Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Sei Uchifanira Kukudza Vakwegura?

Sei Uchifanira Kukudza Vakwegura?

Sei Uchifanira Kukudza Vakwegura?

PEDYO neimwe mhenderekedzo yokuCalifornia, U.S.A., pane muti unotorwa mifananidzo kupfuura mimwe miti yose. Muti uyu wakapiwa zita rokuti Lone Cypress. Musaipresi uyu unonzi wava nemakore 250. Unozivikanwa nokurarama kwawaita kwenguva refu, uye uri kuchengetedzwa nenzira dzakasiyana-siyana zvokuti wakazonaka. Somuenzaniso, wakasimbiswa netambo dzinoutsigira uye wakavakirirwa nematombo.

Musaipresi uyu unotiyeuchidza vaKristu vakwegura vatinonamata navo, vanotsungirira zvinoshamisa. Imwe nzira inokosha yavanotsungirira nayo ndeyokuparidza mashoko akanaka. Muprofita Joeri akagara ataura kuti “vakwegura,” vaizozivisa mashoko ari muBhaibheri. (Joe. 2:28-32; Mab. 2:16-21) Chimbofunga nezvemaawa akawanda kwazvo avanopedza vachibatsira vamwe kuti vadzidze nezve“mashoko akanaka oumambo”! (Mat. 24:14) Vamwe vaparidzi voUmambo vakwegura ivavo vava nemakore vachitsungirira kutambudzwa kana kuti mamwe matambudziko. Zvino kana muti womusaipresi uchizivikanwa nokurarama kwawo kwenguva refu uye uchitsigirwa nematombo netambo, ko vakwegura vatinonamata navo havafaniri kucherechedzwa, kukudzwa uye kubatwa zvine chiremerera here?

Jehovha Mwari akaudza vanhu vake vekare kuti: “Unofanira kusimukira achena bvudzi, nokuremekedza munhu akwegura.” (Revh. 19:32) Mazuva ano, pavashumiri vaJehovha tine mienzaniso yevakatendeka vava nemakore ‘vachifamba naMwari.’ (Mika 6:8) Sezvavanoramba vachiita zvinotaurwa neMagwaro, kuchena kwomusoro wavo kunonyatsova “korona yorunako.”—Zvir. 16:31.

Muapostora Pauro akaudza wechiduku Timoti kuti: “Usatsoropodza kwazvo murume akura.” Asi Timoti aifanira kumurayira “sababa” uye “vakadzi vakura savanaamai.” (1 Tim. 5:1, 2) Timoti aifanira “kusimukira” vachena bvudzi. Saka zviri pachena kuti Jehovha anotarisira kuti matauriro edu aratidze rukudzo rwakadaro.

“Pakukudzana, tungamiriranai,” inodaro VaRoma 12:10. Zvechokwadi vatariri veungano vanokudza vaKristu vakwegura. Asi tose zvedu tinofanira kutanga kukudza vamwe.

Zvechokwadi, vomumhuri ndivo vanofanira kuchengeta vabereki vavo navanasekuru. Vanhu vakatsvaka nzira dzokuchengetedza musaipresi uya, uye vari kungoramba vachidaro. Saka tinofanira kutsvaka nzira dzokubatsira kuchengetedza chiremerera chevabereki vedu vakwegura navanasekuru. Somuenzaniso, kunyatsoteerera kuchatibatsira kuti tisangoita zvatinoda tisingafungiwo manzwiro avanoita.—Zvir. 23:22; 1 Tim. 5:4.

Vakwegura vatinavo vanokosha zvikuru kuna Jehovha. Haambovasiyi. (Pis. 71:18) Mwari wechokwadi anonyatsovasimbisa kuti varambe vachimushumira vakatendeka. Isuwo ngatirambei tichitsigira uye tichikudza vakwegura.

[Mifananidzo iri papeji 7]

Sezvinoita musaipresi uyu unoda kutsigirwa, vakwegura vanofanira kubatwa zvine chiremerera norukudzo

[Kwazvakatorwa]

American Spirit Images/age fotostock