Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Hama—Dyarai Nokuda Kwomudzimu, Muvavarire Kupiwa Mabasa Muungano!

Hama—Dyarai Nokuda Kwomudzimu, Muvavarire Kupiwa Mabasa Muungano!

Hama—Dyarai Nokuda Kwomudzimu, Muvavarire Kupiwa Mabasa Muungano!

“Anodyara nokuda kwomudzimu achakohwa upenyu husingaperi.”—VAG. 6:8.

1, 2. Mateu 9:37, 38 iri kuzadziswa sei, uye izvi zviri kuita kuti muungano mudiwe vanhu vakaita sei?

ZVAURI kuona zvichiitika iye zvino hazvizombokanganwiki narini narini! Kune chipatapata chokuita basa rakataurwa nezvaro naJesu Kristu. “Kukohwa kukuru, asi vashandi vashoma,” akadaro Jesu. “Naizvozvo, kumbirai Tenzi wokukohwa kuti atumire vashandi mukukohwa kwake.” (Mat. 9:37, 38) Jehovha Mwari ari kupindura minyengetero yakadaro zvaasati amboita. Mugore rebasa ra2009, ungano dzeZvapupu zvaJehovha pasi pose dzakawedzera ne2 031 dzikasvika 105 298. Paavhareji vanhu 757 vaibhabhatidzwa pazuva!

2 Kuwedzera ikoko kunoita kuti padiwe hama dzakakodzera dzinotungamirira pakudzidzisa uye pakufudza muungano. (VaEf. 4:11) Mumakore ose apfuura aya, Jehovha aita kuti varume vakakodzera vavepo kuti vatarisire makwai ake, uye tine chivimbo kuti acharamba achidaro. Uprofita huri pana Mika 5:5 hunotivimbisa kuti mumazuva okupedzisira, vanhu vaJehovha vaizova ‘nevafudzi vanomwe,’ ‘nemachinda masere,’ izvo zvinoreva varume vakawanda vaizovatungamirira.

3. Tsanangura kuti ‘kudyara nokuda kwomudzimu’ zvinorevei.

3 Kana uri Chapupu chaJehovha chakabhabhatidzwa uye uri munhurume, chii chingakubatsira kuti uve nechido chokuitawo mamwe mabasa muungano? Unofanira ‘kudyara nokuda kwomudzimu.’ (VaG. 6:8) Izvozvo zvinoreva kurarama zvinoita kuti mudzimu waMwari ushande wakasununguka muupenyu hwako. Iva nechokwadi chokuti ‘hauzombodyari nokuda kwenyama.’ Usarega upenyu hwomutambarakede, mafaro uye varaidzo zvichideredza chido chako chokushanda nesimba mubasa raMwari. VaKristu vose vanofanira ‘kudyara nokuda kwomudzimu,’ uye kana vari varume nokufamba kwenguva vanopedzisira vakodzera kushandiswa muungano. Nyaya ino yakanangana nevarume vechiKristu nokuti nhasi uno pari kudiwa vashumiri vanoshumira nevakuru vakawanda chaizvo. Saka hama tinokukurudzirai kuti munyengetere nezvenyaya iyi.

Vavarira Kuita Basa Iri Rakanaka

4, 5. (a) Varume vakabhabhatidzwa vanokurudzirwa kuvavarira kuitei muungano? (b) Kuti munhu ashandiswe muungano, anofanira kuita sei?

4 MuKristu haangoerekani ava mutariri. Anofanira kuvavarira kuita ‘basa iri rakanaka.’ (1 Tim. 3:1) Basa racho rinosanganisira kushumira vaunonamata navo nokunyatsoita zvavanoda nomwoyo wose. (Verenga Isaya 32:1, 2.) Murume anovavarira kushandiswa muungano aine chinangwa chakanaka haanganzi munhu anokara chinzvimbo. Chiripo ndechokuti ane chido chokubatsira vamwe, kwete kuwana chimwe chinhu.

5 Kuti munhu ave mushumiri anoshumira kana kuti mukuru anofanira kuedza kurarama zvinoenderana nezvinotaurwa neMagwaro nezvevanoita mabasa iwayo. (1 Tim. 3:1-10, 12, 13; Tito 1:5-9) Kana uri murume akazvitsaurira, zvibvunze kuti: ‘Ndiri kushanda nesimba rangu rose mubasa rokuparidza here, uye ndiri kubatsirawo vamwe kuti vadaro here? Ndiri kuvaka vandinonamata navo nokuratidza kuti ndine hanya navo here? Vanhu vanondiziva somunhu anodzidza Shoko raMwari nguva dzose here? Ndiri kuedza kuvandudza mapinduriro andinoita pamisangano here? Ndinonyatsoita mabasa andinenge ndapiwa nevakuru nomwoyo wose here?’ (2 Tim. 4:5) Iyi mibvunzo inoda kufungisiswa.

