Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ramba Uchivaka Ungano

Ramba Uchivaka Ungano

Ramba Uchivaka Ungano

“Rambai muchinyaradzana nokuvakana.”—1 VAT. 5:11.

1. Kuva muungano yechiKristu kunounza zvikomborero zvipi, asi matambudziko api anongoramba aripo?

KUVA nhengo yeungano yechiKristu kukomborerwa chaiko. Unenge uine ukama hwakanaka naJehovha. Kuvimba kwaunoita neShoko rake richikutungamirira kunoita kuti usapinde mutsekwende dzinopindwa nevasingararame sevaKristu. Shamwari dzechokwadi dzinoda kuti uite zvakanaka ifararira. Zvikomborero zvacho zvakawanda. Zvisinei vaKristu vakawanda hazvisi kunyatsovafambira zvakanaka. Vamwe vavo vangava vachida kubatsirwa kunyatsonzwisisa zvinhu zvakadzama zviri muShoko raMwari. Vamwe vari kurwara kana kuti vakaora mwoyo, kana kuti pane zvavakakanganisa zvikavapinza muna taisireva. Uyewo tose tiri kurarama munyika isingadi Mwari.

2. Tingaita sei kana hama dzedu dzapinda mumatambudziko, uye sei tichifanira kudaro?

2 Hapana muKristu anoda kuona vamwe vake vachitambura. Muapostora Pauro akafananidza ungano nomuviri, ndokuzoti “kana nhengo imwe chete ikatambura, dzimwe nhengo dzose dzinotambura pamwe chete nayo.” (1 VaK. 12:12, 26) Mumamiriro ezvinhu akadaro, tinofanira kuedza kutsigira hama dzedu nehanzvadzi. MuMagwaro mune nyaya dzedzimwe nhengo dzeungano dzakabatsira vamwe kuti vakunde matambudziko avaitarisana nawo. Sezvatinokurukura nyaya idzodzi, funga kuti ungabatsira sei vamwe sezvakaita vanhu ivavo. Ungabatsira sei hama dzako pakunamata zvoita kuti uvake ungano yaJehovha?

“Vakamutora, Vakava Naye”

3, 4. Akwira naPrisira vakabatsira sei Aporo?

3 Aporo akazotanga kugara kuEfeso atova muevhangeri aishingaira. Nhoroondo iri kunaMabasa inoti, “zvaakanga achipisa nomudzimu, akatanga kutaura nokudzidzisa nenzira yakarurama zvinhu zvine chokuita naJesu, asi aingoziva rubhabhatidzo rwaJohani chete.” Pamwe kusaziva kwaAporo nezvokubhabhatidzwa “muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene,” kwaireva kuti akanga aparidzirwa nevadzidzi vaJohani Mubhabhatidzi kana kuti nevateveri vaJesu Pendekosti ya33 C.E. isati yasvika. Kunyange zvazvo Aporo aishingaira, pane zvinhu zvinokosha zvaakanga asingazivi. Kuwadzana nedzimwe hama kwakamubatsira sei?—Mab. 1:4, 5; 18:25; Mat. 28:19.

4 Mumwe murume wechiKristu Akwira nomudzimai wake Prisira vakanzwa Aporo achitaura noushingi musinagogi, vakamutora ndokumudzidzisa zvaakanga asingazivi. (Verenga Mabasa 18:24-26.) Izvi zvinoratidza kuti vaiva nerudo. Zviri pachena kuti Akwira naPrisira vakataura naAporo nokungwarira uye vachiratidza kuti vaida kumubatsira, vasingaiti kuti anzwe seari kushorwa. Kungoti akanga asingaziviwo kuti ungano yechiKristu yakanga yabva nokupi. Uye pasina mubvunzo Aporo anofanira kunge akatenda shamwari dzake itsva idzi nokumuudza mashoko aya anokosha aakanga asingazive. Aporo ‘akazobatsira kwazvo’ hama dzake kuAkaya akapa uchapupu hwakasimba nokuti akanga ava kuziva.—Mab. 18:27, 28.

