Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kushumira Panguva Yokuwedzera Kunoshamisa

Kushumira Panguva Yokuwedzera Kunoshamisa

Kushumira Panguva Yokuwedzera Kunoshamisa

Yakataurwa naHarley Harris

Waiva musi waSeptember 2, 1950, muKennett, Missouri, kuUnited States of America. Taiva takapoteredzwa nemhomho yevanhu, tiri pagungano redunhu. Meya weguta akaunza mauto kuti atidzivirire pamhomho yacho yaidya marasha. Masoja aiva nepfuti dzakakokwa dzine mapanga aiva akati ndandanda mumigwagwa. Mumamiriro ezvinhu aityisa kudaro, takaenda kumota dzedu tikatyaira takananga kuCape Girardeau, Missouri, kuti tinonzwa hurukuro dzakanga dzasara dzegungano. Ndiko kwandakabhabhatidzirwa ndiine makore 14. Asi regai ndimbokuudzai kuti ndakasvika sei pakushumira Jehovha panguva yakadaro.

PAKUTANGA kwema1930, vabereki vababa vangu nevana vavo vasere vakanzwa hurukuro dzakarekodhwa dzaHama Rutherford zvokuti vakabva vangoziva kuti vakanga vawana chokwadi. Vabereki vangu, Bay naMildred Harris, vakabhabhatidzwa muna 1935 pagungano reruwa rakaitwa muWashington, D.C. Vakaita sevachabata denga nokufara nokuva kwavo vamwe ve“vazhinjizhinji” kana kuti “boka guru,” rakanga richangoziviswa nezvaro pagungano racho.—Zvak. 7:9, 14; Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.

Ini ndakazvarwa gore rakatevera racho. Uye pashure pegore, vabereki vangu vakatamira kune imwe nzvimbo iri kwayo yoga muMississippi. Pataiva munzvimbo iyoyo, hatina kumbobvira tashanyirwa nemutariri anofambira. Mhuri yedu yakambotora nguva yakareba tisingawadzani nedzimwe hama kunze kwokungonyorerana neBheteri nokupinda magungano chete.

Kutsungirira Kutambudzwa

Panguva yeHondo yeNyika II, Zvapupu zvaJehovha zvakatambudzwa zvikuru nokuti hazvitsigiri zvematongerwo enyika. Takanga tatamira kuMountain Home, Arkansas. Rimwe zuva ini nababa vangu taiparidza mumugwagwa. Mumwe murume akangoerekana abvutira baba vangu magazini, achibva angoapisa ipapo. Akati taiva mbwende nokuti taisaenda kuhondo. Somunhu aiva nemakore mashanu, ndakatanga kuchema. Baba vangu vakangotarisa murume wacho chinyararire kusvikira aenda.

Kwaivawo nevanhu vakanaka vaitifarira. Mumwe musi patakaunganirwa nemhomho yevanhu tiri mumota yedu, rimwe gweta rehurumende rakauya pedyo. “Chii chiri kuitika?” akabvunza kudaro. Mumwe murume akati, “Zvapupu zvaJehovha izvi hazvirwiri nyika yazvo!” Gweta racho rakabva rakwira panotsikwa kana munhu ava kupinda mumota rikashevedzera kuti: “Ndakarwa muHondo yeNyika I, uye ndicharwa zvakare mune ino! Siyai vanhu ava vaende. Havana munhu wavanombokuvadza!” Mhomho yacho yakangoita aiziva kwake aziva kwake. Takaonga zvikuru vanhu vakanaka vakadaro vakatiratidza mutsa!—Mab. 27:3.

