Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Une zvawakadzidza here pawakaverenga nyaya dzichangopfuura dzeNharireyomurindi? Kana zvakadaro ona kana uchikwanisa kupindura mibvunzo inotevera:

• Sei Mesiya aifanira kufa?

Rufu rwaJesu rwakaratidza kuti munhu akakwana anogona kuramba akazvipira kuna Mwari kunyange akaedzwa zvakaoma. Akaripawo chirango chinobva pachivi chakawanikwa nevana vaAdhamu, akaita kuti pave nomukana woupenyu husingaperi.—12/15, mapeji 22-23.

• Chii chingabatsira munhu kuti arege kuwanza doro?

Kunyengetera nokudzidza Bhaibheri kunogona kubatsira. Kudzidza kuzvidzora nokuomerera pane zvaunenge waronga, uye kusarudza shamwari dzakanaka zvinhu zvinokosha. Anenge afunga zvokunwa anofanira kuziva pokugumira, achidzidza kuramba kana akwana.—1/1, mapeji 7-9.

• Vana vanokurukurwa navo sei zvinovabatsira?

Hazvisi zvokungotaura navo chete, asi kuti unofanira kuvabvunza mibvunzo uye kuteerera zvavanopindura. Vakawanda vakaona kuti mikana yakanaka yokukurukura inowanika nguva yokudya.—1/15, mapeji 18-19.

• Jehovha angazvidemba sei iye akakwana?

Dzimwe nguva Mwari anochinja mafungiro aanenge achiita nezvevamwe vanhu. Somuenzaniso, kanoverengeka vaIsraeri vekare vaisiya Jehovha votevera vamwe vanamwari. Jehovha aibva arega kuvadzivirira. Asi vanhu pavaizvidemba nezvavainge vaita vokumbira Mwari kuti avabatsire, aichinja zvaanga achifunga nezvavo, kana kuti ‘aizvidemba.’ (Vat. 2:18)—2/1, peji 21.

• Munhu angazobhabhatidzwazve zvaita sei?

Izvozvo zvingaitwa kana munhu wacho nguva yaakabhabhatidzwa airarama achiita pachivande zvimwe zvinhu zvokuti dai aizviita akabhabhatidzwa angadai akadzingwa.—2/15, peji 22.

• Vamwe vanowanzopa zvikonzero zvipi zvisina kururama pavanenge varatidza kusavimbika?

Vamwe vanofunga kuti kana vari varombo vanogona havo kuba. Vamwe vanowanzozvipembedza vachiti, “Munhu wose ari kuzviita.” Uye vamwe vanenge vanonga zvinhu zvinokosha vanoramba vainazvo vachiti, “Kunonga hakusi kuba.” Bhaibheri rinoratidza kuti pfungwa idzodzi dzose hadzina kururama.—3/1, mapeji 12-14.

• Mumuenzaniso waJesu wegorosi nemasora, kudyarwa kwembeu yakanaka kunomiririrei?

Jesu Mwanakomana womunhu akagadzirira munda paaiita ushumiri hwake pasi pano achiitira kuti azoudyara. Kubvira paPendekosti ya33 C.E. zvichienda mberi mbeu yakanaka yakadyarwa pakazodzwa vaKristu sevanakomana vaMwari, vanakomana voUmambo.—3/15, peji 20.

• Ko gorosi rokufananidzira mumufananidzo waJesu riri kuunzwa sei kudura raJehovha? (Mat. 13:30)

Izvi zvava nenguva zvichizadziswa munguva ino yomugumo. Vanakomana voUmambo vakazodzwa, gorosi rokufananidzira, vari kuunzwa kudura raJehovha pavanova nhengo dzeungano yechiKristu yakadzorerwa kana kuti pavanowana mubayiro wavo wokudenga.—3/15, peji 22.

• Ndiani akasarudza kuti mabhuku api aizova muMagwaro echiKristu echiGiriki?

Harisi dare reimwe chechi kana kuti mumwe mutungamiriri wechechi. VaKristu vechokwadi ndivo vakatungamirirwa nomudzimu mutsvene waMwari kuti vazive kuti mabhuku api akafuridzirwa zvechokwadi. Izvi zvinoenderana nokuti zvipo zvomudzimu zvakapiwa vaKristu vokutanga zvaisanganisira kunzwisisa “kutaura kwakafuridzirwa.” (1 VaK. 12:4, 10)—4/1, peji 28.