5. Zviuru zvevaparidzi voUmambo zviri kubatsira vanhu sei, uye vanhu vacho vari kuita sei?

5 Vakawanda vari muungano yechiKristu nhasi vanotenda kwazvo vaya vakavabatsira kunzwisisa Bhaibheri. Vazhinji vakabva vava shamwari dzisingadi kusiyana. Kakawanda kacho kubatsira munhu kunzwisisa chokwadi kunotoda kuti uronge nguva yokudzidza Bhaibheri kwemwedzi yakawanda. Zvisinei, vaparidzi voUmambo vanozvipira kuzviita nokuti vanoziva kuti zvinogona kuponesa munhu. (Joh. 17:3) Uye chinhu chinofadza zvikuru kuona vanhu vachibata chokwadi, vorarama vachichitevedzera, uye voshandisa upenyu hwavo kuita kuda kwaJehovha.

“Aipupurirwa Zvakanaka Kwazvo”

6, 7. (a) Pauro akasarudzirei Timoti kuti afambe naye? (b) Timoti akabatsirwa kufambira mberi zvakadini?

6 Muapostora Pauro naSirasi pavakashanya kuRistira parwendo rwavo rwechipiri rwoumishinari, vakaona mumwe mukomana ainzi Timoti, zvimwe akanga ava kuda kusvika makore 20 kana kuti akanga ati pfuurei. “Aipupurirwa zvakanaka kwazvo nehama dzomuRistra neIkoniyumu.” Amai vaTimoti, Yunisi, naambuya vake Roisi vaive vaKristu vakazvitsaurira, asi baba vake vakanga vasiri muKristu. (2 Tim. 1:5) Zvimwe Pauro akazivana nemhuri iyi paakashanya nzvimbo iyi kokutanga makore mashomanana akanga apfuura. Asi iye zvino Pauro akaratidza kuti waakanga anyanya kufarira ndiTimoti nokuti aiva mukomana akasiyana nevamwe. Saka Timoti akabvumirwa nevakuru veko kuti abatsire Pauro pabasa rake roumishinari.—Verenga Mabasa 16:1-3.

7 Timoti aive nezvakawanda zvokudzidza kuna Pauro. Uye zvechokwadi akadzidza zvokuti nokufamba kwenguva Pauro akanga okwanisa kutuma Timoti kuti ashanyire ungano achimumiririra. Mumakore 15 aakafamba naPauro, Timoti akabva pakuva mukomana asina chaanoziva uye zvimwe ainyara akasvika pakuva mutariri wemandorokwati.—VaF. 2:19-22; 1 Tim. 1:3.

8, 9. Vanhu vari muungano vanogona kukurudzira sei vechiduku? Taura zvimwe zvakaitika.

8 Vakomana nevasikana vakawanda vari muungano yechiKristu vane mukana wokuita zvakawanda. Kana vakakurudzirwa uye vakadzidziswa neshamwari dzinoda Mwari, vaduku ava vanogona kuvavarira uye kubvuma kuita mabasa akakura pakati pevanhu vaJehovha. Imbotarisa vanhu vari muungano menyu! Uri kuona here vechiduku vanogona kubvuma kushandiswa sezvakaita Timoti? Ukavabatsira uye ukavakurudzira, vanogona kuva mapiyona, kushanda paBheteri, mamishinari, kana kuti vatariri vanofambira. Ungavabatsira sei kuti vasvike pakuita mabasa aya?

9 Martin, uyo ashanda paBheteri kwamakore 20, anoyeuka kufarirwa kwaakaitwa nomumwe mutariri wedunhu makore 30 apfuura pavaishanda vose mubasa romumunda. Mutariri wacho akataura naye achiratidza kuti aisakanganwa kushanda kwaakamboita paBheteri achiri jaya. Akakurudzira kuti Martin afunge nezvokubvuma kushandiswa nesangano raJehovha nenzira iyi. Martin anofunga kuti hurukuro idzi dzavakaita ndidzo dzakazoita kuti aite zvisarudzo zvaakazoita nokufamba kwenguva. Ndiani angaziva kuti kutaura kwaunoita neshamwari dzako dzechiduku nezvezvinangwa zvokunamata kunogona kuvakurudzira kuti vaite zvakanaka.

“Taurai Zvinonyaradza Mweya Yakaora Mwoyo”

10. Epafrodhito akanzwa sei, uye chii chakaita kuti adaro?

10 Epafrodhito akafamba rwendo rurefu rwakamusiya adhamba rwokubva kuFiripi achienda kuRoma kunoona Pauro aive asungirwa kutenda kwake. Apa aishanya achimiririra ungano yevaFiripi. Akatakura zvipo zvavo ndokuronga kuti aizonogara naPauro achimuitira zvose zvaaida kuitirwa sezvo zvinhu zvakanga zvakamuomera. Zvisinei Epafrodhito “akarwara zvokuda kufa” paakasvika kuRoma. Akaora mwoyo zvikuru nokufunga kuti akanga atadza kuita zvaakanga afambira.—VaF. 2:25-27.

