Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvaungaita Kana Wawakaroorana Naye Aputsa Chirangano

Zvaungaita Kana Wawakaroorana Naye Aputsa Chirangano

Zvaungaita Kana Wawakaroorana Naye Aputsa Chirangano

MARGARITA nomurume wake Raúl, vakanga vaita makore akawanda vari mubasa renguva yakazara. * Asi pavakangoita mwana wavo wokutanga, Raúl akatanga kusiya Jehovha. Akapedzisira ava kuita zvevakadzi ndokuzodzingwa muungano yechiKristu. “Pakaitika zvose izvi,” anodaro Margarita, “ndaifunga kuti ndava kufa. Zvakandirwadza, zvokuti ndakashaya kana pokutangira.”

Jane achangoroorwa, murume wake waaivimba naye akaratidzawo neimwe nzira kuti akanga asisamudi. Akatanga kumurikita. Jane anoti, “Musi waakatanga kundisvitsa chibhakera zvakandishayisa romuromo, ndikagoti kunyara. Akazondikumbira ruregerero asi kubvira ipapo yakanga yangova shiri ine muririro wayo. Ndakambofunga kuti somuKristu ndaifanira kukanganwira nokukanganwa. Ndaifungawo kuti zvomumba ndezvomumba saka hapana wandaiudza, kunyange vakuru vemuungano. Makore akapindana ndichingorohwa ndichikanganwira. Pose ipapo ndaifunga kuti pane zvandaigona kuita kuti murume wangu andide. Paakazotisiya ini nemwanasikana wedu, ndakaona sokunge ndakanga ndakundikana, ndichifunga kuti ndingadai ndakaedza kuita kana kutaura zvaiita kuti imba yangu isaparare.”

Ungavawo uri kutambudzika mupfungwa nenhamo yemari kana kuti uri kutotadza kunamata nokuti wakarambwa nomurume sezvakaita Margarita naJane. Kana kuti ungava uri murume ari kushushikana nokuti mudzimai wako akaita gumbo mumba kumbo panze. Hapana angaramba kuti tiri kurarama mu“nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo,” sezvakagara zvataurwa neBhaibheri. Uprofita uhwu hunoratidza kuti mu“mazuva okupedzisira,” mhuri dzaizoita manyama amire nerongo, vakawanda vacho vasina rudo chairwo rwokuzvarwa narwo. Vamwe vaizoratidza kuti kunamata kwavo Mwari ndekwekunyepera. (2 Tim. 3:1-5) VaKristu vechokwadi vanosanganawo nematambudziko aya; saka ungaita sei kana mumwe wako aratidza kuti haachakudi?

Zvione Semaonerwo Aunoitwa naJehovha

Pakutanga zvingakuomera kufunga kuti munhu waunoda angakurwadzise zvakadaro. Ungatotanga kuzvishora uchifunga kuti ndiwe uri kuita kuti aite zvaari kuita.

Asi yeuka kuti kunyange munhu akakwana Jesu akarambwa nomumwe munhu waaivimba naye uye waaida. Jesu akatanga anyatsonyengetera asati asarudza shamwari dzake dzepedyo, vaapostora. Vose vari 12 vaive vashumiri vaJehovha vakavimbika. Saka Jesu anofanira kunge akarwadziwa zvokurwadziwa zviya pakapanduka Judhasi ‘akava mutengesi.’ (Ruka 6:12-16) Zvisinei, Jehovha haana kupa Jesu mhosva yezvakanga zvaitwa naJudhasi.

Hapana hapo murume kana mukadzi asingakanganisi. Mumwe munyori wepisarema akataura nemazvo paakafuridzirwa achinyora kuti: “Haiwa Jah, kudai maitarira kukanganisa, Haiwa Jehovha, ndiani aizomira?” (Pis. 130:3) Vose vari vaviri vanofanira kutevedzera Jehovha vachikanganwirana.—1 Pet. 4:8.

Zvisinei, “mumwe nomumwe wedu achazvidavirira kuna Mwari.” (VaR. 14:12) Kana murume kana kuti mukadzi ava kutoita tsika yokugara achituka kana kurova mumwe wake, iye ndiye achatongwa naJehovha. Jehovha anoshora kurwa uye kutuka vamwe, saka hapana kana chikonzero chokuti munhu agare achiitira mumwe wake zvinhu zvakadaro zvinoratidza kushaya rudo noruremekedzo. (Pis. 11:5; VaEf. 5:33; VaK. 3:6-8) Zvinotoitika ndezvokuti kana muKristu achigara achifufutirwa nehasha asingapfidzi kana kuchinja, anofanira kudzingwa muungano yechiKristu. (VaG. 5:19-21; 2 Joh. 9, 10) Anenge achinzarwo wacho haafaniri kufunga kuti akaudza vakuru tsika yakadaro isiri yechiKristu anenge akanganisa. Chokwadi ndechokuti Jehovha anotonzwira tsitsi vanhu vanoitirwa izvozvo.

