Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Shanda Nesimba Mukukohwa Kukuru Kuri Kuitwa

Shanda Nesimba Mukukohwa Kukuru Kuri Kuitwa

Shanda Nesimba Mukukohwa Kukuru Kuri Kuitwa

‘Ivai nezvizhinji zvokuita mubasa raShe.’—1 VAK. 15:58.

1. Jesu akakumbira vadzidzi vake kuti vaite basa rei?

MUMWE musi achifamba munharaunda yeSamariya gore ra30 C.E. rava kunopera, Jesu akambotizororei zvake patsime pedyo netaundi reSikari. Ari ipapo akati kuvadzidzi vake: “Simudzai maziso enyu muone minda kuti yachenera kukohwa.” (Joh. 4:35) Jesu akanga asingataure nezvokukohwa chaiko, aireva kuunganidzwa kwevanamati vane mwoyo yakarurama vaizova vateveri vake. Mashoko ake aitokurudzira kuti paitwe chimwe chinhu. Paive nebasa rakawanda raida kuitwa, uye nguva yokuriita yakanga yasara yaive shomanana!

2, 3. (a) Chii chinoratidza kuti tiri kurarama panguva yokukohwa? (b) Tichakurukurei munyaya ino?

2 Mashoko aJesu nezvokukohwa ane zvaanoreva kwatiri nhasi. Tiri kurarama munguva yokuti munda wokuparidza ‘wachenera kukohwa.’ Gore negore, mamiriyoni evanhu ari kuudzwa kuti agamuchire chokwadi chinopa upenyu, uye zviuru zvevadzidzi vatsva zviri kubhabhatidzwa. Takakomborerwa chaizvo kuti tiri kushanda mukukohwa kukuru kusati kwamboitwa, tichitungamirirwa naTenzi wokukohwa, Jehovha Mwari. Uri kuva ne“zvizhinji zvokuita” mubasa iri rokukohwa here?—1 VaK. 15:58.

3 Paaiita ushumiri hwake pasi pano kwemakore matatu, Jesu akadzidzisa vadzidzi vake mashandiro avaizoita sevakohwi. Nyaya ino ichakurukura zvidzidzo zvitatu pane zvakawanda zvakadzidzisa Jesu vadzidzi vake. Chidzidzo chimwe nechimwe chinosimbisa unhu hwatinofanira kuva nahwo hunokosha kwatiri sezvatinoedza kuita nepatinogona napo basa rokuunganidza vadzidzi mazuva ano. Ngatikurukurei zvidzidzo izvi chimwe nechimwe.

Kuzvininipisa Kunokosha

4. Jesu akaenzanisira sei kukosha kwokuzvininipisa?

4 Ona sezviri kutoitika: Vadzidzi vachangobva kuitirana nharo kuti ndiani mukuru. Zviso zvavo zvingava zvichiri kuratidza kakunyumwirana nokufungirana zvakaipa. Saka Jesu anodana kamwana okamisa pamberi pavo. Achinongedzera kamwana ikako anoti: “Munhu wose achazvininipisa [kana kuti “munhu wose anozviita muduku,” shanduro yeByington] somwana uyu muduku ndiye mukuru kuna vose muumambo hwokumatenga.” (Verenga Mateu 18:1-4.) Panzvimbo pokufunga senyika, iyo inokoshesa munhu maererano nesimba, pfuma, kana kuti chinzvimbo, vadzidzi vaifanira kunzwisisa kuti ukuru hwavo hwaibva ‘pakuzviita vaduku’ pamaonerwo avaiitwa nevamwe. Jehovha aizovakomborera uye aizovashandisa chete kana varatidza kuzvininipisa kwechokwadi.

5, 6. Sei tichifanira kuzvininipisa kuti tikwanise kuita zvakawanda mubasa rokukohwa? Ipa muenzaniso.

