Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuponeswa Kwatinoitwa Norudzikinuro

Kuponeswa Kwatinoitwa Norudzikinuro

Kuponeswa Kwatinoitwa Norudzikinuro

“Anotenda muMwanakomana ane upenyu husingaperi; asingateereri Mwanakomana haazooni upenyu, asi hasha dzaMwari dzinoramba dziri paari.”—JOH. 3:36.

1, 2. Ndechipi chimwe chikonzero chakaita kuti Zion’s Watch Tower itange kubudiswa?

“HAPANA munhu anonyatsodzidza Bhaibheri angatadza kuona kusimbisa kwarinoita kuti rufu rwaKristu runokosha,” yakadaro magazini ino muna October 1879. Nyaya yacho yakapedzisa nemashoko aya anokosha: “Ngatingwarire chero chinhu chingaita kuti rufu rwaKristu ruonekwe sorusingakoshi kana kuti chingaita kuti titi rwaisava chibayiro kana kuti rwaisabvisa chivi.”—Verenga 1 Johani 2:1, 2.

2 Chimwe chezvikonzero zvakaita kuti Zion’s Watch Tower itange kubudiswa muna July 1879 ndechokutsigira dzidziso yeBhabheri yorudzikinuro. Yaiva ‘nezvokudya zvepanguva yakakodzera,’ nokuti mukupera kwema1800, nhamba yevaKristu vezita vaisava nechokwadi kana rufu rwaJesu ruri rudzikinuro rwezvivi zvedu yairamba ichikura. (Mat. 24:45) Panguva iyoyo, vakawanda vakatanga kudavira dzidziso yokuti vanhu vakatanga vari mhuka, pfungwa inopikisana neyokuti vanhu vakatanga vakakwana vakazotadza. Vanodzidzisa dzidziso iyi vanoti vanhu vari kuenda vachivandudzika nokupindana kwemakore saka havadi rudzikinuro. Saka zano rakanyorerwa Timoti nomuapostora Pauro rinonyatsobatsira panyaya iyi rokuti: “Rinda zvawakaronzeswa, uchifuratira kutaura kusina zvakunobatsira kunoshatisa zvinhu zvitsvene, nokupokanidzana pamusoro peinonzi ‘zivo’ iyo iri yenhema. Nokuti vachishamisira nezivo yakadaro, vamwe vakatsauka pakutenda.” (1 Tim. 6:20, 21)

3. Mibvunzo ipi yatava kuda kuongorora?

3 Chokwadi ndechokuti haudi zvachose ‘kutsauka pakutenda.’ Saka kuti urambe wakasimba pakutenda, zvinobatsira kuti uongorore mibvunzo iyi: Sei ndichida rudzikinuro? Mwari naKristu vakarasikirwa zvakadini kuti ruvepo? Ndingaita sei kuti ndibatsirwe nourongwa uhwu hunokosha kuti ndinunurwe pahasha dzaMwari?

Kununurwa Pahasha dzaMwari

4, 5. Chii chinoratidza kuti hasha dzaMwari dzinoramba dziri panyika iripo iye zvino?

4 Bhaibheri uye nhoroondo yokugara kwevanhu zvinoratidza kuti kubvira pakatadza Adhamu, “hasha dzaMwari dzinoramba dziri” pavanhu. (Joh. 3:36) Izvi zvinooneka pakuti hapana munhu akakwanisa kunzvenga rufu. Uchangamire hwaSatani hunopikisana nehwaJehovha hwatadza zvachose kudzivirira vanhu pamatambudziko ari kuitika, uye hapana hurumende yakakwanisa kupa vanhu vayo vose zvinhu zvavanoda kuti vararame. (1 Joh. 5:19) Naizvozvo vanhu vari kuoneswa chitsvuku nehondo, mhosva dziri kuparwa, uye urombo.

