Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Usatya. Ini Ndichakubatsira”

“Usatya. Ini Ndichakubatsira”

“Usatya. Ini Ndichakubatsira”

JESU akanyevera vateveri vake kuti: “Dhiyabhorosi acharamba achikanda vamwe venyu mujeri kuti muedzwe kwazvo.” Asi asati avanyevera akati: “Usatya zvinhu zvawava kuda kutambura.” Sezvo Satani achiri kushandisa nzira yokuisa vashumiri vaMwari mujeri kuti varege basa rokuparidza Umambo, hazvitishamisi kuona dzimwe hurumende dzichitambudza vaKristu vechokwadi. (Zvak. 2:10; 12:17) Saka chii chichatibatsira kuti tigare takagadzirira mazano aya aSatani uye ‘tisatye,’ sezvatakakurudzirwa naJesu?

Vakawanda vedu zvakatomboitika kuti titye. Asi Shoko raMwari rinotivimbisa kuti tichibatsirwa naJehovha, tinogona kukurira kutya uku. Sei? Imwe nzira yatinobatsirwa nayo naJehovha kuti tizive zvokuita kana vanhu vachitipikisa, kuziva mazano anoshandiswa naSatani nevamiririri vake. (2 VaK. 2:11) Kuenzanisira maitiro aanozviita, ngatimboonai imwe nyaya yakaitika panguva yakanyorwa Bhaibheri. Tichaonawo mimwe mienzaniso yemazuva ano yevashumiri vaMwari vakatendeka ‘vakamira vakasimba pakurwisana nemanomano aDhiyabhorosi.’—VaEf. 6:11-13.

Mambo Anotya Mwari Anosangana Nemutongi Akaipa

Muzana remakore rechisere B.C.E., mambo akaipa Saniheribhi weAsiriya akakunda muhondo dzaitevedzana dzakati wandei. Izvi zvakamupa manyawi zvokuti akaendera vanhu vaJehovha neguta ravo, Jerusarema, uko mambo aitya Mwari Hezekiya aitonga. (2 Madz. 18:1-3, 13) Hapana mubvunzo kuti Satani aitoti azviwanira ipapo, achiita kuti Saniheribhi aite chinangwa chake iye Satani chokuti kunamata kwechokwadi kuparadzwe panyika.—Gen. 3:15.

Saniheribhi akatuma nhume kuJerusarema kuti dzinoudza vagari veko kuti vakande mapfumo pasi. Panhume idzi paiva naRabhisheki, aishanda somutauriri wamambo. * (2 Madz. 18:17) Chinangwa chaRabhisheki chaiva chokupedza vaJudha simba uye chokuti vangozviisa mumaoko ake pasina kurwa. Rabhisheki akashandisa nzira dzipi kuti vaJudha ava vatye?

Kuramba Vakatendeka Vari Voga

Rabhisheki akaudza vamiririri vaHezekiya kuti: “Zvanzi namambo mukuru, mambo weAsiriya: ‘Chii chaunovimba nacho? . . . Tarira! unovimba nokutsigira kwetsanga iyi yakapwanyika, iyo, inoti kana munhu akazvitsigisa nayo inopinda muchanza chake yochibaya.’” (2 Madz. 18:19, 21) Zvaitaurwa naRabhisheki zvaiva zvemanyepo nokuti Hezekiya ainge asina kumboita chibvumirano neIjipiti kuti imubatsire. Kunyange zvakadaro pfungwa yaida kuiswa naRabhisheki muvaJudha yaiva yokuti: ‘Hapana ari kuzokubatsirai. Muri moga.’

