Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Usashungurudza Mudzimu Mutsvene waJehovha

Usashungurudza Mudzimu Mutsvene waJehovha

Usashungurudza Mudzimu Mutsvene waJehovha

“Musashungurudza mudzimu mutsvene waMwari, wakakuisai chisimbiso.”—VAEF. 4:30.

1. Mamiriyoni evanhu akaitirwei naJehovha, uye ivo vanofanirawo kuitei?

JEHOVHA akaitira mamiriyoni evanhu vari kugara munyika ino yakaipa zvinhu zvaasina kuitira vose vose. Akashandisa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, Jesu Kristu, kuti mamiriyoni aya akwanise kuswedera pedyo naye. (Joh. 6:44) Kana wakazvitsaurira kuna Mwari uye uri kurarama maererano nokuzvitsaurira kwawakaita, uri mumwe wevanhu ava. Somunhu akabhabhatidzwa muzita romudzimu mutsvene, unofanira kuzvibata zvinoenderana nezvinodiwa nomudzimu iwoyo.—Mat. 28:19.

2. Tichakurukura mibvunzo ipi?

2 Isu vari ‘kudyara nokuda kwomudzimu’ tinopfeka unhu hutsva. (VaG. 6:8; VaEf. 4:17-24) Asi muapostora Pauro anotipa zano uye anotinyevera kuti tisashungurudza mudzimu mutsvene waMwari. (Verenga VaEfeso 4:25-32.) Iye zvino ngatinyatsoongororai zano iri rakapiwa nomuapostora. Pauro airevei paakataura nezvokushungurudza mudzimu waMwari? Zvingaita here kuti munhu akazvitsaurira kuna Jehovha aite chinhu chakadaro? Uye tingaita sei kuti tisashungurudza mudzimu waJehovha?

Zvairehwa naPauro

3. Ungatsanangura sei zvinorehwa nemashoko akanyorwa pana VaEfeso 4:30?

3 Chokutanga, ngationgororei mashoko aPauro akanyorwa pana VaEfeso 4:30. Akanyora kuti: “Musashungurudza mudzimu mutsvene waMwari, wakakuisai chisimbiso nokuda kwezuva ramuchasunungurwa norudzikinuro.” Pauro akanga asingadi kuti vaainamata navo vakanganise ukama hwavo hwakanaka naMwari. Mudzimu waJehovha ndiwo wakanga ‘wavaisa chisimbiso nokuda kwezuva ravaizosunungurwa norudzikinuro.’ Nanhasi mudzimu mutsvene waMwari uchiri chisimbiso, kana kuti “chokumbofanobata chezvichauya” kune vakazodzwa vakaperera kwaari. (2 VaK. 1:22) Chisimbiso chinoratidza kuti ivo ipfuma yaMwari uye kuti vanotarisira kuzowana upenyu hwokudenga. Vaya vanozoiswa chisimbiso chokupedzisira vanosvika 144 000.—Zvak. 7:2-4.

4. Sei zvichikosha kuti tisashungurudza mudzimu waMwari?

4 Kushungurudza mudzimu kungava mviromviro yokuti muKristu azorasikirwa nesimba raMwari muupenyu hwake. Izvi tinozviona pane zvakataurwa naDhavhidhi pashure pokunge aita chivi naBhati-shebha. Dhavhidhi akateterera Jehovha achiratidza kupfidza achiti: “Regai kundirasira kure nechiso chenyu; haiwa, musanditorera mudzimu wenyu mutsvene.” (Pis. 51:11) Vakazodzwa vacharamba ‘vakatendeka kunyange kusvikira kurufu’ ndivo chete vachagamuchira “korona” youpenyu hwokusafa kudenga. (Zvak. 2:10; 1 VaK. 15:53) VaKristu vane tariro yokurarama pasi pano vanofanirawo kuva nomudzimu mutsvene kuti vakwanise kuramba vakaperera kuna Mwari uye kuti vagamuchire chipo chake choupenyu chinobva pakutenda muchibayiro chorudzikinuro chaKristu. (Joh. 3:36; VaR. 5:8; 6:23) Saka tose zvedu tinofanira kungwarira kuti tisashungurudza mudzimu mutsvene waJehovha.

MuKristu Angashungurudza Sei Mudzimu?

5, 6. MuKristu angashungurudza sei mudzimu waJehovha?

5 SevaKristu vakazvitsaurira, pane zvatingaita kuti tisashungurudza mudzimu. Izvi tingazviita kana ‘tikaramba tichifamba uye tichirarama nomudzimu,’ nokuti tikadaro hatizokurirwi nezvishuvo zvakaipa uye hatizoratidzi unhu husiri hwechiKristu. (VaG. 5:16, 25, 26) Asi izvozvo zvinogona kuchinja. Tingashungurudza mudzimu waMwari kana tikanyengerwa zvishoma nezvishoma kuti tiite zvinhu zvinoshorwa neShoko raMwari rakafuridzirwa nomudzimu wake, pamwe tisiri kutombozviona.

