Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zorodzwa Nokunamata

Zorodzwa Nokunamata

Zorodzwa Nokunamata

“Takurai joko rangu . . . , uye muchawana zororo remweya yenyu.”—MAT. 11:29.

1. Mwari akarongei paGomo reSinai, uye akazviitirei?

PAKAITWA sungano yoMutemo paGomo reSinai, yaisanganisira Sabata raiitwa vhiki nevhiki. Achishandisa Mosesi mumiririri wake, Jehovha akapa vaIsraeri murayiro wokuti: “Unofanira kuita basa rako mazuva matanhatu; asi urege pazuva rechinomwe, kuti nzombe yako nembongoro yako zvizorore uye mwanakomana womurandasikana wako nomutorwa vazorore.” (Eks. 23:12) Jehovha akaratidza rudo rwake nokuronga kuti vanhu vake “vazorore” nokuti ainzwisisa kuti vaive pasi poMutemo.

2. VaIsraeri vaibatsirwa sei nokuchengeta Sabata?

2 Sabata raingovawo zuva rokuti vanhu vambofurwa nemhepo here? Kwete, rinotova chimwe chezvinhu zvaikosha pakunamata Jehovha kwaiita vaIsraeri. Kuchengeta Sabata kwaipa misoro yemhuri nguva yokudzidzisa mhuri dzavo kuti ‘dzichengete nzira yaJehovha kuti dziite zvakarurama.” (Gen. 18:19) Raipawo hama neshamwari mukana wokuungana kuti vafungisise mabasa aJehovha vachiwadzana nomufaro. (Isa. 58:13, 14) Chinotokosha ndechokuti Sabata raifananidzira nguva yakuchava nezororo rechokwadi richazouya noKutonga kwaKristu Kwemakore Ane Chiuru. (VaR. 8:21) Ko mazuva ano? VaKristu vechokwadi vanofarira nzira dzaJehovha vangawana kupi zororo rakadaro?

Zorodzwa Nokuwadzana Nevamwe vaKristu

3. VaKristu vomuzana remakore rokutanga vaitsigirana sei, uye zvaibatsira zvakadini?

3 Muapostora Pauro akatsanangura ungano yechiKristu achiiti “mbiru nechinhu chinotsigira chokwadi.” (1 Tim. 3:15) VaKristu vepakutanga vaitsigirana chaizvo nokutaurirana mashoko anokurudzira uye anovaka murudo. (VaEf. 4:11, 12, 16) Pauro akakurudzirwa zvikuru nokushanyirwa nevanhu vomuungano yokuKorinde paaive kuEfeso. Izvi zvakamubatsira zvikuru nokuti akati: “Asi ndinofara nokuvapo kwaStefanasi naFochunato naAkaiko, . . . vakazorodza mwoyo wangu nowenyu.” (1 VaK. 16:17, 18) Ndizvo zvakaitikawo pakaenda Tito kuKorinde kunoshumira hama dzaiveko. Pauro akanyorera ungano yacho achiti: “Mwoyo wake [Tito] wakamutsidzirwa nemi mose.” (2 VaK. 7:13) Zvapupu zvaJehovha nhasiwo zvinozorodzwa zvechokwadi nokuwadzana kwechiKristu.

4. Misangano yeungano inotizorodza sei?

4 Iwe wakazvionera woga kunakidza kunoita misangano yeungano. Kana tiri ikoko ‘tinokurudzirana, mumwe nomumwe nokutenda kwomumwe.’ (VaR. 1:12) Hama dzedu nehanzvadzi hadzisiwo zvadzo vanhu vokuziva vatinongosangana navo apo nepapo. Ishamwari dzepamwoyo, vanhu vanotida uye vanotiremekedza. Tinowana mufaro mukuru nenyaradzo kana tichigara tichisangana navo pamagungano nemisangano.—Fir. 7.

5. Tingazorodzana sei pamagungano edunhu neeruwa?

5 Chimwe chinozorodza magungano eruwa needunhu atinoita gore negore. Kumisangano mikuru iyi tinowana chokwadi chinobva muShoko raMwari, Bhaibheri uye tinowana mukana wokuti ‘tiwedzere’ shamwari. (2 VaK. 6:12, 13) Ko kana tichinyara uye tichiona zvakaoma kutaura nevanhu? Imwe nzira yokuti tizivane nehama dzedu nehanzvadzi kuita mabasa okubatsira vamwe pamagungano. Imwe hanzvadzi payakabatsira pagungano remarudzi yakati: “Hapana vakawanda vandaiziva ipapo kunze kweshamwari shomanana nevanhu vokumba kwedu. Asi pandakaita basa rokutsvaira, ndakasangana nehama nehanzvadzi dzakazowanda! Zvaizonakidza!”

