Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Sei Vakadzi Vachifanira Kuzviisa Pasi Pemisoro Yavo?

Sei Vakadzi Vachifanira Kuzviisa Pasi Pemisoro Yavo?

Sei Vakadzi Vachifanira Kuzviisa Pasi Pemisoro Yavo?

“Musoro womukadzi murume.”—1 VAK. 11:3.

1, 2. (a) Muapostora Pauro akanyora kutii nezveurongwa hwaJehovha hwokuzviisa pasi pomusoro? (b) Tichakurukura mibvunzo ipi munyaya ino?

JEHOVHA akanyatsoisa munhu mumwe nomumwe panzvimbo yake zvakarongeka, sezvakanyorwa nomuapostora Pauro kuti “musoro womurume wose ndiKristu” uye “musoro waKristu ndiMwari.” (1 VaK. 11:3) Nyaya yakapfuura yakaratidza kuti Jesu aiona chiri chikomborero uye zvichitofadza kuva pasi paJehovha Mwari soMusoro wake. Yakaratidzawo kuti musoro wevarume vechiKristu ndiJesu. Pane zvose zvaaiita nevanhu, Kristu aiva nomutsa, ari munyoro, aine tsitsi, uye asingafungi zvakangonakira iye chete. Ndizvo zvinofanira kuitwawo nevarume vari muungano kuvanhu vose, zvikurukuru kumadzimai avo.

2 Ko vakadzi? Musoro wavo ndiani? “Musoro womukadzi murume,” akanyora kudaro Pauro. Vakadzi vanofanira kunzwisisa sei mashoko aya akafuridzirwa? Mashoko acho anoshandawo kunyange kana murume wacho asiri Chapupu here? Kuzviisa pasi pomurume kunoreva kuti mukadzi anenge akangoti mwii here, asingabvumidzwi kumboti bufu kana mumba muchiitwa zvisarudzo? Mukadzi angaita sei kuti agorumbidzwa?

“Ndichamuitira Mubatsiri”

3, 4. Sei zvichibatsira kuti mumwe nomumwe pavanhu vakaroorana azviise pasi pomusoro wake?

3 Mwari ndiye akaronga kuti mumwe nomumwe ave newaanoti musoro wake. Pakasikwa Adhamu, Jehovha Mwari akati: “Hazvina kunaka kuti munhu arambe ari oga. Ndichamuitira mubatsiri, kuti ave mukwanisi wake.” Pakasikwa Evha, Adhamu akafadzwa nokuti akanga ava neshamwari uye mubatsiri zvokuti akati: “Zvino iri ipfupa remapfupa angu nenyama yenyama yangu.” (Gen. 2:18-24) Adhamu naEvha vaiva netariro inoshamisa yokuzova baba naamai vevanhu vose, avo vaizorarama nokusingaperi muparadhiso vakakwana.

4 Zvose zvakanaka zvaive muEdheni zvakaenda mudondo pamusana pokupanduka kwevabereki vedu vokutanga. (Verenga VaRoma 5:12.) Asi urongwa hwokuti mumwe nomumwe ave newaanoti musoro wake hwakaramba huripo. Hukanyatsotevedzerwa hunobatsira uye hunoita kuti vanhu vakaroorana vafare. Vanobva vanzwa semanzwiro aiita Jesu nezvokuzviisa pasi poMusoro wake, Jehovha. Asati auya pasi pano somunhu, Jesu ‘aifara pamberi paJehovha nguva dzose.’ (Zvir. 8:30) Nemhaka yokusakwana, varume havachakwanisi kuva misoro yemba yakakwana, uye vakadziwo havachakwanisi kuzviisa pasi zvakakwana. Asi kana varume nemadzimai avo vakaramba vachiedza kuita nepavanogona napo, mumba munogarika zvakanaka vanhu vachigutsikana.

5. Sei vakaroorana vachifanira kushandisa zano riri pana VaRoma 12:10?

5 Kuti imba ibudirire murume nomudzimai vanofanira kushandisa zano rinopiwa vaKristu vose neMagwaro rokuti: “Pakudanana sehama, dananai kwazvo. Pakukudzana, tungamiriranai.” (VaR. 12:10) Uyewo, murume nomudzimai vanofanira kushanda pamwe chete zvakaoma kuti ‘vaitirane mutsa, vachinzwirana tsitsi kwazvo, vachikanganwirana nomwoyo wose.’—VaEf. 4:32.

