Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvichabudiswa Pachena Nezuva raJehovha

Zvichabudiswa Pachena Nezuva raJehovha

Zvichabudiswa Pachena Nezuva raJehovha

“Zuva raJehovha richauya sembavha, . . . uye nyika nemabasa ari mairi zvichava pachena.”—2 PET. 3:10.

1, 2. (a) Nyika iripo yakaipa ichaguma sei? (b) Tichakurukura mibvunzo ipi?

NYIKA yakaipa iripo iyi yakabva panhema dzakatanga kutaurwa dzokuti munhu anogona kubudirira achizvitonga pasi pano asingazviisi pasi paJehovha. (Pis. 2:2, 3) Pane chinhu chinotangira panhema chingarambe chiripo nokusingaperi here? Kana! Kunyange zvakadaro nyika yaSatani haisi kuzongosvika pakuzvipararira yoga. Ichatoita zvokuparadzwa naMwari panguva yake yaakasarudza uye nenzira yake. Zvichaitirwa nyika ino yakashata naMwari zvichanyatsoratidza kuti anotonga nemazvo uye ane rudo.—Pis. 92:7; Zvir. 2:21, 22.

2 Muapostora Petro akanyora kuti: “Zuva raJehovha richauya sembavha, mariri matenga achapfuura nokutinhira, asi zvinhu zvacho zvichipisa kwazvo zvichanyungudutswa, uye nyika nemabasa ari mairi zvichava pachena.” (2 Pet. 3:10) Ko chii chiri kunzi “matenga” uye chiri kunzi “nyika”? Ko “zvinhu” zviri kunzi zvichanyungudutswa zvii? Uye Petro airevei paakati “nyika nemabasa ari mairi zvichava pachena”? Kuziva mhinduro dzemibvunzo iyi kuchatibatsira kuva vanhu vakagadzirira zvinhu zvinotyisa zvava kuda kuitika.

Zviri Kurehwa Nematenga Nenyika Zvichapfuura

3. “Matenga” ari kurehwa pana 2 Petro 3:10 chii, uye achapfuura sei?

3 Shoko rokuti “matenga” kana richishandiswa zvokufananidzira muBhaibheri, rinowanzoreva vatongi, avo vanenge vari pamusoro pevanhu vavari kutonga. (Isa. 14:13, 14; Zvak. 21:1, 2) “Matenga achapfuura” anomiririra utongi huri pamusoro pevanhu vasingadi Mwari. Kupfuura kwawo “nokutinhira” kungareva kukurumidza kuparadzwa kuchaitwa matenga aya.

4. “Nyika” chii, uye ichaparadzwa sei?

4 “Nyika” inomiririra vanhu vose vari kurarama panyika vakaparadzana naMwari. Nyika yakadaro yakambovapo panguva yaNoa, uye Mwari akazoita kuti iparadzwe neMafashamo. “Neshoko iroro matenga nenyika zviripo iye zvino zvakachengeterwa moto uye zviri kuchengeterwa zuva rokutongwa nerokuparadzwa kwevanhu vasingadi Mwari.” (2 Pet. 3:7) Mafashamo akaita zvokuparadza vanhu vose vakanga vasingadi Mwari panguva imwe chete, asi “kutambudzika kukuru” hakusi kuzongoitika panguva imwe chete asi kuti kuchava nematanho. (Zvak. 7:14) Padanho rokutanga rokutambudzika kukuru uku, Mwari achaita kuti vezvematongerwo enyika ino vaparadze “Bhabhironi Guru,” oratidza kuti anovenga hure iroro rechitendero. (Zvak. 17:5, 16; 18:8) PaAmagedhoni, rinova danho rokupedzisira rokutambudzika kukuru, Jehovha pachake achatsvaira nyika yose yaSatani.—Zvak. 16:14, 16; 19:19-21.

“Zvinhu . . . Zvichanyungudutswa”

5. “Zvinhu” zvakataurwa naPetro zvinosanganisira chii?

5 Ko “zvinhu” zviri kunzi “zvichanyungudutswa” zvii? “Zvinhu” zviri kurehwa naPetro ndezviya zvinoita kuti nyika izivikanwe sezvairi, zvakadai semafungiro ayo, nzira yainoita nayo zvinhu, nezvinangwa zvayo. “Zvinhu” zvinosanganisira “mudzimu wenyika,” uyo ‘unoshanda muvanakomana vasingateereri.’ (1 VaK. 2:12; verenga VaEfeso 2:1-3.) Mudzimu iwoyo kana kuti “mhepo,” ndiwo wakazara munyika yaSatani. Unoita kuti vanhu vafunge, varonge zvokuita, vataure, uye vaite zvinhu vachiratidza mafungiro aSatani, “mutongi wesimba remhepo” anodada, ane musoro wakaoma.

