Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Rega Kutarira Zvinhu Zvisina Zvazvinobatsira!

Rega Kutarira Zvinhu Zvisina Zvazvinobatsira!

Rega Kutarira Zvinhu Zvisina Zvazvinobatsira!

“Itai kuti maziso angu arege kutarira zvinhu zvisina zvazvinobatsira; ndichengetedzei ndiri mupenyu panzira yenyu.”—PIS. 119:37.

1. Maziso chipo chinokosha zvakadini?

CHOKWADI maziso edu anokosha! Anoita kuti tibve tangoziva zvakatipoteredza, ruvara rwazvo uye zvazvakaita. Maziso edu anoita kuti tione shamwari dzedu dzinotifarira kana kuti zvinhu zvingatipinza mungozi. Ndiwo anoita kuti tione kunaka kwezvinhu uye kushamisa kunoita zvinhu zvakasikwa, uchapupu hwokuti Mwari ariko uye kuti anofanira kukudzwa. (Pis. 8:3, 4; 19:1, 2; 104:24; VaR. 1:20) Uye sezvo ari iwo anoendesa mashoko kupfungwa, maziso ane basa rakakura pakuwana kwedu zivo pamusoro paJehovha uye pakuita kuti titende maari.—Josh. 1:8; Pis. 1:2, 3.

2. Sei tichifanira kungwarira zvatinoona, uye tingadzidzei pachikumbiro chemwoyo wose chomunyori wepisarema panyaya iyi?

2 Asi zvinhu zvatinotarisa zvinogonawo kutikuvadza. Maziso edu nepfungwa dzedu zvinoshanda pamwe chete zvokuti zvatinoona nemaziso edu zvingaita kuti tinyanye kuda kana kuti kushuva zvimwe zvinhu. Uye sezvo tichirarama munyika yakaipa, inokurudzira kungozvifunga, iyo iri kutongwa naSatani Dhiyabhorosi, mifananidzo uye mashoko zvinogara zvichitinaya kuti zvititsause, kunyange kana tangoita zvokukanda ziso. (1 Joh. 5:19) Regai munyori wepisarema akazoteterera Mwari achiti: “Itai kuti maziso angu arege kutarira zvinhu zvisina zvazvinobatsira; ndichengetedzei ndiri mupenyu panzira yenyu.”—Pis. 119:37.

Kutsauswa Kwatingaitwa Nemaziso Edu

3-5. Inhoroondo dzipi dziri muBhaibheri dzinorondedzera zvakaipira kurega maziso edu achitinyengedza?

3 Funga nezvezvakaitika kumukadzi wokutanga, Evha. Satani akamuudza kuti maziso ake ‘aizosvinudzwa’ kana akadya muchero wo“muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa.” Evha anofanira kunge akafarira pfungwa yokuti maziso ake ‘aizosvinudzwa.’ Shungu dzokuda kudya muti wakanga warambidzwa dzakatowedzera pa“akaona kuti muti wacho wakanga wakanakira kudya uye kuti wakanga uri chimwe chinhu chinoyevedza, chokwadi, muti wacho waifadza kutarira.” Kutarira kwakaita Evha muti wacho noruchiva kwakaita kuti arege kuteerera murayiro waMwari. Murume wake Adhamu haanawo kuteerera, uye zvakazoita kuti vanhu vose vawane matambudziko.—Gen. 2:17; 3:2-6; VaR. 5:12; Jak. 1:14, 15.

4 Mumazuva aNoa, dzimwe ngirozi dzakavhiringidzwawo nezvadzakaona. Genesisi 6:2 inodzirondedzera ichiti: “Vanakomana vaMwari wechokwadi vakaona vanasikana vevanhu, kuti vakanga vakanaka; vakatora madzimai, kureva ose avakasarudza.” Kutarira vanasikana vevanhu nemaziso okuchiva kwakaita kuti ngirozi idzi dzakanga dzapanduka dzide kuita zvadzakanga dzisina kusikirwa, zvokurara nevanhu uye dzakazobereka vana vaida zvokurwa. Panguva iyoyo zvakaipa zvakaitwa nevanhu zvakaita kuti vanhu vose vagume vaparadzwa, kusara kwaNoa nemhuri yake.—Gen. 6:4-7, 11, 12.

