Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kutsungirira Miedzo Kwakasimbisa Chivimbo Chedu Muna Jehovha

Kutsungirira Miedzo Kwakasimbisa Chivimbo Chedu Muna Jehovha

Kutsungirira Miedzo Kwakasimbisa Chivimbo Chedu Muna Jehovha

Yakataurwa naAda Dello Stritto

Ndichangopedza kukopera rugwaro rwezuva mukabhuku kangu. Ndine makore 36, asi zvanditorera maawa maviri kunyora mitsetse mishomanana iyoyo. Sei ndatora nguva yakareba kudaro? Regai amai vangu vatsanangure.—Joel

INI nomurume wangu takabhabhatidzwa seZvapupu zvaJehovha muna 1968. Takabereka vanakomana vedu vaviri vaiva noutano hwakanaka, David naMarc, uye ndakazova nowechitatu, Joel. Akazvarwa nguva isati yakwana muna 1973 pane chimwe chipatara chiri mutaundi reBinche, kuBelgium, riri makiromita 60 kumaodzanyemba kweBrussels. Aingorema makirogiramu 1,7. Pandakabuda muchipatara, Joel akambosara kuitira kuti awedzere uremu hwake.

Kwapera vhiki dzinoverengeka pasina chavandudzika paari, ini nomurume wangu Luigi takaendesa mwana wedu kwachiremba wevana. Chiremba wacho apedza kuongorora Joel, akati: “Ndine urombo zvikuru. Kunenge kuti Joel indonda chaiyo kusiyana nevakoma vake.” Takamboti zii. Ndipo pandakabva ndaziva kuti mwanakomana wedu ari kurwara zvakaipa. Chiremba wacho akabva aenda nomurume wangu padivi achibva amuti: “Mwana wenyu ane chirwere chinonzi trisomy 21,” chinozivikanwawo seDown syndrome. *

Tavhiringidzwa nezvakanga zvataurwa nachiremba uyu wevana, takanobvunza mumwe chiremba. Akanyatsoongorora Joel kweinenge awa pasina chaataura. Asi kwandiri naLuigi zvaiita sokuti atora gore chairo. Chiremba wacho akazosimudza musoro ndokubva ati, “Mwana wenyu achada kubatsirwa nemi pane zvakawanda.” Akazotizve nenzwi rairatidza tsitsi, “Asi Joel achafara nokuti vabereki vake vanomuda!” Neshungu, ndakagumbatira Joel tikabva taenda naye kumba. Apa akanga ava nemwedzi miviri.

Kusimbiswa Nemisangano yechiKristu Noushumiri

Joel akaongororwazve kuchipatara, vakaona kuti mwoyo wake wakanga usina kuita zvakanaka, uye mapfupa ake akanga asina kusimba. Mwoyo wake wakanga wakakurisa, saka waitsimbirira mapapu ake zvokonzera utachiona hwaiita kuti agare achingorwara-rwara. Pasina nguva ngani, paakanga ava nemwedzi mina, Joel akarwara nemabayo aimutadzisa kufema, uye akadzokera kuchipatara, kwaakanoiswa muwadhi yake oga. Tairwadziwa zvikuru kumuona achiyaura kudaro. Taida chaizvo kumubata uye kumupuruzira, asi kwemwedzi miviri nehafu, tairambidzwa kana kumugunzva chaiko. Ini naLuigi taingomutarisa, tobatana, tonyengetera.

Munhamo yose iyi, takaramba tichipinda misangano yeungano naDavid naMarc, vaiva nemakore 6 ne3 panguva iyoyo. Kuva paImba yoUmambo kwaiita sokuti tiri mumaoko aJehovha ane hanya. Nguva yataivako, tiine hama dzedu nehanzvadzi, tainzwa kuti taigona kuisa mutoro wedu pana Jehovha, uye mwoyo yedu yaigadzikana. (Pis. 55:22) Kunyange vanamukoti vaitarisira Joel vakati vaicherechedza kuti kupinda kwataiita misangano yechiKristu kwaitibatsira kuva nemaonero akanaka.

