Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vechiduku—Simbisai Chido Chenyu Chokushumira Jehovha

Vechiduku—Simbisai Chido Chenyu Chokushumira Jehovha

Vechiduku—Simbisai Chido Chenyu Chokushumira Jehovha

“Yeukawo Musiki wako Mukuru mumazuva oujaya hwako.”—MUP. 12:1.

1. Vana vevaIsraeri vakanzi vaite sei?

MAKORE anenge 3 500 akapfuura, Mosesi muprofita waJehovha akarayira vapristi nevamwe varume vakuru vomuIsraeri kuti: “Unganidza vanhu, varume nevakadzi nevana . . . , kuti vateerere uye kuti vadzidze, nokuti vanofanira kutya Jehovha Mwari wenyu, vochenjerera kuita mashoko ose omutemo uyu.” (Dheut. 31:12) Cherechedza kuti vakarayirwa kuti vaungane kuzonamata varume, vakadzi, nevana. Kunyange vechiduku vaifanirawo kuteerera, kudzidza, uye kuita zvakataurwa naJehovha.

2. Jehovha akaratidza sei kuti aiva nehanya nevechiduku vaiva muungano yechiKristu yepakutanga?

2 Muzana remakore rokutanga, Jehovha akaramba achiratidza kuti aiva nehanya nevechiduku vaimunamata. Somuenzaniso, akafuridzira muapostora Pauro kuti mutsamba dzake anyorerewo ungano mitemo yaingonangana nevana chete. (Verenga VaEfeso 6:1; VaKorose 3:20.) VaKristu vechiduku vakaita zvataurwa mumagwaro aya vakawedzera kuda kwavanoita Baba vavo vokudenga vane rudo uye vakakomborerwa.

3. Mazuva ano vechiduku vanoratidza sei kuti vane chido chokushumira Mwari?

3 Ko mazuva ano vechiduku vanofanirawo kuungana kuti vanamate Jehovha here? Ehe! Naizvozvo vanhu vaMwari vose vanofara pavanoona kuti vashumiri vaMwari vechiduku vakawanda munyika yose vari kuteerera zvakakurudzirwa naPauro, zvokuti: “Ngatirangarirane kuti tikurudzirane kuva norudo nemabasa akanaka kwazvo, tisingaregi kuungana kwedu, setsika ine vamwe, asi tikurudzirane, kunyanya zvamunoona zuva richiswedera pedyo.” (VaH. 10:24, 25) Uyezve, vana vakawanda vanoita basa rokuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari pamwe chete nevabereki vavo. (Mat. 24:14) Uye kuratidza kuti vanoda Jehovha nomwoyo wose, gore negore zviuru zvakawanda zvevaduku vanozvipira kubhabhatidzwa uye vanowana zvikomborero zvinobva pakuva vadzidzi vaKristu.—Mat. 16:24; Mako 10:29, 30.

Usaverengera

4. Vechiduku vangazotanga kushumira Mwari kana vasvika pazera ripi?

4 Muparidzi 12:1 inoti: “Yeukawo Musiki wako Mukuru mumazuva oujaya hwako.” Imi vechiduku munofanira kunge mave nemakore mangani kuti munamate Jehovha uye mumushumire? Magwaro haana zera raanotaura. Naizvozvo usazeza, uchifunga kuti uchiri muduku zvokuti haungagoni kuteerera Jehovha uye kumushumira. Pasinei nokuti uri zera ripi, unokurudzirwa kuti usaverengera.

5. Vabereki vangabatsira sei vana vavo kuti vafambire mberi pane zvokunamata?

5 Vakawanda venyu muri kubatsirwa nevabereki venyu kuti mufambire mberi pane zvokunamata. Saka makafanana naTimoti womuBhaibheri. Paaiva kacheche, amai vake Yunisi naambuya vake Roisi vakamudzidzisa manyoro matsvene. (2 Tim. 3:14, 15) Zvimwe vakawanda venyu muri kudzidziswawo nevabereki venyu pavanodzidza nemi Bhaibheri, kunyengetera nemi, kuenda nemi kumisangano yeungano uye kumagungano evanhu vaMwari, nokushanda nemi muushumiri hwomumunda. Zvechokwadi, kukudzidzisai nzira dzaMwari ibasa rinokosha zvikuru rakapiwa vabereki venyu naJehovha pachake. Unoonga kuti vanokuda uye vane hanya newe here?—Zvir. 23:22.

6. (a) Maererano naPisarema 110:3, Jehovha anofadzwa nemanamatiro akaita sei? (b) Iye zvino tichakurukurei?

