Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vakabatanidzwa Murudo—Zvakaitika Pamusangano Wepagore

Vakabatanidzwa Murudo—Zvakaitika Pamusangano Wepagore

Vakabatanidzwa Murudo—Zvakaitika Pamusangano Wepagore

PAIMBA Yemagungano yeZvapupu zvaJehovha muGuta reJersey, riri kuNew Jersey, kuAmerica pakange pasingadanwi anonzwa. Mangwanani omusi waOctober 3, 2009, vanhu vanopfuura 5,000 vakanga vakaungana kuti vapinde musangano wepagore wechi125 weWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania. Zvimwe zviuru zvakaita purogiramu yacho yokuona nokuteerera zviri mumisha yeBheteri kuAmerica nekuCanada zvichishandisa maTV akanga achitora zviri kuitika muimba yacho pachishandiswa makamera. Saka, vose vakateerera purogiramu iyi yemaawa matatu vakabatanidzwa mukuda kwavanoita Jehovha vaisvika 13 235.

Sachigaro wepurogiramu yacho aiva Geoffrey Jackson weDare Rinodzora. Akazarura musangano wacho nokusuma kwaya yevashandi vepaBheteri vakaimba nziyo dziri mubhuku redu idzva. Kwaya yacho yaiimbiswa neimwe nhengo yeDare Rinodzora, David Splane, uyo akatanga ambotitaurei kukosha kwakaita nziyo mukunamata kwakachena. Vanhu vose vakazonzi vaimbewo nziyo itsva nhatu pamusangano wacho; kwaya ndiyo yakatanga yadziimba, vanhu vose ndokuzonzi vaimbe pamwe chete nayo. Kwaya yakangoshandiswa pamusangano uyu chete wakasiyana nemimwe; hakusi kuti ndizvo zvinofanira kutevedzerwa neungano kana kuti pamagungano achatevera.

Mashoko Akabva Kune Mamwe Mapazi

Nhengo dzeMatare Emapazi dzaishanya dzakataura zviri kuitika kunyika shanu dzavaibva. Kenneth Little akati kuCanada kuchange kwava kudhindwa magazini akawanda anoshandiswa muAmerica nemuCanada munguva pfupi iri kutevera, zvokuti bazi iroro rinenge rawedzera basa raro rokudhinda zvakapetwa kagumi. Kuti izvi zviitike, pane muchina mutsva wokudhinda wakatengwa uchashandiswa vanhu vachiita zvokuchinjana, zvokuti pazuva unenge uchishanda kwamaawa 16.

Reiner Thompson akataura nezvebasa roUmambo kuDominican Republic, uye Albert Olih akatsanangura basa redu kuNigeria. Emile Kritzinger anobva kuMozambique akatsanangura kuti Zvapupu zvaJehovha zvakanyoreswa zviri pamutemo muna 1992, zvamboita makore akawanda zvichitambudzwa. Nyika idzodzi dzose dzakawedzera vaparidzi vakawanda munguva ichangopfuura. Viv Mouritz wokuAustralia akataura zviri kuitika kuEast Timor, inotarisirwa nehama dzokuAustralia.

Matare Ari Mudare Rinodzora

Muna 1976, pakarongwa kuti pave nematare matanhatu anoumba Dare Rinodzora kuti atarisire mabasa ose eZvapupu zvaJehovha. Pakazorongwa kuti vamwe vemamwe makwai vagadzwe kuti vabatsirewo mumatare aya. Iye zvino vemamwe makwai vari kubatsira vanosvika 23. Vatanhatu vavo vakakurukurwa navo pamusangano uyu. Makore avashanda mubasa renguva yakazara akasanganiswa anosvika 341, zvokuti mumwe nomumwe anganzi ava nemakore 57 mubasa iri.

Don Adams, uyo akauya kuBheteri muna 1943, akatsanangura kuti Dare Revatsinhanisi rinoumbwa nevatsinhanisi vemamwe matare mashanu, izvi zvinoita kuti ose ari mashanu ashande pamwe chete zvakanaka. Dare iri ndiro rinoona zvokuita kana paine nyaya dzinenge dzaitika kuZvapupu zvaJehovha pasi rose dzinoda kugadziriswa nokukurumidza dzakadai sokunge kana paine hama dziri kutambudzwa, nyaya dzematare, njodzi dzinongoitika dzoga, nezvimwewo.