6. Kuti munhu akodzere kushandiswa muungano, anofanira kuitei?

6 Imwe nzira yokuti ukodzere kushandiswa muungano ndeyokuitwa kuti ‘usimbiswe mumunhu wauri nechomukati nesimba pachishandiswa mudzimu waMwari.’ (VaEf. 3:16) Kuva mushumiri anoshumira kana kuti mukuru muungano yechiKristu haisi nyaya yokungosarudzwa kuti uite basa racho. Zvinotobva pakuti wakasimba zvakadini pakunamata. Munhu angaita sei kuti asimbe pakunamata? Imwe nzira ‘ndeyokuramba uchifamba maererano nomudzimu’ uye uchiedza kuva nechibereko chawo. (VaG. 5:16, 22, 23) Kana ukaratidza kuti une unhu hunodiwa kuti upiwe mamwe mabasa muungano, uye kana ukaita zvaunenge waudzwa kuti uvandudze, ‘kufambira mberi kwako kuchaonekwa nevanhu vose.’—1 Tim. 4:15.

Unofanira Kuzvipira

7. Kushumira vamwe kunosanganisira chii?

7 Kushumira vamwe kunosanganisira kushanda nesimba uye kunoda kuzvipira. Vatariri vechiKristu zvavari vafudzi, vane hanya chaizvo nematambudziko anosangana nemakwai. Cherechedza kuti Pauro ainzwa sei paaiita basa rokufudza. Akaudza vaainamata navo muKorinde kuti: “Ndakakunyorerai nemisodzi mizhinji ndichitambudzika kwazvo uye ndichirwadziwa mwoyo kwazvo, kwete kuti musuruvariswe, asi kuti muzive kukudai kwazvo kwandinoita.” (2 VaK. 2:4) Zviri pachena kuti Pauro aiita basa rake nomwoyo wose.

8, 9. Taura mienzaniso yomuBhaibheri inoratidza kuti vamwe varume vakabatsira sei vamwe.

8 Varume vanoshanda nesimba vachishumira vanhu vaJehovha vakagara vachizivikanwa nokuzvipira. Somuenzaniso, hatingambofungidziri Noa achiudza mhuri yake kuti: ‘Kana mapedza kuvaka areka mozondidaidza topinda tose.’ Mosesi haana kuudza vaIsraeri muIjipiti kuti: ‘Toonana paGungwa Dzvuku. Mongoonawo kuti muchafamba sei.’ Joshua haana kumboti: ‘Kana masvingo eJeriko ava kuwa mozondidaidza.’ Uye Isaya haana kunongedzera mumwe munhu ndokuti: ‘Tumai uyo ari apo uyo!’—Isa. 6:8.

9 Muenzaniso wedu mukuru womunhu akabvumira kuti mudzimu waMwari umushandise ndiJesu Kristu. Haana kumbozengurira kubvuma basa rake rokuva Mununuri wevanhu. (Joh. 3:16) Haufungi here kuti kuzvipira kwakaita Jesu kunofanira kuita kuti tiratidze kuti tinoonga? Mumwe ava nemakore ari mukuru akataura manzwiro aanoita nezvemakwai achiti: “Mashoko akataurwa naJesu kuna Petro okuti ‘fudza makwai angu maduku’ anondibaya mwoyo zvechokwadi. Mumakore ose aya, ndadzidza kuti mashoko mashomanana anotaurwa norudo kana kuti chinhu chiduku-duku chinoitwa nomutsa chinogona kukurudzira mumwe munhu. Basa rokufudza rinondinakidza zvechokwadi.”—Joh. 21:16.

10. Chii chingaita kuti varume vechiKristu vatevedzere Jesu pakushumira vamwe?

10 Zvechokwadi varume vari muungano vanofanira kuratidza mafungiro aJesu pamabatiro avanoita makwai aMwari, nokuti akati: “Ndichakuzorodzai.” (Mat. 11:28) Kutenda muna Mwari uye kuda ungano ndiko kunoita kuti varume vechiKristu vade kuita basa iri rakanaka, vasingafungi kuti havangamborikwanisi, kana kufunga kuti rinozovawanzira zvokuita. Ko kana munhu achingonzwa asingadi zvokuvavarira kushandiswa muungano? Hama inogona kudzidza kuva nechido chokushumira muungano here?