6 Kana tikaramba tichiita zvinopesana nezvinenge zvataurwa nomudzimu mutsvene, tinenge tichiushungurudza iwo naJehovha, muridzi wawo. Kuongorora VaEfeso 4:25-32 kuchatiratidza kuti tinofanira kuzvibata sei, uye kungatibatsira kuti tisashungurudza mudzimu waMwari.

Zvatingaita Kuti Tisashungurudza Mudzimu

7, 8. Tsanangura kuti sei tichifanira kutaura chokwadi.

7 Tinofanira kutaura chokwadi. Maererano naVaEfeso 4:25, Pauro akanyora kuti: “Zvamakabvisa nhema, mumwe nomumwe wenyu ngaataure chokwadi nomuvakidzani wake, nokuti isu tiri nhengo yomumwe nomumwe.” Chokwadi, zvatiri “nhengo yomumwe nomumwe” hatitombofaniri kunyengera vatinonamata navo kana kuti kuedza kuvatsausa nemaune, nokuti zvakangofanana nokuvanyepera. Vose vanoramba vachiita zvakadaro vachaguma vasisina ukama naMwari.—Verenga Zvirevo 3:32.

8 Kuita uye kutaura zvokunyengera kungaita kuti vanhu vasabatana muungano. Saka tinofanira kuita somuprofita akanga akatendeka Dhanieri, akashayirwa mhosva nevamwe. (Dhan. 6:4) Uye tinofanira kugara tichifunga zano rakanyorerwa vaKristu vane tariro yokudenga naPauro rokuti mumwe nomumwe wavo inhengo ‘yomuviri waKristu’ uye anofanira kuramba akabatana nevateveri vaJesu vakazodzwa vanotaura chokwadi. (VaEf. 4:11, 12) Kana tiine tariro yokurarama nokusingaperi muParadhiso pasi pano, isuwo tinofanira kutaura chokwadi, zvobatsira kuti hama dzedu dziri munyika yose dzibatane.

9. Sei zvichikosha kuti tiite zvinotaurwa pana VaEfeso 4:26, 27?

9 Tinofanira kurwisana naDhiyabhorosi, tisingamupi mukana wokutikanganisa kunamata. (Jak. 4:7) Mudzimu mutsvene unotibatsira kurwisana naSatani. Somuenzaniso, tinogona kurwisana naye kana tichingwarira kuti tisaita hasha dzisingadzorwi. Pauro akanyora kuti: “Tsamwai henyu, asi musatadza; zuva ngarirege kuvira makatsamwa, uyewo musabvumira Dhiyabhorosi nzvimbo.” (VaEf. 4:26, 27) Kana tatadzirwawo zvechokwadi, kukurumidza kunyengetera nechomumwoyo kunogona kutibatsira kutaura ‘takadzikama,’ toratidza kuti tinozvidzora pane kuita zvinoshungurudza mudzimu waMwari. (Zvir. 17:27) Saka ngatisaramba takatsamwa topa Satani mukana wokuita kuti tiite zvakaipa. (Pis. 37:8, 9) Imwe nzira yokumurwisa ndeyokutevedzera zano raJesu rokukurumidza kutaurirana kana paine kusawirirana.—Mat. 5:23, 24; 18:15-17.

10, 11. Sei tisingafaniri kuba kana kuti kuita zvinhu zvokusatendeseka?

10 Hatifaniri kukundwa nomuedzo upi zvawo wokuda kuba kana kuti kusatendeseka. Pauro akanyora nezvokuba achiti: “Anoba ngaachirega kubazve, asi ngaashande nesimba, achiita basa rakanaka nemaoko ake, kuti ave nechimwe chinhu chokupa mumwe munhu anoshayiwa.” (VaEf. 4:28) Kana muKristu akazvitsaurira akaba, anenge ‘achitomhura zita raMwari’ nokuti anenge achiita kuti rizvidzwe. (Zvir. 30:7-9) Kunyange urombo hauiti kuti kuba kunzi kwakanaka. Vaya vanoda Mwari nomuvakidzani wavo vanoziva kuti hapana kuba kunombonzi kwakanaka.—Mako 12:28-31.