Dan Molchan akatsanangura Dare Revashandi, iro rinotarisira magariro evashandi vepaBheteri vari munyika yose vanokwana 19 851 uye richiona kuti vari kunamata sei. David Sinclair akataura nezvemashandiro eDare Rokubudisa Mashoko iro rinoona nezvokutengwa kwezvinhu zvinoshandiswa pamapazi. Pakazouya Robert Wallen uyo ashanda paBheteri kwemakore 60, akataura mashandiro anoita Dare Rebasa richiona nezvebasa rinoitwa nevanhu vaJehovha mundima uye muungano. William Malenfant akarondedzera basa rakaoma rinoitwa neDare Rokudzidzisa parinogadzirira purogiramu yegungano reruwa. Pakazopedzisira naJohn Wischuk achitsanangura nezvemashandiro anoita Dare Rokunyora parinogadzirira mabhuku achazobudiswa. *

Rugwaro Rwegore Rwa2010 Rwuri Kusimbisa Nyaya Yorudo

Hurukuro nhatu dzakatevera dzakapiwa nenhengo dzeDare Rinodzora. Gerrit Lösch akatanga nomubvunzo wokuti, “Unoda kudiwa nevamwe here?” Akatsanangura kuti hapana munhu asingadi kudiwa uye kuti tose tinonyatsonzwa ropa kufamba kana tichidiwa. Kuti isu tivepo rudo, nokuti ndirwo rwakaita kuti Jehovha atisike. Chikuru chinoita kuti tiparidze uye tidzidzise vanhu kuda kwatinoita Jehovha.

Rudo rwechokwadi haruratidzwi kumuvakidzani chete asi kuti runoratidzwawo muvengi wedu. (Mat. 5:43-45) Akakurudzira vateereri kuti vafunge kuti Jesu akatambura zvakadini achizvamburwa, achitukwa, achisvipirwa, uye achibayiwa, zvose izvozvo achiitira isu. Pasinei nezvose izvozvo, akanyengeterera mauto akamurovera. Izvi hazviiti kuti titowedzera kumuda here? Hama Lösch vakazozivisa rugwaro rwegore ra2010: 1 VaKorinde 13:7, 8, ‘Rudo runotsungirira zvinhu zvose. Rudo harumboperi.’ Tariro yedu haisi yokungorarama nokusingaperi chete, asi ndeyokuda uye kudiwa nokusingaperi.

Uri Kufamba Nemota Yava Kupera Mafuta Here?

Samuel Herd akatanga hurukuro yake nomuenzaniso. Ngatitii shamwari yauya kuzokutora kuti mufambe rwendo nemotokari kwamakiromita 50. Pawakagara parutivi pake unoona kuti chinhu chinoratidza pasvika mafuta mutangi chiri kuratidza kuti atopera. Unobva waudza shamwari yako kuti mafuta ava kupera. Anobva ati usatya hako; muchiine mamwe marita mana mutangi. Asi mangoti fambei zvishoma mafuta aya anobva apera. Anga achifanira kusiya zvichisvika ipapo here kuti muzosvika pakupererwa nezano? Zvanga zvisiri nani here kuti agare tangi rake rakazara? Izvi zvinofananidzira zvatinofanira kugara takaita, kugara takazadza tangi redu remafuta, kureva zivo yaJehovha.

Kuti izvi zviitike tinofanira kugara tichiwedzera mafuta. Pane nzira ina dzokuzviita. Yokutanga, kudzidza tiri toga, tichiverenga Bhaibheri zuva nezuva kuti tirijaire. Tinofanira kunzwisisa zvatinoverenga kwete kungoverenga mashoko. Chechipiri, kusarega manheru oKunamata Kwemhuri achingopfuura tisina zvataita. Tinozadza here tangi redu vhiki yoga yoga kana kuti tinongoti tsvoti tushomanana? Chechitatu kupinda zvidzidzo uye misangano yeungano. Chechina kufungisisa nzira dzaJehovha takanyatsoti zii, pasina chinotivhiringa. Pisarema 143:5 inoti: “Ndakayeuka mazuva ekare kare; ndakafungisisa mabasa enyu ose.”

