Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ita Kuti “Mutemo Womutsa Worudo” Uchengetedze Rurimi Rwako

Ita Kuti “Mutemo Womutsa Worudo” Uchengetedze Rurimi Rwako

Ita Kuti “Mutemo Womutsa Worudo” Uchengetedze Rurimi Rwako

“Anoshama muromo wake nouchenjeri, uye mutemo womutsa worudo uri parurimi rwake.”—ZVIR. 31:26.

1, 2. (a) Vanamati vaJehovha vari kukurudzirwa kuratidza chii? (b) Munyaya ino muchakurukurwa nezvei?

MASHOKO akadzama akaudzwa Mambo Remueri naamai vake anosanganisira chimwe chinhu chinodiwa kuti mukadzi azonzi ndiye mudzimai kwaye. Akaudzwa kuti: “Anoshama muromo wake nouchenjeri, uye mutemo womutsa worudo uri parurimi rwake.” (Zvir. 31:1, 10, 26) Mutsa worudo chinhu chinodiwa parurimi rwomukadzi akangwara uye pavamwe vose vanoda kufadza Jehovha Mwari. (Verenga Zvirevo 19:22.) Mutsa worudo unofanira kunzwika pamatauriro evanamati vose vechokwadi.

2 Chii chinonzi mutsa worudo? Unoratidzwa kunaani? Chii chichatibatsira kuita kuti rurimi rwedu ruve ‘nomutemo womutsa worudo’? Kuita saizvozvo kuchatibatsira sei pamatauriro atinoita nevemumhuri nevamwe vaKristu?

Kana Mutsa Uchibva Pakuva Norudo Rwokuvimbika

3, 4. (a) Chii chinonzi mutsa worudo? (b) Mutsa worudo wakasiyana papi nomutsawo zvawo unoratidzwa nevanhu?

3 Sezvarinototaura roga, shoko rokuti mutsa worudo rinosanganisira kuva norudo uye mutsa. Rinosanganisira kuratidza mutsa, uko kunova kufarira vamwe wovaitira zvinovabatsira uye kuvataurira mashoko asingavakuvadzi. Sezvo rudo ruchibatanidzwawo, kuratidza mutsa worudo kunoreva kuti tinoitira vamwe zvakanaka zvichibva pakuvada kwatinoita. Zvisinei, shoko rakashandurwa kuti mutsa worudo haringogumiri pakuratidza mutsa unobva pakuti unoda munhu. Mutsa worudo unoreva mutsa unoramba uchiratidzwa mumwe munhu kusvikira chinangwa chawo nezvemunhu iyeye chazadziswa.

4 Mutsa worudo une pamwezve paunosiyana nemutsa. Kazhinji mutsawo zvawo unogona kuratidzwa kunyange kuvanhu vausingazivi. Muapostora Pauro nevamwe 275 vaive mungarava yakanga yakukurwa vakaratidzwa mutsa nevagari vepachitsuwa cheMarita vavakanga vasati vamboonana navo. (Mab. 27:37–28:2) Ukuwo mutsa worudo une chokuita nokuramba uchida mumwe munhu wawatogara uine ushamwari naye. * Izvi ndizvo zvakaitwa nevaKeni ‘kuvanakomana vaIsraeri vose panguva yavakabuda muIjipiti.’—1 Sam. 15:6.

Kufungisisa Uye Kunyengetera Zvinokosha

5. Chii chichatibatsira kudzora rurimi rwedu?

5 Kuita kuti kutaura kwedu kuratidze kuti tine mutsa worudo hazvisi nyore. Mudzidzi Jakobho akanyora nezvorurimi achiti: “Pavanhu hapana kana mumwe chete anogona kupingudza rurimi. Irwo chinhu chisingadzoreki chinokuvadza, chakazara nouturu hunouraya.” (Jak. 3:8) Chii chingatibatsire kushandisa zvakanaka nhengo iyi yomuviri isiri nyore kudzora? Mashoko aJesu kuvatungamiriri vechitendero vepanguva yake anotibatsira kunzwisisa nyaya iyi. Akati: “Muromo unotaura zvinobva pazvizhinji zviri mumwoyo.” (Mat. 12:34) Kuti mutsa worudo uchengetedze rurimi rwedu, tinofanira kuti tive nawo mumwoyo medu chaimo. Ngationei kuti kunyengetera nokufungisisa zvinogona sei kutibatsira kudaro.

