Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Itai Kuti Vana Venyu Vafarire Kuverenga Nokudzidza

Itai Kuti Vana Venyu Vafarire Kuverenga Nokudzidza

Itai Kuti Vana Venyu Vafarire Kuverenga Nokudzidza

KUDZIDZISA vana venyu kuverenga nokudzidza chimwe chezvinhu zvinogona kuumba remangwana ravo. Uye hausi mufaro wamunogona kuwana pakuita izvozvo! Vamwe vanhu pavanoyeuka zvavaiita vari vaduku vanonakidzwa nendangariro dzepavaiverengerwa nevabereki vavo. Kuverenga kunofadza sezvinongoitawo zvaunozowana kubva pakuri. Izvi zvakanyanya kudaro kuvashumiri vaMwari, sezvo kukura mune zvokunamata kuchinyanya kubva pakudzidza Bhaibheri. Mumwe mubereki wechiKristu akati, “Zvinhu zvatinonyanya kukoshesa zvine chokuita nokuverenga nokudzidza.”

Kuva nemadzidziro akanaka kunogona kubatsira vana venyu kuti vave noukama hwepedyo naMwari. (Pis. 1:1-3, 6) Kunyange zvazvo zvisingarevi kuti vasingagoni kuverenga havaponi, Bhaibheri rinoratidza kuti kuverenga kunobatsira zvikuru panyaya dzokunamata. Somuenzaniso, Zvakazarurwa 1:3 inoti: “Anofara uyo anoverenga zvinonzwika nevaya vanonzwa mashoko ouprofita uhwu.” Uyezve kukosha kwokuisa pfungwa dzako pane zvauri kuverenga, kunova ndiko kunobatsira zvikuru pakudzidza, kunooneka muzano raPauro kuna Timoti rokuti: “Fungisisa zvinhu izvi; nyura mazviri.” Kuti zvidini? “Kuti kufambira mberi kwako kuonekwe.”—1 Tim. 4:15.

Hazvirevi hazvo kuti munhu akangogona kuverenga nokudzidza achabva abatsirwa. Vakawanda vanogona zvinhu izvi havambozvishandisi; panzvimbo pokudaro vanoti sika-sika nezvinhu zvisingabatsiri. Saka vabereki vangaita sei kuti vana vavo vave nenyota yokuwana zivo inobatsira?

Rudo Rwenyu Uye Muenzaniso Wenyu

Vana vanofarira kudzidza kana kuchiitwa murudo. Vamwe vabereki vechiKristu, Owen naClaudia, vanoyeuka nezvevana vavo vaviri vachiti: “Vana vedu vaiti dai nguva yokudzidza yasvika nokuti yaivanakidza, vainyatsoona kuti vakachengetedzwa uye vakadekara. Vakapedzisira vava kungoziva kuti nguva yokudzidza inguva yavanoratidzwa rudo.” Kunyange vana pavanosvika pamazera okuyaruka anowanzova nematambudziko, vacharamba vachifarira kudzidza kana mumba muchidzidzwa vanhu vachiratidza kuti vanodanana. Vana vaOwen naClaudia iye zvino vava kupayona uye vari kuramba vachibatsirwa nechido chokuverenga nokudzidza chavakabatsirwa kuva nacho.

Chinhu chinobatsira pakuratidza rudo muenzaniso wenyu. Vana vanowanzoona vabereki vavo vachiverenga nokudzidza, kazhinji kacho vachatora zvinhu izvi sekuti ndizvo zvinofanira kuitwa nemunhu wose. Asi somubereki, ungaratidza sei muenzaniso wakadaro kana kuverenga kwacho kuchikunetsa? Pamwe ungafanira kuchinja zvinhu zvaunokoshesa kana kuti maonero aunoita kuverenga. (VaR. 2:21) Kana muchigara muchiverenga, izvozvo zvichanyatsoti pamwoyo yevana venyu dyoo. Kushingaira kwamunoita, zvikurukuru pakuverenga Bhaibheri, kugadzirira misangano, nokudzidza semhuri, kucharatidza vana venyu zvakajeka kuti zvinhu izvozvo zvinokosha.

Saka rudo rwenyu nomuenzaniso wenyu ndizvo zvinokosha pakuita kuti vana venyu vave nechido chokuverenga. Asi munganyatsoita sei kuti muvakurudzire?

Kubatsira Vana Kuti Vave Nechido Chokuverenga

Inhanho dzipi dzamungatora kuti mubatsire vana venyu kuti vafarire kuverenga? Itai kuti vave nemabhuku okuverenga vachiri vaduku. Mumwe mukuru wechiKristu akabatsirwa nevabereki kuti afarire kuverenga anokurudzira kuti: “Itai kuti vana venyu vajaire kubata mabhuku. Izvi zvichaita kuti mabhuku ave shamwari dzavo uye havazosiyani nawo.” Mabhuku anotsanangura Bhaibheri akadai saDzidza Kumudzidzisi Mukuru naBhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri, anova shamwari dzepedyo dzevana vakawanda vasati vambogona kuverenga. Kana ukaverenga mabhuku akadaro nevana vako, unenge usingavabatsiri kuziva mutauro chete asiwo “zvinhu zvomudzimu” uye “mashoko omudzimu.”—1 VaK. 2:13.