Iva Nechido Chokushumira Vamwe

11. Munhu angaita sei kuti ave nechido chokushumira vamwe?

11 Kana uchirega kuvavarira kushandiswa muungano nokuti unofunga kuti waita mutete, zvakanaka kuti unyengeterere mudzimu mutsvene. (Ruka 11:13) Mudzimu waJehovha uchakubatsira kuti ukurire zvaungave uchityira panyaya iyi. Mwari ndiye anotipa chido ichocho chokuda kushumira vamwe, uye mudzimu waJehovha unoita kuti hama ide kuita mabasa iwayo wobva wamupa simba rokuita basa dzvene. (VaF. 2:13; 4:13) Saka zvakakodzera kuti ukumbire Jehovha kuti akubatsire kuva nechido chokubvuma kupiwa mabasa muungano.—Verenga Pisarema 25:4, 5.

12. Munhu angawana sei uchenjeri kuitira kuti aite mabasa aakapiwa?

12 Mumwe muKristu angarega kuvavarira kushandiswa muungano nokuti anoona kuti kutarisira makwai ibasa rakaoma uye rinoda zvakawanda. Kana kuti angafunga kuti haana uchenjeri hunodiwa pakuita mamwe mabasa. Kana zviri izvo zvichida angawana ruzivo nokuwedzera kudzidza Shoko raMwari uye mabhuku anotsanangura Bhaibheri. Anogona kuzvibvunza kuti, ‘Ndine nguva yandinoti iyi ndeyokudzidza Shoko raMwari, uye ndiri kunyengeterera kuti ndipiwe uchenjeri here?’ Mudzidzi Jakobho akanyora kuti: “Kana mumwe wenyu achishayiwa uchenjeri, ngaarambe achikumbira Mwari, uye iye achahupiwa; nokuti iye ane rupo kuna vose uye haazvidzi.” (Jak. 1:5) Unotenda kuti mashoko aya ndeechokwadi here? Mwari akapindura munyengetero waSoromoni nokumupa “mwoyo wakachenjera, unonzwisisa,” wakamuita kuti asiyanise zvakanaka nezvakaipa pakutonga. (1 Madz. 3:7-14) Ichokwadi kuti zvaSoromoni zvakanga zvakasiyana nezvevamwe. Asi tinogona kuva nechivimbo kuti Mwari achapa uchenjeri varume vakapiwa mabasa muungano kuitira kuti vachengete makwai ake zvakanaka.—Zvir. 2:6.

13, 14. (a) Tsanangura kuti Pauro akabatsirwa sei no“rudo runa Kristu.” (b) “Rudo runa Kristu” runofanira kuita kuti tiite sei?

13 Chimwe chinobatsira kuti munhu ave nechido chokushumira vamwe ndechokufungisisa zvose zvatakaitirwa naJehovha noMwanakomana wake. Somuenzaniso, ngationei zvinotaurwa pana 2 VaKorinde 5:14, 15. (Verenga.) “Rudo runa Kristu runotigombedzera” sei? Rudo rwatakaratidzwa naKristu paakapa upenyu hwake maererano nokuda kwaMwari rukuru chaizvo zvokuti kuonga kwedu kunowedzera, zvoita kuti mwoyo yedu ide kuita chimwe chinhu. Rudo rwaKristu ndirwo rwaiita kuti Pauro aite zvose zvaaiita. Rwaiita kuti asangozvifunga iye chete uye rwakamubatsira kuti chinangwa chake chive chokushumira Mwari nehama dzaainamata nadzo uyewo vanhu vakanga vasiri muungano.

14 Kufungisisa rudo rwakaratidzwa vanhu naKristu kunoita kuti timuonge. Izvi zvinoita kuti tione kuti hazvina kukodzera kuti tirambe ‘tichidyara maererano nenyama’ nokuita zvinhu tisingafungi vamwe uye kuraramira kungozvigutsa. Asi tinochinja mararamiro edu kuti basa ratakapiwa naMwari rive nenzvimbo yokutanga. Rudo ndirwo runoita kuti tinzwe tichida ku“shandira” hama dzedu. (Verenga VaGaratiya 5:13.) Kana tichizviona sevaranda vanozvininipisa vanoshandira vashumiri vaJehovha vakazvitsaurira, tichavaremekedza uye tichavabata zvine chiremerera. Hatizongotsoropodzi vamwe, uye hatizongovafungiri zvakaipa, sezvinodiwa naSatani.—Zvak. 12:10.

Kutsigira Kungaita Mhuri

15, 16. Kuti munhu akodzere kunzi mushumiri anoshumira kana kuti mukuru, mhuri yake inofanira kuitei?