6. Zvakanakirei kuti tifungisise tichionga Jehovha nezvemabasa ake omutsa worudo?

6 Jehovha Mwari “azere nomutsa worudo,” rinodaro Bhaibheri. (Eks. 34:6) “Mutsa wenyu worudo, haiwa Jehovha, wazadza nyika,” akaimba kudaro munyori wepisarema. (Pis. 119:64) Magwaro ane nhoroondo dzakawanda dzine maratidziro akaita Jehovha vanamati vake mutsa worudo. Kuwana nguva yokufungisisa tichionga Jehovha ‘nezvaakaita’ kunogona kuita kuti tive nechido chokuratidza mutsa worudo wakaita sewake.—Verenga Pisarema 77:12.

7, 8. (a) Jehovha akaitira Roti nemhuri yake chii chinoratidza mutsa worudo? (b) Dhavhidhi ainzwa sei nezvokuratidzwa mutsa worudo waMwari?

7 Somuenzaniso, funga nezvokununurwa naJehovha kwakaitwa Roti mwana womukoma waAbrahamu nemhuri yake paakaita kuti Sodhoma, guta ravaigara, riparadzwe. Nguva yacho payakanga yava kuswedera, ngirozi dzakanga dzauya kuna Roti dzakamukurudzira kuti atore mhuri yake abude muguta iroro nokukurumidza. “Paakaramba achingoverengera,” rinodaro Bhaibheri, “varume vacho [kureva ngirozi] vakabva vabata ruoko rwake noruoko rwomudzimai wake nemaoko evanasikana vake vaviri vakamubudisa, vakamumisa kunze kweguta nokuti akanga anzwirwa tsitsi naJehovha.” Zvakaitwa naJehovha hazvitibaye mwoyo here, zvichiita kuti tibvume kuti apa akaratidza mutsa worudo?—Gen. 19:16, 19.

8 Fungawo nezvomuenzaniso waMambo Dhavhidhi wevaIsraeri, uyo akaimba kuti: “[Jehovha] anokanganwira kukanganisa kwako kwose, anoporesa matenda ako ose.” Zvechokwadi Dhavhidhi anofanira kunge aionga zvikuru kuratidzwa kwaakaitwa mutsa worudo paakaita chivi naBhatishebha! Akarumbidza Jehovha achiti: “Sokukwirira kwakaita matenga kupfuura nyika, ndizvo zvakaita ukuru hwomutsa wake worudo kune vaya vanomutya.” (Pis. 103:3, 11) Kufungisisa nhoroondo idzi nedzimwe dziri muMagwaro kunozadza mwoyo yedu nokuonga mutsa worudo waJehovha, uye kunoita kuti timurumbidze nokumutenda. Kuonga kwatinoita mumwoyo yedu ndiko kunoita kuti tidewo kutevedzera Mwari wechokwadi.—VaEf. 5:1.

9. Zvikonzero zvipi zvakasimba zvine vanamati vaJehovha zvokuti varatidze mutsa worudo muupenyu hwavo zuva nezuva?

9 Mienzaniso yomuMagwaro inoratidza kuti Jehovha anoratidza mutsa wake worudo kuvanhu vanotova noukama hwakanaka naye. Ko zvakadini nevaya vasina ukama hwakadaro naMwari? Jehovha anovabata noutsinye here? Kana. “[Mwari] ane mutsa kune vasingaongi nevakaipa,” inodaro Ruka 6:35. ‘Anoita kuti zuva rake ribudire vanhu vakaipa nevakanaka uye achiita kuti kunaye pavanhu vakarurama nevasina kururama.’ (Mat. 5:45) Tisati tadzidza chokwadi uye tisati tatanga kuchishandisa, Mwari aitiratidza mutsa wake. Zvisinei, sezvo iye zvino tava vanamati vake, ava kutiratidza rudo rwake rwakavimbika kana kuti mutsa wake worudo usingachinji. (Verenga Isaya 54:10.) Tingatadzawo kutenda pakadai! Uye handizvo here kuti tinova nechikonzero chakasimba chokuratidza mutsa worudo mukutaura kwedu uye mune zvimwe zvatinoita muupenyu?

10. Sei munyengetero uchikosha zvikuru pakutibatsira kuti tive nomutsa worudo?

10 Chimwe chinokosha zvikuru chinobatsira pakuedza kwedu kuva nomutsa worudo munyengetero. Izvi zvakadaro nokuti mutsa uye rudo, zvinova ndizvo zvinokosha pakuratidza mutsa worudo, zvimwe zvezvinhu zvinoumba chibereko chomudzimu mutsvene waJehovha. (VaG. 5:22) Kuti tive nomutsa worudo mumwoyo medu tinofanira kubvuma kutungamirirwa nomudzimu iwoyo. Nzira isingapotereri yokuwana nayo mudzimu mutsvene waJehovha kunyengetera tichiukumbira. (Ruka 11:13) Zvakakodzera kuti tirambe tichinyengeterera mudzimu waMwari uye tibvume kutungamirirwa nawo. Kuti tive nomutemo womutsa worudo parurimi rwedu, kufungisisa nokunyengetera zvinokosha.