5 Saka zviri pachena kuti Mwari haasi kukomborera nyika iripo iye zvino. Pauro akati “hasha dzaMwari dziri kuratidzwa dzichibva kudenga kuzorwisa kusada Mwari kwose.” (VaR. 1:18-20) Saka vaya vanorarama zvinopesana nezvinodiwa naMwari vasingapfidzi, vachakohwa zvavanodyara. Nhasi hasha dzaMwari dziri kuziviswa mumashoko okutonga ari kudururwa sematambudziko panyika yaSatani, uye mashoko iwayo ari mumabhuku edu akawanda anotsanangura Bhaibheri.—Zvak. 16:1.

6, 7. VaKristu vakazodzwa vari kutungamirira pabasa ripi, uye mukana upi uchiripo kune vaya vari kudivi raSatani?

6 Izvi zvinoreva here kuti hapasisina nguva yokuti vanhu vabve kuna Satani vofarirwa naMwari? Kwete, uchiripo mukana wakakura wokuti vanhu vayanane naJehovha. VaKristu vakazodzwa, vanova “nhume dzinomiririra Kristu,” vari kutungamirira basa rokuparidza riri kuita kuti vanhu vemarudzi ose vakokwe vachinzi: “Yananiswai naMwari.”—2 VaK. 5:20, 21.

7 Muapostora Pauro akati Jesu “anotinunura pahasha dziri kuuya.” (1 VaT. 1:10) Kuratidzwa kwekupedzisira kwehasha dzaJehovha ikoko kuchaita kuti vatadzi vasingapfidzi vaparadzwe zvokusazovapozve. (2 VaT. 1:6-9) Saka ndiani achapukunyuka? Bhaibheri rinoti: “Anotenda muMwanakomana ane upenyu husingaperi; asingateereri Mwanakomana haazooni upenyu, asi hasha dzaMwari dzinoramba dziri paari.” (Joh. 3:36) Pachaguma nyika ino, vaya vose vari kurarama uye vari kutenda muna Jesu norudzikinuro vachapukunyuka matambudziko achakonzerwa nezuva rokupedzisira rehasha dzaMwari.

Mashandiro Anoita Rudzikinuro

8. (a) Itarisiro ipi yakazonaka yaiva naAdhamu naEvha? (b) Jehovha akaratidza sei kuti ndiMwari anotonga nyaya zvakarurama?

8 Adhamu naEvha vakasikwa vakakwana. Kudai vakaramba vachiteerera Mwari, nyika ino ingadai yakazara nevana vavo vanofara vachigara navo pamwe chete muParadhiso. Asi zvinosuwisa kuti vabereki vedu vokutanga ivavo vakatyora murayiro waMwari vachitoziva havo. Izvi zvakaita kuti vatongerwe rufu uye vadzingwe muParadhiso. Adhamu naEvha pavakazova nevana, chivi chakanga chatotanga kukanganisa vanhu, uye murume nomukadzi vokutanga ivavo vakazokwegura ndokufa. Izvi zvinoratidza kuti Jehovha zvaanotaura ndizvo zvaanoita. Uyezve ndiMwari anotonga nyaya zvakarurama. Jehovha akanga anyevera Adhamu kuti kudya muchero wakanga warambidzwa kwaizoita kuti afe, uye ndizvo zvakaitika.

9, 10. (a) Sei vanhu vakabva kuna Adhamu vachifa? (b) Tingaita sei kuti tisafa zvachose?

9 Sezvo takabva kwaari, Adhamu akatipa muviri usina kukwana unoita kuti tiite chivi uye tipedzisire tafa. Adhamu paakatadza zvinoita sokuti takanga tichiri maari. Saka paakatongerwa rufu isu takabatanidzwawo. Kudai Jehovha akaita kuti vanhu varege kufa pasina kubhadharwa nerudzikinuro, zvaisazoratidza kuti anoita zvaanenge ataura. Pauro aitoreva nezvedu tose paakati: “Nokuti tinoziva kuti Mutemo ndewomudzimu; asi ini ndiri wenyama, ndakatengeswa kuti ndive muranda wechivi. Ndiri munhu wenhamo! Ndiani achandinunura mumuviri uri kuwana rufu urwu?”—VaR. 7:14, 24.