Munguva pfupi yapfuura vanopikisa kunamata kwechokwadi vakashandisawo nzira iyi yokuisa vaKristu vechokwadi kwavo voga vaine chinangwa chokuti vatye. Imwe hanzvadzi yechiKristu yakaiswa mujeri nokuda kwokutenda kwayo ikaparadzaniswa nevamwe kwemakore, yakarondedzera chakaibatsira kuti isatye. Yakati: “Munyengetero wakandibatsira kuswedera pedyo naJehovha . . . Ndakayeuka vimbiso iri pana Isaya 66:2 yokuti Mwari anotarira ‘anotambudzika neakasuruvara.’ Izvi zvaindisimbisa uye zvaindinyaradza zvikuru.” Imwe hama yakanga yakaiswa mujeri rayo yoga kwemakore yakataurawo kuti: “Ndakasvika pakuona kuti kunyange wakapfigirwa uri woga muimba duku-duku unoita sewakakombwa nevanhu vakawanda kana uine ushamwari hwepedyo naMwari.” Ichokwadi kuti kuva neushamwari hwepedyo naJehovha kwakapa vaKristu vaviri ava simba rinodiwa kuti vatsungirire vari voga. (Pis. 9:9, 10) Vaya vanovatambudza vanogona kuvaparadzanisa nemhuri, shamwari, uye vavanonamata navo asi izvo Zvapupu zvacho zviri mumajeri zvinoziva kuti vapikisi ava havambofi vakavabvisa pana Jehovha.—VaR. 8:35-39.

Saka zvinokosha zvikuru kuti tishandise nguva yose yatiinayo kusimbisa ushamwari hwedu naJehovha. (Jak. 4:8) Tinofanira kugara tichizvibvunza kuti: ‘Ndinovimba naJehovha zvakadini? Pandinoita zvisarudzo zvikuru kana zviduku muupenyu, ndinoshandisa mashoko ake here?’ (Ruka 16:10) Hapana chikonzero chokutya kana tichishanda nesimba kuti tirambe tiine ushamwari hwepedyo naMwari. Achimiririra vaJudha vaishungurudzika, muprofita Jeremiya akati: “Haiwa Jehovha, ndakashevedza zita renyu ndiri mugomba rakadzika kwazvo . . . Makaswedera pedyo pazuva randakaramba ndichikushevedzai. Imi makati: ‘Usatya.’”—Mari. 3:55-57.

Kuita Kuti Vanhu Vasava Nechokwadi Kunobondera

Rabhisheki akanyepera kunge munhu akanaka achida kuti vanhu vasave nechokwadi. Akati: “Haasi iye [Jehovha] ane nzvimbo dzakakwirira uye ane atari dzakabviswa naHezekiya here? Jehovha akati kwandiri, ‘Enda unorwisa nyika iyi, uiparadze.’” (2 Madz. 18:22, 25) Apa Rabhisheki aiti Jehovha aisazomborwira vanhu vake nokuti ainge asina kufadzwa navo. Asi ainyepa. Jehovha ainge afadzwa naHezekiya uye nevaJudha vainge vadzorera kunamata kwakachena.—2 Madz. 18:3-7.

Nhasi vaya vanotitambudza vanogona kutaura zvimwe zvinhu zvechokwadi vachida kuti tive nepatinowirirana navo, asi vozoisa tunhema nechinangwa chokuti tisava nechokwadi. Somuenzaniso, dzimwe nguva hama nehanzvadzi dzinenge dziri mujeri dzinoudzwa kuti hama inotungamirira munyika madzo inenge yabvuma kusiya kutenda kwayo uye kuti zvakanaka kuti vamutevedzere vosiyawo kutenda kwavo. Izvi zvinowanzoshaya basa kuvaKristu vanonyatsofungisisa.

Chimbofunga zvakaitika kune imwe hanzvadzi yechiKristu muHondo yeNyika II. Paaive mujeri, akaratidzwa tsamba yairatidza kuti imwe hama yaitungamirira muungano yainge yasiya kutenda kwayo. Mupurisa aimubvunzurudza akabvunza kana aibvumirana neChapupu ichocho. Hanzvadzi yakati, “Munhuwo anotadza.” Yakawedzera kuti pose paaitevedzera zvinotaurwa neBhaibheri, aishandiswa naMwari. “Asi nokuti zvaataura zvasiyana nezviri muBhaibheri, haasisiri hama yangu.” Hanzvadzi iyi yakatendeka yakaratidza kuchenjera nokutevedzera zano reBhaibheri rokuti: “Usavimba nevanokudzwa, kana nomwanakomana womunhu wepanyika, asingagoni kuponesa.”—Pis. 146:3.