Parurimi Rwomurume Nomudzimai

11. (a) Tinoziva sei kuti Jehovha anotarisira varume kuratidza madzimai avo mutsa worudo. (b) Mutemo wemutsa worudo ungabatsira sei murume kuchengetedza rurimi rwake?

11 Muapostora Pauro anokurudzira varume kuti: “Rambai muchida madzimai enyu, Kristu zvaakadawo ungano, akazvipa nokuda kwayo.” (VaEf. 5:25) Pauro anovayeuchidzawo nezvezvakataurwa naJehovha kuna Adhamu naEvha. Pauro anonyora kuti: “Murume achasiya baba vake naamai vake, onamatira mudzimai wake, uye vaviri vacho vachava nyama imwe.” (VaEf. 5:31) Zviri pachena kuti Jehovha anotarisira varume kunamatira pamadzimai avo vasingambovasiyi, vachigara vachivaratidza mutsa worudo. Murume ane rurimi rune rudo rwokuvimbika haafumuri mudzimai wake pane vanhu kana kutaura zvokumutsvinyira. Anofarira kumurumbidza. (Zvir. 31:28) Kana pakava nechinonetsa mumba, mutsa worudo uchaita kuti murume adzore rurimi rwake arege kunyadzisa amai vemba.

12. Matauriro omudzimai angaratidza sei kuti mutemo wemutsa worudo unodzora rurimi rwake?

12 Mutemo wemutsa worudo unofanirawo kudzora rurimi rwomudzimai. Haafanire kutaura somunhu ane mafungiro enyika. Sezvo achifanira “kuremekedza murume wake kwazvo,” anotaura zvakanaka nezvake pane vanhu, achitoita kuti vawedzere kuremekedza murume wake. (VaEf. 5:33) Haafaniri kupokana nezvinenge zvataurwa nomurume wake vana vachinzwa, sezvo zvichiita kuti vana vasaremekedza baba vavo. Nyaya dzakadaro vanokurukura pavo voga. “Mukadzi akachenjera zvechokwadi anovaka imba yake,” rinodaro Bhaibheri. (Zvir. 14:1) Anoita kuti mhuri yose iri pamusha igare ichifara.

13. Ndokupi zvikuru-kuru kunofanira kuratidzwa mutemo wemutsa worudo, uye izvozvo zvingaitwa sei?

13 Kunyange pavanenge vari pamba pavo voga, murume nomudzimai vanofanira kuramba vachishandisa rurimi rwavo nenzira inoratidza kuti vanoremekedzana. “Bvisai zvose pamuri zvinoti, hasha, kutsamwa, zvinhu zvakaipa, kutuka, uye bvisai kutaura kunonyadzisa mumiromo yenyu,” akanyora kudaro Pauro. Akazowedzera kuti: “Pfekai rudo rukuru rwokunzwira vamwe tsitsi, mutsa, pfungwa dzinozvininipisa, unyoro, nomwoyo murefu. . . . Pfekai rudo, nokuti irwo chisungo chakakwana chokubatana.” (VaK. 3:8, 12-14) Kana vana vakajaira kunzwa mashoko orudo uye omutsa pamba, vanokura zvakanaka uye vanowanzotevedzera matauriro anoita vabereki vavo.

14. Vanababa vangashandisa sei rurimi kunyaradza mhuri dzavo?

14 Munyori wepisarema akati nezvaJehovha: “Ndapota, mutsa wenyu worudo ngaundinyaradze.” (Pis. 119:76) Nzira inonyanya kushandiswa naJehovha kunyaradza vanhu vake ndeyokuvakurudzira nokuvatungamirira. (Pis. 119:105) Vanababa vangabatsirwa sei nomuenzaniso waBaba vedu vokudenga voshandisa rurimi rwavo kunyaradza mhuri dzavo? Vanogona kudaro nokutungamirira uye kukurudzira mhuri dzavo. Manheru oKunamata Kwemhuri anopa mukana wakazonaka wokuwana pfuma inobva kuna Mwari!—Zvir. 24:4.