6. Ndeipi imwe nzira yatingawana nayo zororo kana taronga kumbonofurwa nemhepo?

6 VaIsraeri vaienda kumitambo yokunamata kuJerusarema katatu pagore. (Eks. 34:23) Izvi zvaiwanzoreva kusiya minda nemabhizimisi uye kufamba netsoka kwemazuva mumigwagwa izere guruva. Kunyange zvakadaro kuenda kutemberi kwaiita kuti ‘vafare kwazvo’ sezvo vanhu vaivepo “vakanga vachirumbidza Jehovha.” (2 Mak. 30:21) Vashumiri vaJehovha vakawanda nhasi uno vanoona kuti kuenda nemhuri yavo kunoona Bheteri, hofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha iri pedyo, kunoita kuti vafare zvikuru. Mungaronga kushanya kwakadaro pamunenge mafunga kumbofurwa nemhepo semhuri here?

7. (a) Kuungana kwokufara kunogona kubatsira sei? (b) Kuti kuungana kuzoramba kuchirangarirwa uye kuvake kunofanira kurongwa sei?

7 Kuungana kwehama neshamwari dzichifara zvadzo chimwe chinhu chinokurudzirawo. Mambo akachenjera Soromoni akazivisa kuti: “Kumunhu hapana chinhu chiri nani kupfuura kuti adye, anwe, aite kuti mweya wake ufadzwe nezvakanaka pabasa rake rakaoma.” (Mup. 2:24) Kuungana tichifara zvedu kunozorodza mweya uye kunosimbisa rudo sezvatinosvika pakuziva vamwe vaKristu zviri nani. Kuti kuungana kwokufara kuzoramba kuchirangarirwa uye kuvake, panofanira kuva nevanhu vashoma uye munofanira kutora matanho okuti pave nomunhu ari kuona kuti zvinhu zviri kufamba sei, zvikuru-kuru kana pachizova nedoro.

Ushumiri Hunozorodza

8, 9. (a) Mashoko aJesu akanga akasiyana papi neevanyori nevaFarisi? (b) Kuudza vamwe mashoko akanaka kunotibatsira sei?

8 Jesu aishingaira muushumiri, uye aikurudzira vadzidzi vake kuti vashingairewo. Mashoko ake aya anoratidza kudaro: “Kukohwa kukuru, asi vashandi vashoma. Naizvozvo, kumbirai Tenzi wokukohwa kuti atumire vashandi mukukohwa kwake.” (Mat. 9:37, 38) Mashoko aidzidziswa naJesu zvechokwadi aizorodza; aive “mashoko akanaka.” (Mat. 4:23; 24:14) Izvi zvakanga zvakasiyana nokure nemitemo yevaFarisi yairemedza vanhu.—Verenga Mateu 23:4, 23, 24.

9 Patinoudza vamwe mashoko oUmambo, tinenge tichivazorodza uye chokwadi chacho cheBhaibheri chinokosha chinobva chadzikawo midzi mupfungwa dzedu nemwoyo. Regai munyori wepisarema akazoti: “Rumbidzai Jah, nokuti zvakanaka kuimbira Mwari wedu; nokuti zvinofadza.” (Pis. 147:1) Ungawedzera here mufaro waunowana pakurumbidza Jehovha nokuudza vavakidzani vako nezvake?

10. Kubudirira kwedu muushumiri kunobva pakuti vanhu vari kuteerera shoko redu here? Tsanangura.

10 Ichokwadi kuti dzimwe ndima dzine vanhu vanofarira mashoko akanaka kupfuura dzimwe. (Verenga Mabasa 18:1, 5-8.) Kana uchigara kunzvimbo ine vanhu vasinganyanyi kufarira mashoko oUmambo, edza kuisa pfungwa dzako pane zvakanaka zvauri kuita muushumiri. Yeuka kuti kuramba uchiedza kuzivisa zita raJehovha kwauri kuita hakusi kushandira pasina. (1 VaK. 15:58) Uyezve kubudirira kwedu hakubvi pakuti vanhu vari kubvuma zvakadini mashoko akanaka. Tine chivimbo chokuti Jehovha achaita kuti vanhu vose vane mwoyo yakarurama vapiwe mukana wokuteerera mashoko oUmambo.—Joh. 6:44.