15 Kuti hama yakaroora uye ine vana izokwanisa kuva mushumiri anoshumira kana kuti mukuru, panofungwawo nezvemamiriro akaita mhuri yayo. Zvechokwadi, kugadzwa kwake kuchabva pakuti mhuri yake yakasimba pane zvokunamata here uye kuti inozivikanwa sei. Izvi zvinoratidza kuti zvinokosha kuti mhuri itsigire murume uye baba pavanenge vachivavarira kushumira muungano somukuru kana mushumiri anoshumira.—Verenga 1 Timoti 3:4, 5, 12.

16 Jehovha anofara kana mhuri yechiKristu ichishanda pamwe chete. (VaEf. 3:14, 15) Zvinoda kuronga zvakanaka kuti musoro wemhuri uti uku uri kuita mabasa eungano uku uchiriritira mhuri “zvakanaka.” Saka zvinokosha kuti mukuru kana kuti mushumiri anoshumira adzidze Bhaibheri nomudzimai wake nevana kuitira kuti vose vabatsirwe noKunamata Kwemhuri vhiki nevhiki. Anofanirawo kugara achibuda navo mubasa romumunda. Uye zvinokoshawo kuti mhuri yacho itsigire zvinenge zvarongwa nomusoro wemhuri.

Uchashumirazve Here?

17, 18. (a) Kana hama isingachakodzeri kuva mukuru kana mushumiri anoshumira, ingafanira kuitei? (b) Hama yakambova mukuru kana mushumiri anoshumira inofanira kuona zvinhu sei?

17 Ungadaro waimbova mukuru kana kuti mushumiri anoshumira. Unoda Jehovha uye une chokwadi chokuti iyewo achiri kukuda. (1 Pet. 5:6, 7) Pane zvawakanzi unofanira kugadzirisa here? Bvuma zvawakakanganisa wozvigadzirisa uchibatsirwa naMwari. Ngwarira kuti usava nechigumbu. Iva munhu akachenjera, woratidza kuti une maonero akanaka. Mumwe mukuru akanga ashumira kwemakore asi akazobviswa anoti: “Ndakati chero zvodini ndaizoramba ndichipinda misangano, kuparidza, uye kuverenga Bhaibheri sezvandaiita ndichiri mukuru; uye ndakabudirira kuzviita. Ndakadzidza kuva nomwoyo murefu nokuti ndaifunga kuti ndaizokwanisazve kuva mukuru kwapera gore kana maviri, asi zvakanditorera makore manomwe ndisati ndavazve mukuru. Panguva iyoyo ndakabatsirwa chaizvo nokukurudzirwa kuti ndisaneta asi kuti ndirambe ndichivavarira kuita basa iri.”

18 Kana uri hama iri mumamiriro ezvinhu abva kurondedzerwa, usaora mwoyo. Funga kukomborerwa kunoitwa ushumiri hwako uye mhuri yako naJehovha. Vaka mhuri yako pane zvokunamata, shanyira varwere, uye kurudzira vakaneta. Kupfuura zvose, koshesa chikomborero chaunacho chokurumbidza Mwari uye chokuzivisa mashoko akanaka oUmambo somumwe weZvapupu zvaJehovha. *Pis. 145:1, 2; Isa. 43:10-12.

Zviongororezve

19, 20. (a) Vanhurume vose vakabhabhatidzwa vanokurudzirwa kuitei? (b) Chii chichakurukurwa munyaya inotevera?

19 Mazuva ano pava kutodiwa vatariri nevashumiri vanoshumira vakawanda kupfuura kare. Naizvozvo tinokurudzira hama dzose dzakabhabhatidzwa kuti dziongororezve mamiriro adzo ezvinhu dzozvibvunza kuti: ‘Kana ndisiri mushumiri anoshumira kana kuti mukuru, chii chiri kunditadzisa?’ Mudzimu waMwari ngaukubatsire kuva nemaonero akanaka panyaya iyi inokosha.

20 Vose vari muungano vanobatsirwa nokuzvipira kwevavanonamata navo. Patinova nomutsa, tisingangozvifungi isu chete, tinowana mufaro unobva pakushumira vamwe uye kudyara maererano nomudzimu. Asika hatifaniri kushungurudza mudzimu mutsvene waMwari, sezvicharatidzwa nenyaya inotevera. Tingaita sei kuti tisaushungurudza?

[Mashoko Omuzasi]

Ungapindura Sei?

• Uprofita huri pana Mika 5:5 hunotivimbisei?

• Tsanangura zvinorehwa nokuzvipira.

• Munhu angaitei kuti ave nechido chokushumira vamwe?

• Kuti munhu ave mushumiri anoshumira kana kuti mukuru, zvinokosha zvakadini kuti mhuri yake imutsigire?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 25]

Ungaitei kuti uvavarire kuva mushumiri anoshumira kana kuti mukuru?