Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvichengetedze Nokuramba Uri Pakati Pevanhu vaMwari

Zvichengetedze Nokuramba Uri Pakati Pevanhu vaMwari

Zvichengetedze Nokuramba Uri Pakati Pevanhu vaMwari

“Ndichakurumbidzai muungano huru.”—PIS. 35:18.

1-3. (a) Chii chingaita kuti vamwe vaKristu vagume vazvipinza muna taisireva panyaya dzokunamata? (b) Inzvimbo ipi inodzivirira vanhu vaMwari?

TAKUDZWA nomunun’una wake Tatenda vari kushambira nechokumahombekombe kworwizi. Achinakidzwa nokutonhorera kuri kuita mvura uye hove dziri kutamba, Takudzwa anofarisa oenda kwakati dzikei. Munun’una wake anomutsiura achiti, “Hausi wava kunyanya kuenda kure here?” Takudzwa anomuti: “Iwe, ndiri kuziva zvandiri kuita.” Nenguva isipi anozoona garwe richiuya rakamunanga. Ava kutoti pake pamuperera, garwe racho rinobva razongotendeuka roenda.

2 MuKristu angayeverwa chaizvo nezvinhu zvinokwezva zviri munyika yaSatani, zvakadai sezvinovaraidza, basa, uye pfuma, zvokuti haazooni kuti ava kutozvipinza muna taisireva. Zvakaitika kuna Takudzwa zvinoita kuti tifunge nezvevanhu vatinoshamwaridzana navo. Tinofanira kushambira kwatisingazosangani nemakarwe, kureva muungano. Usashambira kwakanyanya kudzika, nokuti ungazoona wava woga uye wava parumananzombe. Kana ukazoona kuti wava ‘kwakadzika,’ kurumidza kudzoka kusina makarwe. Ukasadaro, ungakanganisa ukama hwako naJehovha.

3 Nyika inzvimbo ine ngozi kuvaKristu mazuva ano. (2 Tim. 3:1-5) Satani anoziva kuti asarirwa nenguva pfupi, uye ari kuti nanga nanga nevaya vasina kungwarira. (1 Pet. 5:8; Zvak. 12:12, 17) Asi takadzivirirwa. Jehovha akapa vanhu vake nzvimbo inovabatsira kudzivirira ukama hwavo naye, kureva ungano yechiKristu.

4, 5. Vakawanda vanoona sei ramangwana ravo, uye sei vachidaro?

4 Vanhu vari munyika vangatidzivirira zvavo pane zvimwe zvinhu asi kudzivirira kwacho hakuna kwakunosvika. Vakawanda vanoona sokuti upenyu hwavo huri mungozi pavanoona utsotsi, kurwisana, kudhura kwezvinhu, kunyange kuparara kwezvakatipoteredza. Vose vanotarisana nematambudziko okukwegura uye kurwara. Uyewo vamwe vanenge vaine mabasa, misha uye mari inovakwanira vanozvidya mwoyo nokufunga kuti zvicharamba zvakadaro kusvikira rini.

5 Vakawanda vanoedzawo kuti pfungwa dzavo dzinyatsodekara asi zviri kuramba. Zvinonzwisa tsitsi kuti vakawanda vaitarisira kuzofara uye kugutsikana kana varoora uye vava nevana vakaora mwoyo chaizvo. Panyaya dzokunamata, vakawanda vanoenda kumachechi vari kuvhiringidzwa zvokupedzisira vasisazivi zvokutevedzera, vasina chokwadi kuti zvavari kudzidziswa zvinonyatsokosha here. Izvi zvinonyanya kukonzerwa nokusazvibata kwevatungamiriri vezvitendero uye dzidziso dzisiri muMagwaro dzavanodzidzisa. Saka vanhu vakawanda vanoona pasina zvokuita kunze kwokuvimba nesayenzi kana kuti nevanhu vanoti vanoda kuita zvakanaka. Saka hazvishamisi kuti vanhu vatinoona vanotya kana kuti vanoti zviri nani kusanyanya kufunga nezveramangwana.

6, 7. (a) Chii chinoita kuti vaya vanoshumira Mwari nevasingamushumiri vave nemaonero akasiyana? (b)Tava kuzokurukura nezvei?