5 Kwapera mazana emakore, maziso omumwe muIsraeri ainzi Akani akaita kuti abe zvinhu zvaiva muguta reJeriko rakanga rakundwa. Mwari akanga ati zvinhu zvose zvaiva muguta racho zviparadzwe, kunze kwezvimwe zvaifanira kuendeswa kupfuma yaJehovha. VaIsraeri vakayambirwa kuti ‘varege chinhu chakatsaurwa kuti chiparadzwe, kuti varege kuchida,’ vozotora zvimwe zvinhu muguta racho. Akani paakarega kuteerera, vaIsraeri vakakundwa paguta reAi, uye vakati wandei vakafa. Akani haana kubvuma kuti akanga aba kusvikira atozofumurwa. “Pandakaona” zvinhu zvacho, akadaro Akani, “ndakabva ndazvida, ndikazvitora.” Kuchiva kwemaziso ake kwakaita kuti azoguma aparadzwa, pamwe chete “nezvinhu zvake zvose.” (Josh. 6:18, 19; 7:1-26) Mwoyo waAkani wakada zvinhu zvaakanga arambidzwa.

Tinofanira Kuzvidzora

6, 7. Pa“mazano” ake, Satani anowanzoshandisa ripi kuti atinyengedze, uye vanoshambadzira vanorishandisa sei?

6 Mazuva ano, vanhu vanoedzwa sezvakaitwa Evha, ngirozi dzisina kuteerera, uye Akani. Pa“mazano” ose anoshandiswa naSatani pakutsausa vanhu, “kuchiva kwemaziso” ndiko kunonyanya kushanda. (2 VaK. 2:11; 1 Joh. 2:16) Mazuva ano vanoita zvokushambadzira vanoziva kuti kubva kare nakare munhu akangoti ziso ba pachinhu haachadi kuchisiya. Imwe nyanzvi yokushambadzira yokuEurope inoti, “Ziso rinonyengera zvisingaiti. Kazhinji rinokunda dzimwe pfungwa dzose, uye rine simba rokuita kuti tiite zvatinonyatsoziva kuti hazvina kutinakira.”

7 Ndokusaka vanoshambadzira vachigara vachitiratidza mifananidzo inenge yakagadzirwa nounyanzvi kuitira kuti patinoona zvavari kutengesa tizvide kana kuti tide kuitirwa mabasa navo. Mumwe wokuUnited States aitsvakurudza mashoko nezvemagariro evanhu akaongorora kuti kushambadzira kunoita kuti vanhu vaite sei ndokuti, “vanenge vasingashambadzi kuti vanhu vazive zvavainazvo chete, asi kuti vatoedza kuva nezvinhu zvacho.” Vanowanzoshandisa mifananidzo inoita kuti vanhu vade zvepabonde. Saka zvinokosha kuti tizvidzore pane zvatinotarira uye zvatinopinza mupfungwa dzedu nemwoyo yedu.

8. Bhaibheri rinosimbisa sei kukosha kwokudzora maziso edu?

8 VaKristu vechokwadi vanokanganiswawo nechishuvo chemaziso uye chenyama, sezvinongoita vamwe vanhu vose. Naizvozvo Shoko raMwari rinotikurudzira kuti tizvidzore pane zvatinoona nezvatinoda. (1 VaK. 9:25, 27; verenga 1 Johani 2:15-17.) Murume akarurama Jobho aiziva kubatana kwakaita kuona chinhu nokuchida. Akati: “Ndakaita sungano nemaziso angu. Saka ndingaramba sei ndakatarira mhandara?” (Job. 31:1) Jobho haana kungoramba kubata mukadzi zvounzenza asiwo akatoti aisazomborega pfungwa dzake dzichifunga zvakadaro. Jesu akati pfungwa hadzifaniri kufunga zvisina kuchena paakati: “Munhu wose anoramba akatarira mukadzi zvokuti anomuchiva atoita upombwe naye mumwoyo make.”—Mat. 5:28.

