Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ramba Uchirovedza Simba Rako Rokunzwisisa

Ramba Uchirovedza Simba Rako Rokunzwisisa

Ramba Uchirovedza Simba Rako Rokunzwisisa

ZVINONAKIDZA chaizvo kuona munhu anorovedza muviri achiita zvidavado zvinonwisa mvura. Bhaibheri rinokurudzira vaKristu kuti varovedze mano avo ekufunga kungofanana nezvinoitwa nemunhu anorovedza muviri wake.

Muapostora Pauro, mutsamba yaakanyorera vaHebheru akati: “Zvokudya zvikukutu ndezvevanhu vakuru, zvevaya vanoita kuti simba ravo rokunzwisisa [kureva ‘nhengo dzomuviri’] rirovedzwe [sezvinoita munhu anorovedza muviri] kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa nokurishandisa kwavanoita.” (VaH. 5:14) Nei Pauro akakurudzira vaKristu vechiHebheru kuti varovedze mano avo okufunga sezvinoitwa nemunhu anorovedza tsandanyama dzomuviri wake? Isu tingarovedza sei simba redu rokunzwisisa?

‘Munofanira Kuva Vadzidzisi’

Pauro paaitsanangura nzvimbo yaJesu ‘somupristi mukuru maererano nezvakanga zvakaita Merekizedheki,’ akanyora kuti: “Tine zvizhinji zvokutaura pamusoro pake [Jesu] uye zvakaoma kuti zvitsanangurwe, zvamava vakagomara pakunzwa kwenyu. Chokwadi, nokuti kunyange zvazvo muchifanira kuva vadzidzisi kana tichitarira nguva, imi munodazve mumwe munhu kuti akudzidzisei kubva pakutanga zvinhu zvokutanga zvemashoko matsvene aMwari; uye mava sevanhu vanoda mukaka, kwete zvokudya zvikukutu.”—VaH. 5:10-12.

Zvinoita sokuti vamwe vaKristu vechiJudha vomuzana ramakore rokutanga vakanga vasina kuwedzera kunzwisisa uye vakanga vatadza kufambira mberi pakunamata. Somuenzaniso, zvakanga zvakavaomera kuti vabvume kuti zvinhu zvakanga zvachinja panyaya yeMutemo uye yokudzingiswa. (Mab. 15:1, 2, 27-29; VaG. 2:11-14; 6:12, 13) Vamwe vakaona zvakaoma kuti vasiyane netsika dzaiva nechokuita neSabata raichengetwa vhiki nevhiki uye Zuva Rokuyananisa repagore negore. (VaK. 2:16, 17; VaH. 9:1-14) Saka Pauro akavakurudzira kuti varovedze simba ravo rokunzwisisa, kuti vakwanise kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa uye akavaudza kuti ‘shandai nesimba kuti muve vakuru.’ (VaH. 6:1, 2) Zano rake rinogona kunge rakaita kuti vamwe vafungezve nezvemashandisiro avaiita mano avo okufunga uye rinogona kunge rakavabatsira kuti vafambire mberi pakunamata. Ko isuwo patinonzwa kurudziro iyi tinoita sei?

Rovedza Simba Rako Rokunzwisisa

Tingarovedza sei mano edu okufunga kuti tive vakasimba pakunamata? Pauro akati ‘nokuashandisa.’ Kufanana nenyanzvi pakurovedza muviri, idzo dzinorovedza muviri netsandanyama nguva dzose kuti nhengo idzi dzomuviri dziite zvidavado zvinonwisa mvura uye zvakaoma, isu tinofanira kurovedzawo mano edu okufunga kuti tisiyanise zvakanaka nezvakaipa.

Mumwe muzvinafundo wezvepfungwa anonzi John Ratey ari pachikoro chinonzi Harvard Medical School anoti, “Kurovedza [pfungwa] ndicho chinhu chakanyanya kunaka nokuda kweuropi! Maererano nezvakataurwa naGene Cohen, mukuru-mukuru weboka reCenter on Aging, Health and Humanities kuGeorge Washington University, “patinoita kuti pfungwa dzedu dziite zvinhu zvakaoma, masero europi hwedu anobva ashandawo nesimba zvowedzera tsinga dzinofambisa mashoko muuropi.”

