitira kuti umire ipapo uchishanda.

◇ Kana ukaita zvokusvoverera chimwe chinhu, izvozvo zvingaita kuti manera atambe-tambe. Usaita zvokusvoverera, zvine ngozi. Swededza manera ako pedyo nepauri kushandira.

◇ Kana uchifanira kushandisa manera uri seri kwedhoo rakavharwa, isa chiratidzo chakanyorwa padhoo racho worikiya. Kana kukiya dhoo kusingaiti, ngapave nomumwe munhu anozoudza vanenge vachipfuura.

◇ Munhu mumwe chete ndiye anofanira kukwira pamanera kunze kwokunge manera acho akagadzirirwa vanhu vaviri. *

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 33 Zvimwe zviyeuchidzo zvine chokuita nokushandisa manera zvinogona kuwanikwa muMukai yeChirungu yaAugust 8, 1999 pamapeji 22-24.

[Mufananidzo uri papeji 29]

Mutemo waMosesi waiti dzimba dzine matenga akati sandara dziiswe karusvingo