Kana Mumwe Asiri Chapupu

6, 7. Chii chingaguma chaitika kana mudzimai wechiKristu achizviisa pasi pomurume wake asiri Chapupu?

6 Ko kana wawakaroorana naye asiri mushumiri waJehovha? Kazhinji murume ndiye anenge asiri Chapupu. Kana zvakadaro, mudzimai angamubata sei? Bhaibheri rinoti: “Imi madzimai, zviisei pasi pevarume venyu, kuti kana paine vasingateereri shoko, muvawane nomufambiro wenyu pasina shoko rinotaurwa, nokuva kwavo zvapupu zvakaona mufambiro wenyu wakachena pamwe chete noruremekedzo rukuru.”—1 Pet. 3:1, 2.

7 Shoko raMwari rinoudza mudzimai kuti arambe achizviisa pasi pomurume wake asiri Chapupu. Tsika dzake dzakanaka dzingaita kuti murume wake azvibvunze kuti chii chinoita kuti aite zvakanaka saizvozvo. Izvi zvingaita kuti murume wacho aongorore zvinotendwa nomudzimai wake muKristu, opedzisira agamuchira chokwadi.

8, 9. Mudzimai wechiKristu angaitei kana murume wake asiri Chapupu asingatombocherechedzi tsika dzake dzakanaka?

8 Ko kana murume wacho asiri Chapupu asingambocherechedzi zvakanaka zviri kuitwa nomudzimai wake? Magwaro anokurudzira mudzimai wechiKristu kuratidza unhu hwechiKristu nguva dzose, kunyange zvakaoma. Somuenzaniso, pana 1 VaKorinde 13:4 panoti: “Rudo rune mwoyo murefu.” Saka zvakanaka kuti mudzimai wechiKristu arambe achiita zvinhu “nepfungwa dzinozvininipisa zvakakwana nounyoro, nomwoyo murefu,” achizviita norudo. (VaEf. 4:2) Munhu anokwanisa kuramba achiratidza unhu hwechiKristu kunyange mumamiriro ezvinhu akaoma, kana achibatsirwa nesimba raMwari raanoshandisa, mudzimu wake mutsvene.

9 Pauro akanyora kuti: “Ndine simba rokuita zvinhu zvose nokuda kwaiye anondipa simba.” (VaF. 4:13) Mudzimu waMwari unoita kuti muKristu aitire murume wake zvakawanda zvaaisazogona kuita oga. Somuenzaniso, kushushwa newawakaroorana naye kungapa muedzo wokuda kudzorera. Asi Bhaibheri rinoudza vaKristu vose kuti: “Musadzorera chakaipa nechakaipa kuna ani naani zvake. . . . Nokuti zvakanyorwa kuti: ‘Kutsiva ndokwangu; ndichatsividza, anodaro Jehovha.’” (VaR. 12:17-19) Uyewo, 1 VaTesaronika 5:15 inopa zano rokuti: “Onai kuti hapana anotsiva zvinokuvadza nezvinokuvadza kune mumwe munhu, asi garai muchitevera zvakanaka kune mumwe nomumwe nokune vamwe vose.” Mudzimu mutsvene waJehovha unoita kuti tikwanise kuita zvinhu zvisingaiti kana tichishandisa simba redu toga. Saka zvakakodzera kuti tinyengeterere mudzimu mutsvene waMwari kuti utibatsire patisingakwanisi.

10. Jesu akaita sei paaitaurirwa kana kuti kuitirwa zvakaipa nevamwe?

10 Jesu akaratidza muenzaniso wakanaka zvikuru pamabatiro aaiita vaya vaitaura kana kuita zvinhu zvisingamufadzi. “Paakanga achitukwa, haana kutanga kutukawo. Paakanga achitambura, haana kutanga kutyisidzira, asi akaramba achizviisa kune uya anotonga zvakarurama,” inodaro 1 Petro 2:23. Tinokurudzirwa kutevedzera muenzaniso wake wakanaka. Rega kushatiriswa netsika dzevamwe dzakaipa. Sezvinorayirwa vaKristu vose, ‘nzwira tsitsi kwazvo, uchizvininipisa, usingatsivi zvinokuvadza nezvinokuvadza kana kutuka nokutuka.’—1 Pet. 3:8, 9.

