Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Ramba Uchikunda Zvakaipa” Nokudzora Hasha

“Ramba Uchikunda Zvakaipa” Nokudzora Hasha

“Ramba Uchikunda Zvakaipa” Nokudzora Hasha

‘Musatsiva, vadiwa, asi rambai muchikunda zvakaipa nezvakanaka.’—VAR. 12:19, 21.

1, 2. Zvimwe Zvapupu zvaive parwendo zvakaratidza muenzaniso wei wakanaka?

ZVIMWE Zvapupu zvaJehovha 34 zvakanonotswa nokumbofa kwakaita ndege zvisati zvasvika kwazvaienda kwaitsaurirwa hofisi yebazi. Pakamiswa ndege ichida kuiswa mafuta vaitarisira kuti yaizomira awa imwe chete asi vakazomira maawa 44 pakanhandare kaiva kwako koga pasina zvokudya, mvura, nezvimbudzi zvakanyatsoti tsvikiti. Vanhu vakawanda vaive mundege iyoyo vakashatirwa vakavhundutsira vashandi vepanhandare iyoyo. Asi hama nehanzvadzi dzakaramba dziri zii.

2 Zvapupu zvakazosvika hazvo kwazvaienda asi zvakangosvikonzwa chikamu chokupedzisira chepurogiramu. Kunyange zvazvo vakanga vaneta, vakamboramba varipo kuti vashamwaridzane nehama dzeko. Vakazonzwa kuti mwoyo murefu wavo nokuzvidzora zvakanga zvacherechedzwa. Mumwe akanga ari mundege iyi akaudza vashandi vayo kuti, “Dai mundege makanga musina vaKristu vaya 34, panhandare paya pangadai pakaitwa mhirizhonga.”

Kurarama Munyika Ine Vanhu Vane Hasha

3, 4. (a) Nyaya yokurwisana kwevanhu yakatanga sei uye riini? (b) Kaini aigona kunge akadzora hasha dzake here? Tsanangura.

3 Nhamo nematambudziko zviri kusangana nevanhu munyika ino yakaipa zvinogona kuita kuti vagare vakatsamwa. (Mup. 7:7, Bhaibheri Rinoera.) Kushatirwa uku kunowanzoita kuti vave noruvengo uye vade zvokurwa. Dzimwe nyika dziri kurwisana uye vamwe vari kurwisana voga munyika mavo, ukuwo mumhuri dzakawanda chinenge chiri chapwititi. Hasha dzakadaro nokurwisana hazvina kutanga nhasi. Kaini, dangwe raAdhamu naEvha, akauraya munun’una wake Abheri nemhaka yokushatirwa uye shanje. Izvi Kaini akazviita kunyange zvazvo akanga ambokurudzirwa naJehovha kuti adzore hasha dzake uye audzwa kuti kana akadaro aizokomborerwa.—Verenga Genesisi 4:6-8.

4 Kunyange zvazvo Kaini aive munhu asina kukwana, aigona kusaita zvaakaita. Aigona kudzora hasha dzake. Ndosaka akazorangirwa zvaakanga aita. Isusuwo kusakwana kwedu kunoita kuti zvitiomere kudzora hasha dzedu. Uye pane mamwewo matambudziko anotitenderedza musoro mu“nguva dzinonetsa” dzatiri idzi. (2 Tim. 3:1) Somuenzaniso, nhamo yemari inogona kuita kuti tingogara takatsamwa. Mapurisa nemasangano anopanga mhuri mazano anoti nyaya dzemari ndidzo dzinowanzokonzera kupopotedzana nokurikitana mumhuri.

5, 6. Tinogona kupedzisira tava nemaonero api ane nyika panyaya yehasha?