11 Pauro haasi kungotaura zvatisingafaniri kuita; ari kutaurawo zvatinofanira kuita. Kana tiri kurarama maererano nomudzimu mutsvene uye tiri kufamba nawo, tichashanda nesimba kuitira kuti titarisire mhuri yedu uyewo tive “nechimwe chinhu chokupa mumwe munhu anoshayiwa.” (1 Tim. 5:8) Jesu nevaapostora vake vaichengeta imwe mari yavaiti ndeyokubatsira varombo, asi mutengesi Judhasi Iskariyoti aigara achitora imwe yacho. (Joh. 12:4-6) Zvechokwadi akanga asiri kutungamirirwa nomudzimu mutsvene. Isu vari kutungamirirwa nomudzimu waMwari tiri vanhu “vakatendeseka muzvinhu zvose,” sezvakanga zvakaita Pauro. (VaH. 13:18) Izvi zvinoita kuti tisashungurudza mudzimu mutsvene waJehovha.

Zvimwe Zvatingaita Kuti Tisashungurudza Mudzimu

12, 13. (a) VaEfeso 4:29 inoratidza kuti mashoko api atisingafaniri kutaura? (b) Matauriro edu anofanira kunge akadii?

12 Tinofanira kungwarira matauriro edu. Pauro akati: “Shoko rakaora ngarirege kubuda mumuromo menyu, asi shoko chero ripi zvaro rakanaka, kuti rivake sezvingava zvichidiwa, kuti ripe zvinofadza kune vanonzwa.” (VaEf. 4:29) Panozve, muapostora wacho haasi kungotaura zvatisingafaniri kuita; ari kutiudza zvatinofanira kunge tichiita. Tichitungamirirwa nomudzimu waMwari, tichakwanisa kutaura “shoko chero ripi zvaro rakanaka, kuti rivake sezvingava zvichidiwa, kuti ripe zvinofadza kune vanonzwa.” Uyezve hatifaniri kurega “shoko rakaora” richibuda mumuromo medu. Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti ‘kuora’ rakagara richishandiswa kutsanangura muchero, hove, kana kuti nyama inenge yava kukanda. Masemero atinongoitawo zvokudya zvakadaro ndiwo mavengero atinofanira kuita matauriro anonzi naJehovha akaipa.

13 Tinofanira kutaura mashoko akanaka, ane mutsa, “akarungwa nomunyu.” (VaK. 3:8-10; 4:6) Vanhu pavanonzwa tichitaura, vanofanira kuona kuti takasiyana nevamwe. Saka ngatibatsirei vamwe nokutaura ‘zvakanaka, zvinovaka.’ Uye ngatinzwei semanzwiro aiita munyori wepisarema akaimba kuti: “Mashoko omuromo wangu nokufungisisa kwomwoyo wangu ngazvive zvinofadza pamberi penyu, haiwa Jehovha, Dombo rangu noMudzikinuri wangu.”—Pis. 19:14.

14. Maererano naVaEfeso 4:30, 31, tinofanira kusiya tsika ipi?

14 Hatifaniri kuva nepfini, kutsamwa, uye kutuka, nezvakaipa zvose. Pauro anyevera kuti tisashungurudza mudzimu mutsvene, akanyora kuti: “Pfini dzose nokutsamwa nehasha nokupopota nokutuka ngazvibviswe kwamuri pamwe chete nezvakaipa zvose.” (VaEf. 4:30, 31) Sevanhu vasina kukwana, tose zvedu tinofanira kushanda nesimba kuti tizvidzore. Kana tikasazvidzora pakuva ne“pfini dzose nokutsamwa nehasha,” tinenge tichishungurudza mudzimu waMwari. Ndizvo zvinoitikawo kana tikaramba tiine pfundepfunde nomunhu akatikanganisira, toramba takamutsamwira tisingadi kuyananiswa naye. Tikatanga kuramba zano rinobva muBhaibheri, tinogona kupedzisira tava nounhu hungaita kuti tizotadzira mudzimu topedzisira tazvipinza muna taisireva.

15. Kana tikatadzirwa, tinofanira kuita sei?

15 Tinofanira kuva nomutsa, netsitsi, tichikanganwira. Pauro akanyora kuti: “Itiranai mutsa, muchinzwirana tsitsi kwazvo, muchikanganwirana nomwoyo wose Mwari zvaakakukanganwiraiwo nomwoyo wose achishandisa Kristu.” (VaEf. 4:32) Kunyange kana takatadzirwa zvokuti zvakatirwadza, ngatikanganwirei sezvinoita Mwari. (Ruka 11:4) Ngatitii imwe hama kana hanzvadzi yataura zvakaipa nezvedu. Tinoenda kwaari kuti tiedze kugadzirisa zvinhu. Anobva aratidza kuti ane urombo chaizvo okumbira ruregerero. Tinomuregerera asi hatigumiri ipapo. Revhitiko 19:18 inoti: “Usatsiva kana kuchengetera vanakomana vevanhu vokwako mafi; ida wokwako sezvaunozviita. Ndini Jehovha.”