Kuva nezivo yakarurama yeShoko raMwari nokushandisa zano raro kunotibatsira kuti tidzivirirwe pakufunga kunonyengera uko kunoderedza kutsungirira kwedu. (VaEf. 4:13, 14; VaH. 6:19) Saka kuti tizoita zvisarudzo zvakanaka kana zvinhu zvaoma, tinofanira kugara tichiverenga Bhaibheri uye kudzidza tiri toga. (VaH. 4:12) Ichokwadi kuti ino ndiyo nguva yokuti tiwedzere zivo yedu uye tisimbise kutenda kwedu. Imwe hama yakaiswa mujeri rayo yoga kwemakore yakati: “Ndinoda kukurudzira munhu wose kuti anyatsoshandisa zvokudya zvose zvokunamata zvatiri kupiwa nokuti hatizivi kuti zvichazonyatsokosha zvakadini kwatiri pane imwe nguva.” Chokwadi kana tikanyatsodzidza Shoko raMwari nemabhuku atinopiwa neboka romuranda, panozosvika nguva dzakaoma muupenyu, mudzimu mutsvene ‘uchatiyeuchidza zvinhu zvose’ zvatakadzidza.—Joh. 14:26.

Kudzivirirwa Panguva Yokutyisidzirwa

Rabhisheki akaedza kutyisidzira vaJudha achiti: “Bhejerana naishe wangu mambo weAsiriya, uye rega ndikupe mabhiza zviuru zviviri kuti ndione kana iwe uchikwanisa kuisa vatasvi paari. Saka ungadzosa sei gavhuna mumwe chete pavashandi vaduku vaishe wangu?” (2 Madz. 18:23, 24) Mumaonero evanhu, Hezekiya nevanhu vake vaisambomisidzana nehondo yevaAsiriya.

Nhasi uno vanotitambudza vanogona kuita sokuti vane simba rinotyisa, kunyanya kana vachitsigirwa nehurumende. Vatambudzi veNazi ndozvavaive chaizvo muHondo yeNyika II. Vakaedza kutyisidzira vashumiri vaMwari vakawanda. Imwe hama yedu yakatora makore akawanda iri mujeri yakarondedzera kutyisidzirwa kwayakaitwa. Mumwe musi mupurisa akaibvunza kuti: “Waona kupfurwa kwaitwa mumwe wako here? Chii chawadzidza?” Yakapindura kuti: “Ndiri chapupu chaJehovha uye ndizvo zvandicharamba ndiri.” “Saka ndiwe uri kutevera,” mupurisa wacho akadaro achimutyisidzira. Nyange zvakadaro, hama yedu yakaramba yakashinga, mupurisa uya ndobva arega kumutyisidzira. Yakabatsirwa nei kuti irambe kutyisidzirwa? Yakapindura kuti: “Ndakavimba nezita raJehovha.”—Zvir. 18:10.

Kana tiine kutenda kwakazara munaJehovha, tine nhoo huru inotidzivirira pane zvose zvinoshandiswa naSatani kuti atikanganise pane zvokunamata. (VaEf. 6:16) Saka zvakanaka kuti tikumbire Jehovha tichinyengetera kuti asimbise kutenda kwedu. (Ruka 17:5) Tinodawo kushandisa urongwa hunosimbisa kutenda hwakaitwa nemuranda akatendeka. Patinotyisidzirwa, tinosimbiswa tikayeuka mashoko anopa chivimbo akaudzwa muprofita Ezekieri naJehovha paaifanira kuprofita kuvanhu vakanga vakaoma musoro. Jehovha akamuudza kuti: “Ndaomesa chiso chako sezvakangoita zviso zvavo uye ndaomesa huma yako sokuoma kwakangoita huma dzavo. Ndaomesa huma yako sedhaimani [dhayamondi], kupfuura dombo rakaoma kwazvo.” (Ezek. 3:8, 9) Kana zvakakodzera, Jehovha anotibatsira kuti tiome sedhayamondi, sezvaakaita Ezekieri.