Garai muchiverenga zvinonzwika. Ivai netsika yokuverenga nevana venyu zuva nezuva. Kana muchiita izvi munenge muchivadzidzisa maverengerwo emashoko uye munenge muchiita kuti vajaire tsika yokuverenga. Maverengero amunoitawo anokosha. Ratidzai kuti muri kunakidzwa, uye ivo vanobva vadarowo. Muchatoona kuti vana venyu vachakukumbirai kuti murambe muchingovaverengera nyaya imwe cheteyo. Vayemedzei panyaya iyi! Nokufamba kwenguva vanenge vava kuda kunzwa dzimwe nyaya itsva. Asi chenjererai kuti musavamanikidza kuverenga. Jesu akaratidza muenzaniso pakudzidzisa vateereri vake “kusvikira pavaikwanisa kunzwisisa.” (Mako 4:33) Kana musingaiti zvokuvamanikidza, vanototi dai nguva yacho yasvika, uye izvi zvichakuswededzai pedyo zvikuru nechinangwa chenyu chokuita kuti vafarire kuverenga.

Vakurudzirei kutaurawo, uye kurukurai zvamunenge maverenga. Muchafadzwa nokuona kuti pasina nguva yakareba vana venyu vanenge vava kugona kududza mazwi, uye kunzwisisa zvaanoreva. Kukurukura zvamunenge madzidza kunogona kuita kuti vafambire mberi zvikuru. Kukurukura kunobatsira vana “kudzidza mashoko avanozofanira kuziva kuti anorevei kana vava kuverenga,” rinotsanangura kudaro rimwe bhuku rinobatsira panyaya yokudzidzisa vana kuverenga. Rinoenderera mberi richiti “Kuvana vaduku vane pfungwa dzichiri kurwisa kuti dzigone kuverenga nokunyora, kutaura kunokosha zvokuti kana muchitaura zvinovaka . . . vanobva vanyanya kubatsirwa.”

Itai kuti vana venyu vakuverengerei, uye vakurudzirei kubvunza mibvunzo. Munogona kubvunza mibvunzo motaura mhinduro dzakati kuti movabvunza kuti yechokwadi ndeipi. Izvi zvinoita kuti vana vadzidze kuti mumabhuku mune mashoko arimo uye kuti mashoko avari kuverenga ane zvaanoreva. Izvi zvinonyanya kushanda kana zvamuri kuverenga zvichibva muShoko raMwari, rinova bhuku rinokosha kupfuura ose.—VaH. 4:12.

Zvisinei, musambofa makakanganwa kuti kuverenga kwakaoma. Kunoda nguva yakawanda kuti mukudzidzire. * Saka ivai nechokwadi kuti munotenda vana venyu pane zvavanenge vagona, kuti vafarire kuverenga. Kuvatenda kunoita kuti vaone kuverenga sechinhu chinofadza.

Kunokosha Uye Kunonakidza

Kudzidzisa vana venyu kudzidza kunoita kuti kuverenga kuve nechinangwa. Kudzidza kunosanganisira kuwana mashoko uye kuona kuti anobatana papi. Kunoda kuti munhu akwanise kuronga mashoko, kuayeuka, uye kuashandisa. Kana mwana akangokwanisa kudzidza uye akaona kubatsira kwazvinoita, kudzidza kunobva kwatanga kukosha uye kunakidza.—Mup. 10:10.

Vaitei kuti vazive zvinhu zvinokosha pakudzidza. Manheru oKunamata Kwemhuri, nguva yamunokurukura rugwaro rwezuva, nemamwe mapurogiramu akadaro, zvinokupai mikana yakanaka yokuita kuti vana venyu vave nounyanzvi hwokudzidza. Kugara vakadzikama, vachifunga nezveimwe nyaya kwekanguva kunovadzidzisa kuisa pfungwa dzavo pachinhu chimwe chete, chinova chinhu chinokosha pakudzidza. Uyezve, munogona kukurudzira mwanakomana wenyu kuti akutsanangurirei kuti zvaadzidza zvakasiyana kana kuti zvakafanana papi nezvaanga achitoziva. Izvi zvinomubatsira kuenzanisa. Zvakadini nokumbokumbira mwanasikana wenyu kuti ataure muchidimbu zvaanenge averenga? Izvi zvichamubatsira kuzvinzwisisa uye kuzozviyeuka. Chimwe chinhu chinobatsira pakuyeuka chaungavadzidzisa, kudzokorora, kureva kutaura pfungwa huru pashure pokuverenga nyaya. Kunyange vana vaduku vanogona kudzidziswa kunyora zvinhu zvishomanana zvavanenge vanzwa pamunenge muchidzidza kana kuti muri pamisangano. Izvi zvinoita kuti vawedzere kuisa pfungwa pane zviri kudzidzwa. Nzira idzi dziri nyore dzinoita kuti kudzidza kurambe kuchinakidza uye kuchibatsira imi nevana venyu.