Panguva iyoyo, ndaikumbirawo Jehovha simba rokuenda mubasa romumunda. Pane kuswera pamba ndichichema, ndaida kutaura nevamwe ndichivaudza kusimbiswa kwandaiitwa nokuvimba nezvakapikirwa naMwari zvenyika isina urwere. Pose pandaikwanisa kuita ushumiri, ndainzwa kuti Jehovha akanga apindura minyengetero yangu.

“Inga Chishamiso Chaicho!”

Hakusi kufara kwatakaita mumwe musi pakazobudiswa Joel muchipatara! Asi mangwana acho chaiwo, takasuwa zvakare. Joel akabva atanga kurwarisa, uye takamumhanyisazve kuchipatara. Vanachiremba vamuongorora vakatiti: “Joel haapfuudzi mwedzi mitanhatu ari mupenyu.” Kwapera mwedzi miviri, paakanga ava nemwedzi inenge misere, zvaiita sokuti zvakanga zvataurwa nanachiremba zvaizoitika, nokuti Joel akaramba achitowedzera kurwara. Mumwe chiremba akagara nesu pasi akati: “Ndine urombo zvikuru. Hapachina zvimwe zvatinogona kumubatsira nazvo.” Zvadaro akawedzera kuti: “Parizvino, Jehovha chete ndiye ava kukwanisa kumubatsira.”

Ndakadzokera muwadhi maiva naJoel. Kunyange zvazvo ndakanga ndiri kurwadziwa uye ndaneta, ndakatsunga kuti ndaizoramba ndiri padivi pake. Hanzvadzi dzinoverengeka dzatainamata nadzo dzaichinjana kugara neni sezvo Luigi aifanira kutarisira vamwe vanakomana vedu vaviri. Pakapera vhiki. Mwoyo waJoel wakangoerekana usingachashandi, ndiye zii. Vanamukoti vakamhanya vachipinda maaiva asi hapana chavakanga vachagona kuita kuti vamubatsire. Kwapera maminitsi mashomanana, mumwe wavo akati zvinyoro-nyoro, “Azorora.” Zvakandipedza simba, ndikachema ndichibva ndabuda muwadhi macho. Ndakaedza kunyengetera kuna Jehovha, asi ndakashaya mashoko ainyatsobudisa marwadzo angu. Kwapera maminitsi anenge 15, mumwe mukoti akandidana akati, “Joel ava kufefemuka!” Akandibata ruoko ndokuti, “Huyai mumuone.” Pandakadzokera maiva naJoel, mwoyo wake wakanga wava kushanda zvakare! Nenguva isipi, mashoko okufefemuka kwake akapararira. Vanamukoti navanachiremba vakauya kuzomuona, uye vakawanda vacho vakangoti, “Inga chishamiso chaicho!”

Nhanho Yokutanga Inoshamisa, Ava Nemakore Mana

Joel achiri muduku, chiremba uya wevana aigara achitiudza kuti, “Joel anoda kudiwa zvakanyanya.” Ini naLuigi zvatakanga tanyatsoona kudiwa kwataiitwa naJehovha pakaberekwa Joel, taidawo kuratidza mwanakomana wedu rudo zvikuru. Taiva nemikana yakawanda yokumuratidza rudo nokuti taifanira kumubatsira pane zvose zvaaiita.

Kwemakore manomwe okutanga, taitoziva kuti nguva yakati yegore Joel aizorwarisa. Pakati paOctober naMarch, aigara achingorwara, uye aigara achingopinda nokubuda muchipatara. Asiwo ndaiedza nepandaigona napo kuwana nguva yokuva nevanakomana vedu David naMarc. Izvi zvakaita kuti vadewo kubatsira Joel kuti adzidzire zvimwe zvinhu, uye vakabudirira zvinoshamisa. Somuenzaniso, vanachiremba vakawanda vakanga vatiudza kuti Joel haazombofi akagona kufamba. Asi mumwe musi Joel paakanga ava nemakore mana, mwanakomana wedu Marc akati, “Joel, ratidza Amai kuti unogona kufamba!” Ndakashamisika kuona Joel achitanga kudhanaira! Takafara, uye takanyengetera pamwe chete semhuri tichitenda Jehovha nomwoyo wose. Dzimwe nguva, kunyange Joel paaingogona kuita kanhu kadiki, taimurumbidza nomwoyo wose.