Tinosimbiswa Nemagungano

Gungano reruwa rakaitwa muSt. Louis, Missouri muna 1941, rakatibatsira chaizvo. Zvinofungidzirwa kuti paiva nevanhu vanopfuura 115- 000. Vanhu 3 903 vakabhabhatidzwa! Ndichiri kunyatsoyeuka hurukuro yaHama Rutherford yaiti “Vana vaMambo.” Vakanyatsotaura nesu vechiduku, uye mumwe nomumwe akawana bhuku rebhuruu rakanga rakanaka rainzi Children. Gungano reruwa iroro rakatipa simba rokuti titsungirire zvakazoitika gore rakatevera racho, gore randakatanga kuenda kuchikoro. Ini nehanzvadzi dzangu dzekwababamukuru nababamunini takadzingwa chikoro nokuti takanga tisina kusaruta mureza. Taidzokera kuchikoro zuva roga roga kuti tione kana vakuru vechikoro vakanga vachinja mwoyo. Kazhinji taifamba nomudondo mangwanani tichienda kuchikoro, tichinosvika nokudzoswa kumba. Zvisinei, ndakaona kuti yaiva nzira yokuratidza kuti tairamba tichizviisa pasi poUmambo hwaMwari.

Asi pasina nguva, Dare Repamusorosoro reUnited States rakapa mutongo wokuti zvakanga zvisiri pamutemo kuti vanhu vamanikidzwe kusaruta mureza. Takazobvumirwa kuenda kuchikoro. Mudzidzisi wedu aiva nemutsa chaizvo uye akaita kuti tiite zvose zvakaitwa nevamwe tisipo. Uyewo vataidzidza navo vaitiremekedza.

Ndichiri kuyeukawo gungano reruwa rakaitwa muna 1942 muCleveland, Ohio, uko hama Nathan H. Knorr vakakurukura hurukuro yaiti “Runyararo—Rucharamba Ruriko Here?” Kuongororwa ikoko kwechitsauko 17 chaZvakazarurwa kwakaratidza kuti kwaizova nekarunyararo pashure peHondo yeNyika II. Saka zvaitarisirwa kuti paizova nokuwedzera. Chikoro cheGiriyedhi chakavhurwa muna 1943, kugadzirira kuwedzera ikoko. Ndaisaziva kuti chikoro ichi chaizondibatsira zvakadini. Zvechokwadi pashure pehondo runyararo rwakavako uye kutambudzwa kwakaderera. Asi pakatanga Hondo yeKorea muna 1950, vanhu vakatangazve kupikisa basa redu rokuparidza, sezvatsanangurwa pakutanga.

Kuva Nezvakawanda Zvokuita Panguva Yokuwedzera

Muna 1954 ndakapedza chikoro chesekondari, uye papera mwedzi ndakatanga kupayona. Pashure pokushumira muKennett, Missouri, kuya kwatakanga tambounganirwa nemhomho yevanhu muna 1950, ndakadaidzwa kunoshanda paBheteri muna March 1955. Times Square iri nechepakati peguta reNew York yaiva mundima yeungano yandakanzi ndipinde nayo. Upenyu hwacho hwakanga hwakasiyana zvachose nehwandairarama kumaruwa! Ndaikurukura nevanhu vakabatikana muNew York City ndichivhura magazini yaiva nenyaya inonakidza ndoti, “Wakambozvibvunza mubvunzo uyu here?” Vazhinji vaitora magazini acho.

Chinhu chandainyanya kufarira paBheteri kwaiva kunamata kwemangwanani, kwaitungamirirwa naHama Knorr. Vainyatsojekesa ndima dzeBhaibheri uye vainyatsotiratidza kuti tingadzishandisa sei. Vaitaura nesu hama dzechiduku dzakanga dzisina kuroora sababa vari kutaura nemwanakomana wavo, kazhinji vachitipa zano rakanaka rokuti tingabata sei vanhukadzi. Pakazosvika 1960, ndakanga ndasarudza kuroora.

