Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Munhu Wose Ari Kukokwa!

Munhu Wose Ari Kukokwa!

Munhu Wose Ari Kukokwa!

KUKOKWA kupi? Kuzoshanyira imwe yemahofisi ebazi eZvapupu zvaJehovha, anowanzozi Bheteri. Kune nzvimbo dzakadaro dzinokwana 118 munyika dzakasiyana-siyana. Vashanyi vanowanzoyemura nomwoyo wose zvavanoona zvichiitwa paBheteri.

Mumwe wechiduku aidzidza Bhaibheri, akaona vashandi vakawanda vaishingaira vachishumira Jehovha vachifara pahofisi yebazi yokuMexico, ndokubvunza kuti: “Ndinofanira kuitei kuti ndigarewo pano?” Akaudzwa kuti: “Chokutanga, unofanira kubhabhatidzwa. Uye zvakanakawo kuti uzova piyona, muzivisi woUmambo wenguva yakazara.” Mukomana uyu akaita sezvaakanga audzwa, uye makore maviri gare gare akadaidzwa kuti azoshanda paBheteri rokuMexico, uko kwaava nemakore 20 achishumira.

Chii Chinonzi Bheteri?

Mumutauro wechiHebheru, “Bheteri” zvinoreva “Imba yaMwari.” (Gen. 28:17, 19) Zvivako zviri pamahofisi ebazi akasiyana-siyana zvinoshandiswa pakudhinda uye kuparadzira maBhaibheri nemabhuku anoritsanangura uye zvokudya zvinosimbisa vanhu pakunamata zvinotsigira ungano dzinopfuura 100 000 dzeZvapupu zvaJehovha munyika yose. Varume nevakadzi vanoda kusvika 20 000 vanoshanda paBheteri nguva yakazara uye vanobva kwakasiyana-siyana, vachizvipira kushumira Jehovha uye hama nehanzvadzi dzavanonamata nadzo. Vaya vane makore akawanda vachiita basa iri rechiKristu vanoshanda nevechiduku vachine simba. Kana ava manheru uye panopera vhiki, vanhu vanoshanda paBheteri vanonakidzwa nokuenda kumisangano yeungano dzeZvapupu zvaJehovha dziri pedyo uye vanonoparidza. Vanoshandisawo nguva yavanenge vasiri pabasa kudzidza Bhabheri, kutandara nevamwe, uye kuita zvimwe zvinhu zvavanoda.

Vanhu vanoshanda paBheteri vanopiwa kamari pamwedzi kanovabatsira pane zvimwe zvinhu zvavanoda. Vanogara mudzimba dzakanaka, dzakachena vachidya zvokudya zvinonaka chaizvo uye zvinovaka muviri. Dzimba dzepaBheteri hadzisi dzoumbozha. Asi dzinogarika zvakanaka. Vashanyi vanopedzwa mate mukanwa pavanoona zvivako zvacho nechivanze zvakachena, basa rinoitwapo rakarongeka, uye mutsa nokushandira pamwe kunoita vanoshanda paBheteri. Munhu wose aripo anoshanda nesimba, asi kwete zvokushaya nguva yokuva munhu ane ushamwari. PaBheteri hapana anonzi ndiye wepamusoro kana kuti anozviona seakakwirira kupfuura vamwe nemhaka yebasa raanoita. Basa rose rinoitwapo rinokosha, ringave rokuchenesa, kushanda mugadheni, kubika kana kushanda munodhindwa mabhuku kana muhofisi. Vashandi vepaBheteri vanoshanda pamwe chete seboka kuti vatsigire ushumiri hunoitwa neZvapupu zvaJehovha.—VaK. 3:23.