6 Asi imi vaduku zvamuri kukura, Jehovha anoda kuti muite sezvakaitwa naTimoti, “muedze, muzive zvinodiwa naMwari zvakanaka, zvinogamuchirika uye zvakakwana.” (VaR. 12:2) Kana mukadaro, hamuzonamati zvokungofadza vabereki asi muchanamata nokuti munoda kuita kuda kwaMwari. Kana mukashumira Jehovha nechido, achafara. (Pis. 110:3) Saka mungaratidza sei kuti munoda kusimbisa chido chenyu chokuteerera Jehovha uye chokuita zvaanenge ataura? Tichakurukura zvinhu zvitatu zvamungaita. Zvinhu zvitatu izvi kudzidza, kunyengetera uye kuzvibata. Ngationgororei chimwe nechimwe chazvo.

Ziva Kuti Jehovha Munhu Chaiye

7. Jesu akaratidza sei muenzaniso panyaya yokudzidza Magwaro, uye chii chakamubatsira kuti adaro?

7 Chokutanga chaungaratidza nacho kuti unoda kudzamisa chido chako chokushumira Jehovha kuverenga Bhaibheri zuva nezuva. Unogona kugutsa nzara yako yokuda kuziva Mwari uye kuwana zivo inokosha yeBhaibheri kana ukagara uchiverenga Shoko raMwari. (Mat. 5:3) Jesu akatisiyira muenzaniso. Mumwe musi paaiva nemakore 12, vabereki vake vakamuwana ari mutemberi, “akagara pakati pevadzidzisi achivateerera nokuvabvunza.” (Ruka 2:44-46) Jesu akatanga kuva nechido chokuverenga Magwaro uye kuanzwisisa achiri muduku. Chii chakamubatsira kuti adaro? Pasina mubvunzo amai vake Mariya, nababa vake vakamurera Josefa, vakaita basa rakakura chaizvo. Vaiva vashumiri vaMwari uye vakarayiridza Jesu zvaidiwa naMwari kubvira achiri mucheche.—Mat. 1:18-20; Ruka 2:41, 51.

8. (a) Vabereki vanofanira kutanga kunyatsodzidzisa vana vavo Shoko raMwari kana vakura sei? (b) Rondedzera zvakaitika zvinoratidza kuti zvinokosha kudzidzisa vana kubvira vachiri vacheche.

8 Vabereki vanotya Mwari mazuva ano vanozivawo kuti zvinokosha kunyatsodzidzisa vana vavo kuti vave neshungu yokudzidza chokwadi chiri muBhaibheri kubvira vachiri vacheche. (Dheut. 6:6-9) Ndizvo zvakaitwa naRubi, imwe hanzvadzi yedu, paakangobereka mwanakomana wake wedangwe ainzi Joseph. Aimuverengera Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri zuva nezuva. Paaikura, amai ava vakamubatsira kudzidzira nomusoro magwaro akasiyana-siyana. Joseph akabatsirwa here nokudzidziswa uku? Paakangogona kutaura, akanga ava kukwanisa kurondedzera nhau dzomuBhaibheri dzakawanda nomusoro. Uye paakasvitsa makore mashanu, akapa hurukuro yake yokutanga muChikoro chaMwari Choushumiri.

9. Sei kuverenga Bhaibheri uye kufungisisa zvaunenge waverenga kuchikosha?

9 Kuti imi vaduku mufambire mberi pane zvokunamata, munofanira kuva netsika yokuverenga Bhaibheri zuva nezuva kwoupenyu hwenyu hwose. (Pis. 71:17) Sei kuverenga Bhaibheri kuchakubatsirai kufambira mberi? Cherechedzai zvakataurwa naJesu paainyengetera kuna Baba vake: “Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira kuramba vachiwana zivo pamusoro penyu, imi Mwari wechokwadi chete.” (Joh. 17:3) Zvechokwadi, paunoramba uchiwedzera kuziva nezvaJehovha, zvichakubatsira kunyatsoziva kuti munhu chaiye uye zvichaita kuti uwedzere kumuda kwaunoita. (VaH. 11:27) Naizvozvo, pose paunoverenga ndima yomuBhaibheri, shandisa mukana iwoyo kudzidza chimwe chinhu nezvaJehovha. Zvibvunze kuti: Nhoroondo iyi iri kundidzidzisa kuti Jehovha munhu akaita sei? Ndima iyi yomuBhaibheri inoratidza sei kuti Mwari anondida uye ane hanya neni?’ Kuwana nguva yokufungisisa mibvunzo iyi kuchakubatsira kuziva mafungiro aJehovha nemanzwiro aanoita uye zvaanotarisira kuti iwe uite. (Verenga Zvirevo 2:1-5.) Kufanana naTimoti muduku, ‘uchaitwa kuti uve nechokwadi’ chezvaunodzidza muMagwaro, uye uchava nechido chokushumira Jehovha nomwoyo wose.—2 Tim. 3:14.