Havafaniri Kana Kuti Bufu Here?

11. Vamwe vakadzi vechiKristu vachavawo neropafadzo huru ipi?

11 Kuzviisa pasi pomurume kunoreva kuti mukadzi anenge akangoti mwii here asingabvumidzwi kumboti bufu panyaya dzomumba kana kuti dzimwewo? Handizvo. Vakadzi pamwe chete nevarume vanopiwa ropafadzo dzakawanda naJehovha. Funga nezvokukudzwa kukuru kune ve144 000 vachava madzimambo uye vapristi kudenga vachitungamirirwa naKristu paachatonga pasi pano! Vakadzi varipowo paboka iri. (VaG. 3:26-29) Zviri pachena kuti Jehovha anoshandisawo vakadzi paurongwa hwake.

12, 13. Taura muenzaniso unoratidza kuti vakadzi vaiprofita.

12 Somuenzaniso, vamwe vakadzi vanotaurwa muBhaibheri vaiprofita. Joeri 2:28, 29 yakagara yataura kuti: “Ndichadurura mudzimu wangu pavanhu vemarudzi ose, vanakomana venyu nevanasikana venyu vachaprofita. . . . Kunyange pavashandirume nevashandikadzi pamazuva iwayo.”

13 Pavadzidzi vaJesu vanenge 120 vakaungana mune imwe imba yepamusoro muJerusarema paPendekosti ya33 C.E., paivawo nevakadzi. Mudzimu mutsvene waMwari wakadururwa paboka racho rose. Petro akataura mashoko akanga ataurwa nomuprofita Joeri achiratidza kuti aishanda kuvose varume nevakadzi. Petro akati: “Asi, izvi ndizvo zvakataurwa pachishandiswa muprofita Joeri, zvichinzi, ‘Nemazuva okupedzisira,’ Mwari anodaro, ‘ndichadurura mumwe mudzimu wangu pavanhu vemarudzi ose, vanakomana venyu nevanasikana venyu vachaprofita . . . ; kunyange pavarandarume vangu nevarandakadzi vangu, uye ivo vachaprofita.’”—Mab. 2:16-18.

14. Vakadzi vakaiteiwo kuti chiKristu chepakutanga chipararire?

14 Muzana remakore rokutanga, vakadzi vakaita basa rinokosha pakuita kuti chiKristu chipararire. Vakaparidzira vamwe nezvoUmambo hwaMwari uye vaitsigira vaya vaiita basa iroro. (Ruka 8:1-3) Somuenzaniso, muapostora Pauro akataura kuti Febhi aiva “mushumiri weungano iri muKenkreya.” Pauro paaitumira kwaziso kune vamwe vake vaaishanda navo, akataura nezvevakadzi vaiva vakatendeka vakati wandei, kusanganisira ‘Trifena naTrifosa, vakadzi vaishanda zvakaoma munaShe.’ Akatiwo “Pesisi anodiwa wedu, nokuti akaita mabasa mazhinji munaShe.”—VaR. 16:1, 12.

15. Vakadzi vanobatsira zvakadini pakuparadzirwa kwemashoko akanaka mazuva ano?

15 Pavanhu vanopfuura mamiriyoni manomwe vari kuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari munyika yose iye zvino, pane vakadzi vemazera ose vakawanda. (Mat. 24:14) Vakawanda vavo vashumiri mubasa renguva yakazara, mamishinari, uye vanoshanda paBheteri. Munyori wepisarema Dhavhidhi akaimba kuti: “Jehovha pachake anoti; vakadzi vanozivisa mashoko akanaka iuto guru.” (Pis. 68:11) Zviri kuitika zvinoratidza kuti mashoko aya ndeechokwadi. Jehovha anokoshesa zvinoitwa nevakadzi pakuzivisa mashoko akanaka uye pakuita zvinangwa zvake. Chokwadi kuda kwake kuti vakadzi vechiKristu vazviise pasi hakurevi kuti vanofanira kunyarara.