6. Mudzimu wenyika unoratidzwa nezvinhu zvipi?

6 Saka vanhu vane mudzimu wenyika vanobvumira kuti pfungwa dzavo nemwoyo zvishandiswe naSatani kuitira kuti vafunge saiye, vangava vachizviita vachiziva kana kuti vasingazivi. Izvi zvinoita kuti vaite zvavanoda vasingambofungi nezvekuda kwaMwari. Kana paine chaitika vanoratidza kuzvikudza uye kungozvifunga, vanoratidza pfungwa dzokupandukira vari pamusoro pavo, uye vanongorega “kuchiva kwenyama nokuchiva kwemaziso” kuchivaitisa chero zvavada.—Verenga 1 Johani 2:15-17. *

7. Sei tichifanira ‘kuchengetedza mwoyo wedu’?

7 Zvinokosha zvikuru kuti ‘tichengetedze mwoyo wedu’ nokushandisa uchenjeri hwaMwari pakusarudza shamwari, zvatinoverenga, zvinotivaraidza, uye nzvimbo dzatinovhura paIndaneti. (Zvir. 4:23) Muapostora Pauro akanyora kuti: “Chenjerai: zvichida pangava nomumwe munhu angaenda nemi semhuka yake yaabata nouzivi uye nounyengeri husina zvahunobatsira maererano netsika yevanhu, maererano nezvinhu zvokutanga zvenyika, kwete maererano naKristu.” (VaK. 2:8) Mashoko iwayo anobva atonyanya kukosha sezvo zuva raJehovha rinoswedera, nokuti ‘kupisa’ kwaro kusati kwamboitika kuchanyungudutsa “zvinhu” zvenyika yaSatani, kwozvifumura kuchiratidza kuti zvinotsva. Izvi zvinotiyeuchidza mashoko ari pana Maraki 4:1 anoti “Zuva rinopisa sezvinoita vira romoto riri kuuya, uye vanhu vose vanozvikudza navose vaya vanoita zvakaipa vachaita semashanga. Zuva riri kuuya richavaparadza.”

“Nyika Nemabasa Ari Mairi Zvichava Pachena”

8. Nyika nemabasa ari mairi “zvichava pachena” sei?

8 Petro airevei paakati “nyika nemabasa ari mairi zvichava pachena”? Petro aireva kuti mukutambudzika kukuru, Jehovha achafumura nyika yaSatani, yonyatsobuda pachena kuti inopikisana naye noUmambo hwake, saka inenge yakakodzera kuparadzwa. Isaya 26:21 inoprofita nezvenguva iyoyo ichiti: “Jehovha ari kuuya achibva kunzvimbo yake kuzoita kuti mugari womunyika azvidavirire kukanganisa kwaari, uye nyika ichabudisa pachena ropa rayo rakateurwa uye haizofukidzizve vakaurayiwa vayo.”

9. (a) Tinofanira kuramba zvinhu zvipi, uye tinozvirambirei? (b) Tinofanira kukudziridza chii, uye nei?

9 Pazuva raJehovha, vaya vakaumbwa pfungwa dzavo nenyika nomudzimu wayo vachanyatsobudisa zvavari, zvokutosvika kunyange pakuurayana. Zvingatogona kuitika kuti zvinhu zvinovaraidza vanhu zvichikurudzira zvokurwa nhasi uno zviri kutorodza pfungwa dzevakawanda kuita kuti panguva iyoyo ruoko rwomurume mumwe nomumwe ‘rumukire ruoko rweshamwari yake.’ (Zek. 14:13) Saka zvinokosha kuti tirambe zvose, kubvira pamafirimu, mabhuku, mitambo yemavhidhiyo, nezvimwewo, zvinoita kuti tive netsika dzinosemwa naMwari, dzakadai sokuzvikudza, nokufarira zvokurwa. (2 Sam. 22:28; Pis. 11:5) Panzvimbo paizvozvo ngatikudziridzei chibereko chomudzimu mutsvene waMwari, nokuti hachitsvi pachasvika kupisa uku kwokufananidzira.—VaG. 5:22, 23.

“Matenga Matsva Nenyika Itsva”

10, 11. “Matenga matsva” uye “nyika itsva” chii?