6 Maonero anoita vaya vari muungano yechiKristu nevaya vasiri akasiyana chaizvo. Kunyange zvazvo isu vanhu vaJehovha tichitarisana nemamiriro ezvinhu akafanana neevavakidzani vedu uye tiine matambudziko akangoita seavo, zvatinoita patinosangana nawo zvakasiyana chaizvo nezvavanoita. (Verenga Isaya 65:13, 14; Maraki 3:18.) Sei zvakadaro? Nokuti muBhaibheri mune tsanangudzo inogutsa yezvemamiriro akaita zvinhu munyika, uye rinotibatsira kuti toita sei nematambudziko oupenyu. Izvi zvinoita kuti tisanyanya kuzvidya mwoyo nezveramangwana. Kuva vanamati vaJehovha kunotidzivirira kuti tisafunga zvinhu zvisina kunaka uye zvisiri muMagwaro, tisaita zvounzenza, uye kunotidzivirira pamigumisiro yacho. Saka vaKristu vari muungano vanogadzikana zvisingakwaniswi nevamwe vose.—Isa. 48:17, 18; VaF. 4:6, 7.

7 Zvakaitika kune vamwe zvingatibatsira kufunga nezvokudzivirirwa kwakaitwa vaya vanoshumira Jehovha kusiyana nevaya vasingamushumiri. Mienzaniso iyi inoita kuti tiongorore mafungiro atinoita nezvatinoita uye tione zvakanakira kushandisa zvakazara zano raMwari, raanotipa kuti atidzivirire.—Isa. 30:21.

“Tsoka Dzangu Dzakanga Dzava Kuda Kutsauka”

8. Kubvira makare kare vashumiri vaJehovha vaifanira kuitei?

8 Kubvira makare kare vanhu vachitanga kusikwa, vaya vakasarudza kushumira Jehovha nokumuteerera vakaedza kusashamwaridzana nevaya vakanga vasiri kumushumira. Zvechokwadi, Jehovha akataura kuti vanamati vake nevaya vakanga vachitevera Satani vaizovengana. (Gen. 3:15) Vanhu vaMwari vaiita zvakasiyana nevaya vavairarama navo nokuti vaitsigira mitemo yaMwari. (Joh. 17:15, 16; 1 Joh. 2:15-17) Hapasi pose pazvaiva nyore. Vamwe vashumiri vaJehovha vaimboratidza kuti havana chokwadi kana upenyu hwokuzvipira kuri kuchenjera.

9. Tsanangura kupishana kwaiita pfungwa dzomunyori wePisarema 73.

9 Munyori wePisarema 73, angadaro aiva mumwe wevana vaAsafi, ndomumwe wevashumiri vaJehovha aiva asina chokwadi kana zvaakanga asarudza zvaive zvakarurama. Munyori wepisarema uyu akabvunza kuti sei zvaiwanzoita sokuti vanhu vakaipa ndivo vaibudirira, vaifara uye vaipfuma, asi vaya vanoshumira Mwari vachiwirwa nematambudziko nemiedzo.—Verenga Pisarema 73:1-13.

10. Sei tingati mibvunzo yakabvunzwa nomunyori wepisarema inokosha kwauri?

10 Wakambozvibvunzawo mibvunzo yakaita seiyi yomunyori wepisarema here? Kana wakambozvibvunza, usaona sokuti wakaita mhosva yakakura kana kufunga kuti hausisina kutenda. Kutaura chokwadi, vashumiri vaJehovha vakawanda, kusanganisira vamwe vaakashandisa kunyora Bhaibheri, vaimbozvibvunzawo mibvunzo yakadaro. (Job. 21:7-13; Pis. 37:1; Jer. 12:1; Hab. 1:1-4, 13) Saka vose vanoda kushumira Jehovha vanofanira kufungisisa uye kubvuma kuti mashoko anotevera ndeechokwadi, okuti: Hapana chiri nani kupfuura kushumira Jehovha. Mashoko aya ane chokuita nenyaya yakatangwa naSatani mumunda weEdheni. Hatigoni kukurukura nyaya yekodzero yaMwari yokutonga zvinhu zvose tichisiya mashoko aya. (Gen. 3:4, 5) Saka tose zvedu tinofanira kufungisisa mubvunzo wakabvunzwa nomunyori wepisarema. Totsva mwoyo here tichifunga kuti vaya vanozvikudza vari kudya namambo zvokuti nhamo vari kutoionera pane vamwe? Tinofanira ‘kutsauka’ pakushumira Jehovha tovatevedzera here? Pakadaro Satani angati dzawira mutswanda.

11, 12. (a) Munyori wepisarema akaita sei kuti asaramba asina chokwadi kuti zvakanaka ndezvipi, uye izvi zvinotidzidzisei? (b) Chii chakakubatsira kuti usvike pakuona zvinhu semaonero akazoita munyori wepisarema?