Kumudzidzisa Kuda Mwari Kubvira Paucheche Kunobatsira

Pose pazvaibvira, taienda naJoel kumisangano kuImba yoUmambo. Kuti asabatwa noutachiona hwaizomurwarisa, taimuisa mupurema yakanga yakavharwa nepurasitiki raionesa zviri mukati. Asi iye ainakidzwa chaizvo nokuva neungano, kunyange zvazvo ainge akavharirwa saizvozvo.

Hama dzedu nehanzvadzi dzatainamata nadzo dzaitisimbisa, dzichitiratidza rudo uye dzichitipa rubatsiro rwataida chairwo. Imwe hama yaigara ichitiyeuchidza mashoko ari pana Isaya 59:1, anoti: “Tarira! Ruoko rwaJehovha haruna kupfupika zvokusagona kuponesa, uyewo nzeve yake haina kuvhara zvokusagona kunzwa.” Mashoko anokurudzira iwayo akatibatsira kuvimba naJehovha.

Joel paaikura, taimubatsira kuti akoshese kushumira Jehovha kupfuura zvimwe zvose muupenyu hwake. Pose pataiwana mukana, taitaura naye nezvaJehovha nenzira yaizomubatsira kuva noukama hwakasimba naBaba vake vokudenga. Taiteterera Jehovha kuti akomborere zvataiita kuitira kuti kumudzidzisa kwedu nezvaMwari kuve nemigumisiro yakanaka.

Paakanga ava kuyaruka, takafara patakacherechedza kuti Joel aida kuudzawo vanhu vaaionana navo chokwadi chiri muBhaibheri. Pane imwe nguva, ava nemakore 14, kwapera zvizuva avhiyiwa, ndakafara zvokufara zviya paakandibvunza kuti: “Amai, zvinoita here kuti ndipe chiremba akandivhiya bhuku raKurarama Nokusingaperi?” Pashure pemakore mashomanana, Joel aifanira kuvhiyiwa zvakare. Tainyatsoziva kuti pamwe angangotadza kumuka. Joel asati avhiyiwa, akapa vanachiremba tsamba yatakanga tanyora pamwe naye. Yaitsanangura kuti akanga asingadi kuwedzerwa ropa. Chiremba wacho akabvunza Joel kuti, “Unobvumirana nazvo here?” Joel akapindura zvakasimba achiti, “Hungu, Chiremba.” Takadada nomwanakomana wedu nokuti aivimba noMusiki wake uye kuti aida kumufadza chero zvodini. Vanachiremba nanamukoti vakabvuma kuita zvaaida, uye takavaonga zvikuru.

Joel Anofambira Mberi Pakunamata

Paakanga ava nemakore 17, Joel akatsaurira upenyu hwake kuna Mwari nokubhabhatidzwa mumvura. Iri izuva ratisingazombofi takakanganwa! Kuona kufambira mberi kwaaita pakunamata kunotifadza chaizvo. Kubvira panguva iyoyo, kuda kwaanoita Jehovha uye kushingairira chokwadi hakuna kumbodzikira. Kutaura zvazviri, Joel anofarira kuudza munhu wose waanenge aona kuti, “Chokwadi ndicho chakabata upenyu hwangu!”

Paakanga ava kuda kusvitsa makore 20, Joel akadzidzira kuverenga nokunyora. Aifanira kushanda nesimba chaizvo. Aiti akakwanisa kunyora kashoko, aipembera. Kubvira panguva iyoyo, zuva roga roga anotanga nokuongorora rugwaro rwezuva mukabhuku kanonzi Kuongorora Magwaro Zuva Nezuva. Apedza, anonyatsokopera rugwaro rwacho mune kamwe kemabhuku ake, zvokuti iye zvino tubhuku twacho twawanda.