11. (a) Sei tisingafaniri kushamiswa tikaona vamwe vari muungano vakaora mwoyo? (b) Pauro akakurudzira kuti Epafrodhito abatwe sei?

11 Nhasi pane zvinhu zvakasiyana-siyana zvinoita kuti vanhu varware nechirwere chokuora mwoyo chinonzi depression. Mashoko akabudiswa neveWorld Health Organization anoti munhu mumwe chete pavashanu voga voga anogona kutomborwara nedepression. Vanhu vaJehovha vanorwarawo nechirwere ichi. Pane zvinhu zvingaita kuti munhu anzwe asina maturo zvakadai senhamo yokushaya chokupa mhuri, kurwara, kuora mwoyo nemhaka yokukundikana, nezvimwewo. VaFiripi vaizoita sei kuti vabatsire Epafrodhito? Pauro akanyora kuti: “Mugamuchirei sezvamunoita vateveri vaShe nomufaro wose; uye rambai muchida vanhu vakadaro, nokuti iye akapotsa afa nokuda kwebasa raShe, achiisa mweya wake pangozi, kuti atsive kwazvo kusavapo kwenyu pano kuti mundishandire.”—VaF. 2:29, 30.

12. Chii chinogona kunyaradza vaya vakaora mwoyo?

12 Isuwo tinofanira kukurudzira hama dzinenge dzakaora mwoyo. Hatimboshayi zvinhu zvakanaka zvokutaura nezvokushumira kwavo Jehovha. Pamwe vakachinja zvakakura muupenyu kuti vave vaKristu kana kuti vave mubasa renguva yakazara. Izvozvo tinozvikudza uye tinoda kuvaudza kuti Jehovha anozvikudzawo. Kana kukwegura kana kuti kurwara zvichitadzisa hama dzakatendeka kuita zvose zvavaimboita, tichiri kufanira kuvaremekedza nemakore avashumira. Pasinei nokuti vari kuodzwa mwoyo nei, Jehovha anokurudzira vose vakatendeka achiti: “Taurai zvinonyaradza mweya yakaora mwoyo, tsigirai vasina simba, itirai mwoyo murefu vanhu vose.”—1 VaT. 5:14.

“Mukanganwirei Nomutsa Uye Mumunyaradze”

13, 14. (a) Chii chakaitwa neungano yevaKorinde kuratidza kuti vakanga vasiri kurerutsa zvaiva zvaitika, uye vakazviitirei? (b) Kudzingwa kwakaitwa munhu kwakabatsirei?

13 Ungano yomuzana remakore rokutanga yaiva nomurume aiita ufeve asingapfidzi. Zvaaiita zvaisvibisa ungano uye zvakanga zvotoitwa nyaya kunyange nevanhu vokunze. Saka Pauro akazoti murume wacho abviswe muungano.—1 VaK. 5:1, 7, 11-13.

14 Chirango ichocho chakabatsira. Ungano yakabviswa munhu aiisvibisa, uye mutadzi wacho akaitwa kuti apengenuke uye apfidze zvechokwadi. Sezvo murume uyu akanga aita mabasa anoratidza kuti apfidza, Pauro akazotaura mutsamba yake yechipiri kuti adzorerwe muungano. Asi handizvo chete zvaifanira kuitwa. Pauro akaudzawo ungano kuti, “munofanira kumukanganwira nomutsa uye kumunyaradza, kuti zvimwe munhu akadaro arege kukurirwa nokunyanyosuruvara kwake.”—Verenga 2 VaKorinde 2:5-8.

15. Tinofanira kuona sei vatadzi vanenge vapfidza vodzorerwa muungano?

15 Tinodzidzei panhoroondo iyi? Zvinotirwadza kana mumwe munhu akadzingwa. Vangave vashoresa zita raMwari uye vazvidzisa ungano. Pamwe vangave vakatotitadzira isu pachedu. Asi kana vakuru vakagadzwa vaongorora nyaya yacho, vachitevedzera mirayiridzo yaJehovha, voona kuti mutadzi ari kupfidza angachidzorerwa muungano, zvinoreva kuti Jehovha amuregerera. (Mat. 18:17-20) Hatifaniri kumutevedzera here? Zviripo ndezvokuti kana tichiramba takatsamwa tisingakanganwiri munhu wacho tiri kutopikisana naJehovha. Hamufungi here kuti kana tichida kubatsira kuti ungano irambe iine rugare uye yakabatana uye tichida kufarirwa naJehovha, tinofanira ‘kusimbisa kuda kwedu’ vatadzi vanopfidza zvechokwadi vanenge vadzorerwa?—Mat. 6:14, 15; Ruka 15:7.