10 Jehovha Mwari chete ndiye aigona kuita kuti pave nourongwa hwepamutemo hwaizoita kuti atikanganwire zvivi uye atisunungure pachirango chorufu. Izvi akazviita nokutuma Mwanakomana wake anodiwa kubva kudenga kuti azoberekwa somunhu akakwana, uyo aizopa upenyu hwake sorudzikinuro nokuda kwedu. Jesu akasiyana naAdhamu pakuti akaramba ari munhu akakwana. Chokwadi, “haana kuita chivi.” (1 Pet. 2:22) Saka Jesu aikwanisa kubereka vanhu vasina chivi. Asi panzvimbo pokudaro akaita kuti vavengi vaMwari vamuuraye kuitira kuti vana vaAdhamu vanotadza vave vake uye kuti vaya vanotenda maari vawane upenyu husingaperi. Magwaro anotsanangura kuti: “Kuna Mwari mumwe chete, nomurevereri mumwe chete pakati paMwari nevanhu, Kristu Jesu, iye munhu, akazvipa kuti ave rudzikinuro runoenzanirana navose.”—1 Tim. 2:5, 6.

11. (a) Kubatsira kunoita rudzikinuro tingakufananidza nei? (b) Rudzikinuro runobatsira zvakadini?

11 Mashandiro anoita rudzikinuro angafananidzwa nezvinoitika kana vanhu vabiridzirwa mari dzavo nebhangi rine uori vova nechikwereti. Varidzi vebhangi racho vanotongerwa kugara mujeri kwemakore zvakakodzerana nemhosva yavo. Asi zvakadini nevabiridzirwa vacho vasina chavakakanganisa? Vasiyiwa vari muurombo husingaiti, havasisina zvavachakwanisa kuita asi kutoti pakava nemunhu ane mutsa uye akapfuma anovhura bhangi racho ovadzorera mari dzavo, achivasunungura pachikwereti. Ndizvowo zvakaitwa naJehovha Mwari neMwanakomana wake, vakatenga vana vaAdhamu vakadzima chikwereti chechivi vachishandisa ropa rakadeurwa raJesu. Ndokusaka Johani Mubhabhatidzi akataura nezvaJesu kuti: “Onai, Gwayana raMwari rinobvisa chivi chenyika!” (Joh. 1:29) Nyika ine zvivi zvinobviswa inosanganisira vanhu vapenyu nevakafa.

Kurasikirwa Kwakaita Mwari naKristu Kuti Ruvepo

12, 13. Tinodzidzei pakubvuma kwakaita Abrahamu kupa Isaka sechibayiro?

12 Hazviiti kuti tinyatsonzwisisa kuti Baba vedu vokudenga neMwanakomana wavo anodiwa vakarasikirwa zvakadini kuti vatidzikinure. Asi Bhaibheri rinotaura nezvezvimwe zvakaitika zvinotibatsira kuti tifungisise nezvenyaya iyi. Somuenzaniso, imbofungidzira kuti Abrahamu anofanira kunge akanzwa sei paakaita rwendo rwemazuva matatu kuenda kuMoriya achiteerera Mwari akanga amuudza kuti: “Ndapota, tora mwanakomana wako, mwanakomana wako mumwe chete waunoda kwazvo, Isaka, uende kunyika yeMoriya, umupe sechinopiwa chinopiswa ikoko pane rimwe gomo randichakusarudzira.”—Gen. 22:2-4.

