Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ramba Kungoita Gundamusaira

Ramba Kungoita Gundamusaira

Ramba Kungoita Gundamusaira

PFUNGWA dzokuti ichi chinhu chakanaka kana kuti chakaipa uye kuti ichi ndicho chinorumbidzwa kana kuti chinonyadzisa dzinosiyana munzvimbo nenzvimbo. Dzinochinjawo nokufamba kwenguva. Saka patinoverenga nhoroondo dziri muMagwaro dzezvinhu zvakaitika kare kare, tinoda kufunga kuti vanhu vaiona sei zvinhu uye vaiva netsika dzakaita sei pakanyorwa Bhaibheri, kwete kuti isu tifunge zvatinoda patinenge tichiverenga.

Somuenzaniso, funga nezvepfungwa mbiri dzinotaurwa dzataurwazve muMagwaro echiKristu echiGiriki, dzinoti kukudzwa uye kunyadziswa. Kuti tinyatsonzwisisa ndima dzinotaura nezvokukudzwa uye kunyadziswa, tinofanira kufunga kuti vanhu vairarama panguva iyoyo vaizviona sei.

Maonero Aiita Vanhu Zvinhu Muzana Remakore Rokutanga

“Mutsika dzavo nemagariro, VaGiriki, vaRoma, uye vaJudha vose vaiona kukudzwa uye kunyadziswa sezvinhu zvaibata-bata upenyu hwomunhu wose,” akadaro mumwe muzvinadzidzo. “Vanhu vairaramira uye vaifira kuti vakudzwe, vave nomukurumbira, vafarirwe, uye varemekedzwe.” Izvi zvaiita kuti vave nyore kutevedzera zvinofungwa nevamwe.

Kuti ndiwe ani, une chinzvimbo chipi, uye unokudzwa here ndiko kwainyanya kukosheswa nokuti vanhu vose vaingofunga nezvezvinzvimbo, izvo zvaibvira pakuva weimba huru kusvika pakuva muranda. Kukudzwa ndiko kwaiita kuti munhu azvikoshese uye akosheswe nevamwe. Kukudza munhu kwaireva kuti waibvuma pamberi poruzhinji kuti aizvibata nenzira yaitarisirwa kwaari. Kukudza munhu kwairevawo kuti waitorwa mwoyo nepfuma yake, basa rake, kana kuti imba yaanobva yakakwirira, saka waifanira kumupa ruremekedzo rwakamukodzera. Kukudzwa kwaigona kubva pakuita zvinhu zvakanaka, kana kuti pakukunda vamwe pane zvimwe zvinhu. Ukuwo, kunyadziswa, kana kuti kushorwa kwaideredza munhu uye kwaiita kuti anyombwe noruzhinji. Yakanga isiri nyaya yokuti uri kunzwa sei kana kuti hana yako iri kutii, asi chairwadza kuziva kuti uri kushorwa noruzhinji.

Pakataurwa naJesu nezvokuti munhu anopiwa pokugara “panzvimbo yepamusorosoro” kana kuti “panzvimbo yakadereresa” pamabiko, aitaura nezvokukudzwa kana kuti kunyadziswa maererano nemaonero aiitwa zvinhu mazuva iwayo. (Ruka 14:8-10) Pazviitiko zvinopfuura zviviri, vadzidzi vaJesu vakaitirana nharo “pamusoro pokuti ndiani wavo aiita somukuru pane vose.” (Ruka 9:46; 22:24) Vairatidza chainyanya kukosheswa nevanhu vavairarama navo. Ukuwo, vatungamiriri vechitendero vechiJudha vaizvikudza uye vaida zvemakwikwi, vakaona kuparidza kwaJesu sekwaideredza kukudzwa kwavo nesimba ravo. Zvisinei, pose pavaiedza kumukunda panharo dzavaimuitisa pakazara vanhu, ndivo vaipedzisira vashaya romuromo.—Ruka 13:11-17.