5 Nanhasi vakawanda vachiri kuzvipira pakutsvaka kutonga vamwe, kuva nepfuma, uye chinzvimbo. Izvi zvinovasiya vasisina nguva yakawanda yokuita zvokunamata kana kutoishaya zvachose. (Mat. 13:22) Vanhu vaJehovha vakasiyana nevakadaro pakuti vanofara ‘kuzviita vaduku’ pane vamwe kuti vakomborerwe uye vadiwe naTenzi wokukohwa.—Mat. 6:24; 2 VaK. 11:7; VaF. 3:8.

6 Funga nezvomuenzaniso waFrancisco, mukuru mune imwe ungano muSouth America. Achiri jaya, akasiya dzidzo yepayunivhesiti kuti apayone. “Pandakazenge ndapanana chitsidzo chokuroorana nomusikana wangu,” anoyeuka kudaro, “Ndaikwanisa kuwana basa raindisiya nomudzimai wangu tagara kunaka. Asi takasarudza kurarama upenyu hwokusava nezvakawanda ndokuramba tose tiri mubasa renguva yakazara. Takazova nevana, zvinhu zvikatanga kuwedzera kuoma. Asi Jehovha akatibatsira kuti tisasiye zvatakanga tasarudza.” Francisco anopedzisa achiti: “Iye zvino apfuura makore 30 ndiri mukuru muungano, kuwedzera pane mamwe mabasa andinoita muungano. Hatisati tambozvidemba kuti takasarudzirei kurarama upenyu hwokusava nezvakawanda.”

7. Wakaedza sei kushandisa zano riri pana VaRoma 12:16?

7 Iwewo kana ukaramba “zvinhu zvakakwirira” zvenyika ino wobvuma ‘kutungamirirwa nezvinhu zvakaderera,’ unogona kuwana zvikomborero zvakawanda mubasa rokukohwa.—VaR. 12:16; Mat. 4:19, 20; Ruka 18:28-30.

Kushanda Nesimba Kune Mibayiro

8, 9. (a) Taura muchidimbu mufananidzo waJesu wematarenda. (b) Mufananidzo uyu unonyanya kunyaradza vanhu vakaita sei?

8 Chimwe chatinofanira kuita kuti tiite zvakawanda mubasa rokukohwa kushanda nesimba. Jesu akaratidza izvozvo pamufananidzo wematarenda. * Mufananidzo iwoyo ndewomurume akasiya aisa zvinhu zvake mumaoko evaranda vake asati aenda kunze kwenyika. Muranda wokutanga akapiwa matarenda mashanu, wechipiri, maviri, uye wechitatu rimwe chete. Pakaenda tenzi wavo, muranda wokutanga newechipiri vakashanda nesimba ‘vakaita bhizimisi’ nematarenda avo pakarepo. Asi wechitatu uya aiva ‘nousimbe.’ Akacherera tarenda rake pasi. Murume wacho paakadzoka, akapa muranda wokutanga newechipiri mibayiro nokuvagadza ‘kuti vatarisire zvinhu zvizhinji.’ Akatorera muranda wechitatu tarenda raakanga amupa akabva amudzinga pamusha pake.—Mat. 25:14-30.

9 Hapana mubvunzo kuti chido chako ndechokutevedzera varanda vomumufananidzo waJesu vakashanda nesimba, woitawo saizvozvo nepaunogona napo mubasa rokuita kuti vanhu vave vadzidzi. Asi zvakadini kana usiri kukwanisa kuita zvakawanda nemhaka yemamiriro ako ezvinhu? Pamwe kunetsa kuri kuita mari kuri kuita kuti ushande kwenguva yakareba kuti uriritire mhuri yako. Kana kuti zvimwe nyama hadzichadi nokukura kana kuti nokurwara. Kana zvakadaro, mufananidzo wematarenda une mashoko anokunyaradza.