13 Abrahamu akazosvika panzvimbo yaakanga asarudzirwa. Imbofunga kunetseka kwaanofanira kunge akaita paakasunga maoko nemakumbo aIsaka, ndokumuradzika paatari yaakanga agadzira iye Abrahamu. Zvinofanira kunge zvakarwadza chaizvo Abrahamu kusimudza banga raaizourayisa naro mwanakomana wake. Imbofungidzira kuti Isaka ainzwa sei paakanga akarara paatari, achimirira kunzwa banga richinyatsomuvhivhinga, orwadziwa kusvikira afa. Ngirozi yaJehovha yakamisa Abrahamu asati auraya mwanakomana wake. Zvakaitwa ipapo naAbrahamu naIsaka zvinotibatsira kunzwisisa kurwadziwa kunofanira kunge kwakaitwa Jehovha paakabvumira vamiririri vaSatani kuuraya Mwanakomana wake. Kuteerera kwakaita Isaka pane zvaainzi naAbrahamu aite kunonyatsoratidza kubvuma kwakaita Jesu kutambura uye kutifira.—VaH. 11:17-19.

14. Chii chakaitika muupenyu hwaJakobho chinotibatsira kunzwisisa kurwadziwa kwakaitwa Jehovha paakaita kuti rudzikinuro ruvepo?

14 Manzwiro akaita Jehovha paakaita kuti rudzikinuro ruvepo anogona kufananidzirwa nechimwe chiitiko muupenyu hwaJakobho. Pavana vake vose, Jakobho ainyanya kuda Josefa. Zvinosuwisa kuti vakoma vake vakamuitira godo uye vakamuvenga. Asi Josefa akabvuma kutumwa nababa vake kunoona kuti vakoma vake vakanga vakadini. Panguva iyoyo vakanga vari kure nokumba kwavo kuHebroni nemakiromita 100 nechokuchamhembe vachifudza makwai aJakobho. Imbofungidzira kuti Jakobho akanzwa sei vanakomana vake pavakadzoka nenguo yaJosefa yakazara ropa. “Inguo yomwanakomana wangu!” akadaro Jakobho achivhunduka. “Chikara chinorura chinofanira kuva chakamudya! Chokwadi Josefa akabvamburwa-bvamburwa!” Zvose izvi zvakarwadza chaizvo Jakobho uyo akachema Josefa kwemazuva akawanda. (Gen. 37:33, 34) Jehovha haabve aita sezvinoita vanhu vasina kukwana kana paine chinenge chaitika. Asi kufungisisa chiitiko ichi chomuupenyu hwaJakobho kungatibatsira kuti titi nzwisisei manzwiro anofanira kunge akaita Mwari pakatambudzwa Mwanakomana wake anodiwa achiurayiwa zveutsinye pasi pano.

Kubatsirwa Norudzikinuro

15, 16. (a) Jehovha akaratidza sei kuti akagamuchira rudzikinuro? (b) Wakabatsirwa sei norudzikinuro?

15 Jehovha akamutsa Mwanakomana wake akatendeka aine muviri womudzimu unokudzwa. (1 Pet. 3:18) Jesu paakamutswa akapedza mazuva 40 nevadzidzi vake, achisimbisa kutenda kwavo uye achivagadzirira kuti vazoita basa guru rokuparidza. Akazokwira kudenga, uko kwaakasvika kuna Mwari achiratidza kuti akanga adeura ropa rake kuti rizoshandiswa kubatsira vateveri vake vechokwadi, vanotenda muchibayiro chake chorudzikinuro. Jehovha Mwari akaratidza kuti akagamuchira rudzikinuro rwaKristu paakaita kuti Jesu adurure mudzimu mutsvene pavadzidzi vake vakanga vakaungana muJerusarema pazuva rePendekosti ya33 C.E.—Mab. 2:33.