Ngatinzwei Nezvevamwe Vanoshanda paBheteri

Ngatimbodzidzei nezvevamwe vari mumhuri iyi inoumbwa nevanhu vanobva munyika yose. Chii chakaita kuti vade kushanda paBheteri? Tine muenzaniso waMario. Paakava mumwe weZvapupu zvaJehovha, Mario akanga aine basa repamusoro-soro paimwe kambani huru inogadzira motokari kuGermany uye aiva nomukana wokukwidziridzwa pabasa. Angoti garei zvishoma abhabhatidzwa, akazvipira kunoshanda vhiki imwe chete paBheteri munyika yaanogara. Akapiwa basa rokubatsira pakudhinda mabhuku. Mario akanyatsoona musiyano waivapo pane vaaishanda navo paBheteri nevaaishanda navo kubasa kwake. Saka akanyorera kuti ashande paBheteri nguva yakazara. Kunyange zvazvo hama dzake nevaaishanda navo vasina kunyatsonzwisisa chisarudzo chake, iye zvino Mario ari kufara kushanda paBheteri rokuGermany.

Vakawanda vanoenda kuBheteri vasina basa ravakadzidzira kana kuti ravanogona. Ndizvo zvakaitwa naAbel, uyo ashanda paBheteri rokuMexico kwemakore 15. “Bheteri chikoro chaicho kwandiri,” akadaro. “Ndakadzidza kushandisa michina inodhinda mabhuku yakaoma kunzwisisa. Ndinozviziva kuti dai ndiri kushanda kunyika ndaizowana mari yakawanda noruzivo rwandava narwo urwu, asi ndaizorasikirwa nekaupenyu kandiri kurarama pano kakati zii, kanogutsa kasina kutya uye makwikwi zviri mumakambani akawanda. Ndinofunga kuti ndawana dzidzo yakanaka isingagoni kwawanikwa nevamwe, iyo yakandibatsira pakuva noruzivo uye pakunamata. Kunyange yunivhesiti inonzi yakanaka kupfuura dzose yaisazombondibatsira zvakadaro.”

Kushanya Kunogona Kukurudzira

Kungoshanyira Bheteri kunogona kuvandudza ukama hwomunhu naMwari. Ndizvo zvakaitika kuna Omar, wokuMexico. Amai vake vakamudzidzisa chokwadi cheBhaibheri. Asi paakanga ava nemakore 17, Omar akarega kupinda misangano yechiKristu uye kuparidza. Akazotanga kuita zvemisikanzwa uye kuda zvinhu zvakawanda zvomunyika. Paakazenge ava kushanda pane imwe kambani yaiona nezvokufambiswa kwemashoko, Omar aivawo pane vakashanyira Bheteri rokuMexico kuti varatidze mashandiro anoita zvigadzirwa zvavo. Omar anoti: “Pashure pokunge tavaratidza zvinhu zvedu, vakange vatigamuchira vakatenderera nesu vachitiratidza nzvimbo yacho. Zvandakaona uye mabatirwo andakaitwa zvakandiita kuti ndifungisise nezvoupenyu hwangu, hwokusiya kwandakanga ndaita Jehovha. Ndakabva ndangotanga kupinda misangano zvakare uye kudzidza Bhaibheri. Mwedzi mitanhatu ndashanyira Bheteri, ndakabhabhatidzwa. Ndinoonga Jehovha nokukurudzirwa kwandakaitwa pandakashanyira Bheteri.”

Masahiko wokuJapan, akarerwawo mumhuri yeZvapupu. Asi akatanga kufunga kuti mararamiro echiKristu aisaita kuti asununguke kuita zvaaida. Akatanga kubatikana chaizvo nokuita basa rokuchikoro uye akarega kupinda misangano uye kuita basa rokuparidza. Masahiko anoyeuka kuti: “Mumwe musi vanhu vokumba kwedu neshamwari dzavo dzechiKristu dzakati kuti vakaronga kushanyira Bheteri. Ndakanyengetedzwa nevanhu vokumba kwedu ndikaendawo. Pandakatenderera paBheteri ndakakurudzirwa zvandaive ndisati ndamboita. Ndiine shamwari dzangu dzisiri Zvapupu ndaive ndisati ndambonakidzwa sezvandakaitwa parwendo irworwo nevamwe vaKristu. Ndakatanga kuva nechido chokurarama somuKristu, uye ndakakumbira kudzidziswa Bhaibheri.” Iye zvino Masahiko ari kuita basa renguva yakazara muungano yaanopinda.