Kunamata Kwemhuri Kunozorodza

11. Jehovha akapa vabereki basa rei, uye vanogona sei kuriita?

11 Vabereki vanoda Mwari vane basa rokurayiridza vana vavo nezvaJehovha nenzira dzake. (Dheut. 11:18, 19) Kana uri mubereki, unoronga nguva yokudzidzisa vana vako nezvaBaba vedu vokudenga vane rudo here? Jehovha ari kukubatsira kuita basa iri rinokosha zvinoenderana nezvakanakira mhuri yako nokuita kuti pave nezvokudya zvakanaka zvinosimbisa pakunamata zvakadai semabhuku, magazini, mavhidhiyo, nezvimwe zvokuteerera.

12, 13. (a) Mhuri dzingabatsirwa sei nemanheru okunamata? (b) Vabereki vangaita sei kuti vave nechokwadi kuti kunamata kwavo kwemhuri kuzorodze?

12 Kuwedzera pane izvozvi, muranda akatendeka akangwara akaronga kuti pave nemanheru oKunamata Kwemhuri. Aya manheru akarongwa kuti mhuri idzidze Bhaibheri vhiki nevhiki. Vakawanda vari kuona kuti chirongwa ichi chiri kuita kuti vadanane semhuri uye chiri kusimbisa ukama hwavo naJehovha. Asi vabereki vangaita sei kuti vave nechokwadi kuti kunamata kwavo kwemhuri kunozorodza?

13 Manheru okunamata kwemhuri haasi okuti vanhu vaite sevari panhamo. Isu tinonamata “Mwari anofara,” uye iye anoda kuti timunamate tichifara. (1 Tim. 1:11; VaF. 4:4) Kuva nemamwe manheru amunokurukura zvinhu zvinokosha zviri muBhaibheri chikomborero chaicho. Vabereki vanogona kuchinja-chinja nzira dzavanodzidzisa nadzo vachishandisa unyanzvi uye pamwe vachiita zvokufungidzira zvingave zvakaitika kana kuti zvingaitika. Somuenzaniso imwe mhuri yakaita kuti mwanakomana wavo, Brandon, avape hurukuro yaive nomusoro wokuti “Sei Jehovha Akaita Kuti Nyoka Ifananidzire Satani?” Nyaya iyi yaigara ichinetsa Brandon nokuti iye anofarira nyoka, saka zvaimusvota kuti dzinofananidzwa naSatani. Dzimwe mhuri dzinomboita mitambo yomuBhaibheri, dzichiita kuti mumwe nomumwe ave nomunhu waanotevedzera vachiverenga Bhaibheri, kana kuti vanoronga mutambo wezvimwe zvinhu zvakaitika. Nzira idzi dzokudzidzisa dzinonakidza uye dzinoita kuti vana vave nezvokuita pakudzidza kwavo, izvo zvinoita kuti mashoko ari muBhaibheri asvike mumwoyo mavo. *

Siyana Nezvinhu Zvinogona Kukuremedza

14, 15. (a) Kuzvidya mwoyo uye kutya remangwana zviri kuwedzera sei mumazuva okupedzisira? (b) Ndezvipi zvimwe zvinhu zvinodya mwoyo zvatingasangana nazvo?

14 Kuzvidya mwoyo uye kutya remangwana zviri kuwedzera mumazuva okupedzisira enyika ino yakaipa. Kushayikwa kwemabasa, nedzimwe nhamo dzokushaya mari zviri kutambudza mamiriyoni evanhu. Kunyange vari kushanda vacho vanowanzoita kunge vaisa mari yavatambira muhomwe dzakabooka, zvokuti mhuri hapana chairi kuwana. (Enzanisa naHagai 1:4-6.) Vezvematongerwo enyika nevamwe vatungamiriri vanoita sepasina chavari kumbobatsira pavari kuedza kurwisa ugandanga, nezvimwe zvakaipa zviri kuitwa. Vakawanda vanotambudzwa nokutadza kwavo pachavo.—Pis. 38:4.

15 VaKristu vechokwadi vanosanganawo nenhamo dzinokonzerwa nenyika yaSatani. (1 Joh. 5:19) Dzimwe nguva, vadzidzi vaKristu vangasangana nemamwe matambudziko pavanenge vachiedza kuramba vakatendeka kuna Jehovha. “Kana vakanditambudza, vachakutambudzaiwo” akadaro Jesu. (Joh. 15:20) Zvisinei kunyange ‘tichitambudzwa,’ “hatisiyiwi tisina rubatsiro.” (2 VaK. 4:9) Zvinodaro sei?

