Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kutaura Nenyasha Kunoita Kuti Vanhu Vanzwanane

Kutaura Nenyasha Kunoita Kuti Vanhu Vanzwanane

Kutaura Nenyasha Kunoita Kuti Vanhu Vanzwanane

“Kutaura kwenyu ngakuve nenyasha nguva dzose.”—VAK. 4:6.

1, 2. Kutaura nenyasha kweimwe hama kwakabatsira sei?

“MUMWE musi ndichiparidza pamba nemba ndakasangana nomumwe murume akandishatirirwa zvokuti miromo yake yaibvunda muviri wose uchidedera,” yakadaro imwe hama. “Ndakaedza kutaura naye zvinyoronyoro ndichishandisa Magwaro, asi ndaitoita sokunge ndamuwedzera. Mudzimai wake nevana vakabva vadavirirawo vachindituka, ndikaona kuti hapasi pokumira apa. Ndakaudza mhuri yacho kuti ndakanga ndauya zvakanakanaka, saka ndaidawo kudzokera zvakanakanaka. Ndakavaratidza pana VaGaratiya 5:22 ne23, panotaurwa nezverudo, unyoro, kuzvidzora, uye rugare. Ndakabva ndaenda zvangu.

2 “Ndava kuzoparidzira dzimba dziri mhiri kwomugwagwa wacho, ndakaona mhuri iya yagara zvayo panze nechepamberi pemba. Vakandidaidza. Ndakazvibvunza kuti ‘Vava kudei zvakare?’ Murume wacho akandipa jagi rakazara nemvura inotonhora kuti ndinwe. Akakumbira ruregerero nezvaakanga andiita, akayemura kutenda kwangu kwakasimba. Takaparadzana zvedu zvakanakanaka.”

3. Sei tisingafaniri kubvumira kuti zvinoitwa nevamwe vanhu zvitishatirise?

3 Munyika yanhasi yakazara zvinonetsa hazviwanzovi nyore kunyenyeredza zvachose vanhu vakashatirwa, kunyange muushumiri. Kana tasangana navo zvinoda kuti tiratidze “unyoro noruremekedzo rukuru.” (1 Pet. 3:15) Dai hama iya yataurwa pamusoro apa yakati saimba zvaadya marasha naiyowo yoti haivhiyiwi, pamwe murume uyu angadai asina kuzochinja sezvaakaita; angadai akatowedzera. Kuzvidzora kwakaita hama iyi uye kutaura nenyasha zvakaita kuti murume uyu achinje.

Chii Chingatibatsira Kutaura Nenyasha?

4. Sei zvichikosha kuti titaure nenyasha?

4 Tingava tichitaura nevanhu vasiri muungano kana kuti vari muungano, kunyange vemumhuri, zvinokosha kuti titevere zano romuapostora Pauro rokuti: “Kutaura kwenyu ngakuve nenyasha nguva dzose, kwakarungwa nomunyu.” (VaK. 4:6) Matauriro akadaro anoita kuti vanhu vakurukure zvakanaka uye vave norunyararo.

5. Kugona kukurukura hakurevi chii? Taura muenzaniso.

5 Kukurukura zvakanaka hakurevi kuti unofanira kutaura zvose zvaunenge uchifunga uye zviri mumwoyo mako, zvikurukuru kana washatirwa. Kusadzora hasha chinhu chisingarumbidzwi nemaMagwaro, asi chinotoshorwa. (Verenga Zvirevo 25:28; 29:11.) Mosesi, uyo “akanga ari munhu munyoro” kupfuura vanhu vose vaive panyika, akamborega kupanduka kwevaIsraeri kuchimuita kuti akundwe nehasha, akakundikana kukudza Mwari. Mosesi akanyatsotaura maonero aiita vanhu ava, asi Jehovha haana kufara. Mosesi haana kuzobudirira kupinza vanhu muNyika Yakapikirwa pashure pokuvatungamirira kwemakore 40.—Num. 12:3; 20:10, 12; Pis. 106:32.

