Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Une zvawakadzidza here pawakaverenga nyaya dzichangopfuura dzeNharireyomurindi? Kana zvakadaro ona kana uchikwanisa kupindura mibvunzo inotevera:

• Chii chingakubatsirai kuti murere vana venyu musingavayemedzi?

Ratidza mwana wako “muenzaniso” kuti asayema. (Joh. 13:15) Usatarisira zvakawandisa kune mwana wako; sezvaanokura, unozotarisira zvakawanda panyaya yekushambidzika, kuita zvinhu nenguva uye kuita basa rechikoro. Udza mwana wako chaizvo zvaanofanira kuita kuti adzidze kuzvimiririra.—5/1, mapeji 19-20.

• Mwari akaregererei kuranga Aroni paakaumba mhuru yendarama?

Aroni akatyora mutemo waMwari pamusoro pokunamata zvidhori. (Eks. 20:3-5) Asi Mosesi akateterera Mwari kuti akanganwire Aroni, uye kuteterera ikoko kwaiva ‘nesimba guru.’ (Jak. 5:16) Aroni akanga abva kure achishumira Mwari akatendeka. Uye kunyange zvazvo vanhu vakakurudzira Aroni kuti agadzire mhuru, zvaakazoita zvakaratidza kuti mwoyo wake wakanga usiri pamwe nevanhu ivavo, nokuti akabatana nevanakomana vaRevhi achiratidza kuti ari kudivi raJehovha. (Eks. 32:25-29)—5/15, peji 21.

• Ofiri inonzi neBhaibheri ndiko kwaibva ndarama yaiva kupi?

Kuti aunze ndarama kubva kuOfiri, Soromoni akagadzira ngarava muEziyoni-gebheri. (1 Madz. 9:26-28) Chiteshi chengarava ichi chaiva kumusoro kweGulf of Aqaba iri pedyo neElat neAqaba yemazuva ano, muGungwa Dzvuku. Saka Ofiri ingangove yaiva muArabia pedyo neGungwa Dzvuku kana kuti pamahombekombe eAfrica kana kuti eIndia.—6/1, peji 15.

• Chii chainzi bharisamu yokuGiriyedhi’? (Jer. 8:22)

Bharisamu aiva mafuta anonhuhwirira uye anotsvedzerera aibuda pamimwe miti nemakwenzi zvaiwanikwa mune dzimwe nzvimbo muGiriyedhi kumabvazuva kweRwizi rwaJodhani. Raiiswa pazvironda nokuti rairapa. Mamiriro ezvinhu evaIsraeri aisiririsa aifanira kuita kuti rudzi rwacho rutsvake kurapwa, asi vanhu vacho havana kudaro. (Jer. 8:9)—6/1, mapeji 21-22.

• Chii chingabatsira muKristu kana waakaroorana naye aputsa chirangano?

Kana atadzirwa achiedza kurarama maererano nezvinotaura Bhabheri haafaniri kuzvipa mhosva kana mumwe wake aputsa chirangano nokuita upombwe. Yeuka kuti Mwari anoziva kuti unoda kunyaradzwa uye kukurudzirwa. Anogona kukunyaradza achishandisa vamwe Kristu.—6/15, mapeji 30-31.

• Ungaita sei kuti ubatsire shamwari yako iri kurwara?

Nyatsoteerera. (Mup. 3:1, 7) Munzwire tsitsi wofunga zvakamunakira. (VaR. 12:15) Iva munhu anovaka uye batsira. (VaK. 4:6; 1 Joh. 3:18) Ramba uine ushamwari hwepedyo. (Zvir. 17:17)—7/1, mapeji 10-13.

• Tinoziva sei kuti Mwari haana paakatangira?

Mosesi akazviratidza mumunyengetero watinoverenga pana Pisarema 90:2. Ndokusaka Jehovha aine zita rokuremekedza rakasiyana nerevamwe rokuti “Mambo asingagumi.” (1 Tim. 1:17)—7/1, peji 28.

• Mungaita sei kuti vana venyu vafarire kuverenga?

Kugara pamba paine rudo uye muenzaniso wevabereki zvinobatsira kuti vana vade kuverenga. Uyewo itai kuti mabhuku avepo. Verengai zvinonzwika. Vakurudzirei kutaurawo, uye kurukurai zvamunenge maverenga. Itai kuti vana venyu vakuverengerei, uye vakurudzirei kubvunza mibvunzo.—7/15, peji 26.

• Sei Jesu asina kukurumidza kuenda kunorapa shamwari yake Razaro yairwara?

Panguva yakazosvika Jesu, Razaro akanga atova nemazuva mana afa. Kumirira kusvika panguva iyi kwakaita kuti Jesu ape uchapupu hwakanaka nezvaBaba vake. Saka zvakaita kuti vakawanda vave vatendi. (Joh. 11:45)—8/1, mapeji 14-15.

• Chii chainzi “nzvimbo dzakakwirira” muMagwaro echiHebheru?

Kazhinji mashoko acho aitaura nezvenzvimbo dzaiva patukomo kana kuti dzimwe nzvimbo dzaishandiswa pakunamata kwenhema. Dzimwe nguva atari, matanda matsvene kana kuti shongwe, uye zvishongo nezvimwe zvaishandiswa pakunamata zvaiiswa panzvimbo dzakadaro zvichishandiswa pakuita zvakanga zvanzi naMwari hazvifaniri kuitwa. (Num. 33:52)—8/1, peji 23.