Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mushandirapamwe Unokosha Unobudirira MuBulgaria

Mushandirapamwe Unokosha Unobudirira MuBulgaria

Mushandirapamwe Unokosha Unobudirira MuBulgaria

“Kukohwa kukuru, asi vashandi vashoma. Naizvozvo, kumbirai Tenzi wokukohwa kuti atumire vashandi mukukohwa kwake.”—MAT. 9:37, 38.

MASHOKO iwayo aJesu anonyatsoenderana nezviri kuitika kuBulgaria, nyika yakanaka chaizvo iri mudunhu reBalkan iri kumabvazuva kwakadziva kumaodzanyemba kweEurope. Kunodiwa chaizvo vamwe vashandi kuti vauye kuzoudza mashoko akanaka vanhu vanopfuura mamiriyoni manomwe vanogarako. KuBulgaria kune vaparidzi vanenge 1 700, asi havakwanisi kuparidza ndima yacho yose. Izvi zvakaita kuti Dare Rinodzora ribvumire Zvapupu zviri munyika dzakati kuti dzokuEurope zvinotaura chiBulgarian kuuya kuzoita mushandirapamwe muna 2009. Mushandirapamwe wacho wakarongwa kuti uitwe kwemavhiki manomwe panguva yechirimo, uchizopera panguva yeGungano Reruwa rakaitwa muSofia, August 14-16, 2009, raiva nomusoro wokuti: “Rambai Makarinda!”

Vanhu Vakawanda Zvinoshamisa Vakauya

Hama dziri pahofisi yebazi muSofia dzaisafunga kuti kungauya vanhu vakawanda kubva kuFrance, Germany, Greece, Italy, Poland, uye Spain. Zvaireva kuuya kuBulgaria vachishandisa mari dzavo nenguva yavo yezororo kuti vaparidze. Zvaifadza zvikuru kuti vanhu vainyorera kuti vauye vaiwedzera pavhiki yoga yoga, kusvikira vava 292! Nenhamba yakakura kudaro, vakanga vazvipira ava vaigona kuendeswa kumaguta matatu okuBulgaria anoti: Kazanlak, Sandanski, neSilistra. Vatariri vematunhu vomuBulgaria vakakurudzira mapiyona nevaparidzi veko kuti vatsigirewo mushandirapamwe wacho. Pakazova nevakanga vazvipira vanokwana 382 vakashingaira kuparidza ndima dzakanga dzisingagari dzichinzwa mashoko akanaka.

Hama dzaiva muungano dziri pedyo dzakafanotumwa kuti dzinoronga pokugara. Vakarenda mafurati uye vakafanobatira dzimba dzomumahotera asingadhuri. Hama idzodzo dzokuBulgaria dzakashanda nesimba kuti dzibatsire vakanga vasvika kuti vaende mudzimba dzavaizogara nokuvawanisa zvavaida. Mumaguta ose ari matatu, nzvimbo dzokuitira misangano dzakarendwa. Urongwa hwakaitwa hwokuti misangano yeungano itungamirirwe nehama dzakanga dzashanya. Zvaifadza kuona vaparidzi 50 vakaungana kuti varumbidze Jehovha munzvimbo dzakanga dzisingagari kana Chapupu chimwe chete.

Kushingaira kwaiita vaya vakanga vabva kune dzimwe nyika pamushandirapamwe wacho kwaipedza mate mukanwa. Munguva yokupisa, kuBulgaria kunogona kusvika madhigirii 40. Asi hapana chakamisa hama idzodzo nehanzvadzi dzaishingaira. Silistra, guta riri pedyo noRwizi rwaDanube rinogara vanhu vanopfuura 50 000 rakanyatsopupurirwa mumavhiki matatu okutanga. Hama dzakazoshandawo mumisha yaiva pedyo, kunyange kusvika kuTutrakan, makiromita 55 kumadokero kweSilistra. Vaiwanzotanga ushumiri na9:30 mangwanani. Vaimbomira masikati kuti vadye vorwusimudzira kusvika na7:00 manheru kana kutopfuura. Ukuwo kuKazanlak neSandanski vakazosvika mumisha nemaguta zvaiva pedyo nemhaka yokushingaira kwaiita hama idzi nehanzvadzi dzakazvipira.

