Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ramba Wakasimba Pakunamata Paunenge Uchipepa Hama Yako Inorwara

Ramba Wakasimba Pakunamata Paunenge Uchipepa Hama Yako Inorwara

Ramba Wakasimba Pakunamata Paunenge Uchipepa Hama Yako Inorwara

KIM, mumwe weZvapupu zvaJehovha, akaonekwa kuti aiva nebundu pedyo nomuzongoza, uye parakaongororwa zvakaonekwa kuti yaive kenza. * “Paakavhiyiwa ndokubviswa bundu riya,” anodaro murume wake Steve, “Kim akazopiswa nemagetsi ndokupiwa mishonga. Kurapwa uku kwaimusiya arukutika, zvokuti kufamba chaiko rakanga ratova basa.”

Unogona here kufungidzira kutambudzika kwakaita Steve achiona chibayamwoyo chake chichiyaura nokurwara? Pamwe newewo une munhu wemumba menyu ari kuyuwira nechirwere chakaipa kana kuti ane miviri isingachagoni nokuchembera. (Mup. 12:1-7) Kana zvakadaro unoziva kuti iwe pachako unofanira kuzvitarisira kuitira kuti ugone kutarisira hama yako. Kana usina kusimba pakunamata, unoguma usisina mwoyo murefu uye utano hwako hunotanga kuderera, zvoita kuti ukundikane kutsigira munhu uya ari kurwara. Ungaita sei kuti uti uku uri kunamata uku uchitarisira hama yako iri kurwara kana kuti yakwegura? Ko vemuungano vane chavangaitawo here kuti vatsigire vanenge vachirwara zvakadaro?

Ziva Zvausingakwanisi

Kuti urambe uchinamata zvakanaka uye uine utano hwakanaka paunenge uchipepa hama yako iri kurwara, unofanira kuita zvinhu maererano nezviripo uye kushandisa zvakanaka nguva yako nesimba. “Vane mwero ndivo vane uchenjeri,” inodaro Zvirevo 11:2. Mundima ino shoko rokuti “mwero” rinoreva kuziva zvisingakwaniswi kuitwa nomunhu. Kuti uve nechokwadi chokuti hauzoshandi zvakapfurikidza, ungafanira kuongorora zvirongwa zvako uye mabasa aunoita.

Steve akaratidza uchenjeri uye mwero paakaongororazve kuti akawandirwa zvakadini nezvokuita. Aienda kubasa, aiva murongi mudare revakuru uye mutariri webasa muungano yaaipinda yeZvapupu zvaJehovha kuIreland. Aivawo nhengo yeDare Rokukurukura Nezvipatara munzvimbo iyoyo. “Kim haana kumbonyunyuta kuti ndaingomusiya ndichipedzera nguva yangu pakuita mabasa aya,” anodaro Steve. “Asi ndaizviziva kuti ndaizviwanzira zvokuita.” Steve akagadzirisa sei dambudziko racho? Anoti, “Ndakanyengetera ndichifungisisa, ndikasarudza kurega kuva murongi. Ndakaramba ndiri mukuru, asi pandakasiya mamwe mabasa muungano, ndakasara ndava nenguva yakakwana yokutarisira Kim.”

Nokufamba kwenguva, Kim akazova nani. Steve naKim vakaongororazve mamiriro avo ezvinhu, Steve akazotangazve kuita basa raaimboita muungano, uye mudzimai wake aimutsigira. “Takadzidza kuita zvishoma zvatinokwanisa nemhaka yourwere,” anotsanangura kudaro Steve. “Ndinoonga chaizvo Jehovha nokubatsira kwaanoita uye mudzimai wangu nokunditsigira asinganyunyuti pasinei nokurwara kwaanoita.”

Fungawo nezvezvakaitika kune mumwe mutariri anofambira anonzi Jerry, nomudzimai wake Maria. Vaifanira kuchinja zvinangwa zvavo kuti vabatsire vabereki vavo vakanga vakwegura. “Ini nomurume wangu taiva nechinangwa chokunoshumira semamishinari kune imwe nyika,” anodaro Maria. “Asi Jerry izai regondo, uye vabereki vake vaida kubatsirwa. Saka takasarudza kuramba tichigara muIreland kuti tivabatsire. Izvi zvakaita kuti tikwanise kuramba tichinoona baba vaJerry pavaiva muchipatara vasati vashaya. Iye zvino zuva roga roga tiri kukwanisa kugara tichinzwa kuti amai vaJerry vakadini, uye hatisi kure kana vachida kubatsirwa. Ungano inopinda amai vaJerry iri kubatsira chaizvo uye iri kutsigira, zvichiita kuti tirambe tiri mubasa rokufambira.”