Kuramba Kukundwa Nemiedzo

Kana vashori vakaona kuti zvimwe zvose zvaramba, dzimwe nguva vanovimbisa mubayiro unoedza munhu kuti asiye kuperera kwake. Rabhisheki akashandisawo nzira iyi. Akati kune vaya vaive muJerusarema: “Zvanzi namambo weAsiriya: ‘Yananai neni, muuye kwandiri . . . kusvikira ndauya ndokuendesai kunyika yakaita senyika yenyu, nyika ine zviyo newaini itsva, nyika ine zvokudya neminda yemizambiringa, nyika yemiti yemiorivhi yemafuta nouchi; murambe muri vapenyu kuti murege kufa.’” (2 Madz. 18:31, 32) Pfungwa yokudya zviyo zvitsva nokunwa waini itsva inofanira kunge yakaita kuti vanhu ivavo vakanga vakapfigirwa muguta rakakombwa varwere mate!

Nzira iyi yakamboshandiswa kuitira kuderedza kutsunga kwainge kwakaita mumwe mumishinari aive mujeri. Akaudzwa kuti aizoendeswa kunogara “kuimba yakanaka chaizvo” ine “paki yakanakisisa,” kwemwedzi mitanhatu kuti anonyatsofunga. Zvisinei, hama yacho yakaramba yakangwarira ukama hwayo naMwari uye yakaramba yakavimbika kumitemo yechiKristu. Chii chakaibatsira? Yakazotsanangura kuti: “Ndaigara ndichifunga nezvoUmambo setariro chaiyo yechokwadi. . . . Zvakanga zvisingaiti kuti ndizununguke nokuti ndaisimbiswa nezivo pamusoro poUmambo hwaMwari, ndiine chokwadi chokuti huchauya, ndisina kana nguva yandaimboratidza kusava nechokwadi nahwo.”

Umambo hwaMwari ndehwechokwadi sei kwatiri? Tateguru wechiHebheru Abrahamu, muapostora Pauro, uye Jesu pachake vakakwanisa kutsungirira miedzo yakaoma nokuti vaiziva kuti Umambo huriko zvechokwadi. (VaF. 3:13, 14; VaH. 11:8-10; 12:2) Kana isuwo tikaramba tichiisa Umambo pakutanga toramba tichifunga nezvezvikomborero zvahwo, hatizobvumi kukurirwa nomuedzo wokuti timbozorodzwa pamiedzo yedu kwekanguva.—2 VaK. 4:16-18.

Jehovha Haazombotisiyi

Pasinei nokuedza kwaRabhisheki kutyisidzira vaJudha, Hezekiya nevamwe vake vakatsunga kuramba vachivimba naJehovha. (2 Madz. 19:15, 19; Isa. 37:5-7) Jehovha akapindura minyengetero yavo nokutuma ngirozi ikanouraya mauto 185 000 mumusasa wevaAsiriya usiku humwe. Mangwana acho chaiwo Saniheribhi, achishaya pokupinda nokunyara, akakurumidza kudzokera kuNinivhi nevashomanana vakanga vasara pamauto avo.—2 Madz. 19:35, 36.

Zviri pachena kuti Jehovha haana kumbosiya vaya vaivimba naye. Mienzaniso yamazuva ano yehama nehanzvadzi dzinoramba dzakasimba padzinosangana nemiedzo inoratidza kuti Jehovha achiri kudaro nanhasi. Ndosaka Baba vedu vokudenga vachitivimbisa kuti: “Ini, Jehovha Mwari wako, ndakabata ruoko rwako rworudyi, Ndini ndiri kuti kwauri, ‘Usatya. Ini ndichakubatsira.’”—Isa. 41:13.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 6 “Rabhisheki” raiva zita rebasa romukuru mukuru airemekedzwa weAsiriya. Zita remurume uyu chairo harimo munhoroondo iyi.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 13]

Kanopfuura ka30 muShoko rake, Jehovha anovimbisa vashumiri vake kuti: “Usatya”

[Mufananidzo uri papeji 12]

Mazano aRabhisheki akafanana sei neanoshandiswa nevavengi vevanhu vaMwari nhasi?

[Mifananidzo ari papeji 15]

Ushamwari hwepedyo naJehovha hunotibatsira kuramba takaperera kwaari patinenge tichiedzwa