Saka kuchenjera chaizvo kushandisa mano edu okufunga uye kuwedzera zivo yedu yeShoko raMwari. Patinoita izvozvo, tinova vanhu vakanyatsogadzirira kuita “zvinodiwa naMwari . . . zvakakwana.”—VaR. 12:1, 2.

Nakirwa ‘Nezvokudya Zvikukutu’

Kana tiine chido ‘chokushanda nesimba kuti tive vakuru,’ tinofanira kuzvibvunza kuti: ‘Ndiri kufambira mberi here pakunzwisisa kwandinoita chokwadi chiri muBhaibheri? Vamwe vanondiona semunhu akasimba pakunamata here?’ Mwana paanenge achiri mucheche, amai vake vanofara chaizvo kumuyamwisa nokumupa zvokudya zvevacheche. Asi imbofungidzira kunetseka kwavangaita kana makore akawanda akapfuura mwana wavo asati ava kukwanisa kudya zvinhu zvakati omararei. Saizvozvowo, tinofara patinoona munhu watinodzidza naye Bhaibheri achifambira mberi kusvikira azvitsaurira uye abhabhatidzwa. Asi zvakadini kana munhu wacho akasazofambira mberi pakunamata? Izvi hazviodzi mwoyo here? (1 VaK. 3:1-4) Mudzidzisi anenge achitarisira kuti panguva yakafanira mudzidzi wacho anozovawo mudzidzisi.

Kuti tishandise simba redu rokunzwisisa patinenge tichida kuona kuti todini pane imwe nyaya zvinoda kuti tifungisise uye izvi hazvingoitiki takagara. (Pis. 1:1-3) Hatifaniri kurega zvinhu zvakadai seterevhizheni kana kuti zvimwe zvinhu zvatinofarira zvichitikanganisa pakunyatsofungisisa zvinhu zvinokosha. Kuti tirovedze mano edu okufunga, zvinokosha kuti tive nechido chokudzidza Bhaibheri nemabhuku anobva ‘kumuranda akatendeka, akangwara’ tobva taita kuti chido ichocho chigutswe. (Mat. 24:45-47) Kuwedzera pakugara tichidzidza Bhaibheri kwatinoita, zvinokosha kuva nenguva yoKunamata Kwemhuri uye kudzidza zvakadzama zvinhu zvine chokuita neBhaibheri.

Jerónimo, mutariri anofambira wekuMexico, anotaura kuti paanongowana Nharireyomurindi, anobva adzidza nyaya dzose dzirimo. Anovawo nenguva yokuti adzidze pamwe nemudzimai wake. Jerónimo anoti, “Tine tsika yokuverenga Bhaibheri pamwe chete nemudzimai wangu zuva roga roga, uye tinoshandisawo bhurocha ra‘Nyika Yakanaka.’” Imwe hama inonzi Ronald inotaura kuti anofambirana nokuverenga Bhaibheri kweungano nguva dzose. Ane zvinhu zvaakaronga kuti adzidze ari oga zvinoda nguva yakawanda. Ronald anoti, “Zvandinoita izvi zvinondinakidza zvokunakidza zviya zvokuti ndinenge ndava kuti dai nguva yokudzidza zvakare yasvika.”

Ko isuwo tinodini? Tinozvipa nguva yakakwana yokuti tidzidze nokufungisisa zvatinoverenga muShoko raMwari here? Tiri kurovedza mano edu okufunga here uye kuva neunyanzvi pakuita zvisarudzo maererano nezvinotaurwa neMagwaro? (Zvir. 2:1-7) Ngachive chinangwa chedu kuti tive vanhu vakasimba pakunamata, vakakomborerwa nezivo uye uchenjeri zvine vaya vanoita kuti simba ravo rokunzwisisa rirovedzwe kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa!

[Mufananidzo uri papeji 23]

Tinorovedza mano edu okufunga ‘nekuashandisa’