Zvinhu Zvisina Zvazvinobatsira Zvatisingafaniri Kuona

9. (a) Sei tichifanira kunyanya kungwarira pakushandisa Indaneti? (b) Kunyange kuona zvinonyadzisira kwekanguva kaduku-duku kungaguma nei?

9 Mazuva ano munyika zvajairika ‘kuramba wakatarira’ zvinhu zvinonyadzisira, kunyanya paIndaneti. PaIndaneti nzvimbo dzakadaro hadziiti zvokutsvakwa, dzinotouya dzoga! Sei? Chimwe chinhu chiri kushambadzirwa chingaerekana chabudisa mufananidzo unoyevedza pakombiyuta yako. Tsamba yepakombiyuta yausingambofungiri ingati kana yangovhurwa, yoerekana yava kubudisa mufananidzo unonyadzisira wakagadzirwa nenzira inoita kuti zviome kuuvhara. Kunyange munhu akangokanda ziso asati audzima, mufananidzo wacho unenge wadzika midzi mupfungwa dzake. Kungoona zvinonyadzisira kwekanguva kaduku-duku kungava nemigumisiro inosuwisa. Kungaita kuti munhu asare achizvitongesa, achitambudzika kuti adzime mifananidzo iyoyo younzenza mupfungwa dzake. Chakatoipa ndechokuti munhu “anoramba akatarira” nemaune anenge achiratidza kuti haasati auraya kuchiva kwake kusina kuchena.—Verenga VaEfeso 5:3, 4, 12; VaK. 3:5, 6.

10. Sei zviri nyore kuti vana vagume vaona zvinonyadzisira, uye kuzviona kungaguma nei?

10 Sezvo vana vachida kuzivurura, zviri nyore kuti vapedzisire vakwezvwa nezvinhu zvinonyadzisira. Kana zvikaitika, zvingavakanganisa zvachose maonero avanoita nyaya dzebonde. Imwe ongororo yakaitwa inoti zvingakanganisa maonero avanoita bonde, uye “zvingavaomera kudanana nomumwe munhu vasinganetsani; zvingaita kuti vaone vanhu vechikadzi zvisina kunaka; uye zvingaita kuti vagume vapindwa muropa nokuona zvinonyadzisira, izvo zvingavavhiringidza basa rokuchikoro, shamwari uye ukama nevamwe mumhuri.” Uye zvakatonyanya kuipa ndezvokuti zvinovakanganisa kana varoora.

11. Taura muenzaniso unoratidza zvakaipira kutarira zvinhu zvinonyadzisira.

11 Imwe hama inoti, “Pane zvose zvakanga zvakandipinda muropa ndisati ndava Chapupu, kuona zvinhu zvinonyadzisira ndiko kwakandiomera kurega. Mifananidzo iyi ndichiri kuiona mupfungwa dzangu, dzimwe nguva inouya ndayeuchidzwa nomunhuwi wechimwe chinhu, mumwe mumhanzi, chinhu chandinenge ndaona, kana kuti kapfungwa kanongopfuura nomumusoro. Ndinotoita zvokurwisa zuva nezuva.” Imwezve hama payaiva duku yaiti kana vabereki vasipo, yoona magazini ezvinonyadzisira ababa vayo vakanga vasinganamati. Akanyora kuti: “Mifananidzo iyoyo yakavhiringidza pfungwa dzangu dzakanga dzisati dzakura zvokuvhiringidza zviya! Kunyange iye zvino, kwapera makore 25, mimwe mifananidzo yacho haisati yabuda mumusoro. Pasinei nokuti ndinorwisa sei, haibudi mumusoro. Izvi zvinoita kuti ndizvitongese, kunyange zvazvo ndichirwisa kuti ndisagara ndichifunga nezvazvo.” Saka unenge wakachenjera kana ukarega kutarira mifananidzo yezvinhu zvisina zvazvinobatsira, kuitira kuti usazviparamurira matambudziko akadaro! Munhu angazviita sei? Anofanira ‘kutapa kufunga kwose kuti kuteerere Kristu.’—2 VaK. 10:5.