Itai kuti pamunodzidzira pave pakakodzera. Kuti pfungwa dzive pane zvamunenge muchidzidza, mumba macho munofanira kupinda mhepo inofefetera, kuva nechiedza chakanaka, musina ruzha uye musingarwadzi kugara. Maonero anoita vabereki kudzidza kwacho anokosha. Vamwe amai vakati: “Zvinokosha kuti muve nenguva yamunoti ndeyokudzidza nokuverenga yamusingapotsi. Izvi zvichaita kuti vana venyu vave vakarongeka. Vachadzidza kuti ichi nechocho chinoda kuitwa panguva yakati.” Vamwe vabereki vanoti panguva inofanira kudzidzwa hapana chinofanira kuvhiringa. Mumwe murume akati, izvi zvinokosha pakudzidzisa vana kuva netsika dzokudzidza dzakanaka.

Simbisai kukosha kwokudzidza. Chokupedzisira, batsirai vana venyu kuti vaone kubatsira kunoita kudzidza. Kushandisa zvamunenge madzidza kunoratidza kuti zvamadzidza zvinokosha. Imwe hama yechiduku inobvuma kuti: “Ndikasaona kuti zvandiri kudzidza zvine basa rei, ndinoona rava basa chairo kuti ndide kudzidza. Asi kana ndichiona zvichigona kushanda pandiri, ndinobva ndada kuzvinzwisisa.” Kana vana vaduku vakaona kudzidza senzira yokuti vazowana chimwe chinhu chinokosha, vanobva vaisa pfungwa dzose pazviri. Vanenge vava kutoti dai nguva yokudzidza yasvika, sezvavaiita yokuverenga.

Mubayiro Wakanaka Kukunda Yose

Tingatoswerera, tikamukira tichitaura kubatsira kwazvinoita kudzidzisa vana venyu kuti vafarire kuverenga. Zvimwe zvacho kubudirira kuchikoro, kubasa, pakugarisana nevamwe, pakunzwisisa zviri kuitika munyika yatiri kurarama, uye pakuva noukama hwakanaka pakati pemubereki nemwana, tisingazotauri hedu kugutsikana kunoita munhu kana achiverenga uye achidzidza.

Asi chinokosha kupfuura zvose ndechokuti vana venyu vakafarira kuverenga vachava vanhu vanotya Mwari. Kufarira kuverenga ndiko kuchazarura pfungwa dzavo nemwoyo kuti vawane “kufara nokureba nokukwirira nokudzika” kwechokwadi chiri muMagwaro. (VaEf. 3:18) Ichokwadi kuti pane zvakawanda izvo vabereki vechiKristu vanofanira kudzidzisa vana vavo. Vabereki pavanozvipira kushandisa nguva yavo pavana vavo vachiita zvavanogona kuvabatsira kuti vatangise upenyu hwavo zvakanaka, vanotarisira kuti vana vavo vachazopedzisira vasarudza kuva vanamati vaJehovha. Kudzidzisa vana venyu kuva nemadzidziro akanaka kunovabatsira kuva noukama naMwari uye kuhuchengetedza. Saka nepamunogona napo, nyengeterai muchitsvaka kuti Jehovha akukomborerei sezvamunoedza kubatsira vana venyu kuti vafarire kuverenga nokudzidza.—Zvir. 22:6.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 14 Kuverenga nokudzidza kwakanyanya kuomera vana vane pfungwa dzinoomerwa nokubata zvinhu. Kuti vabereki vaone kuti vangabatsira sei vana vavo, ngavaone Mukai! yaMarch 8, 1997, mapeji 25-31.

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 26]

Kuverenga . . .

• Itai kuti mabhuku avepo

• Verengai zvinonzwika

• Vakurudzirei kutaurawo

• Kurukurai zvamunenge maverenga

• Itai kuti vana venyu vakuverengerei

• Kurudzirai vana venyu kuti vakubvunzei mibvunzo

Kudzidza . . .

• Itai kuti vana venyu vadzidze kubva pamadzidziro enyu akanaka

• Dzidzisai vana venyu . . .

○ Kuisa pfungwa pachinhu chimwe

○ Kuenzanisa

○ Kutaura muchidimbu nemashoko avo

○ Kudzokorora

○ Kunyora zvinhu zvishoma

• Itai kuti pamunodzidzira pave pakakodzera

• Simbisai kukosha kwokudzidza