“Vakarurama Vachapenya”

John Barr ndiye akazopa hurukuro yechitatu uye yokupedzisira, yaitsanangura mufananidzo waJesu wegorosi nemasora. (Mat. 13:24-30, 38, 43) Mufananidzo iwoyo unotaura nezvo“kukohwa” apo “vanakomana voumambo” vanounganidzwa uye masora anounganidzwa pawo oga opiswa.

Hama Barr vakajekesa kuti kuunganidza uku hakungorambi kuchiitwa narini narini. Vakataura nezvaMateu 24:34, iyo inoti: “Chizvarwa chino hachizombopfuuri kusvikira zvinhu zvose izvi zvaitika.” Vakaverenga kaviri mashoko okuti: “Zviri pachena kuti Jesu aireva kuti vakazodzwa vaizoona kutanga kwokutambudzika kukuru vaizoberekwa vakazodzwa vaya vakaona kutanga kwechiratidzo muna 1914 vachiri vapenyu.” Hatizivi kuti “chizvarwa ichi” chakanyatsoreba sei, asi chinosanganisira mapoka maviri aya anoti vamwe vanozvarwa vamwe vachiri vapenyu. Kunyange zvazvo vakazodzwa vaine mazera akasiyana-siyana, vaya vari mumapoka maviri aya vanonzi vari kurarama pamwe chete mumazuva okupedzisira. Izvi zvinonyaradza zvikuru kuziva kuti vakazodzwa vechiduku ava vari kurarama nguva imwe chete nevaya vakaona chiratidzo pachakatanga muna 1914, havasi kuzopera kufa vose kutambudzika kukuru kusati kwatanga.

“Vanakomana voumambo” vari kumirira nemwoyo wose kuti vawane mubayiro wavo wokudenga, asi tose tinofanira kuramba takatendeka, tichipenya kusvikira kumugumo. Takakomborerwa chaizvo nokuti tiri kuona kuunganidzwa ‘kwegorosi’ kuchiitwa nguva yatiri kurarama.

Hama Theodore Jaracz veDare Rinodzora vakazopa munyengetero wokupedzisira pashure perwiyo. Zvechokwadi musangano wegore uyu waivaka!

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 10 Ona Nharireyomurindi yaMay 15, 2008, papeji 29, kuti uwane mashandiro anoita matare matanhatu ari muDare Rinodzora.

[Bhokisi riri papeji 5]

CHIKORO CHEVAKURU

Pamusangano wegore, Anthony Morris, weDare Rinodzora akazivisa kuti vakuru veungano vachange vachipinda chikoro. Chikoro chevakuru vari muAmerica chakatanga 2008 achangotanga kuEducational Centre yokuPatterson, New York. Kirasi yechi72 yakange ichangopedza kudzidza uye kusvika pari zvino vakuru 6 720 vakapedza kudzidziswa. Pachiine basa rakawanda. MuAmerica chete mune vakuru vanopfuura 86 000. Saka Dare Rinodzora rakabvumira kuti pave nechimwe chikoro chinoitirwa muBrooklyn, kuNew York, kutanga musi waDecember 7, 2009.

Vatariri vanofambira vana vaizodzidziswa kwemwedzi miviri kuPatterson kuitisa chikoro chacho. Ava vaizoendeswa kuBrooklyn kuti vanodzidzisa, vamwe vana vodzidziswawo. Ava kana vadzidziswa ndivo vaizonorayiridza vari kuBrooklyn, uye vaya vakatanga kudzidziswa vainoitisa chikoro chacho kuDzimba Dzemagungano neDzimba dzoUmambo. Izvi zvaizoramba zvichiitwa kusvikira pava nevarayiridzi 12 vachiitisa zvikoro zvitanhatu muChirungu vhiki imwe neimwe muAmerica. Paizodzidziswa vamwe varayiridzi vana kuti vaitise chikoro chacho muchiSpanish. Ichi chikoro hachisi kutsiva Chikoro Choushumiri hwoUmambo; chinangwa chacho ndechokuti vakuru varambe vakasimba muchokwadi. Mapazi achazotanga kuitisa zvikoro izvi paDzimba Dzemagungano neDzimba dzoUmambo mugore rebasa ra2011.

[Mifananidzo iri papeji 4]

Musangano wepagore wakatangwa nokuimba nziyo dzomubhuku redu idzva, “Imbirai Jehovha”