Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kungwarira Mikana Yokuparidza Kwakava Nezvibereko Zvinofadza

Kungwarira Mikana Yokuparidza Kwakava Nezvibereko Zvinofadza

Kungwarira Mikana Yokuparidza Kwakava Nezvibereko Zvinofadza

WAKANGWARIRA kuparidza here apo mikana inongoerekana yamuka mundima yeungano yenyu? Hama dzedu dzechiKristu dzinogara kuchiteshi chengarava muguta reTurku kuFinland, dzainge dzakangwarira, uye izvi zvakava nemigumisiro inofadza.

Munguva yakapfuura hama dzokuTurku dzakaona boka revarume vokuAsia vainge vauya muguta kuzopedzisa kugadzira ngarava hombe yokutakura vanhu vanobvakacha yaigadzirwa. Imwe hama yakazoziva kuti vashandi ava vaigara mumahotera api. Yakazivawo kuti vashandi vacho vaifumotakurwa nemabhazi kubva kumahotera avaigara vachienda kubasa. Yakabva yazivisa hama dzaipinda neungano yaitaura Chirungu muTurku.

Vakuru vomuungano iyoyo vakaona kuti kuuya kwavaenzi vakawanda ava kwakanga kwazarura mukana usingatarisirwi wokukurukura mashoko oUmambo navo uye vakakurumidza kuronga mushandirapamwe. Nomusi weSvondo vhiki iyoyo, vaparidzi gumi vakaungana pedyo nechiteshi chemabhazi nenguva dza7:00 mangwanani. Pakutanga hapana vashandi vakaoneka. Hama dzakatanga kubvunzana kuti, ‘Asi tanonoka?’ ‘Vakatodzokera kumusha kwavo here?’ Asi mumwe mushandi ainge akapfeka hovhorosi akabva angoti vhuu. Mumwe akateverawo uye vamwe vakatanga kuonekawo. Nenguva isipi boka revashandi rainge raungana pedyo nechiteshi chemabhazi. Vaparidzi vakabva vatanga kuita chipatapata vachipa vashandi mabhuku anotsanangura Bhaibheri eChirungu. Sezvineiwo, vashandi vakatora inenge awa kuti vose vaone pokugara mumabhazi, zvikapawo nguva yakakwana yokuti hama dzitaure nevakawanda. Pakazosimuka mabhazi aya, vashandi vainge vapiwa tumabhuku 126 uye magazini 329.

Kubudirira kwavakaita uku kwakakurudzira hama kuti dzidzokorore mushandirapamwe uyu vhiki yakatevera yacho pakashanya mutariri vedunhu. Nenguva dza6:30 mangwanani kuchinaya, mutariri vedunhu akaitisa musangano wokubuda muushumiri, uye vaparidzi 24 vakaenda kuchiteshi chiya chemabhazi. Iye zvino vakatakurawo mabhuku omutauro weTagalog nokuti vakaona kuti vakawanda vacho vaibva kuPhilippines. Mangwanani acho pakasimuka mabhazi kuenda kwavaishandira, vashandi vakanga vapiwa mabhuku 7, tumabhuku 69, uye magazini 479. Chimbofunga kufara kwakaita hama nehanzvadzi idzi dzaiva pamushandirapamwe uyu.

Vashandi vacho vasati vadzokera kumusha kwavo, hama dzakakwanisa kushanyira vakawanda vacho mumahotera mavaigara uye kuvatsanangurira mashoko oUmambo zvizere. Vamwe vashandi vacho vakati vakambotaura neZvapupu kune dzimwe nyika. Vashandi ava vakatenda hama idzi dzainge dzasarudza kukurukura navo pavaigara muFinland.

Wakangwarira here mikana inongoerekana yamuka mundima yeungano yenyu? Une tsika yokutanga kutaura nevanhu vanobva kune dzimwe nyika here? Kana zvakadaro, iwewo unogona kuita zvakaitwa nehama dzedu dzinogara muTurku.

[Mepu/Mufananidzo uri papeji 32]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

FINLAND

HELSINKI

Turku