12, 13. Zvinhu zvipi zvisina zvazvinobatsira zvisingafaniri kuonekwa nevaKristu, uye sei vasingafaniri kuzviona?

12 Chimwe “chinhu chisingabatsiri,” chatisingafaniri kuona ivaraidzo inotsigira kunyanya kuda pfuma, yezvemidzimu kana kuti inobudisa zvokurwisana nokuurayana. (Verenga Pisarema 101:3.) Jehovha anotarisira kuti vabereki vasarudze zvavachabvumira kuti zvionekwe mumusha wavo. Zvechokwadi, hapana muKristu wechokwadi anganyatsoita zvemidzimu nemaune. Kunyange zvakadaro vabereki vanofanira kungwarira mafirimu, mitambo yepaTV, mitambo yemavhidhiyo, kunyange mabhuku enyaya dzevana anotaura nezvezvinhu zvemidzimu.—Zvir. 22:5.

13 Tingava tiri vaduku kana vakuru, maziso edu haafaniri kunakidzwa nokuona mitambo inosimbisa nyaya dzokurwa uye inobudisa vanhu vachiurayiwa zvoutsinye. (Verenga Pisarema 11:5.) Hatifaniri kubvuma kuti pfungwa dzedu dzigutswe nezvinhu zvinovengwa naJehovha. Ngatiyeukei kuti chinenge chichida kukanganiswa naSatani ipfungwa dzedu. (2 VaK. 11:3) Kunyange kupedza nguva yakawandisa tichiona varaidzo inganzi yakanaka kungavhiringidza kunamata kwedu kwemanheru, kuverenga Bhaibheri zuva nezuva, uye kugadzirira misangano.—VaF. 1:9, 10.

Tevedzera Muenzaniso waJesu

14, 15. Chii chatacherechedza panzira yakashandiswa naSatani paakaedza Kristu kechitatu, uye Jesu akakwanisa sei kukunda?

14 Chinosuwisa ndechokuti munyika ino yakaipa, pane zvimwe zvisina zvazvinobatsira zvatichatoona chete. Kunyange Jesu akaratidzwa zvinhu zvakadaro. Satani paakaedza Jesu kechitatu kuti arege kuita zvinodiwa naMwari, “Dhiyabhorosi akaenda naye kugomo refu refu, akamuratidza umambo hwose hwenyika nokubwinya kwahwo.” (Mat. 4:8) Satani akazviitirei? Hapana mubvunzo kuti aida kushandisa maziso ake kuti amunyengedze. Kutarira kunaka kwakanga kwakaita umambo hwose hwenyika kwaigona kuita kuti Jesu ade chinzvimbo chomunyika. Jesu akaita sei?

15 Jesu haana kuramba achifunga nezvezvinhu zvaakanga aratidzwa izvi. Haana kurega mwoyo wake uchifunga zvakaipa. Uye haana kumbotora nguva achifunga zvakanga zvataurwa naDhiyabhorosi kuti azokwanisa kuramba. Jesu akabva angopindura ipapo. Akati: “Ibva, Satani!” (Mat. 4:10) Jesu akaramba achifunga nezvoukama hwake naJehovha uye akapindura zvaienderana nechinangwa chake muupenyu, chokuita kuda kwaMwari. (VaH. 10:7) Izvi zvakaita kuti Jesu abudirire kuvhiringidza urongwa hwaSatani.