Kubatsira Kunoita Munyengetero Kuti Uwedzere Kuda Jehovha

10, 11. Kunyengetera kunokubatsira sei kuti usimbise chido chako chokushumira Mwari?

10 Chechipiri chaungasimbisa nacho chido chako chokushumira Jehovha nomwoyo wose kunyengetera. Pana Pisarema 65:2 panoti: “Haiwa imi Munzwi womunyengetero, vanhu vemarudzi ose vachauya kwamuri.” Kunyange panguva iya vaIsraeri pavaiva vanhu vakaita sungano naMwari, vanhu vokune dzimwe nyika vaiuya kutemberi yaJehovha vaigona kunyengetera kwaari. (1 Madz. 8:41, 42) Mwari haasaruri. Vaya vanoita zvaanotaura vane chivimbo chokuti achavateerera. (Zvir. 15:8) Zvechokwadi, pari kunzi “vanhu vemarudzi ose” panosanganisirawo imi vaduku.

11 Munoziva kuti ushamwari hwose hunopfumbira nokukurukurirana. Pamwe unofarira kuudzawo shamwari yako zvaunofunga, zvinokunetsa uye manzwiro aunoita. Saizvozvowo, paunonyengetera nomwoyo wose, unenge uchikurukura noMusiki wako Mukuru. (VaF. 4:6, 7) Taura naJehovha uchiita sokuti uri kudurura mwoyo wako kumubereki ane rudo kana kuti kushamwari yepamwoyo. Tingatoti nzira yaunonyengetera nayo inoratidza kuti unonzwa sei nezvaJehovha. Uchaona kuti kana uine ushamwari hwakasimba naJehovha, uchanyengetera kwaari zvinobva pamwoyo.

12. (a) Sei kunyengetera zvinobva pamwoyo kusingangorevi mashoko aunotaura chete? (b) Chii chichakubatsira kuti usvike pakuziva kuti Jehovha ari pedyo newe?

12 Zvisinei, yeuka kuti kunyengetera zvinobva pamwoyo hakungorevi mashoko aunotaura chete. Zvinosanganisira manzwiro aunenge uchiita mumwoyo. Paunenge uchinyengetera, taura uchiratidza kuda kwaunoita Jehovha, kumuremekedza zvikuru, uye kuvimba naye zvizere. Paunoona kupindura kunoita Jehovha minyengetero yako, uchasvika pakuziva kuti “Jehovha ari pedyo navose vaya vanodana kwaari.” (Pis. 145:18) Zvechokwadi, Jehovha achaswedera pedyo newe, achikusimbisa kuti urwise Dhiyabhorosi uye uite zvisarudzo zvakarurama muupenyu.—Verenga Jakobho 4:7, 8.

13. (a) Imwe hanzvadzi yakabatsirwa sei nokuva noushamwari naMwari? (b) Kuva noushamwari naMwari kuri kukubatsirai sei kuti usangotevedzera vezera rako?

13 Ngatimbokurukurai kuti mumwe musikana anonzi Cherie akasimbiswa sei nokuva noukama hwepedyo naJehovha. Paaiva kusekondari, aihwinha mibayiro yokugona muchikoro uye aiva shasha yemitambo. Paakapedza chikoro, akavimbiswa bhezari yaizoita kuti akwanise kuenda kuyunivhesiti. “Ndakambotorwa mwoyo,” anodaro Cherie, “uye vadzidzisi nevandaidzidza navo vaindikurudzira kuti ndiibvume.” Asi akaziva kuti kuramba achidzidza kwaizoita kuti apedzere nguva yake yakawanda pakudzidza nokugadzirira zvemitambo, zvomusiyira nguva shomanana yokushumira Jehovha. Saka Cherie akaita sei? Anoti: “Ndanyengetera kuna Jehovha, ndakaramba bhezari yacho ndikatora upiyona hwenguva dzose.” Iye zvino ava nemakore mashanu ari piyona. Anoti: “Handisi kumbozvidemba. Kuziva kuti ndakasarudza zvinofadza Jehovha kunondifadza. Zvechokwadi, kana ukaisa Umambo hwaMwari pakutanga, zvimwe zvinhu zvose zvichawedzerwa kwauri.”—Mat. 6:33.

Kuzvibata Zvakanaka Kunoratidza “Mwoyo Wakachena”

14. Sei zvichikosha kuti uzvibate zvakanaka pamberi paJehovha?

14 Chechitatu chaungaita kuratidza kuti uri kushumira Jehovha nomwoyo wose kuzvibata kwaunoita. Jehovha anokomborera vechiduku vanoramba vaine tsika dzakanaka. (Verenga Pisarema 24:3-5.) Samueri paaiva muduku akaramba kutevedzera unzenza hwaiitwa nevanakomana voMupristi Mukuru Eri. Jehovha nevanhu vaiona tsika dzakanaka dzaaiva nadzo. Bhaibheri rinoti: “Nguva yose iyi mukomana Samueri akanga achikura uye aidiwa zvikuru naJehovha nevanhu.”—1 Sam. 2:26.

