Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Sezvo Mwari achirambidza kunamata zvidhori, nei asina kuranga Aroni paakaumba mhuru yendarama?

Aroni paakaumba mhuru yendarama sezvakanyorwa pana Eksodho chitsauko 32, akaputsa murayiro waMwari waiva nechokuita nekunamata zvidhori. (Eks. 20:3-5) Pamusana pezvaakaita izvozvo, ‘Jehovha akatsamwirawo Aroni kwazvo akada kumutsakatisa; asi panguva iyoyo chaiyo Mosesi akatetererawo nokuda kwaAroni.’ (Dheut. 9:19, 20) Kuteterera kwemurume akarurama Mosesi kwakava ‘nesimba guru’ here panyaya yaAroni? (Jak. 5:16) Ehe. Zvinoita sokuti Jehovha akapindura munyengetero waMosesi uye haana kuranga Aroni nemhaka yekuteterera kwakaitwa naMosesi uye nokuda kwezvimwe zvikonzero zvinenge zviviri.

Zvinoratidza sokuti chimwe chikonzero chakaita kuti Aroni asarangwa chaiva chokuti akanga abva kure achishumira Mwari akatendeka. Mosesi paakanzi aende kuna Farao uye abudise vaIsraeri muIjipiti, Jehovha akasarudza Aroni kuti aperekedze Mosesi uye ataure achimumiririra. (Eks. 4:10-16) Varume vaviri ava vakateerera, vakaenda vaendazve kuna mambo weIjipiti, asi Farao achingovaomesera mwoyo. Saka, vachiri kuIjipiti, Aroni akaratidza kuti akanga akavimbika, uye kuti aitsigira zvakasimba basa raJehovha.—Eks. 4:21.

Chimbofunga zvekare chimwe chakaita kuti Aroni aumbe mhuru yendarama. Mosesi akanga ava nemazuva 40 ari muGomo reSinai. ‘Vanhu pavakaona kuti Mosesi akanga achinonoka kuburuka mugomo,’ vakanyengerera Aroni kuti avaumbire chidhori. Aroni akabvuma ndokubva aumba chidhori chemhuru chendarama. (Eks. 32:1-6) Asi, zvakazoitwa naAroni zvinoratidza kuti haana kutsigira kunamata chidhori chacho. Zviri pachena kuti akangobvumawo zvaidiwa nevanhu. Somuenzaniso, nyaya yekunamata chidhori payakazenge yakora muto Mosesi ava kuvatonga, vanakomana vose vaRevhi, kusanganisira Aroni vakaratidza kuti vaitsigira zvakasimba Jehovha. Zviuru zvitatu zvevanhu vakanga vatanga nyaya yokunamata chidhori zvakaurayiwa.—Eks. 32:25-29.

Zvadaro, Mosesi akazoudza vanhu kuti: ‘Imi matadza kwazvo.’ (Eks. 32:30) Saka haasi Aroni oga akanga ane mhosva panyaya iyi. Iye nevamwe vakabatsirwa chaizvo nengoni huru dzakaratidzwa naJehovha.

Nyaya yemhuru yendarama yapera, Jehovha akarayira kuti Aroni agadzwe somupristi mukuru. Mwari akaudza Mosesi kuti, “Upfekedze Aroni nguo tsvene womuzodza, womutsvenesa, kuti ave mupristi wangu.” (Eks. 40:12, 13) Zviri pachena kuti Jehovha akakanganwira kutadza kwaAroni. Chinhu chaiva pamwoyo waAroni kwaiva kutsigira kunamata kwakachena nokuvimbika, kwete kupanduka achinamata zvidhori.