Ndakazivisa pachine mazuva 30 kuti ndava kubva paBheteri asi handina kupindurwa. Pakapera mazuva 30, kunyange zvazvo ndainyara chaizvo, ndakazvishingisa kubvunza kuti nyaya yangu yokubva paBheteri yakanga yava papi. Hama Robert Wallen vakapindura foni uye vakauya kwandaishanda. Vakandibvunza kuti ndaifungei nezvekuva piyona chaiye kana kuita basa romudunhu. “Asika Hama Wallen,” ndakapindura kudaro, “ndine makore 24 chete uye handisati ndava kuziva zvakawanda.”

Kuenda Kubasa Redunhu

Manheru emusi iwoyo, ndakawana mumba mandaigara muine hamvuropu hombe. Yaiva nefomu rokunyorera basa roupiyona chaihwo uye rebasa redunhu. Vakomana! Ndakashamisika zvikuru. Saka ndakanga ndapiwa chikomborero chakanga chisina kundikodzera chokushumira hama dzangu mudunhu kumaodzanyemba kwakadziva kumadokera kweMissouri nekumabvazuva kweKansas. Zvisinei, ndisati ndabva paBheteri, ndakapinda musangano wevatariri vanofambira. Mumashoko avo okupedzisira, Hama Knorr vakati: “Kuva kwenyu vatariri vamatunhu neveruwa hakurevi kuti munoziva kupfuura hama dzamunenge muchishanyira. Vamwe vanotoziva zvakawanda kukupfuurai. Asi kungoti mamiriro avo ezvinhu haavabvumiri kuita mabasa amuri kuita. Munogona kudzidza zvakawanda kwavari.”

Zvatakaudzwa naHama Knorr ndizvo chaizvo zvandakaona. Hama Fred Molohan nemudzimai wavo pamwe chete nomukoma wavo Charley wekuParsons, Kansas, vaiita zvakazonaka. Vakanga vadzidza chokwadi pakutanga kwema1900. Zvaifadza zvikuru kunzwa zvavakasangana nazvo ndisati ndatomboberekwa! Imwe hama yaiva John Wristen, hama yechikuru yokuJoplin, Missouri, yakanga yapayona kwemakumi akawanda emakore. Hama idzodzo dzairemekedza zvikuru mashandiro anoita sangano raJehovha. Vaiita kuti ndione kuti ndine zvandaiitawo somutariri wedunhu pasinei nokuti ndaiva muduku.

Muna 1962, ndakaroora Cloris Knoche, mumwe piyona aifara zvikuru aiva nebvudzi rakatsvukirira. Ndakaramba ndichiita basa redunhu pamwe chete naCloris. Pataigara nehama, taisvika pakunyatsodziziva. Taikurudzira vechiduku kutanga kuita basa renguva yakazara. Mudunhu rataiva maiva nevaviri vakanga vachiri kuyaruka vaida kukurudzirwa kuti vadaro, Jay Kosinski naJoAnn Kresyman. Kushanda navo muushumiri uye kuvaudza kunakidzwa kwataiitwa noupenyu hwokuzvipira kwakavakurudzira kuti vave nezvinangwa. JoAnn akava piyona chaiye uye Jay akashanda paBheteri. Vakazoroorana uye vava nemakore 30 vari mubasa redunhu.

Basa Roumishinari

Muna 1966, hama Knorr vakatibvunza kana taida kushumira kune imwe nyika. “Tiri kufara kushanda kwatiri iye zvino,” takapindura kudaro, “asi kana kune kumwe kunoda kuendwa hatina dambudziko nazvo.” Pashure pevhiki takadaidzwa kuChikoro cheGiriyedhi. Hakusi kufara kwandakaita pandakadzoka kuBheteri kuti ndipinde chikoro uye pandakaona vanhu vandakambogara navo vandaida uye vandairemekedza! Takatangawo kuva neushamwari nevataidzidza navo, avo vachiri kushumira vakatendeka.