10 Verenga 2 Petro 3:13. “Matenga matsva” Umambo hwaMwari hwokudenga, hwakagadzwa muna 1914 pakaguma “nguva dzakatarwa dzemamwe marudzi.” (Ruka 21:24) Hurumende iyi inoumbwa naKristu Jesu nevaachatonga navo 144 000, uye vazhinji vaivavo vakatowana mubayiro wavo kudenga. Mubhuku raZvakazarurwa, vakasarudzwa ava vanofananidzwa ‘neguta dzvene, Jerusarema Idzva, rinoburuka kudenga richibva kuna Mwari, rakagadzirwa somwenga akashongera murume wake.’ (Zvak. 21:1, 2, 22-24) Sezvo Jerusarema repasi pano raimbova muzinda wehurumende yevaIsraeri vekare, Jerusarema Idzva noMurume warichachata naye ndiro hurumende yenyika itsva. ‘Kuburuka’ kweguta iri ‘richibva kudenga,’ hakurevi kudzika kwaro chaiko, asi kuti rinenge rava kutungamirira zvinhu zvinenge zvichiitika pasi pano riri kudenga.

11 Chiri kunzi “nyika itsva” vanhu vanenge vava kugara pasi pano varatidza kuti vanoda kuzviisa pasi poUmambo hwaMwari. Paradhiso yokufananidzira ine vanhu vaMwari kunyange iye zvino, ichazova panzvimbo yayo chaiyo yakaikodzera “nyika inogarwa iri kuuya.” (VaH. 2:5) Tingaita sei kuti tigozovawo munyika itsva iyoyo?

Gadzirira Zuva Guru raJehovha

12. Sei zuva raJehovha richakatyamadza nyika?

12 Vose Pauro naPetro vakagara vataura kuti zuva raJehovha raizouya “sembavha,” risingatarisirwi. (Verenga 1 VaTesaronika 5:1, 2.) Kunyange vaKristu vechokwadi vari kugara vakarimirira vachashamiswa nemasvikiro arichaita vasingafungiri. (Mat. 24:44) Zvisinei, nyika haisi kuzongoshamiswa chete. Pauro akanyora kuti: “Chero panguva yavachati [ivo vanhu vacho vakaparadzana naJehovha]: “Rugare nokuchengeteka!” kuparadzwa kusingatarisirwi kuchabva kwakurumidza kuvawira sokurwadziwa kwomukadzi ane pamuviri; uye havangambopukunyuki.”—1 VaT. 5:3.

13. Tingaita sei kuti tisafurirwa nokunzwa vanhu vachidanidzira kuti “Rugare nokuchengeteka!”?

13 Kudaidzira kwokuti “Rugare nokuchengeteka!” kunongova dzimwe dzenhema dzinofuridzirwa nemadhimoni; asi izvozvo hazvizonyengedzi vashumiri vaJehovha. Pauro akanyora kuti: “Hamusi murima, kuti zuva iroro rikusvikirei sezvaringaita mbavha, nokuti imi mose muri vanakomana vechiedza nevanakomana vemasikati.” (1 VaT. 5:4, 5) Saka ngatigarei muchiedza, kure nerima renyika yaSatani. Petro akanyora kuti: “Imi vadiwa, zvamunofanoziva izvi, chenjererai kuti murege kutsauswa navo [vadzidzisi venhema muungano yechiKristu] nokukanganisa kwevanhu vanozvidza mutemo, mowa pakusimba kwenyu.”—2 Pet. 3:17.

14, 15. (a) Jehovha ari kutiremekedza sei? (b) Mashoko api akafuridzirwa atinofanira kufungisisa?

14 Cherechedza kuti Jehovha haasi kungogumira pakutiti “chenjererai.” Pane kudaro ari kutiremekedza nokuita kuti ‘tifanoziva’ zvose zvichaitika mune remangwana.

15 Zvisinei, zvinosuwisa kuti vamwe vanhu vanototora sedambe zviyeuchidzo zvatinopiwa kuti tirambe takamuka. Vanoti, ‘Zviyeuchidzo izvi zvava nemakore nemakore zvichingotaurwa.’ Asi vanhu ivavo vanofanira kuyeuka kuti kana vachitaura mashoko akadaro, havasi kungoshora muranda akatendeka chete asi kuti vari kuratidza kusava nechokwadi naJehovha neMwanakomana wake. Jehovha akati, “ramba wakazvimirira.” (Hab. 2:3) Jesuwo akati: “Rambai makarinda nokuti hamuzivi kuti Ishe wenyu ari kuuya zuva ripi.” (Mat. 24:42) Kuwedzera pane izvozvo Petro akanyora kuti: “Munofanira kuva vanhu vorudzii pamabasa matsvene omufambiro nemabasa okuzvipira kuna Mwari, muchimirira uye muchiramba muchinyatsofunga nezvokuvapo kwezuva raJehovha!” (2 Pet. 3:11, 12) Muranda akatendeka neDare Rinodzora havambofi vakaita zvedambe nemashoko akadaro!