Mazuva atinenge tine misangano, Joel anova nechokwadi chokuti takurumidza kuenda kuImba yoUmambo nokuti anoda kuti tikurumidze kusvika kuitira kuti agogamuchira vaya vanenge vachiuya. Misangano painenge ichiitwa, anofarira kupindurawo uye kuita mienzaniso. Anobatsirawo kutarisira gudzanzwi uye kuita mamwe mabasa. Kana utano hwake hwakanaka, vhiki yoga yoga tinoenda naye mubasa rokuparidza. Muna 2007 ungano yakapiwa chiziviso chokuti Joel akanga agadzwa kuva mushumiri anoshumira. Takachema misodzi yokufara. Chokwadi ichi chikomborero chaicho chinobva kuna Jehovha!

Tiri Kuona Kubatsirwa Kwatinoitwa naJehovha

Muna 1999 takawirwa nomumwe muedzo. Mota yedu yakadhumwa nomumwe mutyairi asingakoshesi upenyu, uye Luigi akakuvara zvakaipa. Rimwe gumbo rake raitofanira kugurwa, uye akavhiyiwa muzongoza kakawanda. Uyezve, kuvimba naJehovha kwakatibatsira kuona kuti anopa vashumiri vake simba. (VaF. 4:13) Kunyange zvazvo Luigi aremara, tinoedza kuona zvimwe zvaachiri kukwanisa kubatsira. Sezvo asingachakwanisi kuenda kubasa, ava nenguva yakawanda yokutarisira Joel. Izvi zvinoita kuti ndiwane nguva yakawanda yokuita zvokunamata. Luigi ava kuwanawo nguva yakawanda yokutungamirira zvine chokuita nokunamata mumhuri yedu uye muungano, maachiri murongi mudare revakuru.

Nemhaka yemamiriro akaita zvinhu mumhuri medu ayo asingawanzoitiki kune vakawanda, tinowana nguva yakawanda yokuva pamwe chete semhuri. Nokufamba kwenguva, takadzidza kusazviomesera uye kuita zvatinokwanisa. Mazuva atinenge takaora mwoyo, tinonyengetera tichiudza Jehovha manzwiro edu. Zvinosuwisa kuti vanakomana vedu David naMarc pavakakura vakatama pamba, vakabva vazorega kushumira Jehovha. Tinovimba kuti vachadzoka havo kuna Jehovha.—Ruka 15:17-24.

Mumakore ose aya, takaona kutsigirwa kwatinoitwa naJehovha uye takadzidza kuvimba naye pazvinetso zvose zvatinotarisana nazvo. Tinoda chaizvo mashoko atinowana pana Isaya 41:13, anoti: “Ini, Jehovha Mwari wako, ndakabata ruoko rwako rworudyi, ndini ndiri kuti kwauri, ‘Usatya. Ini ndichakubatsira.’” Zvinonyaradza zvikuru kuziva kuti Jehovha anobata zvakasimba ruoko rwedu. Zvechokwadi, tinogona kunyatsotaura kuti kutsungirira miedzo kwakasimbisa chivimbo chedu muna Baba vedu vokudenga, Jehovha.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 Trisomy 21 chirwere chokuzvarwa nacho chinoita kuti munhu ave dera. Mumasero omunhu mune machromosome anenge akarongwa ari maviri maviri achisvika mapoka 23, asi vana vanozvarwa vaine trisomy 21 vanenge vaine rimwe chromosome rechitatu paboka rechi21.

[Mifananidzo iri papeji 16, 17]

Joel aina amai vake, Ada

[Mufananidzo uri papeji 18]

Ada, Joel, naLuigi

[Mufananidzo uri papeji 19]

Joel anofarira kugamuchira hama nehanzvadzi paImba yoUmambo