16 Vateveri vaKristu vakazodzwa ivavo vakabva vatanga kukurudzira vamwe kuti vapukunyuke hasha dzaMwari nokubhabhatidzwa muzita raJesu Kristu kuitira kuti vakanganwirwe zvivi. (Verenga Mabasa 2:38-40.) Kubvira pazuva iroro risingakanganwiki kusvika iye zvino, mamiriyoni evanhu vemarudzi ose akava neukama naMwari kuburikidza nokutenda muchibayiro chaJesu chorudzikinuro. (Joh. 6:44) Patasvika iye zvino nenyaya yedu tinofanira kufunga nezvemibvunzo miviri: Pane munhu angati ndakapiwa tariro youpenyu husingaperi nokuti ndinoita mabasa akanaka here? Zvinogona kuitika here kuti tirasikirwe netariro yakanaka zvakadaro?

17. Unofanira kuona sei chikomborero chinoshamisa chokuva shamwari yaMwari?

17 Hapana zvachose munhu angakwanisa kuti ashandire rudzikinuro. Asi nokutenda maruri, mamiriyoni mazuva ano ava shamwari dzaMwari uye ava netariro youpenyu husingaperi muparadhiso pasi pano. Zvisinei, kuva shamwari dzaJehovha hakurevi kuti ticharamba tiri muukama hwakadaro naye. Kuti tipukunyuke zuva rokutsamwa kwaMwari, tinofanira kuramba tichiratidza kuonga chaizvo “rudzikinuro rwakabhadharwa naKristu Jesu.”—VaR. 3:24; verenga VaFiripi 2:12.

Ramba Uchitenda Murudzikinuro

18. Kutenda murudzikinuro kunosanganisirei?

18 Rugwaro ruri kutungamirira nyaya ino, Johani 3:36, runoratidza kuti kutenda muna Jesu Kristu kunosanganisira kumuteerera. Kuonga rudzikinuro kunofanira kutiita kuti tirarame maererano nedzidziso dzaJesu, dzinosanganisira nzira yokuzvibata nayo. (Mako 7:21-23) “Hasha dzaMwari dziri kuuya” pane vose vasingapfidzi vanoramba vachiita zvinhu zvakadai soufeve, kutaura majee anonyadzisa, uye ‘kusachena kwemarudzi ose,’ kunosanganisira kuramba munhu achingotarira zvinonyadzisira.—VaEf. 5:3-6.

19. Ndezvipi zvatingaita kuratidza kuti tinotenda murudzikinuro?

19 Kuonga kwatinoita rudzikinuro kunofanira kutiita kuti tirambe takabatikana nokuita “mabasa okuzvipira kuna Mwari.” (2 Pet. 3:11) Ngativei nenguva yokuramba tichinyengetera nomwoyo wose, kudzidza Bhaibheri tiri toga, uye kushingairira kuita basa rokuparidza Umambo. Uye ‘ngatisakanganwa kuita zvakanaka nokugoverana zvinhu nevamwe, nokuti Mwari anofadzwa kwazvo nezvibayiro zvakadaro.’—Heb. 13:15, 16.

20. Vose vanoramba vachitenda murudzikinuro vanotarisira zvikomborero zvipi?

20 Hasha dzaJehovha padzichatanga kuratidzwa panyika ino yakaipa, tichafara chaizvo kuti takaratidza kutenda murudzikinuro uye takaramba tichiruonga. Uye munyika itsva yakapikirwa naMwari, tichaonga urongwa uhwu hunoshamisa hwakatinunura pahasha dzaMwari.—Verenga Johani 3:16; Zvakazarurwa 7:9, 10, 13, 14.

Ungapindura Sei?

• Sei tichida rudzikinuro?

• Mwari naJesu vakarasikirwa zvakadini kuti pave norudzikinuro?

• Chii chatinowana kubva mukupiwa kwakaitwa rudzikinuro?

• Tinoratidza sei kuti tinotenda muchibayiro chaJesu chorudzikinuro?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 13]

Vaya vanoda kuyanana naJehovha vachiine mukana wakakura wokudaro

[Mifananidzo iri papeji 15]

Kufungisisa zvakaitika kuna Abrahamu, Isaka, uye Jakobho kunogona kutibatsira kunzwisisa manzwiro akaita Jehovha naJesu pavakaita kuti rudzikinuro rupiwe