5 Chimwezve ndechokuti vanhu vakawanda vatinosangana navo “vanozvida,” “vanozvitutumadza,” uye vamwe ‘vanototyisa.’ Zviri nyore kuti titevedzere tsika dzavo uye tivashatirirwe. (2 Tim. 3:2-5) Zviripo ndezvokuti mafirimu nemapurogiramu eTV anowanzopa pfungwa yokuti kutsiva chinhu chakanaka uye kuti kurwa ndiwo mushonga wokugadzirisa kusawirirana. Misoro yenyaya inenge ichishambadzira zvichabuda inowanzoita kuti vanenge vachiona vatarisire kuzoona “nhunzvatunzva iya ichikauriswa,” izvo zvinowanzoreva kuti inenge ichizourayiwa negamba romumutambo wacho.

6 Mashoko akadaro haatsigiri mafungiro aMwari asi kuti anotsigira “mudzimu wenyika” newomutongi wayo akatsamwa Satani. (1 VaK. 2:12; VaEf. 2:2; Zvak. 12:12) Mudzimu iwoyo unoita zvinoda nyama inotadza uye unorwisana noMudzimu waMwari nechibereko chawo. Kutaura chokwadi, imwe yedzidziso dzechiKristu inokosha ndeyokusatsiva kana tagumburiswa. (Verenga Mateu 5:39, 44, 45.) Saka tingaita sei kuti tinyatsoshandisa zvizere zvakadzidziswa naJesu?

Mienzaniso Yakanaka Neyakaipa

7. Simiyoni naRevhi vakaita sei pamusana pokusadzora hasha dzavo?

7 Mazano okuti tidzore hasha haazivani muBhaibheri uye munewo mienzaniso yezvingaitika kana tikadzidzora kana kuti tikasadzidzora. Funga zvakaitika vanakomana vaJakobho, Simiyoni naRevhi, pavakatsiva Shekemu abata hanzvadzi yavo Dhina chibharo. “Vakarwadziwa mumwoyo, vakatsamwa kwazvo.” (Gen. 34:7) Vamwe vanakomana vaJakobho vakarwisa guta raigara Shekemu vakatuta zvinhu zvavo zvose ndokutapa vakadzi nevana. Izvi vanogona kunge vasina kungozviita nemhaka yaDhina chete, asiwo kuzvikudza nokuti vakanga vanyadziswa. Vaiti Shekemu akanga avadenha pamwe naJakobho baba vavo. Asi Jakobho akaona sei zvavakanga vaita?

8. Nhoroondo yaSimiyoni naRevhi inodzidzisei nezvokutsiva?

8 Jakobho anofanira kunge akarwadziwa kwazvo nezvakaitika kuna Dhina; asi akashora pfungwa yevanakomana vake yokutsiva. Simiyoni naRevhi vakada kuedza kupembedza zvavakanga vaita vachiti: “Pane munhu anofanira kuita hanzvadzi yedu sepfambi here?” (Gen. 34:31) Asi nyaya yacho haina kugumira ipapo, nokuti Jehovha haana kufara nazvo. Jakobho akazoprofita makore akawanda apfuura kuti vana nevazukuru vaSimiyoni naRevhi vaizoparadzirwa pakati pemadzinza aIsraeri pamusana pehasha dzakaratidzwa nevaviri ava. (Verenga Genesisi 49:5-7.) Izvi zvinoreva kuti kusadzora kwavo hasha kwakaita kuti vatsamwirwe naMwari uye nababa vavo.