Kana munhu akaita upombwe, haasi kungotadzira murume wake kana kuti mudzimai wake chete asiwo Jehovha. (Mat. 19:4-9; VaH. 13:4) Kana uya anenge atadzirwa anga achiedza kurarama nemitemo yeBhaibheri, hapana chikonzero chokuti azvipe mhosva pamusana pezvaitwa nemhombwe iyi.

Yeuka kuti Jehovha anoziva kuti uri kunzwa sei. Anozvitsanangura somurume werudzi rwevaIsraeri, uye shoko rake rine ndima dzakawanda dzinoratidza kurwadziwa kwaakaita nemhaka youpombwe hwokunamata hwaiitwa norudzi irworwo. (Isa. 54:5, 6; Jer. 3:1, 6-10) Iva nechivimbo kuti Jehovha ari kunyatsoona misodzi iri kuyerera pamatama ako kana wawakaroona naye akaputsa chirangano. (Mar. 2:13, 14) Anoziva kuti unoda kunyaradzwa uye kukurudzirwa.

Manyaradziro Anoita Jehovha

Imwe nzira inoshandiswa naJehovha kunyaradza vanhu iungano yechiKristu. Ndiyo yakatsigira Jane. “Mutariri wedunhu akauya pandakanga ndisingambozivi kuti ndoita zvipi,” anoyeuka kudaro Jane. “Aiziva kuti ndakanga ndakasuruvara zvakadini sezvo murume wangu akanga atoendesa mapepa okundiramba kumatare. Akandibatsira kufungisisa magwaro akadai sa1 VaKorinde 7:15. Ndima dzeBhaibheri nemashoko ake omutsa zvakandibatsira kuti ndisanzwe sokunge ndini ndakanga ndatadza zvikaita kuti pfungwa dzangu dzidekare.” *

Margarita, watambotaura nezvake, akadzidzawo kuti Jehovha anobatsira achishandisa ungano yechiKristu. “Pazvakava pachena kuti murume wangu akanga asingapfidzi,” anodaro Margarita, “Ndakatora vana vangu ndokuenda kune rimwe guta. Pandakasvika ikoko, ndakawana makamuri maviri okuroja. Mangwana acho, pandaibudisa zvangu zvinhu mumabegi angu ndakasuruvara ndakanzwa pamba kugogodzwa. Ndaifunga kuti muridzi wemba yatairoja aigara mune rimwe kamuri. Ndakashamiswa pandakaona iri hanzvadzi yakanga yadzidza Bhaibheri naamai vangu ikatibatsira kuwana chokwadi. Akanga asingatarisiri kundionapo asi kuti aidzidza Bhaibheri naamai vepamba pandairoja. Ndakanzwa ndazorodzwa zvokuti ndakanga ndava kuda kuchema. Ndakamutsanangurira zvakanga zvaitika, tikachema. Akabva aronga kuti tipinde tose musangano musi iwoyo. Ungano yakatitambira nomufaro, uye vakuru vakabva varonga kundibatsira kutarisira mhuri yangu pane zvokunamata.”

Kubatsira Kungaita Vamwe

Vanhu vomuungano vanogona kubatsira nenzira dzakawanda. Somuenzaniso, Margarita aifanira kutsvaka basa. Imwe mhuri yaive muungano yakaronga kuzochengeta vana vake kana vabva kuchikoro.

Margarita anoti: “Ndinonyanya kutenda hama nehanzvadzi padzinondikumbira kuti ndibude nadzo nevana vangu muushumiri.” Kana vachidaro vanhu vomuungano vanenge vachibatsira ‘kutakurirana zvinorema’ uye vanenge vachizadzisa “mutemo waKristu.”—VaG. 6:2.

Vaya vari kutambudzika nemhaka yezvivi zvakaitwa nevamwe zvechokwadi vanotenda mutsa wakadaro. Monique, akatizwa nomurume wake akasiyirwa chikwereti che$15 000 nevana vana vaaifanira kurera, anoti: “Hama dzangu nehanzvadzi dzomuungano dzakandiratidza rudo rukuru. Handizivi kuti dai vakanga vasipo ndaizoita sei. Ndinonyatsoona kuti ndiJehovha akandipa hama dzakanaka zvakadaro kuti dzindibatsire nevana vangu. Vana vangu vasvika pakuyaruka uye vasimba pakunamata nokubatsirwa uku kwandakaitwa. Pandaida mazano vakuru vaindibatsira. Pandaida munhu wokutaura naye vaiteerera.”—Mako 10:29, 30.