Chimwe chinhu chainyadzisa zvokuti munhu aishaya pokupinda kuvaJudha, kuvaGiriki, nevaRoma “kusungwa wopomerwa mhosva vanhu vose vachiona.” Zvainyadzisa kuti munhu asungwe kana kuti apfigirwe. Kubatwa nenzira iyoyo kwaiita kuti munhu anyare pamberi pehama neshamwari nevamwe vanhu vose, kunyange kana asingazobatwi kuti ane mhosva. Nemhaka yezvinenge zvaitwa mukurumbira wake, kubvira ipapo aigona kutanga kuzviona somunhu wenhando uye zvaigona kukanganisa ukama hwake nevamwe. Chainyanya kunyadzisa kupfuura kusungwa kwaiva kukumurwa mbatya nokuzvamburwa. Kubatwa zvakadaro kwaiita kuti munhu azvidzwe uye atsvinyirwe, zvomubvisa chimiro.

Kuurayiwa munhu achiita zvokurovererwa padanda kwaimunyadzisa zvokupedzisira. Chirango chakadaro chorufu chaiva “chemuranda,” anodaro mumwe muzvinadzidzo Martin Hengel. “Saka kwaive kunyadzisa munhu uye kumurwadzisa kusvika pokupedzisira.” Hama neshamwari dzomunhu ainge ashorwa zvakadaro dzaiitwa kuti dzinyare kuva noukama naye uye dzimurambe. Sezvo Kristu akafa nenzira iyi, vose vaida kuva vaKristu muzana remakore rokutanga vaitofanira kusekwa noruzhinji. Zvimwe vanhu vakawanda vaiona sokuti kupenga chaiko kuti munhu azviti ndiri muteveri womunhu akafa achiita zvokurovererwa. “Isu tinoparidza Kristu akarovererwa,” akanyora kudaro muapostora Pauro, “izvo zviri chikonzero chokugumbuka kuvaJudha asi upenzi kune mamwe marudzi.” (1 VaK. 1:23) VaKristu vokutanga vakaita sei nedambudziko iri?

Maonero Akasiyana Neevamwe

VaKristu vomuzana remakore rokutanga vaiteerera mutemo uye vaiedza kusaita zvinhu zvaizoita kuti vanyare vatadza kuzvibata. “Ngaparege kuva nomumwe wenyu anotambura nokuti imhondi kana mbavha kana munhu anoita zvakaipa kana munhu anopindira munyaya dzevamwe vanhu,” akadaro muapostora Petro. (1 Pet. 4:15) Zvisinei, Jesu akagara ataura kuti vateveri vake vaizotambudzwa nokuda kwezita rake. (Joh. 15:20) Muapostora Petro akanyora kuti: “Kana [munhu] achitambura nokuti muKristu, ngaarege kunyara, asi ngaarambe achikudza Mwari.” (1 Pet. 4:16) Kusanyara uchitambudzirwa kutevera Kristu kwaiva kuita zvinopesana nemaonerwo aiitwa zvinhu panguva iyoyo.

VaKristu vaisaumbirwa tsika dzavo nemaonero aiita vanhu zvinhu. Vanhu vomuzana remakore rokutanga vaiona kuva naMesiya akarovererwa soupenzi chaihwo. Maonero iwayo anogona kunge aiomesera vaKristu kuti vaedze kufunga sezvaiita vamwe vanhu vose. Zvisinei, kutenda kwavo kuti Jesu ndiye aiva Mesiya kwaida kuti vamutevere, kunyange vaizosekwa. Jesu akati: “Munhu wose anonyara ini nemashoko angu muchizvarwa ichi choupombwe chinotadza, Mwanakomana womunhu achamunyarawo paanosvika ari mukubwinya kwaBaba vake aine ngirozi tsvene.”—Mako 8:38.

Nhasi uno kunogona kuva nevanhu vanoedza kutiita kuti tisiye chiKristu. Vanhu vacho vangava vatinodzidza navo, vavakidzani vedu, kana vatinoshanda navo vangada kuti tiite zvounzenza, zvokusavimbika, kana kuita zvimwe zvinhu zvinosiya mibvunzo. Vanhu vakadaro vanogona kuedza kuita kuti tinyare nokuti tiri kutsigira tsika dzakanaka. Tingaita sei pakadaro?