9. Ndepapi Dhavhidhi paakapotsa akurirwa nehasha?

9 Asi Mambo Dhavhidhi akanga asina kudaro. Aive nemikana yakawanda yokutsiva asi haana kumbodaro. (1 Sam. 24:3-7) Asi mumwe musi akapotsa akundwa nehasha. Mumwe murume akanga akapfuma ainzi Nabhari akapopotera vashandi vaDhavhidhi, asi vakanga vadzivirira makwai aNabhari nevafudzi vake. Dhavhidhi akanga ava kuda kuenda kunorwisa achitsiva, zvimwe achifunga kuti vanhu vake havangambonzarwo. Dhavhidhi nevarume vake pavakanga vava munzira vachienda kunorwisa Nabhari nemhuri yake, mumwe mukomana akaenda kunoudza Abhigairi, mudzimai waNabhari akanga akangwara, zvakanga zvaitika ndokumuudza kuti aone zvaangaite. Akabva angogadzirira chipo chakakura chokunopa Dhavhidhi. Akakumbira ruregerero pamusoro poupenzi hwomurume wake achizvininipisa, akaudza Dhavhidhi kuti semunhu aitya Jehovha aisafanira kudaro. Dhavhidhi akazoona pfungwa yacho ndokuti: “Komborerwa iwe wandidzivisa nhasi kuti ndirege kuva nemhosva yeropa.”—1 Sam. 25:2-35.

Maonero Anofanira Kuita muKristu Hasha

10. VaKristu vanofanira kuona sei nyaya yokutsiva?

10 Zvakaitika kuna Simiyoni naRevhi uye kuna Dhavhidhi naAbhigairi zvinoratidza zviri pachena kuti Jehovha haafariri hasha dzisina muganhu nokurwa uye kuti anokomborera vanhu vanoedza kuva norunyararo. “Kana zvichibvira, nepamunogona napo, ivai norugare nevanhu vose,” akanyora kudaro muapostora Pauro. “Musatsiva, vadiwa, asi dziurirai hasha; nokuti zvakanyorwa kuti: ‘Kutsiva ndokwangu; ndichatsividza, anodaro Jehovha.’ Asi, ‘kana muvengi wako aine nzara, mupe zvokudya; kana aine nyota, mupe chimwe chinhu kuti anwe; nokuti nokuita izvi uchatutira marasha anopisa pamusoro wake.’ Usazvirega uchikundwa nezvakaipa, asi ramba uchikunda zvakaipa nezvakanaka.”—VaR. 12:18-21. *

11. Imwe hanzvadzi yakadzidza sei kudzora hasha dzayo?

11 Tinogona kushandisa zano iroro. Somuenzaniso, imwe hanzvadzi yakanyunyuta kune mumwe mukuru muungano nezvamaneja wayo mutsva kubasa. Yakati maneja iyeye aiva netsvete uye neutsinye. Akanga amutsamwira zvokuti aida kusiya basa. Mukuru wacho akamukurudzira kuti asangokurumidza kusiya basa. Akaona kuti kushatirwa kwakanga kwaita hanzvadzi iyi kwakanga kwatowedzera kuipisa zvinhu. (Tito 3:1-3) Mukuru wacho akamuudza kuti kunyange kana akazowana rimwe basa aitofanira kuchinja zvaanoita kana atadzirwa. Akamupa zano rokuti abate maneja iyeye semabatirwo aanoda kuitwa iye, sezvakadzidziswa naJesu. (Verenga Ruka 6:31.) Hanzvadzi iyoyo yakati ichamboedza. Zvakafamba here? Nokufamba kwenguva maneja uya akapfavisa mwoyo akatotenda hanzvadzi iyi nebasa rayaiita.

12. Sei kugumburisana kwevaKristu kuri iko kunotonyanya kurwadza?

12 Izvi hazvitishamisi kana watanetsana naye wacho asiri munhu womuungano yechiKristu. Tinoziva kuti uhwu ndihwo upenyu munyika yaSatani uye tinoziva kuti tinofanira kurwisa kuti tisashatiriswa nevanhu vanoita zvakaipa. (Pis. 37:1-11; Mup. 8:12, 13; 12:13, 14) Zvisinei, kana tikanetsana nehama yedu kana hanzvadzi iri muungano, nyaya yacho inotirwadza zvechokwadi. Chimwe Chapupu chinoyeuka kuti, “Chinhu chakanga chakandiomera pandakawana chokwadi kubvuma kuti vanhu vaJehovha vanotadza.” Takabva munyika isina hanya, tichitarisira kuti vanhu vose vari muungano vange vachibatana nomutsa wechiKristu. Saka mumwe muKristu akaita zvinhu zvokusafunga kana kuti zvisiri zvechiKristu, zvinotidzimba kana kuti zvinotishatirisa, ndoda munhu wacho akatozova nechinzvimbo muungano. Tingazvibvunza kuti, ‘Zvinhu zvakadaro zvingaitika sei pakati pevanhu vaJehovha?’ Asi zvinhu zvakadaro zvakaitika kunyange pakati pevaKristu vakazodzwa mumazuva evaapostora. (VaG. 2:11-14; 5:15; Jak. 3:14, 15) Ko kana tanzarwo tingaita sei?