6. Kungwarira pakutaura kunorevei?

6 Magwaro anorumbidza kuzvidzora uye kungwarira pakutaura. “Pamashoko mazhinji hapashayikwi kudarika, asi munhu anodzora miromo yake anoita nokungwara.” (Zvir. 10:19; 17:27) Asi kungwarira hakurevi kuti hatichatauri zvachose. Kunoreva kuti tinotaura “nenyasha,” tichiita kuti rurimi rwedu ruporese kwete kukuvadza.—Verenga Zvirevo 12:18; 18:21.

“Nguva Yokunyarara Nenguva Yokutaura”

7. Kutaura kworudzii kwatisingafaniri kuita, uye kwakaipirei?

7 Sezvo tichifanira kuratidza nyasha uye kuzvidzora patinotaura nevatinoshanda navo kana kuti vanhu vatisingazivi tiri muushumiri, tinofanirawo kudaro muungano uye kumba. Kungoviruka nehasha tisina kufunga zvingazoitika kunogona kukuvadza utano hwedu nehwevamwe panyaya dzokunamata, pamafungiro, uye kunogona kutotirwarisa. (Zvir. 18:6, 7) Manzwiro atinoita sevanhu vasina kukwana anofanira kudzorwa. Kutaura magaramwoyo, kuvirima, kutsvinya, uye kutaura noruvengo hakuna kunaka. (VaK. 3:8; Jak. 1:20) Kunogona kuita kuti vanhu vanowirirana vapedzisire vasisaonane uye kunokanganisa ukama hwedu naJehovha. Jesu akadzidzisa kuti: “Munhu wose anoramba akatsamwira hama yake achazvidavirira kudare rinotonga; asi munhu wose anoshevedza hama yake neshoko risingatauriki rokuzvidza achazvidavirira kuDare Repamusorosoro; uye munhu wose anoti, ‘Iwe zibenzi!’ achava akafanirwa neGehena romoto.”—Mat. 5:22.

8. Tinofanira kutaura riini zviri mumwoyo medu, asi tinofanira kutaura sei?

8 Zvisinei, pane dzimwe nyaya dzatingaona kuti hadzisi dzokunyarara. Kana imwe hama ikataura kana kuita chimwe chinhu chinokusiya uine bundu mumwoyo chausingakwanisi kungoregerera kana kuti kungosiya chakadaro, usangochemera mudundundu. (Zvir. 19:11) Kana mumwe munhu akushatirisa, tanga wanyatsodzikama wozotora matanho okugadzirisa nyaya yacho. Pauro akanyora kuti: “Zuva ngarirege kuvira makatsamwa.” Tsvaka nguva yakakodzera yokukurukura nyaya yacho, nokuti iri kuramba ichikushayisa hope. (Verenga VaEfeso 4:26, 27, 31, 32.) Taura nehama yako nyaya yacho, muchibudirana pachena asi nenyasha, nechinangwa chokuyanana.—Revh. 19:17; Mat. 18:15.

9. Sei tichifanira kutanga tanyatsodzikama tisati taenda kunotaura nevamwe?

9 Unofanira kunyatsosarudza nguva yokutaura yacho. Pane “nguva yokunyarara nenguva yokutaura.” (Mup. 3:1, 7) Uyezve, “mwoyo womunhu akarurama unofungisisa kuti upindure.” (Zvir. 15:28) Izvi zvingareva kumbomira usati waenda kunokurukura nyaya yacho. Kukurukura nyaya munhu achakazvimbirwa nehasha kunogona kutoipisa zvinhu; asi hazvina kunakawo kuzoverengera kwenguva refu.