Ini naCloris takatumirwa kuEcuador iri kuSouth America, pamwe naDennis naEdwina Crist, Ana Rodríguez, naDelia Sánchez. VanaCrist vakaenda kuguta guru reQuito. Isu pamwe chete naAna naDelia, takanzi tinoshandira kuCuenca, guta guru rechitatu reEcuador. Ndima yedu yaisanganisira mapurovhinzi maviri. Ungano yokutanga muCuenca yakatanga ichipindira muimba yedu yokutandarira. Taipinda tiri vatanhatu kusanganisira mumwe murume nomudzimai wake. Tainetseka kuti taizoita sei kuti basa rokuparidza ribudirire.

MuCuenca maive nemachechi akawanda zvokuti pamazuva ainzi matsvene migwagwa yaizara nemidungwe yevanhu vemachechi. Kunyange zvakadaro, vanhu vomuCuenca vaiva nemibvunzo yakawanda. Somuenzaniso, pandakatanga kuonana naMario Polo uyo aiva nyanzvi yokuchovha bhasikoro muCuenca, akandishamisa nokundibvunza kuti, “Ndiani anonzi hure anotaurwa mubhuku raZvakazarurwa?”

Pane imwe nguva, Mario akauya kumba kwedu manheru akasuwa chaizvo. Mufundisi weimwe chechi akanga amupa mamwe mabhuku aiti Zvapupu zvaJehovha zvinodzidzisa zvenhema. Ndakakurukura naye kuti munhu anenge apomerwa anofanira kupiwawo mukana wokutaura divi rake. Saka mangwana acho, Mario akakoka mufundisi wacho neni kumba kwake kuti anzwe ndichipindura zvataipomerwa. Pamusangano wacho ndakati ngatikurukurei nezvenyaya yavanaMwari vatatu. Mufundisi wacho paakaverenga Johani 1:1, Mario akatsanangura oga zvinorehwa nendima iyoyo. Uye ndizvo zvaaiita pandima dzose dzeBhaibheri dzainge dzataurwa. Mufundisi wacho akasvika pakubva asina kumboratidza kuti kuna vanaMwari vatatu. Izvozvo zvakaita kuti Mario nemudzimai wake vanyatsoona kuti isu ndisu taidzidzisa chokwadi, uye vakazotanga kutsigira zvakanaka zvinodzidziswa neBhaibheri. Zvaifadza chaizvo kuona ungano dzomuguta reCuenca dzichiwedzera kusvika ku33 uye kusvika ku63 mundima hombe yatakanga tatanga kushanda. Chokwadi uku kuwedzera kunoshamisa chaizvo!

Kushanda paBazi, Uku Vanhu Vachiwedzera

Muna 1970, ndakakumbirwa kuti ndinoshanda pabazi muGuayaquil pamwe chete naAl Schullo. Taishanda pabazi tiri vaviri. Joe Sekerak aipota achiuya kuzoisa mumabhokisi mabhuku eungano 46 dzaiva munyika yacho yose. Cloris akaita nguva achishanda mundima somumishinari ini ndichishanda paBheteri. Akakwanisa kubatsira vanhu 55 kusvika pakubhabhatidzwa, kazhinji achibatsira vadzidzi vatatu kusvika kuvashanu kubhabhatidzwa pagungano rimwe.

Somuenzaniso, Cloris akadzidza nomumwe mukadzi ainzi Lucresia, aiva nemurume aishora. Kunyange zvakadaro, Lucresia akazobhabhatidzwa uye akatanga kushumira sapiyona wenguva dzose. Akadzidzisa vana vake nzira dzaJehovha. Vanakomana vake vaviri parizvino vakuru, mumwe wacho ari piyona chaiye, uye mwanasikana wake ndipiyona. Muzukuru wake akaroorwa nehama yakanaka chaizvo, uye mapiyona chaiwo. Mhuri iyoyo yakabatsira vakawanda kudzidza chokwadi.