13. Nei tichifanira kurwisa kuti tikunde zvatinenge takanganisirana uye tingazviita sei?

13 “Ndakadzidza kunyengeterera munhu wose anenge andigumbura,” yakadaro hanzvadzi iya yatambotaura nezvayo. “Izvozvo zvinondibatsira nguva dzose.” Sezvatatoverenga, Jesu akatidzidzisa kunyengeterera vaya vanotitambudza. (Mat. 5:44) Zvino kana zvakadaro, zvakadini nokunyengeterera hama dzedu nehanzvadzi? Sezvinongoitawo baba vanoda kuti vana vavo vawirirane, Jehovha anodawo kuti vashumiri vake pasi pano vanzwanane. Tine tariro yokuzorarama pamwe chete murunyararo tichifara nokusingaperi, uye Jehovha ari kutidzidzisa kudaro iye zvino. Anoda kuti tiite mushandirapamwe pakuita basa rake guru. Saka ngatigadzirisei zvinhu kana tisina kuwirirana kana kuti ‘ngatingoregererai’ kana tatadzirana toenderera mberi noupenyu pamwe chete. (Verenga Zvirevo 19:11.) Panzvimbo pokunyenyeredza hama dzedu kana tatadzirana, tinofanira kubatsirana kuramba tiri pakati pevanhu vaMwari, takachengetedzwa mu“maoko asingagumi” aJehovha.—Dheut. 33:27.

Kuva Munyoro Kuvanhu Vose Kunobatsira

14. Tingazvidzivirira sei kuti Satani asatiparadzanisa?

14 Satani nemadhimoni vari kuedza kudzonyongedza mhuri dzevaKristu neungano kuti vavatadzise kuparidza mashoko akanaka. Vanoedza kupesanisa vanhu, vachiziva kuti kana vanhu vakapesana hapana chavachabura. (Mat. 12:25) Kuti tizvidzivirire kuti vasatidaro, zvakanaka kuti titevere zano raPauro rokuti: “Muranda waShe haafaniri kurwa, asi anofanira kuva norupfave kuna vose.” (2 Tim. 2:24) Yeuka kuti hatisi kurwa “neropa nenyama, asi . . . nemasimba emidzimu yakaipa.” Kuti tikurire pakurwa uku, tinofanira kushandisa zvombo zvemudzimu, zvinosanganisira “kugadzirirwa kwemashoko akanaka orugare.”—VaEf. 6:12-18.

15. Tinofanira kuita sei kana tikarwiswa nevanhu vasiri muungano?

15 Vavengi vaJehovha vari kurwisa noutsinye vanhu vake vakazvinyararira zvavo. Vamwe vavengi ava vanotorova Zvapupu zvaJehovha. Vamwe vanotinyomba muzvinhu zvinobudisa nhau nomumatare. Jesu akaudza vateveri vake kuti vatarisire izvi. (Mat. 5:11, 12) Kana tanzarwo todini? Hatimbofaniri ‘kudzorera chakaipa nechakaipa,’ neshoko kana kuti nezviito.—VaR. 12:17; verenga 1 Petro 3:16.

16, 17. Imwe ungano yakambosangana nomuedzo wakaita sei?

