Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Sei Jesu akaudza mukadzi aizivikanwa kuti mutadzi kuti zvivi zvake zvakanga zvakanganwirwa?—Ruka 7:37, 48.

Apo Jesu ainge akatsenhama patafura yezvokudya mumba momuFarisi ainzi Simoni, mumwe mukadzi ‘akaenda necheshure pedyo netsoka dzaJesu.’ Akanyorovesa tsoka dzaJesu nemisodzi yake, akadzipukuta nebvudzi rake. Akatsvoda tsoka dzake zvinyoronyoro akadzizora mafuta anonhuwirira. Nhoroondo yacho yeEvhangeri inoti, mukadzi uyu “aizivikanwa muguta racho kuti aiva mutadzi.” Ichokwadi kuti munhu wose ane chivi, asi Magwaro anowanzoshandisa shoko iri kutsanangura munhu anotozivikanwa kuti ndiwo maitiro ake kana kuti ane mukurumbira wokuita chivi. Mukadzi uyu anogona kunge aiva pfambi. Munhu akadaro iyeye ndiye akanzi naJesu: “Zvivi zvako zvakanganwirwa.” (Ruka 7:36-38, 48) Jesu airevei? Mukadzi uyu aizokanganwirwa sei, sezvo chibayiro chorudzikinuro chainge chisati chapiwa?

Mushure mokunge mukadzi uyu ageza tsoka dzaJesu ndokudzizora mafuta asi asati akanganwirwa, Jesu akashandisa muenzaniso kutsanangura pfungwa inokosha kuna Simoni uyo ainge amukoka kumba kwake. Achifananidza chivi nechikwereti chikuru chinoda kubhadharwa, Jesu akati kuna Simoni: “Varume vaviri vakanga vaine chikwereti nomumwe mukweretesi; mumwe aiva nechikwereti chemadhinari mazana mashanu, asi mumwe wacho makumi mashanu. Pavakashaya chinhu chokuripa nacho, akavakanganwira vose nomwoyo wose. Naizvozvo, ndiani wavo achamuda zvakanyanya?” Achipindura, Simoni akati: “Ndinofunga kuti ndouya ane zvizhinji zvaakakanganwirwa nomwoyo wose.” Iye akati kwaari: “Wafunga zvakarurama.” (Ruka 7:41-43) Tose tinofanira kuteerera Mwari, saka paya patinorega kumuteerera tomutadzira, tinenge tatadza kubhadhara chikwereti chedu. Saka chikwereti chedu chinoramba chichikura. Asi Jehovha akaita somukweretesi anoda kukanganwira vaya vane zvikwereti naye. Ndosaka Jesu akakurudzira vateveri vake kunyengetera kuna Mwari vachikumbira kuti: “Tikanganwirei zvivi zvedu, sezvatakanganwirawo vakatitadzira.”—Mat. 6:12.

Mwari aikanganwira sei zvivi kare? Pamatongero ake chaiwo akakwana anoti munhu anenge aita chivi atongerwe rufu. Izvi zvakaita kuti Adhamu abhadhare zvivi zvake noupenyu hwake. Zvisinei, muMutemo wakapiwa rudzi rwaIsraeri naMwari, munhu aityora mutemo aiita kuti zvivi zvake zvikanganwirwe nokupa mhuka sechibayiro kuna Jehovha. Muapostora Pauro akati: “Zvinenge zvinhu zvose zvinocheneswa neropa maererano noMutemo, uye kana ropa rikasadururwa hapana kukanganwirwa kunovapo.” (VaH. 9:22) VaJudha vakanga vasina imwe nzira yavaiziva yokuti munhu aigona kukanganwirwa naMwari. Saka hazvishamisi kuti vanhu vaivepo mazuva aJesu vakapokana nezvaakataura kumukadzi wacho. Vaya vaive naJesu patafura vakati mumwoyo mavo: “Munhu uyu ndiani anotokanganwira zvivi?” (Ruka 7:49) Saka chii chakashandiswa pakukanganwirwa kwomukadzi uyu akanga akaremerwa nezvivi?

Chiprofita chokutanga chaicho kutaurwa pashure pokupanduka kwevabereki vokutanga, chakataura nezvechinangwa chaJehovha chokumutsa “mbeu” yaizopwanywa chitsitsinho naSatani ‘nembeu’ yake. (Gen. 3:15, mashoko omuzasi.) Uku kupwanywa kwakaitika apo Jesu akaurayiwa nevavengi vaMwari. (VaG. 3:13, 16) Kudeuka kweropa raJesu ndirwo rudzikinuro runosunungura vanhu muchivi norufu. Sezvo pasina chinotadzisa Jehovha kuzadzisa chinangwa chake, kubvira pakataurwa mashoko akanyorwa pana Genesisi 3:15, mumaonero aMwari, rudzikinuro rwainge rwatobhadharwa. Aigona kutokanganwira vaya vanotenda mune zvaakapikira.

ChiKristu chisati chavapo, kune vanhu vakawanda vakanzi naJehovha vakarurama. Vamwe vacho ndiInoki, Noa, Abrahamu, Rakabhi uye Jobho. Nokutenda, vakatarisira kuzadziswa kwezvipikirwa zvaMwari. “Abrahamu akatenda muna Jehovha,” akanyora kudaro mudzidzi Jakobho, “akanzi akarurama.” Jakobho akati nezvaRakabhi: “Saizvozvowo Rakabhi hure, haana kunziwo akarurama nemabasa here?”—Jak. 2:21-25.

Mambo Dhavhidhi weIsraeri yekare akaita zvivi zvakakura, asi akaramba aine kutenda kwakasimba muna Mwari wechokwadi uye airatidza kuti apfidza zvechokwadi nguva yose yaaiita chivi. Kuwedzera pane izvi, Magwaro anoti: “Mwari akaita kuti [Jesu] ave sechinopiwa chokuyananisa nokutenda muropa rake. Izvi zvakaitirwa kuti aratidze kururama kwake, nokuti Mwari akanga achikanganwira zvivi zvakaitika munguva yakapfuura, paakanga achishivirira; kuti aratidze kururama kwake mumwaka uno uripo, kuti ave akarurama kunyange pakuti munhu anotenda muna Jesu akarurama.” (VaR. 3:25, 26) Achishandisa chibayiro chorudzikinuro chaJesu chaizouya, Jehovha akakanganwira kutadza kwaDhavhidhi, asingatyori mutemo wematongero ake akarurama.

Zviri pachena kuti mamiriro ezvinhu omukadzi uya akazora Jesu mafuta aive akadaro. Ainge ararama upenyu hwounzenza asi ainge apfidza. Akaziva kuti aifanira kudzikinurwa muzvivi zvake uye akazviratidza nemabasa kuti aionga zvechokwadi munhu akashandiswa naJehovha kuti rudzikinuro ruvepo. Kunyange zvazvo chibayiro ichi chainge chisati chapiwa, chaizivikanwa kuti chichatovapo chete zvokuti ukoshi hwacho hwaigona kushandiswa pavanhu vakaita saiye. Saka Jesu akamuudza kuti: “Zvivi zvako zvakanganwirwa.”

Nyaya iyi inonyatsoratidza kuti Jesu akanga asingasemi vatadzi. Aivaitira zvakanaka. Uyezve Jehovha anotoda kukanganwira vatadzi vanopfidza. Iyi ivimbiso inoshamisa uye inokurudzira sei kwatiri isu vanhu vane chivi!

[Mufananidzo uri papeji 7]

Vakanzi vakarurama