Ichokwadi kuti shamwari ine rudo haingotangi pose pose nyaya yainoziva kuti inosuwisa mumwe. (Mup. 3:7) Margarita anoti, “Kakawanda ndaifarira kukurukura nehanzvadzi dzomuungano yangu itsva nezvebasa rokuparidza, vanhu vatinodzidza navo Bhaibheri, vana vedu, nezvimwewo asi taisataura nezvenyaya yomurume wangu. Ndaitenda kuti vaindibatsira kuti ndikanganwe zvakanga zvapfuura nokutangawo zvimwe zvitsva.”

Rega Kutsiva

Pane pamwe pokuti haunzwi soune mhosva pane zvakaitwa nomumwe wako asi kuti unogara uchirwadziwa kuti uri kutambudzika pamusana pemabasa ake. Ukarega pfungwa iyoyo ichikura, inogona kuita kuti usarambe wakatendeka kuna Jehovha. Somuenzaniso, unogona kuva nomuedzo wokuti uitewo zvako umutsive.

Ukanzwa kuti pfungwa dzakadaro dziri mauri, ungafungisisa muenzaniso waJoshua naKarebhi. Varume ava vakanga vakatendeka vakaisa upenyu hwavo pamutanhiko vachienda kunosora Nyika Yakapikirwa. Vamwe vasori vakanga vasina kutenda vakaita kuti vanhu vasateerera Jehovha. Vamwe vaIsraeri vaitoda kutema Joshua naKarebhi nematombo pavakaedza kukurudzira vanhu vose kuti varambe vakatendeka. (Num. 13:25–14:10) Zvakaitwa nevaIsraeri izvi zvakaita kuti Joshua naKarebhi vapedze makore 40 vachidzungaira murenje, mhosva yacho isiri yavo, asi yaparwa nevamwe.

Kunyange zvazvo Joshua naKarebhi vangave vakaodzwa mwoyo, havana kuzoramba vakangotsamwira zvivi zvakanga zvaitwa nehama dzavo. Vakaisa pfungwa dzavo pakuchengeta ukama hwavo naJehovha. Pakazopera makore 40 vari murenje, ivo nevaRevhi, vakawana mubayiro wokusara vari vapenyu pakafa chizvarwa chose uye vakabvumidzwa kupinda muNyika Yakapikirwa.—Num. 14:28-30; Josh. 14:6-12.

Zvakaitwa nomumwe wako asina kutendeseka zvingambokurwadza kwenguva yakati kuti. Imba inogona kuparara, wosara uchirwadziwa uye usisina mari. Zvisinei, pane kuti urege pfungwa dzisina kunaka dzichikutadzisa kufunga zvakanaka, yeuka kuti Jehovha ndiye anonyatsoziva zvokuita nevanhu vanotyora zvavo mitemo yake vachiziva, sezvakazodzidzwa nevaIsraeri vakanga vasina kutendeka murenje.—VaH. 10:30, 31; 13:4.

Unogona Kutsungirira!

Pane kuti uzviremedze nepfungwa dzisina kunaka, zadza pfungwa dzako nemafungiro aJehovha. “Ndakaona kuti kugara ndichiteerera makaseti eNharireyomurindi neAwake! kwakandibatsira kutsungirira,” anodaro Jane. “Misangano yaindisimbisawo zvikuru. Kupindura pamisangano kwaindibatsira kuti ndibvise pfungwa pamatambudziko angu. Basa rokuparidza rakandibatsirawo. Pandaibatsira vamwe kuva nokutenda muna Jehovha, ndaibva ndasimbisa kutenda kwanguwo. Kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri kwaindibatsira kuisa pfungwa dzangu pazvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe.”

Monique, watambotaura nezvake, anoti: “Kugara ndichipinda misangano uye kubuda mubasa romumunda kuri kundibatsira kutsungirira. Mhuri yangu yava kudanana zvikuru uye haisiyani neungano. Dambudziko randakasangana naro rakandibatsira kuziva pandisina kusimba. Ndakaedzwa, asi Jehovha akandibatsira kutsungirira.”

Iwewo unogona kutsungirira miedzo yakadaro. Pasinei nokurwadziswa nomurume kana mudzimai anenge aputsa chirangano, edza kutevedzera zano raPauro rakafuridzirwa rokuti: “Tisarega kuita zvakanaka, nokuti mumwaka wakakodzera tichakohwa kana tisinganeti.”—VaG. 6:9.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Mamwe mazita akachinjwa.

^ ndima 13 Kuti unyatsowana mashoko akawanda nezvokuti Bhaibheri rinotii nezvenyaya yokuparadzana nokurambana, ona “Rambai Muri Murudo rwaMwari,” mapeji 125-130, 219-221.

[Mufananidzo uri papeji 31]

Varume nevakadzi vanenge vakasiyiwa vanotenda vaya vanovabatsira mubasa romumunda