15. Zvii zvimwe zvinoita kuti urambe uchizvibata zvakanaka?

15 Somuenzaniso, Pauro akati tiri kurarama munyika yakazara vanhu vanozvida, vanozvikudza, vasingateereri vabereki, vasingaongi, vasina kuvimbika, vanotyisa, vanozvitutumadza nokudada, vanoda mafaro panzvimbo pokuda Mwari. (2 Tim. 3:1-5) Saka zvingakuomera kuti urambe uchizvibata zvakanaka mumamiriro ezvinhu akaipa kudai. Zvisinei, pose paunoita zvakarurama woramba kuita tsika dzisingadiwi naMwari, unoratidza kuti unotsigira Jehovha panyaya yokuti changamire wezvose ndiani munyika yose. (Job. 2:3, 4) Zvichakufadzawo kuziva kuti uri kuita zviri kukumbirwa naJehovha, paari kuti: “Mwanakomana wangu, iva akachenjera ufadze mwoyo wangu, kuti ndigone kupindura iye anondishora.” (Zvir. 27:11) Uyezve, kuziva kuti Jehovha ari kufadzwa nazvo kuchasimbisa pachido chako chokumushumira.

16. Imwe hanzvadzi yedu yakafadza sei mwoyo waJehovha?

16 Imwe hanzvadzi yedu inonzi Carol yakaramba ichiita zvaitaurwa neBhaibheri payaipinda chikoro ichiri kuyaruka, uye vamwe vakacherechedza kuti aizvibata zvakanaka. Chii chakaitika? Carol aisekwa nevaaidzidza navo nokuti hana yake yakadzidziswa neBhaibheri yaimurambidza kupemberera nevamwe mazororo nedzimwe mhemberero dzomunyika yake. Dzimwe nguva paaisekwa seizvi aiwana mukana wokutsanangurira vamwe zvaaitenda. Kwapera makore akawanda, Carol akatumirwa kadhi nomumwe waaimbodzidza naye, rakanyorwa kuti: “Ndanga ndava nenguva ndichida kukunyorera kuti ndikutende. Ndaicherechedza kuzvibata kwako uye zvawaiita somuKristu wechiduku, pamwe chete nokushinga kwako pakusapemberera mazororo. Ndiwe Chapupu chaJehovha chandakatanga kuzivana nacho.” Zvaiitwa naCarol zvakabaya mwoyo wewaaidzidza naye zvokuti akazotangawo kudzidza Bhaibheri. Pakadhi raakanyorera Carol aiti akanga ava nemakore anopfuura 40 abhabhatidzwa! Imi vaduku nhasi munogonawo kuita zvakaitwa naCarol, zvobatsira vanhu vakatendeseka kuti vazive Jehovha.

Vaduku Vari Kurumbidza Jehovha

17, 18. (a) Unoona sei vaduku vari muungano yako? (b) Vaduku vanotya Mwari vachava neramangwana rakaita sei?

17 Tose zvedu tiri musangano raJehovha riri munyika yose tinofara kuona zviuru zvevaduku vakawanda vari kutsigira kunamata kwechokwadi! Vaduku ava vanosimbisa chido chavo chokunamata Jehovha nokuverenga Bhaibheri zuva nezuva, kunyengetera, uye kuzvibata zvinoenderana nokuda kwaMwari. Vechiduku vanoita zvakanaka ivavo vanonyaradza vabereki vavo uye vanhu vaJehovha vose zvavo.—Zvir. 23:24, 25.

18 Mune remangwana, vaduku vakatendeka vachavawo pakati pevaya vachapukunyuka vachipinda munyika itsva yakapikirwa naMwari. (Zvak. 7:9, 14) Imomo vachawana zvikomborero sezvo vacharamba vachiwedzera kuonga kwavanoita Jehovha, uye vachakwanisa kumurumbidza nokusingaperi.—Pis. 148:12, 13.

Ungatsanangura Here?

• Vaduku vangaita sei kuti vatsigire kunamata kwechokwadi mazuva ano?

• Sei kufungisisa kuchikosha kuti ubatsirwe nokuverenga Bhaibheri?

• Kunyengetera kunokubatsira sei kuti uswedere pedyo naJehovha?

• Kuzvibata zvakanaka somuKristu kunobatsirei?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 5]

Une tsika yokuverenga Bhaibheri zuva nezuva here?