“Anondibatsira”

16. Chii chakaita kuti Pauro aodzwe mwoyo naMako?

16 Imwe nhoroondo iri muMagwaro inoratidza kuti hatifaniri kungoramba takatsamwira vanhu vanenge vatiodza mwoyo. Somuenzaniso Johani Mako akaodza mwoyo Pauro zvakamurwadza. Akaita sei? Pakatanga Pauro naBhanabhasi rwendo rwavo rwoumishinari, Mako akaenda navo kuti avabatsire. Asi Johani Mako akazodzokera panzira, uye chikonzero chacho hachina kutaurwa. Pauro zvakamuodza mwoyo zvokuti pavakanga vava kuronga rwendo rwechipiri vakatadza kuwirirana naBhanabhasi pamusoro pokuti voenda here naMako zvakare. Pauro akanga asisadi kuenda naMako, pamusana pezvaakanga amboita parwendo rwokutanga.—Verenga Mabasa 13:1-5, 13; 15:37, 38.

17, 18. Tinoziva sei kuti kusanzwanana kwaPauro naMako kwakagadziriswa, uye tinodzidzei panyaya iyi?

17 Zvakaitika zvinoratidza kuti Mako haana kuodzwa mwoyo zvakanyanya nokuramba kwakaita Pauro kufamba naye, nokuti akazoenderera mberi nebasa roumishinari kune imwe ndima naBhanabhasi. (Mab. 15:39) Zvakazonyorwa naPauro kwapera makore akati wandei zvinoratidza kuti Mako akaratidza kuti akanga akatendeka uye akavimbika. Paakanga ava mujeri muRoma, Pauro akanyorera Timoti tsamba achimudaidza. Mutsamba iyoyo Pauro akati: “Tora Mako uuye naye, nokuti anondibatsira pakushumira.” (2 Tim. 4:11) Izvi zvinoreva kuti Pauro aiona kuti Mako akanga achinja zvikuru.

18 Ipapa pane chidzidzo. Mako akava munhu anokodzera kuita basa roumishinari. Haana kugumbukira kuti Pauro akanga amborambirei kufamba naye. Vose iye naPauro vaiva vanhu vanonamata zvakasimba, saka havana kuramba vachifungirana zvakaipa. Pauro akatezenge ava kuona Mako somubatsiri wake anokosha. Saka kana hama dzakurira dambudziko uye nyaya yacho yapfuura, chakanaka kufambira mberi noupenyu dzoramba dzichibatsira vamwe kufambira mberi pakunamata. Kuisa pfungwa dzedu pane zvakanaka kunovaka ungano.

Zvaungaita Muungano

19. Vanhu vari muungano vanogona kubatsirana sei?

19 ‘Munguva dzino dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo,’ unoda kubatsirwa nehama nehanzvadzi dziri muungano, uye naidzowo dzinoda kubatsirwa newe. (2 Tim. 3:1) MuKristu angasaziva zvokuita kana atarisana nemamwe mamiriro ezvinhu asi Jehovha anoziva. Uye anogona kushandisa vanhu vakasiyana-siyana vari muungano, kusanganisira iwe, kuti abatsire vamwe kuti vafambe negwara rakanaka. (Isa. 30:20, 21; 32:1, 2) Saka edza nepaunogona napo kushandisa zano romuapostora Pauro! Rambai “muchinyaradzana nokuvakana, sezvamuri kutoita chaizvo.”—1 VaT. 5:11.

Ungapindura Sei?

• Sei tichifanira kuvaka vamwe muungano yechiKristu?

• Matambudziko api aungabatsira vamwe kukurira?

• Sei tichidawo kuti vamwe vatibatsire muungano?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 11]

Tinogona kutsigira mumwe muKristu kana ari mumatambudziko

[Mufananidzo uri papeji 12]

Vakomana nevasikana vakawanda vari muungano yechiKristu nhasi vane mukana wokuita zvakawanda