Vakadzi Vaviri Vasina Kuramba Vakanyarara

16, 17. Muenzaniso waSara unoratidza sei kuti vakadzi vakaroorwa havafaniri kungoti mwi?

16 Kana Jehovha achipa vakadzi ropafadzo dzakawanda, varume havafaniri here kunzwawo zvinofunga madzimai avo vasati vaita zvisarudzo zvakakosha? Kuita izvozvo kuchenjera. Magwaro anotaura nezvezviitiko zvakati kuti pakataura vakadzi kana kuti pavakaita zvimwe zvinhu vasina kuita zvokuudzwa zvokuita nevarume vavo. Ngatikurukurei mienzaniso miviri.

17 Mudzimai waAbrahamu Sara, airamba achiudza murume wake kuti aendese mudzimai wake wechipiri nemwanakomana wake nokuti vaisamuremekedza. “Chinhu chacho hachina kumbofadza Abrahamu;” asi Mwari akafadzwa nazvo. Jehovha akaudza Abrahamu kuti: “Usarega chero chinhu chipi zvacho icho Sara anoramba achikutaurira chichiva chisingakufadzi pamusoro pomukomana uye pamusoro pomurandasikana wako. Teerera inzwi rake.” (Gen. 21:8-12) Abrahamu akateerera Jehovha, akaita zvaitaurwa naSara.

18. Abhigairi akaitei asina kumirira kuudzwa?

18 Fungawo nezvaAbhigairi, mudzimai waNabhari. Dhavhidhi paaitiza Mambo Sauro aimunzwira godo, akapedza nguva achigara mumatende pedyo nemakwai aNabhari. Pane kuti atore kunyange chinhu chimwe pazvinhu zvakawanda zvemurume iyeye akanga akapfuma, Dhavhidhi nevarume vaaiva navo vakadzivirira pfuma yake. Asi Nabhari “akanga aine hasha uye akaipa pamabasa ake,” uye ‘akatuka kwazvo’ varume vaiva naDhavhidhi. Akanga ari ‘murume pasina,’ uye ‘aiva noupenzi.’ Varume vaiva naDhavhidhi pavakamukumbira zvokudya vachimuremekedza, Nabhari akaramba. Abhigairi akaita sei paakanzwa zvakanga zvaitika? Asina kuudza Nabhari, “akabva achimbidza, akatora zvingwa mazana maviri nezvirongo zvikuru zvewaini zviviri nemakwai mashanu akagadzirwa nemaseya mashanu ezviyo zvakakangwa nemakeke emazambiringa akaomeswa zana nemakeke emaonde akasvinwa” uye akazvipa kuna Dhavhidhi nevarume vaaiva navo. Zvakaitwa naAbhigairi zvakanga zvakanaka here? Hungu, zvakazoitika zvinoratidza kuti zvaakaita zvakanga zvakanaka. Bhaibheri rinoti: “Jehovha akabva arova Nabhari, zvokuti akafa.” Dhavhidhi akazoroora Abhigairi.—1 Sam. 25:3, 14-19, 23-25, 38-42.

Mukadzi Anoita Kuti Arumbidzwe’

19, 20. Chii chinonyatsoita kuti mukadzi akodzere kurumbidzwa?

19 Magwaro anorumbidza mudzimai anoita zvinhu nenzira inodiwa naJehovha. Bhuku reBhaibheri raZvirevo rinorumbidza “mudzimai anokwanisa” richiti: “Anokosha kupfuura matombo ekorari nokure. Mwoyo womurume wake unovimba naye, uye hapana pfuma inoshayikwa. Anomupa mubayiro wezvakanaka, kwete zvakaipa, mazuva ose oupenyu hwake.” Uyezve, “anoshama muromo wake nouchenjeri, uye mutemo womutsa worudo uri parurimi rwake. Anotarisira zvinoitwa muimba yake, uye haadyi zvokudya zvousimbe. Vanakomana vake vanosimuka vachimuti anofara; murume wake anosimuka, uye anomurumbidza.”—Zvir. 31:10-12, 26-28.