Ratidza Mutsa Worudo Kuvamwe Vaunonamata Navo

15. Vakuru nevamwewo vakakura pane zvokunamata vangashandisa sei rurimi rwavo kuchengetedza vamwe muungano?

15 “Mutsa wenyu worudo nechokwadi chenyu ngazvindichengetedze,” akadaro Mambo Dhavhidhi achinyengetera. (Pis. 40:11) Vakuru vechiKristu nevamwe vakura panyaya dzokunamata vari muungano vangatevedzera sei Jehovha panyaya iyi? Chokwadi kushandisa rurimi rwedu tichibatsira vamwe neMagwaro kuratidza mutsa worudo.—Zvir. 17:17.

16, 17. Ndedzipi dzimwe nzira dzatinoratidza nadzo kuti kutaura kwedu kunodzorwa nomutemo wemutsa worudo?

16 Tingaita sei tikaona mumwe muKristu ava kurasika pakutevedzera zvinotaura Bhaibheri? Mutsa worudo haufaniri kuita kuti tishandise rurimi rwedu kuedza kumudzora here? (Pis. 141:5) Kana tikaziva kuti mumwe muKristu akaita chivi chakakura, rudo rwokuvimbika ruchaita kuti timukurudzire kuti “ashevedze varume vakuru veungano,” kuitira kuti “vamunyengeterere, vachimuzora mafuta vachishandisa zita raJehovha.” (Jak. 5:14) Kana munhu wacho akatadza kuona vakuru, isu tikarega kuudza vakuru tinenge tisina rudo uye tisina mutsa. Vamwe vari pakati pedu vangadaro vari kusurukirwa, vachizviona sevasingakoshi, kana kuti vachikurirwa nokuora mwoyo. Nzira yakanakisisa yokuratidza nayo kuti mutemo wemutsa worudo uri parurimi rwedu ndeyokutaura “zvinonyaradza mweya yakaora mwoyo.”—1 VaT. 5:14.

17 Tinofanira kuita sei kana tikanzwa vatinonamata navo vachiitirwa makuhwa nevavengi vaMwari? Panzvimbo pokufunga kuti kunamata kwehama dzedu hakuna kuti twasu, tinofanira kusiyana nemashoko akadaro chinyararire kana kuti kubvunza anenge achitaura wacho, kana ari munhu anonzwisisa, kuti ane uchapupu here hwezvaanenge achitaura. Kana vavengi vevanhu vaMwari vachitsvaka kune hama dzedu dzechiKristu kuti vadziitire zvakaipa, rudo rwokuvimbika ruchaita kuti tisavaudza.—Zvir. 18:24.

Munhu Ane “Mutsa Worudo Achawana Upenyu”

18, 19. Sei mutemo wemutsa worudo usingafaniri kubva parurimi rwedu pazvose zvatinoitirana nevatinonamata navo?

18 Rudo rwokuvimbika runofanira kuoneka pazvose zvatinoita navatinonamata navo Jehovha. Kunyange kana zvinhu zvaoma mutemo wemutsa worudo haufaniri kubva parurimi rwedu. Vanakomana vaIsraeri pavakava nomutsa worudo waiita “sedova rinokurumidza kuenda” Jehovha haana kufadzwa nazvo. (Hos. 6:4, 6) Ukuwo Jehovha anofadzwa kana kuratidza mutsa worudo ari iwo mararamiro edu. Funga kukomborera kwaanoita vaya vanogara vachiuratidza.

19 Zvirevo 21:21 inoti: “Munhu anotevera kururama nomutsa worudo achawana upenyu, kururama, nokukudzwa.” Chimwe chezvikomborero zvichawanikwa nomunhu akadaro upenyu, kwete upenyu hwokungoti raramei ndiye sarai, asi kuti upenyu husingaperi. Jehovha anomubatsira kuti “abatisise upenyu chaihwo.” (1 Tim. 6:12, 19) Saka ngatiedzei nepatinogona napo kuitirana “mutsa worudo.”—Zek. 7:9.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 Kuti uone mamwe mashoko nezvokuti mutsa worudo wakasiyana sei nokuvimbika, rudo, uye mutsa, ona Nharireyomurindi yaMay 15, 2002, mapeji 12-13, 18-19.

Unogona Kutsanangura Here?

• Ungatsanangura sei mutsa worudo?

• Chii chichatibatsira kuti mutemo wemutsa worudo uve parurimi rwedu?

• Murume nomudzimai vangaratidza sei mutsa worudo mumatauriro avo?

• Chii chinoratidza kuti mutemo wemutsa worudo uri parurimi rwedu pane zvatinoitirana nevatinonamata navo?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 23]

Dhavhidhi akarumbidza mutsa worudo waJehovha

[Mufananidzo uri papeji 24]

Mune purogiramu yemanheru oKunamata Kwemhuri here?