11 Chii chakabatsira munyori wepisarema kuti asaramba asina chokwadi kuti zvakanaka ndezvipi? Kunyange zvazvo akabvuma kuti akanga ava kutsauka panzira yokururama, akazochinja maonero ake paakapinda “munzvimbo tsvene yaMwari,” kureva kuti paakatanga kushamwaridzana nevanhu vanoda Mwari vaiva mutebhenekeri kana kuti mutemberi achibva afungisisa chinangwa chaMwari. Apa ndopaakazopengenuka akaziva kuti akanga asingadi kuzowirwa nezvinhu zvaizowira vakaipa. Akaona kuti zvavaiita uye zvavainge vasarudza muupenyu zvaivaisa “panzvimbo inotsvedza.” Munyori wepisarema akanzwisisa kuti, vose vaiita unzenza vosiya Jehovha, vaizongoguma vawirwa “nezvinongoerekana zvavhundutsa,” asi Jehovha aitsigira vaya vaimushumira. (Verenga Pisarema 73:16-19, 27, 28.) Hapana mubvunzo kuti wakazvionera woga kuti mashoko aya ndeechokwadi. Vakawanda vangafunga kuti kuzviraramira usingafungi mitemo yaMwari kunonakidza, asi unotozokohwa chete.—VaG. 6:7-9.

12 Pane chimwe chatinodzidza here pane zvakaitika kumunyori wepisarema? Akadzivirirwa uye akava nouchenjeri paaiva pavanhu vaMwari. Akatanga kufunga zvakanaka uye zvine musoro paakaenda kwainamatirwa Jehovha. Saizvozvowo mazuva ano, tinowana vanachipangamazano vakachenjera uye tinonakirwa nezvokudya zvokunamata pamisangano yeungano. Ndokusaka Jehovha achiudza vashumiri vake kuti vapinde misangano yechiKristu. Ikoko ndokwavanokurudzirwa uye kwavanobatsirwa kuti vaite zvinhu nokuchenjera.—Isa. 32:1, 2; VaH. 10:24, 25.

Chenjera Pakusarudza Shamwari

13-15. (a) Chii chakaitika kuna Dhina, uye izvi zvinoratidzei? (b) Sei kushamwaridzana nevamwe vaKristu kuchitidzivirira?

13 Dhina mwanasikana waJakobho muenzaniso womunhu akazvipinza muna taisireva nokuda kwokushamwaridzana nevanhu vakanga vasinganamati. Nhoroondo iri muna Genesisi inotaura nezvake inotiudza kuti aiva netsika yokushamwaridzana nevasikana vechiKenani vomunharaunda yaigara mhuri yake. VaKenani vakanga vasina tsika dzakanaka sezvaiita vanamati vaMwari. Zvakawanikwa nevanochera matongo zvinoratidza kuti mararamiro evaKenani akaita kuti nyika yavo izoguma yazara nokunamata zvidhori, unzenza, kunamata kwaisanganisira kuita zvepabonde, uye kurwisana. (Eks. 23:23; Revh. 18:2-25; Dheut. 18:9-12) Yeuka zvakaguma zvaitika kuna Dhina paaishamwaridzana nevanhu ava.

14 Mumwe murume aigara kwavaigara, ainzi Shekemu, anonzi ndiye ‘aikudzwa kwazvo muimba yose yababa vake,’ akaona Dhina “akabva amutora, akamubata chibharo.” (Gen. 34:1, 2, 19) Apa Dhina akazvikanda mumatope! Unofunga kuti aimbofungidzira kuti izvi zvingaitika kwaari here? Pamwe aingodawo hake kushamwaridzana nevechiduku vekwavaigara, vaaifunga kuti havana zvavangamuita. Zvisinei, Dhina akanyengerwa zvinonzwisa tsitsi.

15 Nhoroondo iyi inotidzidzisei? Kuti hatingashamwaridzani nevanhu vasinganamati totarisira kuti pasava nechichatiwana. Magwaro anoti “ushamwari hwakaipa hunoshatisa tsika dzinobatsira.” (1 VaK. 15:33) Asi uchadzivirirwa kana ukashamwaridzana nevanhu vanotenda zvaunotenda, vane tsika dzakanaka uye vanoda Jehovha sezvaunoita. Shamwari dzakadaro dzichakukurudzira kuti uitewo nokuchenjera.—Zvir. 13:20.