Kuva Nenyasha Kunoita Kuti Vanhu Vanzwanane

10. Kuitira vamwe zvinhu zvinoratidza nyasha kunogona kuvandudza ukama navo sei?

10 Kutaura nenyasha uye zvakanaka kunoita kuti vanhu vagare zvakanaka murunyararo. Kuitawo zvatinogona kuti ukama hwedu nevamwe huvandudzike kunoita kuti matauriro atinoita navo avewo nani. Kuedza kuitira vamwe zvinhu zvinoratidza mutsa nemwoyo wose, zvakadai sokutsvaka mikana yokubatsira, kupa zvipo nemwoyo wose, kuvakoka kumba kwedu, kunoita kuti pave nehurukuro dzakanaka. Kunotogona ‘kututira marasha anopisa’ pamunhu zvoita kuti abudise unhu hwake hwakanaka, kutaura naye kwova nyore.—VaR. 12:20, 21.

11. Jakobho akatora sei nhanho yokutanga kuti ayanane naEsau uye zvaakaita zvakabatsirei?

11 Tateguru wevaIsraeri Jakobho ainzwisisa nyaya iyi. Mukoma wake Esau, akanga akamushatirirwa zvokuti Jakobho akatiza achitya kuti Esau angamuuraya. Jakobho akazodzoka kwapera makore akawanda. Esau akaenda kunomuchingura, aine varume 400. Jakobho akanyengetera kuna Jehovha kuti abatsirwe. Akazotungamidza zvipo zvakawanda zvezvipfuwo kuti zvinopiwa Esau. Zvipo izvozvo zvakabatsira. Pavakazosangana, mwoyo waEsau wakanga wanyevenuka, saka akamhanya akanombundira Jakobho.—Gen. 27:41-44; 32:6, 11, 13-15; 33:4, 10.

Kurudzira Vamwe Nokutaura Nenyasha

12. Sei tichifanira kutaura mashoko ane nyasha nehama dzedu?

12 VaKristu vanoshumira Mwari, kwete vanhu. Kunyange zvakadaro, zviri muropa kuti tinodawo kufadza vamwe vanhu. Mashoko edu enyasha anogona kukurudzira hama dzedu nehanzvadzi dzakaremerwa. Asi kushoropodza kunovawedzera mutoro wacho uye kunotoita kuti vamwe vafunge kuti havachadiwa naJehovha. Saka ngatitaurei nevamwe zvinobva pamwoyo, zvinokurudzira, “shoko chero ripi zvaro rakanaka, kuti rivake sezvingava zvichidiwa, kuti ripe zvinofadza kune vanonzwa.”—VaEf. 4:29.

13. Vakuru vanofanira kuyeukei (a) pavanopa zano? (b) pavanonyora tsamba?

13 Vakuru ndivo vanofanira zvikurukuru kuva “norupfave,” vachibata makwai nounyoro. (1 VaT. 2:7, 8) Kana vakuru vakaona zvakakodzera kupa zano, chinangwa chavo ndechokuzviita “nounyoro,” kunyange kana vari kutaura ne“vaya vasingadi.” (2 Tim. 2:24, 25) Vakuru vanofanirawo kuva nenyasha pamanyorero avanoita tsamba pavanonyorera vakuru vekune dzimwe ungano kana kuti hofisi yebazi. Vanofanira kutaura nemutsa uye nokungwarira sezvatinoverenga pana Mateu 7:12.

Kutaura Kune Nyasha Mumhuri

14. Pauro akapa varume zano rokutii, uye akavapirei?

14 Zviri nyore kuti tisamboona kuti matauriro atinoita, zvatinoita chiso chedu uye muviri wedu zvinogona kukuvadza vamwe zvakadini. Somuenzaniso, vamwe varume vangasamboziva kuti mashoko avo anorwadza vakadzi zvakadini. Imwe hanzvadzi yakati, “Zvinondityisa pandinonzwa murume wangu achishamatata kwandiri akashatirwa.” Mukadzi anogona kubatwa-batwa nemashoko akadzama kupfuura zvinoita murume uye anogona kugara nawo kwenguva refu. (Ruka 2:19) Mashoko acho akataurwa nomunhu waanoda uye waanoda kuremekedza zvinobva zvatozonyanya. Pauro akapa varume zano rokuti: “Rambai muchida madzimai enyu uye musaatsamwira kwazvo.”—VaK. 3:19.