Tevedzera Vaya Vasina Kuva Nehanya Nokunyadziswa

Jesu akaurayiwa nenzira inoshoreka kusvika pokupedzisira, achiedza kuramba akaperera kuna Jehovha. “Akatsungirira padanda rokutambudzikira . . . asina hanya nokunyadziswa.” (VaH. 12:2) Vavengi vaJesu vakamurova nembama, vakamusvipira, vakamukumura mbatya, vakamuzvambura, vakamuroverera, ndokumutsvinyira. (Mako 14:65; 15:29-32) Asi Jesu haana kumbova nehanya nokuedza kumunyadzisa kwavaiita. Akazviita sei? Haana kudzokera shure nemhaka yazvaaiitirwa. Jesu aiziva kuti Jehovha aisambomuona seanonyadzisa, uye akanga asingatombodi kutsvaka kukudzwa nevanhu. Kunyange zvazvo Jesu akafa rufu rwemuranda, Jehovha akamuremekedza nokumumutsa uye kumupa chinzvimbo chinokudzwa kupfuura zvose, ari wechipiri kubva kuna Jehovha. Pana VaFiripi 2:8-11 panoti: “[Kristu Jesu] akazvininipisa, akateerera kusvikira parufu, chokwadi, rufu padanda rokutambudzikira. Nokuda kwechikonzero ichochiwo Mwari akamukwidziridza kunzvimbo yepamusoro, akamupa nomutsa zita rinopfuura mamwe mazita ose, kuti muzita raJesu mabvi ose apfugame, evaya vari kudenga nevaya vari panyika nevaya vari pasi pevhu, uye kuti rurimi rwose rubvume pachena kuti Jesu Kristu ndiIshe kuti Mwari Baba vakudzwe.”

Hakusi kuti Jesu akanga asinganzwi kunyadziswa kwose kwaakaitwa achiurayiwa. Mwanakomana waMwari akatambudzika kwazvo achifunga kuzvidzwa kwaizoitwa Baba vake nemhaka yokuti Jesu akanga apiwa mhosva yokumhura. Jesu akakumbira Jehovha kuti amubvisire kunyadziswa kwakadaro. Akanyengetera kuti: “Bvisai kapu iyi kwandiri.” Asi akaita kuda kwaMwari. (Mako 14:36) Asi Jesu akatsungirira zvaakaitirwa akakunda nyadzi. Nyadzi dzakadaro dzaingova nevanhu vaibvumirana nemafungiro aiita vanhu mazuva iwayo. Jesu aisabvumirana nawo zvachose.

Vadzidzi vaJesu vakasungwawo vakazvamburwa. Kubatwa nenzira iyoyo kwaiita kuti ruzhinji ruone sevari kunyadziswa. Vaitarisirwa pasi vachizvidzwa. Asi havana kudzokera shure. Vadzidzi vechokwadi vakaramba kumanikidzwa kuona zvinhu semaonero aiita ruzhinji uye vakakunda nyadzi. (Mat. 10:17; Mab. 5:40; 2 VaK. 11:23-25) Vaiziva kuti vaifanira ‘kutora matanda avo okutambudzikira voramba vachimutevera.’—Ruka 9:23, 26.

Ko isu nhasi? Zvinhu zvinonzi nenyika ndezvoupenzi, zvakapusa, uye zvinonyadzisa, ndizvo zvinonzi naMwari ndezvokuchenjera, uye zvinokudzwa. (1 VaK. 1:25-28) Kungasava kupusa uye kusaona zviri mberi here, dai taizongoita gundamusaira pamaonero anoita ruzhinji?

Vose vanoda kukudzwa vanofanira kufungisisa kuti nyika inovaona sei. Ukuwo tinoda kufanana naJesu nevateveri vake vomuzana remakore rokutanga, tichida kuti Jehovha ave Shamwari yedu. Saka tichakudza zvinhu zvaanoti ndizvo zvinokudzwa, tonyadziswawo nezvinhu zvaanoona sezvinonyadzisa.

[Mufananidzo uri papeji 4]

Jesu akanga asinganyadziswi nezvinhu zvainyadzisa nyika