10. Tenzi ari mumufananidzo wematarenda anoratidza sei kuti anonzwisisa, uye sei izvozvo zvichikukurudzira?

10 Cherechedza kuti tenzi womumufananidzo uyu aiziva kuti mumwe nomumwe wevaranda vake aikwanisa kuita zvinoenderana naye. Akaratidza kuti aizviziva paakasiyira matarenda muranda “mumwe nomumwe maererano nezvaaikwanisa.” (Mat. 25:15) Muranda wokutanga akapfuura wechipiri pane zvaakawana nokuti iye akanga apiwawo zvakawanda. Zvisinei tenzi wacho akaziva kuti vose vari vaviri vakanga vashanda nesimba, akaudza mumwe nomumwe kuti aiva muranda “akanaka uye akatendeka” ndokuvapa mibayiro yakafanana. (Mat. 25:21, 23) Tenzi wokukohwa, Jehovha Mwari, anozivawo mamiriro ezvinhu anokanganisa zvaunenge uchida kuita mubasa rake. Haambotadzi kuona uye kukupa mubayiro wezvauri kuita nemwoyo wose kuti umushumire.—Mako 14:3-9; verenga Ruka 21:1-4.

11. Taura muenzaniso unoratidza kuti kushanda nesimba zvinhu pazvinenge zvakaoma kunounza mubayiro wakakura.

11 Muenzaniso waSelmira, imwe hanzvadzi yechiKristu inogara kuBrazil, unoratidza kuti kushanda nesimba mubasa raMwari hakunei nokuti zvinhu zvakakunakira muupenyu here kana kuti kwete. Makore makumi maviri adarika, murume waSelmira akapfurwa nemakororo aiba akapakata pfuti, akafa achimusiyira vana vatatu vaifanira kuriritirwa. Anoshanda basa romumba raanononoka kukumuka, uye anopedza nguva yakawanda ari muzvifambiso zvoruzhinji zvinenge zvakati matsu nevanhu. Pasinei nezvose izvi akaronga zvinhu zvake kuti akwanise kutora upiyona hwenguva dzose. Vana vake vaviri vakazotorawo basa iri. Anoti: “Mumakore ose aya, ndadzidza Bhaibheri nevanhu vanopfuura 20, uye vava nhengo ‘dzemhuri’ yangu. Dzatova shamwari dzangu dzepamwoyo uye ndinovada. Ipfuma isingagoni kutengwa nemari.” Tenzi wokukohwa zvechokwadi akapa Selmira mubayiro wokushanda kwake nesimba!

12. Tingaratidza sei kuti tinoshanda nesimba mubasa rokuparidza?

12 Kana mamiriro ako ezvinhu muupenyu iye zvino ari kukutadzisa kubuda muushumiri kwenguva refu, unogona kuwedzera zvauri kuita mubasa rokukohwa nokuita kuti paunenge wabuda pacho uve nezvibereko. Kana ukanyatsoshandisa mazano anobuda paMusangano Webasa wevhiki nevhiki, uchanatsiridza unyanzvi hwako pakuparidza woedza dzimwe nzira dzokupupura nadzo. (2 Tim. 2:15) Uyezve kana zvichibvira, unogona kukanda pasi tumwe tunhu twaunoita tusinganyanyi kukosha kuti ukwanise kutsigira urongwa hweungano hwebasa romumunda.—VaK. 4:5.

13. Kuti munhu atange kushanda nesimba uye arambe achidaro zvinobva payi?

13 Yeuka kuti kushanda nesimba kunobva pakuti mwoyo wako unenge uchionga. (Pis. 40:8) Muranda wechitatu womumufananidzo waJesu aitya tenzi wake, achimuona somunhu asiri nyore kufadza uye asinganzwisisi. Izvi zvakaita kuti murume wacho acherere pasi tarenda rake panzvimbo pokurishandisa kuwedzera zvinhu zvatenzi wake. Kuti isu tisava nepfungwa dzakadaro dzokusakoshesa zvinhu zvine basa, tinofanira kuva noushamwari hwepedyo naTenzi wokukohwa, Jehovha. Iva nenguva yaunoti ndeyokudzidza wofungisisa nezvezvaari zvinofadza zvakadai sorudo, mwoyo murefu, nengoni. Kana ukadaro uchanzwa mwoyo wako uchikuudza woga kuti ita zvakanakisisa zvaunogona mubasa rake.—Ruka 6:45; VaF. 1:9-11.