16. Tingadzidzei pane zvakaitwa naJesu paakaramba miedzo yaSatani?

16 Tine zvakawanda zvatinodzidza pane zvakaitwa naJesu. Chokutanga, mazano aSatani anoshanda kumunhu wose. (Mat. 24:24) Chechipiri, zvatinoramba takatarira zvinogona kuita kuti zvinodiwa nemwoyo yedu zvidzike midzi, zvingava zvakanaka kana kuti zvakaipa. Chechitatu, Satani achashandisa “kuchiva kwemaziso” nepaanogona napo kuti aedze kutitsausa. (1 Pet. 5:8) Uye chechina, isuwo tinogona kurwisa Satani, kunyanya kana tikaita zvokukurumidza.—Jak. 4:7; 1 Pet. 2:21.

Ziso Rako Ngarirambe “Rakanaka”

17. Sei kusiri kuchenjera kuti titange tasangana nezvinhu zvisina zvazvinobatsira tozosarudza kuti todini?

17 Kuzvitsaurira kwedu kuna Jehovha kunosanganisira kuvimbisa kuti hatizooni zvinhu zvisina zvazvinobatsira. Patinopika kuti tichaita kuda kwaMwari, tinenge tabatana nomunyori wepisarema akanyora kuti: “Ndakadzivisa tsoka dzangu kufamba mumakwara ose akaipa, kuti ndichengete shoko renyu.” (Pis. 119:101) Hakusi kuchenjera kurega tichitanga tasangana nezvinhu zvisina zvazvinobatsira tozosarudza zvokuita. Takajekeserwa kare nyaya dzinoshorwa neMagwaro. Mazano aSatani tinoaziva. Jesu akaedzwa naSatani kuti ashandure matombo ave chingwa zvaita sei? Pashure pokutsanya kwemazuva 40 nousiku 40 uye ava “kunzwa nzara.” (Mat. 4:1-4) Satani anokwanisa kuona patinenge tisina kusimba uye patingadyira kana akatiedza. Saka iye zvino ndiyo nguva yokufunga nezvenyaya idzi. Usaverengera! Kana tikagara tichifunga nezvemhiko yedu yokuzvitsaurira kuna Jehovha zuva nezuva, ticharamba kutarira zvinhu zvisina zvazvinobatsira kunyange zvodini.—Zvir. 1:5; 19:20.

18, 19. (a) Ziso “rakanaka” rakasiyana papi neriya “rakaipa”? (b) Sei tichifanira kugara tichifungisisa zvinhu zvinokosha, uye izano ripi rinowanika pana VaFiripi 4:8 panyaya iyi?

18 Mazuva ose tinotarisana nezvinhu zvinokwezva maziso zvakasiyana-siyana, uye zviri kuramba zvichiwedzera. Saka tinotowedzera kukoshesa zvakakurudzirwa naJesu zvokuramba tiine ziso “rakanaka.” (Mat. 6:22, 23) Ziso “rakanaka” rinotarisa chinhu chimwe chete, kuita kuda kwaMwari. Asi ziso “rakaipa” rine manomano, rine ruchiva, uye rinokwezvwa nezvinhu zvisina zvazvinobatsira.

19 Yeuka kuti maziso edu anoendesa zvinhu kupfungwa uye pfungwa dzedu dzinoendesa zvinhu kumwoyo. Saka tinofanira kugara tichifungisisa zvinhu zvinokosha. (Verenga VaFiripi 4:8.) Chokwadi ngatirambei tichidzokorora munyengetero womunyori wepisarema paakati: “Itai kuti maziso angu arege kutarira zvinhu zvisina zvazvinobatsira.” Tadaro toedza kuita zvinoenderana nomunyengetero wacho, tiine chivimbo chokuti Jehovha ‘achatichengetedza tiri vapenyu panzira yake.’—Pis. 119:37; VaH. 10:36.

Tinofanira Kuyeukei Nezve . . .

• kuti maziso edu anoshanda sei pamwe nepfungwa dzedu nemwoyo?

• ngozi yokuona zvinhu zvinonyadzisira?

• kukosha kwazvakaita kuramba tiine ziso “rakanaka”?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 23]

Zvinhu zvipi zvisina zvazvinobatsira zvisingafaniri kuonekwa nevaKristu?