Zvinoda Kungwarira

16. Taura muenzaniso unoratidza kuti tingatofanira kuchinja zvatinenge tichiita kuti tirege kushungurudza mudzimu waJehovha.

16 Kana pasina ari kutiona, pangava nomuedzo wokuita zvisingafadzi Mwari. Somuenzaniso imwe hama ingave ichiteerera nziyo dzisina kunyatsotsarukana. Hana yake inopedzisira yava kutambudzika nokuti haasi kuteerera zano reBhaibheri rinobudiswa mumabhuku e“muranda akatendeka, akangwara.” (Mat. 24:45) Anganyengetera nezvedambudziko iri uye angarangarira zvakataurwa naPauro pana VaEfeso 4:30. Sezvo asingachadi zvachose kushungurudza mudzimu waMwari, anobva achera kakomba osvipira nyaya yokuridza nziyo dzisina kutsarukana. Jehovha achakomborera zvinenge zvichiitwa nehama yacho. Saka ngatigarei takangwarira kuti tisashungurudza mudzimu waMwari.

17. Chii chingaitika kana tikasangwarira uye tikasagara tichinyengetera?

17 Tikasangwarira uye tikasagara tichinyengetera, tinogona kupedzisira tava netsika dzisina kunaka dzingatoshungurudza mudzimu. Mudzimu mutsvene zvaunoita kuti tive nounhu hwaBaba vedu vokudenga, kuushungurudza kwakafanana nokushungurudza Jehovha, zvino isu hatitomboda kuita chinhu chakadaro. (VaEf. 4:30) Vanyori vechiJudha vomuzana remakore rokutanga vakaita chivi chokuudza Jesu kuti zvishamiso zvake zvaiitwa naSatani. (Verenga Mako 3:22-30.) Vavengi vaKristu ivavo ‘vakamhura mudzimu mutsvene,’ saka vakaita chivi chisingakanganwirwi. Dai tikasapedzisira tadarowo!

18. Tingaziva sei kuti hatina kuita chivi chisingaregererwi?

18 Sezvo tisingatombodi kana nepaduku kuita chivi chisingaregererwi, tinoda kurangarira zvakataurwa naPauro nezvokushungurudza mudzimu. Ko kana takatadza zvakakomba? Kana takapfidza, tikabatsirwa nevakuru, zvingaita kuti titi Mwari atikanganwira uye kuti hatina kutadzira mudzimu mutsvene. Mwari anogona kutibatsira kuti tisashungurudzazve mudzimu mutsvene.

19, 20. (a) Ndezvipi zvimwe zvinhu zvatisingafaniri kuita? (b) Chii chatinofanira kuita chero zvodini?

19 Mwari anoshandisa mudzimu wake mutsvene kuti asimbise rudo, mufaro uye kubatana kwevanhu vake. (Pis. 133:1-3) Saka hatifaniri kushungurudza mudzimu nokuita makuhwa anokuvadza vamwe kana kuti kutaura zvinhu zvinoita kuti vafudzi vakagadzwa nomudzimu vasaremekedzwa. (Mab. 20:28; Jud. 8) Panzvimbo pokudaro tinofanira kuita kuti vanhu muungano vabatane uye varemekedzane. Zvechokwadi, hatifaniri kuita zvinhu zvinoita kuti vanhu vaMwari vaite tumapoka. Pauro akanyora kuti: “Ndinokurayirai, hama, nezita raShe wedu Jesu Kristu kuti imi mose mutaure muchibvumirana, uye kuti hapafaniri kuva nokupesana pakati penyu, asi kuti munyatsobatanidzwa mupfungwa imwe chete nomukufunga kumwe chete.”—1 VaK. 1:10.

20 Jehovha anoda uye anokwanisa kutibatsira kuti tisashungurudza mudzimu wake. Ngatirambei tichinyengeterera mudzimu mutsvene torega kuushungurudza chero zvodini. Ngatirambei ‘tichidyara nokuda kwomudzimu,’ tichitungamirirwa nawo nomwoyo wose iye zvino nokusingaperi.

Ungapindura Sei?

• Kushungurudza mudzimu waMwari zvinorevei?

• Munhu akazvitsaurira kuna Jehovha angashungurudza sei mudzimu waMwari?

• Zvii zvatingaita kuti tisashungurudza mudzimu mutsvene?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 30]

Kurumidzai kugadzirisa kusawirirana

[Mufananidzo uri papeji 31]

Chibereko chipi chinonyanya kuratidza matauriro aunoita?