Muna 1980, muEcuador maiva nevaparidzi vanenge 5 000. Hofisi yedu yakanga yava kuita duku. Imwe hama yakatipa nzvimbo yaiva yakakura maeka 80 nechekunze kweGuayaquil. Muna 1984 takatanga kuvaka hofisi yebazi itsva uye Imba Yemagungano, izvo zvakazotsaurirwa muna 1987.

Vakawanda Vanotsigira Kuwedzera Kunoitika

Mumakore ose aya, zvaifadza kuona vaparidzi vakawanda uye mapiyona okune dzimwe nyika achiuya kuEcuador kuti vabatsire kwaidiwa vamwe vaparidzi voUmambo. Mumwe muenzaniso wandisingakanganwi ndewaAndy Kidd wokuCanada, akanga arega basa roudzidzisi. Akatamira kuEcuador muna 1985 ava nemakore 70 uye akashumira Mwari akatendeka kusvikira afa muna 2008 ava nemakore 93. Pandakatanga kumuona kwaaiparidza ari, ndiye aiva mutariri oga muungano duku yaaipinda. Achinetseka nokutaura chiSpanish, akakurukura hurukuro yavose ndokuzoitisa chidzidzo cheNharireyomurindi. Akaitisawo Chikoro chaMwari Choushumiri uye ndiye akapa dzakawanda dzehurukuro dzepaMusangano Webasa! Munzvimbo iyoyo mava neungano mbiri dziri kufambira mberi, dzose pamwe chete dzine vaparidzi vanenge 200 uye vakuru vakawanda.

Imwe hama inonzi Ernesto Diaz, yakatama nemhuri yayo kubva kuUnited States. Pashure pemwedzi misere iri muEcuador yakati: “Vana vedu vatatu vabata mutauro wacho uye vari kudzidzisa Bhaibheri zvakanaka. Sababa ndazadzisa chinangwa chandaifunga kuti ndaisazombochikwanisa munyika ino, chokuva piyona wenguva dzose, ndichiudza vanhu mashoko akanaka nguva yakazara pamwe chete nemhuri yangu. Tose pamwe chete tiri kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri 25. Zvose izvi zvaita kuti tive mhuri yakabatana chaizvo uye kupfuura zvose, ndava neukama hwepedyo naJehovha zvandisina kumbobvira ndaita.” Ndinoonga chaizvo hama dzedu idzi nehanzvadzi dzinodiwa!

Muna 1994 zvivako zvebazi zvakawedzerwa nekaviri kupfuura zvakanga zviripo. Muna 2005 vaparidzi takapfuura 50 000, uye paidiwa zvakare kuwedzera zvivako zvebazi. Izvi zvaisanganisira kuita kuti Imba yeMagungano iwedzerwe, pamwe nedzimba itsva dzokugara nemahofisi eshanduro. Zvivako zvitsva izvozvo zvakatsaurirwa musi waOctober 31, 2009.

Pandakadzingwa chikoro muna 1942, muUnited States maiva neZvapupu 60 000. Iye zvino mava neZvapupu zvinopfuura miriyoni. Patakauya kuEcuador muna 1966, maiva nevaparidzi voUmambo 1 400. Iye zvino mava nevaparidzi vanopfuura 68 000. Uye tine chokwadi chokuti tichava nevaparidzi vatsva kubva pane 120 000 vari kudzidziswa Bhaibheri uye vanopfuura 232 000 vakapinda Chirangaridzo chorufu rwaJesu muna 2009. Zvechokwadi Jehovha ari kukomborera vanhu vake zvatisina kumbobvira tafungidzira. Zvinonakidza chaizvo kurarama panguva uye munzvimbo iri kuwedzera zvinoshamisa! *

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 34 Nyaya ino payaigadzirirwa kuti ibudiswe, Harley Harris akafa akatendeka kuna Jehovha.

[Mifananidzo iri papeji 5]

Gungano rakaitirwa panze (1981) uye Imba yeMagungano yokuGuayaquil (2009) panzvimbo imwe cheteyo