Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Harani—Guta Rekare Raiitwa Twakawanda-wanda

Harani—Guta Rekare Raiitwa Twakawanda-wanda

Harani—Guta Rekare Raiitwa Twakawanda-wanda

KUNE vaya vanoziva Magwaro, kungotaura zita rokuti Harani kunobva kwangoita kuti vayeuke nezvatateguru akatendeka ainzi Abrahamu. Ari parwendo rwake kubva kuUri kuenda kuKenani, iye nomudzimai wake, Sara, pamwe nababa vake, Tera, naRoti mwanakomana womukoma wake, vakambomira muHarani. Vari ikoko, Abrahamu akazviunganidzira pfuma yakawanda. Baba vake vafa, Abrahamu akapfuurira nerwendo rwake akananga kunyika yaakanga apikirwa naMwari wechokwadi. (Gen. 11:31, 32; 12:4, 5; Mab. 7:2-4) Papera makore akawanda, Abrahamu akatuma mushandi wake mukuru kuHarani kana kuti nzvimbo yaiva pedyo, kuti anotsvakira Isaka mudzimai. Muzukuru waAbrahamu, Jakobho, akagarawo ikoko kwemakore akawanda.—Gen. 24:1-4, 10; 27:42-45; 28:1, 2, 10.

Mambo Saniheribhi weAsiriya, achityisidzira Mambo Hezekiya weJudha, akataura kuti Harani rimwe re“marudzi” akakundwa nemadzimambo eAsiriya. Zita rokuti “Harani” pano haringorevi guta racho chete asiwo dzimwe nzvimbo dzakanga dziri pedyo. (2 Madz. 19:11, 12) Uprofita hwaEzekieri hunotaura Harani seimwe yenzvimbo huru dzaitengeserana neTire, kuratidza kuti Harani yaiva nzvimbo yaikosha chaizvo panyaya dzokutengeserana.—Ezek. 27:1, 2, 23.

Iye zvino Harani itaundi duku chete riri pedyo neŞanlıurfa, iri nechokumabvazuva kweTurkey. Asi kare, muguta rekare iri reHarani zvechokwadi maisadanwa anonzwa. Harani nderimwe remaguta mashomanana ekare richiri nezita rarinoshevedzwa naro muBhaibheri. Harani mumutauro wechiAsiriya rinonzi Harranu, izvo zvingave zvichireva “Mugwagwa” kana kuti “Mugwagwa Wevatengesi,” kuratidza kuti muHarani ndimo maipfuura nemigwagwa mikuru yaishandiswa pakuita zvebhizimisi yaienda kune mamwe maguta makuru. Maererano nezvakanyorwa zvakawanikwa paicherwa muHarani, amai vaMambo Nabhonidhasi weBhabhironi ndivo vaiva mupristi wechikadzi mukuru patemberi yaSin, mwari wemwedzi ainamatwa muHarani. Zvinonzi Nabhonidhasi akavakazve temberi iyi. Kubvira ipapo, Harani rakaramba riripo umambo hwakasiyana-siyana huchiuya humwe huchienda.

Iye zvino, Harani rasiyana chaizvo nezvaraiva. Harani rekare rakanga rakabudirira chaizvo uye rakanga riri guta raikosha zvikuru, kunyanya pane dzimwe nguva. Zvisinei Harani remazuva ano rinongova nedzimba dziri pedyo nepedyo dzine matenga eraundi. Rakapoteredzwa nematongo anoratidza mararamiro ekare. Munyika itsva iyo Mwari achaita kuti ivepo, vakawanda vakambogara muHarani, kusanganisira Abrahamu, Sara uye Roti vachazomutswa. Zvinoratidza kuti vangangozokwanisa kutiudza zvaiitika muguta reHarani, guta rekare raiitwa twakawanda-wanda.

[Mufananidzo uri papeji 20]

Matongo eHarani

[Mufananidzo uri papeji 20]

Dzimba dzine matenga eraundi

[Mufananidzo uri papeji 20]

Zvakaita Harani iye zvino