Chimwe Chapupu chokuFrance chakaenda kuMoscow kunoshanda. Asvika ikoko haana kuonana nevanhu vaJehovha uye akatanga kuderera pakunamata. Akatanga kuita zvakaipa ndokuzoroorwa nomurume aisava Chapupu. Imwe hanzvadzi yechiKristu yakazomushanyira ichibva kuFrance, uye yakaenda naye kuSt. Petersburg, Russia, kunoshanyira Bheteri. Anonyora kuti: “PaBheteri takagamuchirwa zvakanaka chaizvo, uye zvakandikurudzira. Paiva norugare chairwo. Ndakanyatsoona kuti paiva nomudzimu waJehovha. Ko ndakanga ndasiyirei sangano raJehovha? Pashure pokushanyira Bheteri ndakanyengetera kuti ndibatsirwe naJehovha uye ndakatanga kudzidzisa vana vangu Bhaibheri ndava neshungu.” Kuwedzera kune rumwe rubatsiro rwokunamata rwaakawana, mukadzi uyu akanga amboderera pakunamata akanyanyosimbiswa nokushanyira kwaakaita Bheteri uye akazofambira mberi zvakanaka.

Ko kushanyira Bheteri kunosiya vamwe vasinganyatsozivi Zvapupu zvaJehovha vava kuona sei? Muna 1988, Alberto, uyo aiva akanyura mune zvematongerwo enyika akashanyira Bheteri rokuBrazil. Akapedzwa mate mukanwa nokuchena uye kurongeka kwapakanga pakaita uye nokushanda kwaiita vanhu vacho vasingaiti zvechivande. Nguva pfupi asati ashanyira Bheteri, akanga amboshanyira chimwe chikoro chinodzidzisa vafundisi panoshanda tsano vake somupristi. Alberto akaona musiyano waivapo. “Zvose zvaiitwa pachikoro ichocho zvaiva zvepachivande,” akadaro Alberto. Nguva pfupi ashanyira Bheteri, akabvuma kudzidza Bhaibheri, akasiyana nezvematongerwo enyika, uye iye zvino ari kushanda somukuru muungano.

Uya Uzoonawo Bheteri!

Vakawanda vakashanda nesimba zvikuru kuti vashanyire hofisi yebazi munyika mavo. Somuenzaniso, Paulo naEugenia vokuBrazil vakachengeta mari yavo kwemakore mana kuti vazoita rwendo rwebhazi, makiromita 3 000 kwemazuva maviri, kuti vanoona Bheteri munyika iyoyo. Vakati: “Takashandira zviripo. Iye zvino tava kunyatsonzwisisa zvakaita sangano raJehovha. Patinotsanangurira vadzidzi vedu veBhaibheri basa rinoitwa paBheteri, dzimwe nguva vanobvunza kuti, ‘Makambosvikako here?’ Iye zvino tinongoti ehe.”

Munyika yaunogara kana kuti munyika iri pedyo mune hofisi yebazi nomusha weBheteri here? Tinokukoka kuti uishanyire. Chokwadi uchagamuchirwa nomwoyo wose uye uchabatsirwa zvikuru pane zvokunamata kana ukashanyira Bheteri.

[Mufananidzo uri papeji 18]

Mario

[Mufananidzo uri papeji 18]

Abel

[Mufananidzo uri papeji 18]

Germany

[Mufananidzo uri papeji 18]

Japan

[Mufananidzo uri papeji 18]

Brazil