“Munofanira Kuva Vatsvene”

14. Chii chinokosha chinofanira kuitwa nevose vanoda kuzova vashandi vokukohwa?

14 Achitora mashoko muMagwaro echiHebheru, muapostora Petro anotaura kuda kwaMwari pavashumiri vake vepasi pano, achiti: “Maererano noMutsvene akakudanai, imi ivaiwo vatsvene pamufambiro wenyu wose, nokuti zvakanyorwa kuti: ‘Munofanira kuva vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene.’” (1 Pet. 1:15, 16; Revh. 19:2; Dheut. 18:13) Mashoko aya anoratidza kuti vashandi vokukohwa vanofanira kuva netsika dzakachena uye vachinamata zvakachena. Tinogona kuita izvi nokutora matanho okuti tiite setiri kugezwa kuti tichene. Izvi zvingaitwa sei? Zvingaitwa pachishandiswa chokwadi cheshoko raMwari.

15. Chokwadi cheshoko raMwari chine simba rokutiita sei?

15 Chokwadi cheshoko raMwari chinofananidzwa nemvura inochenesa. Somuenzaniso, muapostora Pauro akanyora kuti ungano yevaKristu vakazodzwa yakachena pamberi paMwari, somwenga wakachena waKristu, uyo akaichenesa “nemvura achishandisa shoko . . . , kuti ive tsvene isina gwapa.” (VaEf. 5:25-27) Jesu akanga ambotaurawo nezvesimba rokuchenesa reshoko raMwari, iro raakazivisa. Achitaura nevadzidzi vake, Jesu akati: “Makatochena nokuda kweshoko randakataura kwamuri.” (Joh. 15:3) Saka chokwadi cheshoko raMwari chine simba rinogona kuchenesa tsika dzedu uye manamatiro edu. Mwari anobvuma kuti timunamate kana bedzi tabvumira kuti chokwadi chake chitichenese nenzira iyi.

16. Tingaita sei kuti kunamata kwedu uye tsika dzedu zvirambe zvakachena?

16 Saka kuti tive vashandi vaMwari vokukohwa, tinofanira kusiya mabasa ose anosvibisa manamatiro edu uye tsika dzedu. Kuti tirambe takakodzera ropafadzo iyi yokuva vashandi vokukohwa, tinofanira kuva muenzaniso wakanaka pakutsigira mitemo yaJehovha panyaya yokunamata neyetsika. (Verenga 1 Petro 1:14-16.) Sezvatinongoitawo kugara takangwarira utsanana, tinofanira kugara tichibvuma kucheneswa neshoko raMwari reChokwadi. Izvi zvinosanganisira kuverenga Bhaibheri nokupinda misangano yechiKristu. Zvinorevawo kuedza nepatinogona napo kushandisa zviyeuchidzo zvaMwari muupenyu hwedu. Kuita izvi kuchaita kuti tirege kutevedzera mafungiro atakazvarwa nawo echivi, uye tirambe kufurirwa nenyika ino inosvibisa. (Pis. 119:9; Jak. 1:21-25) Zvinonyaradza chaizvo kuziva kuti, tichibatsirwa nechokwadi cheshoko raMwari, tinogona ‘kugezwa tikachena’ kunyange pazvivi zvakakura!—1 VaK. 6:9-11.