16. Ipfungwa ipi yatisingafaniri kurega ichitipinda, uye yakaipirei?

16 Chokwadi ndechekuti “muranda akaipa” ndiye anofunga kuti Tenzi wake anonoka. (Mat. 24:48) Muranda iyeye ndemumwe weboka rinorondedzerwa pana 2 Petro 3:3, 4. Ipapo Petro akanyora kuti “mumazuva okupedzisira vaseki vachauya” avo “maererano nokuchiva kwavo,” vaizotsvinyira vaya vanoteerera, vanoramba vachifunga nezvezuva raJehovha. Izvi zvinoreva kuti vaseki ivavo havaisi pfungwa dzavo pazvinhu zvine chokuita noUmambo asi vanozvifunga ivo nezvido zvavo. Ngatisamborega pfungwa yakadaro yokusateerera ine ngozi ichipinda matiri! Pane kudaro ngationei “kushivirira kwaShe wedu soruponeso” nokuramba takabatikana mubasa rokuparidza Umambo nokudzidzisa vanhu uye nokusazvinetsa nokufungidzira kuti zvinhu zvichaitika riini, nokuti iroro ibasa raJehovha Mwari.—2 Pet. 3:15; verenga Mabasa 1:6, 7.

Vimba naMwari Woruponeso

17. VaKristu vaive vakatendeka vakaita sei nezvezvavakanga vakurudzirwa naJesu kuti vatize muJerusarema, uye sei vakadaro?

17 Pakapinda mauto eRoma nechisimba muJudhiya muna 66 C.E., vaKristu vaive vakatendeka vakaita zvavakanga vakurudzirwa naJesu zvokuti vatize guta reJerusarema panongomuka mukana. (Ruka 21:20-23) Sei vakabva vangozviita vasingaverengeri? Zviri pachena kuti nyevero yaJesu yakanga isina kumbobva mupfungwa dzavo. Zvechokwadi vaitarisira kusangana nematambudziko pavaizviita nokuti Jesu akanga avanyevera kuti ndizvo zvaizoitika. Asi vaizivawo kuti Jehovha aisazombofa akasiya vakavimbika vake.—Pis. 55:22.

18. Mashoko aJesu ari pana Ruka 21:25-28 anoita kuti uone sei kutambudzika kukuru kuri kuuya?

18 Isuwo tinofanira kuvimba naJehovha zvakazara, nokuti iye chete ndiye achatiponesa pachasangana nyika ino nedambudziko guru risati ramboitika kubvira rini narini. Kutambudzika kukuru pakunenge kwatanga, Jehovha asati apedzisa kuparadza nyika yose, vanhu vachange “vachipera simba nokutya uye nokutarisira zvinhu zvinouya pamusoro penyika inogarwa.” Zvisinei, vavengi vaMwari pavanenge vachidedera nokutya, vashumiri vaJehovha vakavimbika vanenge vasingatyi. Pane kudaro vachafara vachiziva kuti kununurwa kwavo kwava pedyo.—Verenga Ruka 21:25-28.

19. Tichakurukurei munyaya inotevera?

19 Remangwana revaya vanoramba vakazviparadzanisa nenyika ne“zvinhu” zvayo rinozofadza! Zvisinei, sezvichatsanangurwa nenyaya inotevera, kana tichida kuwana upenyu, hatigumiri pakungosiya kuita zvinhu zvakaipa chete. Tinofanira kuva nounhu hunofadza Jehovha toita mabasa anomufadza.—2 Pet. 3:11.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 6 Kuti uwane mashoko akawanda nezvokuti mudzimu wenyika unoita kuti vanhu vaite sei, ona Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro, mapeji 249-252.

Unogona Kutsanangura Here?

• Chii chinomiririrwa ne. . .

‘matenga nenyika’ zviripo iye zvino?

“zvinhu”?

‘matenga matsva nenyika itsva’?

• Sei tichivimba naMwari zvizere?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 5]

Ungachengetedza sei “mwoyo wako” woramba wakaparadzana nenyika?

[Mufananidzo uri papeji 6]

Tinoratidza sei kuti tinoona “kushivirira kwaShe wedu soruponeso”?