15. Taura muenzaniso unoratidza kuti sei murume achifanira kubata mukadzi wake nounyoro.

15 Panyaya iyi mumwe murume ava nemakore akawanda akaroora akaenzanisira kuti nei varume vachifanira kubata madzimai avo nounyoro, sezvinoitwa “mudziyo usina simba.” Akati: “Kana wakabata mudziyo unokosha asi usingatani kuputsika, haufaniri kuuti mba nokuti unogona kutsemuka. Kunyange ukazonamwa, mutswi wacho unongoramba uchioneka. Kana murume akashandisa mashoko ane ukasha achitaura nomudzimai wake, anogona kumukuvadza. Izvozvo zvinogona kukonzera mitswi isingazonamiki muukama hwavo.”—Verenga 1 Petro 3:7.

16. Mudzimai angavaka sei mhuri yake?

16 Varumewo vanogona kukurudzirwa kana kuti kuodzwa mwoyo nemashoko evamwe, kusanganisira emadzimai avo. “Mudzimai akangwara,” ‘anovimbwa naye’ nomurume wake, ndouya anofunga kuti murume wake anonzwa sei, sezvaanongodawo kuti murume wacho afunge nezvake iye. (Zvir. 19:14; 31:11) Zvechokwadi mukadzi anogona kuputsa imba yake kana kuivaka. “Mukadzi akachenjera zvechokwadi anovaka imba yake, asi benzi rinoiputsa nemaoko aro.”—Zvir. 14:1.

17. (a) Vana vanofanira kutaura sei nevabereki vavo? (b) Vanhu vakuru vanofanira kutaura sei nevana vaduku, uye zvakanakirei kuti vadaro?

17 Vabereki nevana vanofanirawo kukurukura zvine nyasha. (Mat. 15:4) Kana tichitaura nevana, zvinoda kutanga tafunga, kuti ‘tisavaodza mwoyo’ kana kuti ‘tisavatsamwisa.’ (VaK. 3:21; VaEf. 6:4) Kunyange kana vana vachifanira kurangwa, vabereki nevakuru vanofanira kutaura navo noruremekedzo. Kana vanhu vakuru vakadaro zvinoitira vana nyore kuti vadzokere mugwara, voramba vaine ukama hwavo naMwari. Izvozvo zviri nani zvikuru pane kuvapa pfungwa yokuti havachagoneki, izvo zvingaita kuti vasazoedzawo kugadziridza maitiro avo. Vana vangasarangarira mashoko ose okurayira avakaudzwa, asi vachayeuka kuti vaitaurwa navo sei.

Kutaura Zvinhu Zvakanaka Zvinobva Pamwoyo

18. Tingaita sei kuti tisafunga zvinokuvadza uye tizvibvise mumwoyo medu?

18 Kudzora hasha hakungorevi kuita kuti chiso chako chiratidze kuti hauna kushatirwa. Chinangwa chedu hachisi chokungoti tisaonekwa kuti takatsamwa. Kuedza kuramba tichioneka setisina kugumbuka nechokunze asi mukati tichipunyaira nehasha kunototiomesera. Zvakafanana nomutyairi anoti uku akatsika mabhureki uku akatsika mafuta. Izvi zvinotouraya motokari yacho. Saka usaviga hasha wozoviruka pava paya. Nyengetera kuna Jehovha kuti abvise pfungwa dzinokuvadza mumwoyo mako. Ita kuti mudzimu waJehovha uchinje pfungwa dzako nemwoyo kuti zvienderane nokuda kwake.—Verenga VaRoma 12:2; VaEfeso 4:23, 24.