17. Kuti tirambe takachena, izano ripi reBhaibheri ratinofanira kuteerera?

17 Unofarira kuti shoko raMwari rechokwadi rigare richikuchenesa muupenyu here? Somuenzaniso, unoita sei paunonyeverwa nezvengozi iri pazvinhu zvinovaraidza zvinosvibisa zvenyika ino? (Pis. 101:3) Unosiyana nokuita ushamwari hwemukombe nechirongo nevaunodzidza kana kushanda navo vasingatendi zvaunotenda here? (1 VaK. 15:33) Uri kuedza nemwoyo wose kukurira tutsika tungagona kukuita kuti uve usina kuchena mukuona kwaJehovha here? (VaK. 3:5) Unotambira kure nemagakava ezvematongerwo enyika ino uye pfungwa yokutsigira nyika yakazara mumitambo yemakwikwi yakawanda here?—Jak. 4:4.

18. Kuva netsika dzakachena, uye kunamata zvakachena kunotibatsira sei kuva vakohwi vane zvibereko?

18 Ukatevedzera zvauri kudzidza panyaya dzakadaro zvichakufambira zvakanaka. Achifananidza vadzidzi vake vakazodzwa nemapazi omuzambiringa Jesu akati: “Bazi rose riri pandiri risingabereki zvibereko [Baba vangu] vanoribvisa, uye rose rinobereka zvibereko vanorichenesa, kuti ribereke zvibereko zvizhinji.” (Joh. 15:2) Pauchabvuma kucheneswa nemvura iri muchokwadi cheBhaibheri, uchawedzera kuva nezvibereko.

Zvikomborero Iye Zvino Nemangwana

19. Vadzidzi vaJesu vakakomborerwa zvakadini pabasa ravo rokukohwa?

19 Vadzidzi vakatendeka vakabvuma kudzidziswa naJesu vakazopiwa simba nomudzimu mutsvene paPendekosti ya33 C.E. kuti vave zvapupu “kusvikira kurutivi ruri kure kwazvo rwenyika.” (Mab. 1:8) Vakazonoshumira senhengo dzedare rinodzora, mamishinari, vatariri vanofambira, uye vakaita basa rakakura pakuparidza mashoko akanaka “zvisikwa zvose zviri pasi pedenga.” (VaK. 1:23) Vakawana zvikomborero zvakazowanda, uye vakaita kuti vamwe vafare!

20. (a) Wakawana zvikomborero zvipi kubva mukushanda nesimba mubasa rokukohwa? (b) Chii chaucharamba uchiita?

20 Saka taona kuti kuzvininipisa, kushanda nesimba, uye kurarama nemitemo iri muShoko raMwari yakakwirira, kuchaita kuti tinyatsoita zvizere basa rokukohwa riri kuitwa iye zvino. Vamwe pavari kurwadziwa uye kukangaidzwa nokutsvaka pfuma uye mafaro munyika ino, isu tine mufaro wechokwadi uye tinonyatsogutsikana. (Pis. 126:6) Chinonyanya kukosha ndechokuti “basa re[du] harisi pasina munaShe.” (1 VaK. 15:58) Tenzi wokukohwa, Jehovha Mwari, achatipa mubayiro nokusingaperi nokuda ‘kwebasa redu norudo rwatakaratidza nokuda kwezita rake.’—VaH. 6:10-12.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 8 Mufananidzo wematarenda unonyanya kushanda pamabatiro anoita Jesu vadzidzi vake vakazodzwa, asi une pfungwa dzinoshanda kuvaKristu vose.

Unoyeuka Here?

Sezvaunoedza kuita zvizere basa rokukohwa . . .

• sei zvichikosha kuti uzvininipise?

• ungaite sei kuti uve munhu anoshanda nesimba?

• sei zvichikosha kuti urambe uine tsika dzakachena uye unamate zvakachena?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 17]

Kuzvininipisa kunogona kutibatsira kurarama upenyu huri nyore hwokukoshesa zvinhu zvine chokuita noUmambo