16 Pasinei nokuti Dhiyabhorosi anotiita sei, kana ‘tichikunda zvakaipa nezvakanaka’ tinenge tichipa uchapupu. Somuenzaniso, imwe ungano iri pachitsuwa chiri panyanza yePacific yakarenda imwe imba ichida kuzopindira Chirangaridzo. Vafundisi veimwe chechi pavakanzwa nezvazvo vakabva vaudza vanhu vomuchechi yavo kuti vauye kuzoungana muimba iyoyo kuzonamata panguva yaida kupindwa Chirangaridzo. Zvisinei, mukuru wemapurisa akaudza vafundisi ava kuti vange vapedza zvavaiita muimba iyoyo panozouya Zvapupu. Kunyange zvakadaro, pakakwana nguva yacho imba iyoyo yakanga yakati matsu kuzara nevanhu ava uye vakabva vatanga kunamata.

17 Mapurisa paakanga ava kugadzirira kuita zvokuvatandanisa, mukuru wechechi akauya kuzotaura nomumwe wevakuru vedu akabvunza kuti: “Pane chimwe chinhu chinokosha chamuri kuda kuita manheru ano here?” Hama yacho yakamutsanangurira nezveChirangaridzo, murume wacho ndokupindura kuti: “Hoo, ndanga ndisingambozive nezvazvo ini!” Mumwe mupurisa akabva adairira akati: “Asi takuudzaika mangwanani anhasi!” Mufundisi uya akabva ati kumukuru uya achinyemwerera zvounyengeri: “Saka zvino moita sei? Tatozadza imba iyi nevanhu. Mava kuita kuti mapurisa atidzinge?” Aida kupa pfungwa yokuti ivo ndivo vaitotambudzwa neZvapupu! Saka hama dzedu dzaizoita sei ipapo?

18. Hama dzakaita sei padzakakanganisirwa uye izvi zvakaguma nei?

18 Zvapupu zvakati chechi yacho ipinde zvayo kwehafu yeawa, hama dzozopinda Chirangaridzo kana vapedza. Vanhu vaya vechechi vakapfuudza nguva, asi pavakazobuda vose, Chirangaridzo chakazopindwa. Mangwana acho, hurumende yakaunganidza dare kuti riongorore zvakanga zvaitika. Pavakanzwa zvose, dare racho rakaona zvakakodzera kuudza chechi kuti izivise kuti mukuru wavo ndiye akanga avhiringa zvinhu kwete Zvapupu. Dare racho rakatendawo Zvapupu zvaJehovha nomwoyo murefu wazvakaratidza pamamiriro acho ezvinhu akanga akaoma. Kuedza kweZvapupu ‘kuva norugare nevanhu vose’ kwakava nezvibereko.

19. Chii chimwe chinobatsira kuti vanhu vagarisane zvakanaka?

19 Chimwe chinhu chinokosha kuti vanhu vanzwanane kutaura zvine nyasha. Nyaya inotevera ichakurukura kuti kutaura zvine nyasha kwakaita sei uye tingakudzidzira sei?

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 10 “Marasha anopisa” ari kurehwa inzira yaishandiswa makarekare kunyungudutsa dombo rinenge racherwa kuti vabudise rinokosha vachiisa marasha pasi nepamusoro paro. Kana tikaratidza mutsa kuvanhu tinogona kuvapfavisa vozoratidza unhu hwakanaka.

Unogona Kutsanangura Here?

• Sei vanhu vari munyika nhasi uno vakangoshatirwa?

• Mienzaniso ipi yomuBhaibheri inoratidza zvinogona kuitika tikadzora kana kuti tikasadzora hasha?

• Tinofanira kuita sei kana tagumburwa nemumwe muKristu?

• Tinofanira kuita sei kana tikarwiswa nevanhu vasiri muungano?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 16]

Simiyoni naRevhi vakadzokera kumba, asi vakanga varega hasha dzichivakurira

[Mifananidzo iri papeji 18]

Kuva nomutsa kunogona kupfavisa unhu hwevamwe