19. Inhanho dzipi dzingatibatsira kuti tirege kupopotedzana?

19 Tora matanho anokubatsira kudzora hasha. Kana waona kuti zvinhu zvava kuda kuenda nepasipo, wonzwa tuhasha twava kutanga, zvingabatsira ukabva panzvimbo yacho, wowana nguva yokugadzikana. (Zvir. 17:14) Kana munhu wauri kutaura naye akatanga kushatirwa, edza kuramba uchitaura nenyasha. Yeuka kuti: “Mhinduro, kana iri nyoro, inodzora kutsamwa, asi shoko rinorwadza rinomutsa hasha.” (Zvir. 15:1) Ukataura zvinokuvadza unenge watokuchidzira moto wacho, kunyange ukazvitaura zvinyoronyoro. (Zvir. 26:21) Saka ukaona wava kuomerwa nokuzvidzora, ‘nonoka kutaura, unonoke kuva nehasha.’ Nyengeterera mudzimu waJehovha kuti ukubatsire kutaura zvakanaka, kwete zvakaipa.—Jak. 1:19.

Kukanganwira Zvinobva Pamwoyo

20, 21. Chii chinogona kutibatsira kukanganwira vamwe uye sei tichifanira kudaro?

20 Chinosuwisa ndechokuti hapana mumwe wedu anogona kudzora rurimi rwake zvakakwana. (Jak. 3:2) Kunyange mumhuri nomuungano hama dzedu dzinogona kumbobvotomoka zvinotirwadza, pasinei nokuedza kwadzinoita kuti dzisadaro. Panzvimbo pokukurumidza kugumbuka, nyatsoongorora kuti chii chaita kuti vataure vachidaro. (Verenga Muparidzi 7:8, 9.) Pane changa chavavhiringa here, vanga vachitya here, havasi kunzwa zvakanaka here, kana kuti pane imwe nyaya iri kuvanetsa?

21 Izvi hazvirevi kuti kana munhu aine zviri kumunetsa anofanira kupopotera vanhu. Asi tikaziva zvinhu zvakadaro zvinogona kutibatsira kunzwisisa chinoita kuti vanhu vataure kana kuti vaite zvinhu zvavanenge vasingafaniri kuita dzimwe nguva uye zvinogona kutibatsira kukanganwira. Hapana asati ambotaura kana kuita zvinhu zvinorwadza vamwe, uye tinotarisira kuti vanhu ivavo vachatikanganwira. (Mup. 7:21, 22) Jesu akati kana tichida kukanganwirwa naMwari, isu tinofanira kukanganwira vamwe. (Mat. 6:14, 15; 18:21, 22, 35) Saka tinofanira kukurumidza kukumbira ruregerero uye kuregerera, toita kuti mumhuri nomuungano murambe muine rudo, “chisungo chakakwana chokubatana.”—VaK. 3:14.

22. Sei kuedza kutaura nenyasha kusiri kutambisa nguva?

22 Zvinhu zvinokanganisa mufaro wedu nokubatana kwedu zvingangowedzera sezvo nyika iripo izere vanhu vakatsamwa inosvika kumugumo wayo. Kushandisa mazano ari muShoko raMwari kuchatibatsira kushandisa rurimi rwedu zvakanaka, kwete zvakaipa. Tichagarisana nevamwe zvakanaka muungano nomumhuri, uye zvatinoita zvichapa uchapupu hwakanaka nezvaJehovha ‘Mwari wedu anofara.’—1 Tim. 1:11.

Ungatsanangura Here?

• Sei zvichikosha kusarudza nguva yakakodzera yokukurukura zvamunenge matadzirana?

• Sei vanhu vomumhuri vachifanira kugara vachikurukura “nenyasha”?

• Tingaita sei kuti tisataura zvinorwadza vamwe?

• Chii chingatibatsira kukanganwira?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 21]

Tanga wagadzikana, wozotsvaka nguva yakakodzera yokutaura

[Mufananidzo uri papeji 23]

Murume anofanira kutaura nomudzimai wake nounyoro nguva dzose