20 Chii chinonyatsoita kuti mukadzi akodzere kurumbidzwa? “Chimiro chinganyengera, uye kunaka kungasabatsira,” inodaro Zvirevo 31:30, “asi mukadzi anotya Jehovha ndiye anorumbidzwa.” Kutya Jehovha kunosanganisira kuzviisa pasi pomusoro sezvakarongwa naJehovha. “Musoro womukadzi murume,” nokuti “musoro womurume wose ndiKristu,” uye “musoro waKristu ndiMwari.”—1 VaK. 11:3.

Tendai Mwari Kuti Akakupai Chipo

21, 22. (a) Zvinhu zvipi zvinoita kuti vaKristu vakachata vatende Mwari nechipo chaakavapa chokuroorana? (b) Sei tichifanira kuremekedza urongwa hwaJehovha hwokuti tive nevane masimba uye tikudze anenge ari musoro wedu? (Ona bhokisi riri papeji 17.)

21 VaKristu vakaroorana vane zvakawanda zvinoita kuti vatende Jehovha! Vanogona kunyatsonzwa vakadekara vari pamwe chete somurume nomudzimai. Vanogona kutenda Mwari zvikurukuru nechipo chake chokuroorana nokuti chinovapa mukana wokuti vanyatsozivana uye vafambe naJehovha. (Rute 1:9; Mika 6:8) Sezvo ari iye akatanga urongwa hwokuti vanhu varoorane, anonyatsoziva zvinodiwa kuti mumba mufarwe. Nguva dzose itai zvinhu muchitevedzera nzira yake, kuti ‘mufaro waJehovha uve nhare yenyu,’ kunyange zvazvo muri munyika yakazara matambudziko.—Neh. 8:10.

22 Murume wechiKristu anoda mudzimai wake sezvaanozviita achava musoro une unyoro, uye achafunga zvakanakira mumwe wake. Mudzimai wake anotya Mwari anobva ava chido chemwoyo wake chaicho, nokuti anenge achimutsigira uye achimuremekedza zvikuru. Chinotonyanya kukosha ndechokuti imba yavo yomuenzaniso ichakudza Mwari wedu akakodzera kurumbidzwa, Jehovha.

Unoyeuka Here?

• Urongwa hwaJehovha hwokuzviisa pasi pomusoro hunotii?

• Sei murume nomudzimai vachifanira kukudzana?

• Mudzimai wechiKristu anofanira kubata sei murume wake asiri Chapupu?

• Sei varume vachifanira kutanga vanzwawo zvinofunga madzimai avo vasati vaita zvisarudzo zvakakura?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Bhokisi riri papeji 17]

Sei Tichifanira Kuremekedza Vane Masimba?

Jehovha akaita urongwa hwokuti pavanhu nengirozi pave nevane masimba uye kuti vamwe vave misoro vachitungamirira vamwe. Izvi zvakaitwa kuti zvinakire vose ngirozi nevanhu. Zvinovapa mukana wokuita zvinhu vakasununguka uye kukudza Mwari nokumushumira vakabatana, murugare.—Pis. 133:1.

Ungano yevaKristu vakazodzwa inobvuma kuti Jesu Kristu ndiye ane masimba uye kuti ndiye anovatungamirira. (VaEf. 1:22, 23) Achibvuma kuti Jehovha ndiye ane masimba, “Mwanakomana achabva azviisawo pasi poUyo akaisa zvinhu zvose pasi pake, kuti Mwari ave zvinhu zvose kuvanhu vose.” (1 VaK. 15:27, 28) Saka zvakakodzera kuti vanhu vazviise pasi pourongwa hwomusoro weungano uye wemhuri. (1 VaK. 11:3; VaH. 13:17) Kana tikadaro, isu tichabatsirwa uye Jehovha achatifarira otikomborera.—Isa. 48:17.

[Mufananidzo uri papeji 13]

Munyengetero unogona kubatsira mudzimai wechiKristu kuratidza unhu hunodiwa naMwari

[Mifananidzo iri papeji 15]

Jehovha anokoshesa kubatsira kunoita vakadzi pakuparidza Umambo