Mabatsiriro Angaita Vamwe

Paaikurukura nezvezvinhu zvokuyamura zvaifanira kupiwa chirikadzi dzakwegura dzaiva muungano, muapostora Pauro akanyora kuti: “Kana munhu asingagoveri vokwake, kunyanya nhengo dzeimba yake, iye aramba kutenda uye akaipa kwazvo kupfuura munhu asingatendi.” Pauro akayeuchidza vaKristu vaainamata navo kuti, kana vachida kuti zvavaiita ‘zvigamuchirike pamberi paMwari,’ vaifanira kubatsira vabereki vavo vachembera uye vanaambuya navanasekuru nemari. (1 Tim. 5:4, 8) Zvisinei, vamwe vari muungano vanogona kubatsira uye ndizvo zvavanotofanira kuita.

Ngatimbokurukurai zvakaitika kuna Hakan naInger, murume nomudzimai vakwegura vanogara kuSweden. “Mudzimai wangu paakanzi ane kenza,” anodaro Hakan, “zvakativhundutsa. Inger akanga agara akasimba aine utano hwakanaka. Asi iye zvino takanga tava kufanira kuenda kuchipatara zuva roga roga kuti anorapwa, uye kurapwa kwacho kwaimusiya arukutika. Mazuva iwayo, Inger akanga ava kungogara pamba, saka ndaifanira kugara naye ndichimubatsira.” Ungano yaipinda Hakan naInger yakavabatsira sei?

Vakuru veungano vakaronga kuti Hakan naInger vateerere misangano yechiKristu vachishandisa runhare. Uye hama nehanzvadzi dzaivashanyira nokuvafonera. Vaivatumirawo tsamba nemakadhi. Takaona kutsigirwa kwataiitwa naJehovha nehama dzose,” anodaro Hakan. “Izvi zvakaita kuti tirambe takasimba pakunamata. Zvinofadza kuti Inger apora, uye tava kukwanisazve kupinda misangano yechiKristu paImba yoUmambo.” Kana vari muungano vakaita nepavanogona napo kuti vabatsire vari kurwara uye vakwegura, vanoratidza kuti ‘ishamwari dzechokwadi dzine rudo nguva dzose, uye ihama dzinoberekerwa kubatsira pakunenge kuine kutambudzika.’—Zvir. 17:17.

Jehovha Anokoshesa Zvauri Kuita

Zvechokwadi kupepa hama iri kurwara ibasa chairo. Asi, Mambo Dhavhidhi akanyora kuti: “Anofara munhu anofunga nezvomunhu akaderera,” akadai somunhu ari kurwara ari kuda kubatsirwa.—Pis. 41:1.

Sei tingati vaya vanobatsira vari kurwara kana vanotambura vanogona kufara? “Munhu anonzwira nyasha munhu akaderera, anokweretesa Jehovha,” inodaro Zvirevo 19:17, “uye Iye achamuripa zvaanoita.” Mwari wechokwadi ane hanya nevarwere vanoramba vachimushumira, uye anokomborera munhu anoratidza kufarira vakadaro. Munyori wepisarema Dhavhidhi akaimba kuti: “Jehovha achamutsigira [munhu akadaro] ari pamubhedha wourwere; muchachinja mubhedha wake wose munguva yokurwara kwake.” (Pis. 41:3) Tinogona kuva nechokwadi chokuti wacho anenge achibatsira vamwe norudo akasanganawo nematambudziko, Jehovha achamubatsira.

Zvinofadza chaizvo kuziva kuti Jehovha Mwari anocherechedza uye anofadzwa nokupepa kwatinoita hama yedu inenge ichirwara. Kunyange zvazvo kubatsira saizvozvo kuchida kuti tishande nesimba, Magwaro anotivimbisa kuti “Mwari anofadzwa kwazvo nezvibayiro zvakadaro.”—VaH. 13:16.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Mazita akachinjwa.

[Mifananidzo iri papeji 18]

Ramba uchinamata zvakanaka uye bvuma kubatsirwa nevamwe