Chii Chakabuda?

Uchapupu hwakanaka hwakapiwa mumavhiki manomwe iwayo. Sezvakataurwa pamazuva evaapostora, vagari vemumaguta iwayo vaigona kuti, ‘Mazadza guta redu nokudzidzisa kwenyu.’ (Mab. 5:28) Zvapupu zvaiparidza zvakapa vanhu magazini anokwana 50 000 uye zvakatanga zvidzidzo zveBhaibheri 482. Zvinofadza kuti musi waSeptember 1, 2009, ungano yakatangwa muSilistra, uye muKazanlak neSandanski mune mapoka. Zvinopa manyukunyuku kuona kuti vamwe vakatanga kunzwa mashoko akanaka panguva yomushandirapamwe uyu vari kufambira mberi pakunamata.

Muvhiki yokutanga yomushandirapamwe, imwe hanzvadzi yokuSpain, piyona chaiye inotaura chiBulgarian yakaparidzira Karina, mumwe mukadzi womuSilistra aitengesa mapepanhau mumugwagwa. Karina akafarira uye akauya kumusangano. Akabva angobvuma kudzidza Bhaibheri. Akakumbira kuti adzidzire Bhaibheri mupaki sezvo murume wake asingatendi kuti kuna Mwari. Aidzidza pamwe chete nevanasikana vake vaviri. Mukuru wacho Daniela, akanyatsoratidza kufarira chokwadi cheBhaibheri. Muvhiki imwe chete akaverenga bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? uye akabva aita zvinotaura Bhaibheri panyaya yokusashandisa zvifananidzo pakunamata. Akabva atanga kuudza shamwari dzake chokwadi. Pashure pemavhiki matatu bedzi apinda musangano weungano kekutanga, akaudza hanzvadzi yaivadzidzisa kuti: “Ndiri kunzwa sokunge ndatova mumwe wenyu. Ndoita sei kuti nditangewo kuparidza?” Daniela ari kuramba achifambira mberi, pamwe chete naamai vake nomunun’una wake.

MuKazanlak, hama inonzi Orlin yechiBulgarian, iyo yakanga yauya kumushandirapamwe ichibva kuItaly, yaifamba zvayo ichidzokera kwayaigara yapedza basa romumunda. Ari munzira, Orlin akaona varume vaviri vechiduku vakagara pabhenji romupaki. Akavapa bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? ndokuronga kuzovashanyirazve mangwana acho. Pakushanya kwacho, Orlin akatanga chidzidzo cheBhaibheri naSvetomir vakazoenderera mberi nacho mangwana acho. Mumazuva mapfumbamwe, Orlin akadzidza naSvetomir kanokwana kasere. Svetomir akati: “Mazuva maviri ndisati ndakuona, ndakanyengetera kuna Mwari kuti andibatsire kumuziva. Uye ndakavimbisa kuti kana akandibatsira ndichazvitsaurira kwaari.” Orlin paakanga adzokera kuItaly, Svetomir akasara achidzidzwa naye nehama dzeko, uye ari kuita kuti chokwadi chive chake.

Zvikomborero Zvakakura Zvevaya Vanozvipira

Vaya vakasarudza kushandisa nguva yavo yezororo nemari yavo kuti vaende kune imwe nyika kunoparidza mashoko akanaka vari kunzwa sei? Mumwe mukuru wokuSpain akanyora kuti: “Mushandirapamwe uyu wakaita kuti hama dziri muSpain dzinoparidzira mumutauro weBulgarian dzive pedyo nepedyo. Hama dzakaenda kumushandirapamwe uyu dzakabatsirwa zvikuru.” Mumwe murume nomudzimai vokuItaly vakanyora kuti: “Ndiwo mwedzi watanakidzwa zvikuru muupenyu hwedu!” Vakawedzera kuti: “Mushandirapamwe wakachinja upenyu hwedu! Iye zvino hatisisina kuita sezvatakanga takaita.” Murume nomudzimai ivavo vakatanga kufungisisa nezvokutamira kuBulgaria zvachose kuti vashumire kunzvimbo yaidiwa vamwe vaparidzi. Carina, hanzvadzi inopayona yokuSpain isina kuroorwa, yakatsigira pamushandirapamwe wakaitwa muSilistra. Pashure pomushandirapamwe wacho yakasiya basa kuSpain ikatamira kuBulgaria kuti itsigire ungano itsva muguta reSilistra. Akanga achengeta mari yaikwana kuti ararame muBulgaria kwegore. Carina anotaura nezvechisarudzo chake kuti: “Ndinofara zvikuru kuti Jehovha akaita kuti ndishumire muno muBulgaria, uye ndinotarisira kuramba ndiri muno kwenguva refu. Ndatova nezvidzidzo zveBhaibheri zvishanu, uye vatatu vacho vari kupinda misangano.”