16. Chii chingatibatsire kuti tirambe tichifara?

16 Jesu akati: “Uyai kwandiri, imi mose munoshanda zvakaoma uye makaremerwa, uye ini ndichakuzorodzai.” (Mat. 11:28) Kana tiine kutenda kwakasimba muchibayiro chorudzikinuro chaKristu, tinenge tichiita setiri kuzviisa mumaoko aJehovha. Izvi zvinoita kuti tiwane “simba rinopfuura renguva dzose.” (2 VaK. 4:7) “Mubatsiri,” mudzimu mutsvene waMwari, unowedzera kutenda kwedu kuitira kuti titsungirire miedzo yatinosangana nayo uye tirambewo tichifara.—Joh. 14:26; Jak. 1:2-4.

17, 18. (a) Mafungiro api atinofanira kungwarira? (b) Chii chinogona kupedzisira chaitika kana tikaona zvinhu zvenhando sezvinokosha?

17 VaKristu vechokwadi nhasi vanofanira kungwarira kuti vasatevedzere nyika yanhasi inoita kupenga nemafaro. (Verenga VaEfeso 2:2-5.) Tikasadaro tinogona kupinda mumusungo wo“kuchiva kwenyama nokuchiva kwemaziso nokushamisira nezvinhu zvoupenyu zvomunhu.” (1 Joh. 2:16) Kana kuti tingazvinyepera tofunga kuti kana tikatevedzera kuchiva kwenyama tichawana zororo. (VaR. 8:6) Somuenzaniso, vamwe vanhu vakatanga kushandisa twunodhaka uye kunwisa doro, kuona zvinonyadzisira, kuita zvemitambo zvakanyanyisa, nezvimwe zvinhu zvakaipa vachitsvaka kunakidzwa. “Manomano” aSatani ndeekuda kuti tisanyatsonzwisisa chinonzi zororo.—VaEf. 6:11.

18 Ichokwadi kuti hapana chakaipa nokudya nokunwa, uye kumbowana nguva yokuvaraidzwa zvine mwero. Asi hatidi kuzorega zvinhu izvozvo zvichiita kunge ndizvo zvatava kuraramira. Kuva nomwero uye kuzvidzora kunokosha, zvikuru-kuru nguva ino yatiri. Zvinhu zvisinei nokunamata zvinogona kutiremedza zvokuti tinopedzisira tava “vanhu vasingaiti basa kana kuti vasina zvibereko pamusoro pezivo yakarurama yaShe wedu Jesu Kristu.”—2 Pet. 1:8.

19, 20. Mufaro wechokwadi ungawanikwa sei?

19 Kana tikanyatsoita kuti pfungwa dzedu dzienderane nezvinodiwa naJehovha tinozoona kuti mafaro ose anowanika munyika ino ndeechinguvana. Mosesi aiziva izvozvo, uye ndizvo zvatinoitawo. (VaH. 11:25) Chokwadi ndechokuti zororo rechokwadi, rinounza mufaro chaiwo nokugutsikana, rinobva pakuita kuda kwaBaba vedu vokudenga.—Mat. 5:6.

20 Ngatirambei tichiita mabasa ane chokuita nokunamata tiwane zororo. Kana tikadaro zvichaita kuti “tirambe zvinhu zvinopesana nezvinodiwa naMwari nokuchiva kwenyika . . . tichimirira tariro inofadza nokuratidzwa pachena kunobwinya kwaMwari mukuru uye kwoMuponesi wedu, Kristu Jesu.” (Tito 2:12, 13) Saka ngatirambei tiri pasi pejoko raJesu nyange zvodini, tichizviisa pasi pake achititungamirira. Kana tikadaro tichawana mufaro wechokwadi nezororo!

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 13 Kuti muwane mamwe mashoko okuti mungaita sei kuti chidzidzo chemhuri chinakidze uye chibatsire, onai Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaDecember 1990, mapeji 1-2.

Ungapindura Sei?

• Vanhu vaJehovha vanowana sei zororo nhasi?

• Ushumiri hunozorodza isu nevatinotaura navo sei?

• Misoro yemhuri ingaita sei kuti ive nechokwadi kuti kunamata kwemhuri kuri kuzorodza?

• Zvinhu zvipi zvinotiremedza panyaya dzokunamata?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 26]

Kana tikazviisa pasi pejoko raJesu tichawana zvakawanda zvinotizorodza