“Makagezwa Mukachena”

16. Muapostora Pauro akatii nezvevamwe vaiva muungano yeKorinde?

16 Ungano yechiKristu yakabatsira vakawanda kuzvichenesa pamabasa akaipa. Muapostora Pauro paakanyorera ungano yokuKorinde tsamba yake yokutanga, akataura nezvokuchinja kwakanga kwaita vaKristu veikoko kuti vararame zvinoenderana nemitemo yaMwari. Vamwe vaimbova zvifeve, vainamata zvidhori, vaiva mhombwe, ngochani, zvidhakwa, mbavha, zvichingodaro. “Asi makagezwa mukachena,” akavaudza kudaro Pauro.—Verenga 1 VaKorinde 6:9-11.

17. Kurarama zvinoenderana nezvinotaurwa neBhaibheri kwakachinja sei upenyu hwevakawanda?

17 Vanhu vasina kutenda havana mitemo yakanyatsoti twasu inovatungamirira muupenyu. Vanozvirongera mararamiro avo, kana kuti dzimwe nguva vanongoita gundamusaira muunzenza huri kuitwa nevanhu vavanorarama navo, sezvaiitwa nevaKorinde vasati vava vatendi. (VaEf. 4:14) Zvisinei, kuziva zvakarurama Shoko raMwari uye zvinangwa zvake kune simba rokuchinja upenyu hwevaya vose vanoita zviri muMagwaro. (VaK. 3:5-10; VaH. 4:12) Vakawanda vava muungano yechiKristu vangakuudza kuti vasati vadzidza mitemo yaJehovha yakarurama uye vasati vaigamuchira, vaingoita hwemombe dzemashanga. Asi vakanga vasingafari uye vasingagutsikani. Vakazongofara pavakatanga kushamwaridzana nevanhu vaMwari uye kurarama zvinoenderana nezvinotaurwa neBhaibheri.

18. Chii chakaitika kune mumwe wechiduku, uye zvinoratidzei?

18 Asiwo, vamwe vakasarudza kusiya ‘mvura isina makarwe’ yeungano yechiKristu iye zvino vava kuzvidemba. Imwe hanzvadzi yatichati Tanya, inotsanangura kuti “yakarererwa muchokwadi,” asi anoti paakanga ava nemakore 16, akasiya ungano “achitsvaka zvinhu zvinonyengera zviri munyika.” Akazoguma ava nepamuviri asina kuzvironga uye akapabvisa. Iye zvino anoti: “Makore matatu andakapedza ndisiri muungano akandisiya ndava nemavanga asingachabvi mumwoyo. Chinhu chinogara chichindishungurudza ndechokuti ndakauraya mwana wangu akanga asati aberekwa. . . . Ndiri kuda kuudza vaduku vose vanoda ‘kuravira’ nyika kunyange kwekanguva kuti: ‘Musazviita!’ Pakutanga ingaita seinonaka, asi inokusiyai mava nemavanga asingaperi. Munyika hamuna chirimo, inhamo yoga yoga. Ndinozviziva. Ndakairavira. Rambai muri musangano raJehovha! Ndiwo chete mararamiro achakufadzai.”

19, 20. Ungano yechiKristu inotidzivirira pachii, uye sei?

19 Chimbofunga zvingaitika kwauri kana ukasiya ungano yechiKristu inodzivirira. Vakawanda pavanoyeuka mararamiro avaiita vasati vaziva chokwadi, havatombodi kunzwa nezvazvo. (Joh. 6:68, 69) Unogona kuramba uchidzivirirwa panhamo nematambudziko zvinounzwa nenyika yaSatani kana ukaramba uchishamwaridzana nehama dzako nehanzvadzi dzechiKristu. Kugara uchishamwaridzana navo uye uchipinda misangano yeungano kucharamba kuchikuyeuchidza nezvouchenjeri hwemitemo yaJehovha yakarurama, uye kuchakukurudzira kuti urarame zvinoenderana nayo. Unofanira ‘kurumbidza Jehovha muungano huru,’ sezvakaita munyori wepisarema.—Pis. 35:18.

20 Chokwadi vaKristu vose vanomboomerwa nokuramba vakaperera kuna Mwari. Dzimwe nguva vanenge vachida kungoratidzwa nzira yakarurama. Iwe neungano yose mungaitei kuti mubatsire vamunonamata navo panguva dzakadaro? Nyaya inotevera ichaongorora kuti ungaita sei kuti ‘urambe uchinyaradzana nokuvakana,’ nehama dzako.—1 VaT. 5:11.

Ungapindura Sei?

• Tinodzidzei pane zvakaitika kumunyori wePisarema 73?

• Zvakaitika kuna Dhina zvinotidzidzisei?

• Sei tingati muungano yechiKristu ndimo maunogona kudzivirirwa?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 7]

Shambira pasina makarwe; ramba uri muungano!