Imwe hanzvadzi yokuItaly yaida kuendawo kumushandirapamwe, asi sezvo yakanga ichangotanga kuenda kubasa, yakanga isati yava nemazuva ezororo. Yakakumbira nguva yezororo kwemwedzi isingabhadharwi uye yakanga yakagadzirira kurega basa kana ikarambidzwa. Yakashamisika payakanzwa wayaishandira achiti: “Unogona kuenda. Asi ndokunge wabvuma kuzonditumira kadhi uri kuBulgaria.” Hanzvadzi iyoyo yakanyatsoona kuti Jehovha akanga apindura minyengetero yayo.

Stanislava, imwe hanzvadzi yechiduku yomuguta rokuBulgaria rinonzi Varna, uyo aishanda basa raimupa mari yakawanda, akatora zororo kuti avewo pamushandirapamwe wakaitwa muSilistra. Paakaona kufara kwaiita mapiyona akawanda akanga abva kure kuzoparidza mashoko akanaka munyika yake, akabuda misodzi. Akatanga kufunga kuti chii chaaiita noupenyu hwake, achingovavarira basa rokunyika. Paakadzokera kumba pashure pemavhiki maviri, akarega basa uye akava piyona wenguva dzose. Iye zvino ava kunyatsofara, achiyeuka Musiki wake achiri wechiduku.—Mup. 12:1.

Chikomborero chaicho kuva nezvakawanda zvokuita mubasa raJehovha. Hapana chimwe chakanaka chaungaita chinopfuura kushandisa nguva yako uye simba rako pakuita basa rinokosha rokudzidzisa uye kuparidza mashoko akanaka. Pane dzimwe nzira dzaungashandisa here kuti uwedzere kuita basa rinoponesa? Zvimwe munyika yako mune nzvimbo dzinodiwa vamwe vaparidzi. Ungatamira kunzvimbo dzakadaro here? Kana kuti ungafunga zvokudzidza mumwe mutauro kuti ubatsire vanhu vari munyika yako vane nyota yechokwadi cheBhaibheri. Chero zvipi zvaungagadzirisa kuti uwedzere nguva yako muushumiri, unogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha achakukomborera zvikuru.—Zvir. 10:22.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 32]

Zuva Risingakanganwiki

Vakawanda vevaya vakauya vachibva kune dzimwe nyika dzokuEurope kuti vatsigire mushandirapamwe wakaitwa muBulgaria vakaronga kupinda Gungano Reruwa rakaitwa muSofia, raiva nomusoro wokuti: “Rambai Makarinda!” Hama nehanzvadzi dzokuBulgaria dzakakurudzirwa zvikuru kuonana nevashanyi vakawanda vakanga vabva kunyika dzakasiyana-siyana. Vakanga vakaungana vanokwana 2 039 vakafara zvikuru pakabudiswa Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene yakazara muchiBulgarian naHama Geoffrey Jackson veDare Rinodzora. Vose vakanga varipo musi weChishanu iwoyo vakafara zvokufara zviya vakaombera kwenguva refu. Vakawanda vakaita kunge vachachema nokufara. Shanduro iyi yakarurama ine mutauro uri nyore kunzwisisa ichabatsira vanhu vokuBulgaria vanoda nomwoyo wose kuziva Jehovha.

[Mepu iri papeji 30, 31]

(Kana uchida mamwe mashoko, ona bhuku racho)

BULGARIA

SOFIA

Sandanski

Silistra

Kazanlak

[Mifananidzo iri papeji 31]

Mumavhiki manomwe iwayo pakapiwa uchapupu hwakakura